Zviono Zvinofadza Zvinosimbisa Kutenda
Mapfundo Makuru Anobva Muna Zvakazarurwa
MUBATIRI waJehovha Johane ari pachitsuva chiduku chePatmosi, kure nemhenderekedzo yegungwa yokumadokero yeAsia Minor. Ikoko uyu muapostora akwegura anoona zvinhu zvinoshamisa—zvokufananidzira, zvinowanzokatyamadza, uye zvinokosha zvamazvirokwazvo! Iye anova muzuva raShe, rinovambira pakugadzwa pachigaro choumambo kwaJesu muna 1914 kusvikira kumugumo woKutonga Kwake kweMireniyumu. Kunyange zvazvo Johane achiona zvinoitika zvichaitika mukati menguva yerima gurusa yorudzi rwomunhu, kudeya kuona kwake Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu kwakaisvonaka sei! Zvikomborero zvakadini zvichafarikanywa norudzi rwomunhu runoteerera panguva iyeyo!
Johane akanyora izvi zviono mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Rakanyorwa munenge muna 96 N.V., iro rinogona kusimbisa kutenda kwedu muna Mwari wouporofita, Jehovha, uye muMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Nokuda kwoudzame, ona bhuku raRevelation—Its Grand Climax At Hand!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Kristu Anopa Zano Rorudo
Pakuvamba muzvakazarurwa zvakabva kuna Mwari kupfurikidza naKristu munooneka tsamba dzokuungano nomwe dzavadyi nhaka biyake voUmambo vaJesu. (1:1–3:22) Pamwe chete, tsamba dzacho dzinopa rumbidzo, dzinozivisa zvinetso, dzinogovera ruramiso uye/kana kuti kurudziro, uye dzinodudza zvikomborero zvinobva mukuteerera kwokutendeka. Kunyange zvazvo vaEfeso vakanga vatsungirira, ivo vakanga vasiya rudo rwavaiva narwo pakutanga. Ungano yakapfuma mumudzimu yeSmirna inokurudzirwa kuramba yakatendeka pakati pedambudziko. Chitambudzo hachina kukurira ungano yePergamo, asi iyo yakashivirira masekete. Pasinei zvapo nomubato wakawedzerwa waitwa namaKristu muTiatira, pesvedzero yaJesabheri iri imomo. Ungano yeSardhisi inofanira kumuka mumudzimu, iyo iri muFiradherfia inokurudzirwa kuti ibatirire kuchainacho, uye vaRaodhikia vanodziya vanoda kuporesa kwomudzimu.
Mashoko akaisvonaka zvakadini okurovedza nawo madzimambo okudenga omunguva yemberi—kutaura idi, maKristu ose! Somuenzaniso, vapi navapi vedu vava vanodziya here? Ipapo ita chiito! Ivai vanozorodza somukombe wemvura inotonhorera pazuva rinopisa asiwo tangai kuratidzira shingairo inopisa nokuda kwaJehovha nebasa rake.—Enzanisa naMateo 11:28, 29; Johane 2:17.
Gwaiana Rinozarura Mupumburu Wamanyoro
Jehovha anotevera kuonekwa ari pachigaro chake choumambo chakaisvonaka. (4:1–5:14) Iye akakombwa navakuru 24 nezvisikwa zvipenyu zvina. Mupumburu wamanyoro wakanamwa nezvisimbiso zvinomwe uri muruoko rwake. Ndiani anogona kuzarura mupumburu wamanyoro wacho? Chokwadi, Gwaiana, Jesu Kristu, akafanirwa nokuita saizvozvo!
Zvinoitika zvinoshamisa zvinoputunuka sezvo Gwaiana rinozarura zvitanhatu zvezvisimbiso zvacho. (6:1–7:17) Sezvo chisimbiso chokutanga chinozarurwa, Kristu anooneka akatasva bhiza jena, anogamuchira korona (muna 1914), uye anobuda achikunda. Sezvo zvimwe zvisimbiso zvitatu zvinozarurwa, vamwe vatasvi vamabhiza vanounza hondo, nzara, uye rufu kurudzi rwomunhu. Nokuzarurwa kwechisimbiso chechishanu, avo vakaurairwa kutendeka nokuda kwaKristu vanodanidzira nokuda kwokutsiviwa kweropa ravo, uye mumwe nomumwe anopiwa “nguvo chena,” inoratidzira chimiro chakarurama chine chokuita norumuko rwavo kuti vave zvisikwa zvomudzimu zvisingafi zvine maropafadzo oumambo. (Enzanisa naZvakazarurwa 3:5; 4:4.) Apo chisimbiso chechitanhatu chinozarurwa, zuva rokutsamwa kwaMwari nokweGwaiana rinoziviswa nokudengenyeka kwapasi. Asi “mhepo ina dzapasi,” dzinofananidzira rutongeso runoparadza, dzinodziviswa kusvikira varanda 144 000 vaMwari vaiswa chisimbiso. Pavanozodzwa nomudzimu waMwari ndokugamuchirwa savanakomana vake vomudzimu, vanogamuchira chiratidzo chapachine nguva mberi—chisimbiso, kana kuti rubatso—rwenhaka yavo yokudenga. Kuiswa chisimbiso kunova kwechigarire pashure bedzi pokuedza. (VaRoma 8:15-17; 2 VaKorinte 1:21, 22) Uye Johane anofanira kushamiswa sei kuona “boka guru” (NW) rinobva mumarudzi ose—vazhinji vane tariro youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi! Ivo vanobuda mu“kutambudzika kukuru,” nguva yenhamo isingaenzaniswi yorudzi rwomunhu.
Ndizvinoitika zvinokatyamadza zvakadini zvinoitika sezvo chisimbiso chechinomwe chinozarurwa! (8:1–11:14) Kunyarara kwehafu yeawa, kunobvumira kuti minyengetero yavatsvene inzwike, kunoteverwa nokukandirwa kupasi kwomwoto kubva paatari. Ipapo ngirozi nomwe dzinogadzirira kuridza hwamanda dzinozivisa matambudziko aMwari pachiKristudhomu. Hwamanda dzinoridzwa munguva yose yomugumo kusvikira kudambudziko guru. Hwamanda ina dzinozivisa matambudziko papasi, gungwa, matsime emvura yakanaka, uye zuva, mwedzi, uye nyeredzi. Kuridza yechishanu kunobudisa mhashu idzo dzinofananidzira maKristu akazodzwa achibuda kuzorwa kubva muna 1919 zvichienda mberi. Nokuridza hwamanda yechitanhatu, denho yavarwi vakatasva mabhiza inoitika. Muzadziko, vakazodzwa, vakatsigirwa chifo cha 1935 ne“boka guru,” (NW) vanozivisa mashoko orutongeso anotambudza pavatungamiri vorudzidziso vechiKristudhomu.
Johane anotevera kudya mupumburu muduku wamanyoro, kuratidzira kuti vakazodzwa vanogamuchira mugove wavo ndokuwana zvokudya muchikamu cheShoko raMwari chine mashoko orutongeso rwoumwari avanozivisa pachiKristudhomu. Muapostora anorairwa kuti ayere nzvimbo tsvene yetembere, kuratidzira zadziko yakati yamadonzo aJehovha pamusoro pegadziriro yetembere uye kuti mipimo youmwari isvitswe naavo vakabatanidzwa nayo. Ipapo “zvapupu zviviri” zvaMwari zvakazodwa zvinoporofita zvakapfeka masaga, zvinourawa, asi zvinomutswa. Ikoku kunonongedzera kuna 1918-19, apo basa razvo rokuparidzira rakadokuurawa navavengi, asi vabatiri vaJehovha vakamutsidzirwa nenzira yenenji nokuda kwoushumiri hwavo.
Umambo Hunoberekwa!
Kurira kwehwamanda yechinomwe kunozivisa kuberekwa kwoUmambo. (11:15–12:17) Mudenga mukadzi wokufananidzira (sangano rokudenga raJehovha Mwari) rinobereka mwanarume (Umambo hwaMwari huna Kristu saMambo), asi dragoni (Satani) anoedza pasina maturo kuhuparadza. Achisvitsa kumugumo hondo mudenga pashure pokuberekwa kwoUmambo muna 1914, Mikaeri anokunda (Jesu Kristu) anokandira dragoni nengirozi dzake kupasi. Ikoko dragoni anopfuurira kurwa hondo navakasarira vakazodzwa vembeu yomukadzi wokudenga.
Johane anotevera kuona chikara icho chinoitirwa chifananidzo chinonyangadza. (13:1-18) Ichi chikara chezvamatongerwe enyika chine misoro minomwe, chine nyanga gumi chinobuda mu“gungwa,” mapoka anovhinduka orudzi rwomunhu umo hurumende dzavanhu dzinobva. (Enzanisa naDhanieri 7:2-8; 8:3-8, 20-25.) Chii chiri manyuko eichi chisikwa chokufananidzira echiremera? Chokwadi, hakuna mamwe kunze kwaSatani, dragoni! Uye chimbofungidzira! Chikara chine nyanga mbiri (simba renyika reEngland neAmerica) chinoonekwa chichiitira ichi chakaipa chezvamatongerwe enyika “mufananidzo,” unozivikanwa zvino seChibatanwa chaMarudzi. Vazhinji vanomanikidzirwa kunamata chikara ndokugamuchira “chiratidzo” chacho kupfurikidza nokuita zvinhu munzira yacho uye kuchirega chichitonga upenyu hwavo. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvakasimba chiratidzo choudhemoni chechikara!
Vabatiri vaJehovha Vanoita Chiito
Vabatiri vakasiana-siana vaMwari vanooneka vachiita chiito sezvo ndiro nomwe dzokutsamwa kwake dzinodururwa. (14:1–16:21) Teerera! PaGomo reZioni rokudenga, Johane anogona kunzwa vane 144 000 vachiimba sokunge rwiyo rutsva. Ngirozi iri kubhururuka pakati pedenga ine mashoko akanaka asingaperi okuzivisa kuvagari vapasi. Ikoku kunoratidzei? Kuti Zvapupu zvaJehovha zvine betsero yengirozi mukuzivisa shoko roUmambo.
Johane anofanira kukatyamadzwa nokuona muzambiringa wapasi wakachekwa uye marudzi ose apwanywa sezvo chisviniro chewaini chokutsamwa kwaMwari chinotsikwa. (Enzanisa naIsaya 63:3-6; Joere 3:12-14.) Pakuraira kwaJehovha, ngirozi nomwe dzinotevera kudurura ndiro nomwe dzokutsamwa kwoumwari. Pasi, gungwa, uye matsime emvura yakanaka, pamwe chete nezuva, chigaro choumambo chechikara, uye Rwizi rwaYufratesi, zvinotapurwa pakudururwa kwendiro nhanhatu dzokutanga. Fungidzira kunyandurwa kwaJohane sezvaanocherechedza kuti paradziro youdhemoni iri kuunganidza madzimambo avanhu kuhondo yaMwari yeHar–Magedhoni. Uye miuyo yacho inoparadza sezvo ndiro yechinomwe inodururirwa pamhepo.
Vakadzi Vaviri Vokufananidzira
Zvirokwazvo, Johane anofadzwa kupupurira mugumo weBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, uye kucherechedza zvinoitika zvinofadza zvinotevera ruparadziko rwaro. (17:1–19:10) Rakararadza neropa ravatsvene, rinooneka rakatasva chikara chitsvuku chine misoro minomwe nenyanga gumi (Chinzwano chaMarudzi nomutsivi wacho, Chibatanwa chaMarudzi). Ah, asi ruparadziko rwakadini rwarinotambura sezvo nyanga gumi dzinoripandukira!
Manzwi okudenga anonzwika achirumbidza Jah nokuda kworuparadziko rweBhabhironi Guru. Uye irumbidzo ine simba yakadini inozivisa roorano yeGwaiana nomwenga wake, vakazodzwa vakamutswa!
Kristu Anokunda Uye Anotonga
Johane anotevera kuona Mambo wamadzimambo sezvo anotungamirira hondo dzokudenga mukuparadza tsika yezvinhu yaSatani. (19:11-21) Hungu, Jesu, “Shoko raMwari,” anorwa hondo namarudzi. Muapostora anoona chikara (sangano raSatani rezvamatongerwe enyika) nomuporofita wenhema (Simba reNyika reBritain neAmerica) zvichikandirwa mu“dziva romwoto,” rinofananidzira ruparadziko rwakakwana, rusingagumi.
Chii chinotevera? Chokwadi, Johane anocherechedza kuiswa kwaSatani mugomba rakadzika-dzika. Kunotevera kudeya kuonwa kwoKutonga kwaKristu kwaMakore Ane Chiuru, mukati mako Jesu navatongi biyake vakamutswa vanotonga rudzi rwomunhu, achisimudza avo vanoteerera kukukwana kwohunhu! (20:1-10) Zvino yava nguva yomuedzo wokupedzisira. Asunungurwa mugomba rakadzika-dzika, Satani achatanga kutsausa rudzi rwomunhu rwakakwaniswa, asi ruparadziko ruchagumisa mabasa avapandukiri vose vaMwari vohunhu uye vamadhemoni.
Tichidzokera shure munguva, Johane anofanira kuva akakatyamadzwa sei kuona vose vaavo vari murufu, Hadhesi (guva ravose rorudzi rwomunhu), uye gungwa vamutswa ndokutongwa pamberi paMwari, akagara pachigaro choumambo chichena chikuru! (20:11-15) Uye izororo rakadini iro vakarurama vachafarikanya apo rufu neHadhesi zvinokandirwa mudziva romwoto, zvokusazotongotora zvakare vanyajambwa!
Sezvo zviono zvaJohane zvinosvika kumugumo, iye anoona Jerusarema Idzva. (21:1–22:21) Guta iroro rehurumende riri kuburuka kubva kudenga uye richiunza chiedza kumarudzi. Runoyerera ruchipfuura nomuJerusarema Idzva “rwizi rwemvura youpenyu,” runofananidzira zvokwadi yapaMagwaro uye imwe gadziriro iri yose inopiwa naMwari yakavakirwa pachibairo chaJesu nokuda kwokuwanazve vanhu vanoteerera kubva muchivi norufu uye kuvapa upenyu husingaperi. (Johane 1:29; 17:3; 1 Johane 2:1, 2) Pahombekombe rimwe nerimwe rorwizi irworwu, Johane anoona miti ine mashizha anoporesa, anofananidzira rutivi rwegadziriro yaJehovha yokupa upenyu husingagumi kurudzi rwomunhu runoteerera. Mashoko okupedzisa anobva kuna Mwari naKristu anoteverwa nekokero. Kunoshamisa sei kunzwa mudzimu nomwenga zvichikoka munhu ari wose ane nyota ku‘uya, atore mvura youpenyu pachena’! Uye sezvatinorava mashoko okupfiga aZvakazarurwa, pasina panikiro tinogoverana mbavarira yokudanidzira kwaJohane, kuti: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]
Ramba Wakamuka: Pakati pamashoko ouporofita pamusoro pehondo yaMwari yeHar–Magedhoni (Armagedhoni), kunotaurwa, kuti: “Tarira! ini [Jesu Kristu] ndinouya sembavha. Unofara uyo anoramba akamuka uye anochengeta nguvo dzake dzokunze, kuti agorega kufamba asina kupfeka uye vanhu vatarire nyadzi dzake.” (Zvakazarurwa 16:15, NW) Iyi ingava nongedzero kumabasa omutariri, kana kuti mukuru mukuru, wapagomo retembere muJerusarema. Mukati mokurinda, iye aifamba mutembere kuti aone kana varindiri vayo vavaRevi vakanga vakamuka kana kuti vakarara panzvimbo dzavo. Murindiri upi noupi aiwanwa akarara airohwa nomuti, uye nguvo dzake dzokunze dzingapiswa sechirango chinonyadzisa. NeArmagedhoni zvino yava pedyo kwazvo, vakasarira vakazodzwa vo“uprista hwoumambo,” kana kuti “imba yo[mudzimu, NW],” vakatsunga kuramba vakamuka mumudzimu. Ndizvo zvinofanira kuitawo vasonganiri vavo, “boka guru,” vane tariro dzapasi, nokuti vari kuitirawo Mwari basa rinoyera patembere. (1 Petro 2:5, 9; Zvakazarurwa 7:9-17, NW) Zvikurukuru vatariri vechiKristu vanofanira kuramba vakangwarira kutanga kwemigariro yakaipa muungano. Nemhaka yokuti vanoramba vakamuka, vanamati vakavimbika vose patembere yomudzimu yaMwari vanoramba vakapfeka “nguvo dzokunze” dzavo, dzinoratidzira basa ravo rinokudzwa seZvapupu zvaJehovha.