Ramba Uchidyara Mbeu—Jehovha Achaikudza
YAKATAURWA NAFRED METCALFE
PAKUVAMBA muna 1948, ndiri muushumiri hwangu hwapaimba neimba, ndakashanyira purazi duku kunze kweCork mumaodzanyemba eIreland. Apo ndakatsanangura kumurimi kuti ndakanga ndiri ani, chiso chake chakatsvuka. Iye akatsamwa kamwe kamwe, akazhamba achiti ndakanga ndiri muKomonisiti, uye akamhanya kundotora foroko yake youswa. Pasina mufungo wechipiri, ndakakurumidza kumhanya ndichibuda muchivanze chepurazi ndokusvetukira pabhasikoro randakanga ndasiya parutivi pomugwagwa. Gomo raivapo rakanga rine mawere zvikuru, asi ndakachovha ndichiridzika nokukurumidza sezvandaigona, ndisingatariri shure, sezvo ndakafungidzira murimi achikanda foroko yake youswa shure kwangu kufanana nepfumo.
Ndakanga ndajaira kukuita kwakadaro mumakore maviri chifo chaapo ndakauya kuRepublic of Ireland ndichibva England sapiona chaiye muna 1946. Boka duku ravaparidzi voUmambo randakakumbanira, vanenge 24 bedzi muchiverengero, rakanga ratotambura utsinye hwakawanda nokutuka. Asi ndaiva nechivimbo chokuti mudzimu waJehovha pakupedzisira waizobereka muuyo.—VaGaratia 6:8, 9.
Ndisati ndarondedzera kuti zvinhu zvakaita sei, zvisinei, regai ndikuudzei zvishomanene pamusoro poupenyu hwangu hwapakuvamba nerovedzo yakandibetsera mumigariro yakadaro inotambudza.
Muenzaniso Wakanaka Wavabereki Nerovedzo
Baba vangu vakawana zvokwadi pakuvamba muna 1914. Vachienda kumba vachibva kumutambo wenhabvu muSheffield, England, ivo vakarava turakiti reBhaibheri iro rakatsanangura mugariro wavakafa. Ivo vakanga vatoshanyira chiverengero chakati chechechi vachitsvaka mhinduro kumibvunzo yavo asi nebudiriro shomanene. Izvo vakarava zvino muturakiti iroro zvakavafadza. Ivo vakatumira nokuda kwamavhoriyamu matanhatu eStudies in the Scriptures ayo turakiti racho rakazivisa, uye vakaarava nokudisa, kazhinji kazhinji kusvikira mumaawa apakuvamba amangwanani. Baba vakakurumidza kuziva zvokwadi.
Nokukurumidza vakavamba kusonganirana neungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha, boka rakagara anopfuura makore 40, kwamazhinjisa awo vakabatira somutariri anotungamirira. Kumufaro wababa vangu, vavanun’una vavo nehanzvadzi dzavo dzose nhatu vakagamuchira zvokwadi. Mumwe wavanun’una vavo akapupurira kumubatsiri muduku womuchitoro, uye iye nomunun’una wake vose vari vaviri vakava maKristu akazvitsaurira, akazodzwa. Baba vangu nomun’una wavo vakaroora ava vakadzi vaduku vaviri.
Mumhuri yangu ndakanga ndiri mumwe wavakomana vana vakarerwa mu“kutarisira nezano zvaShe.” (VaEfeso 6:4, King James Version) Ndinofara kuti vabereki vangu vakaita chinhu chiri chose mukudyara zvokwadi matiri. Panguva yacho kwakanga kusina zvinyorwa zvakarongedzerwa zvikuru kubetsera vabereki kudzidzisa vana vavo zvokwadi dzeBhaibheri; asi taiva nefundo yemhuri yeBhaibheri yenguva dzose kaviri pavhiki tichishandisa bhuku rinonzi The Harp of God, pamwe chete nekurukurirano yenguva dzose yorugwaro rwezuva.—Dheuteronomio 6:6, 7; 2 Timotio 3:14, 15.
Mai vangu nababa vakanga variwo muenzaniso unoshamisa mukuonga kwavo misangano nomushingairo yavo nokuda kwoushumiri. Mukuwedzera kumavara avo omudzimu akaisvonaka, baba vangu vaifadzawo, uko vakapfuudzira kuvana vavo. Basa rakaoma ravabereki vangu rakatungamirira kumiuyo. Vana vose vavanakomana vavo, zvino vava mumakore avo 60, vachiri kubatira Jehovha nomufaro.
Mubasa Roupiona
Muna April 1939, pamakore 16 ezera, ndakapedza chikoro ndokuva piona wenguva dzose. Baba vangu vakandikumbanira mubasa roupiona uye vakandipa rovedzo yakaisvonaka. Tichifamba nebhasikoro, takafukidza zvakakwana ndima yose yaiva mukati menharaunda yamakiromita gumi neimwe yomusha wedu. Zuva rimwe nerimwe tose tiri vaviri taitora mabhukwana 50, uye takanga tisingadzokeri kumusha kutozosvikira taagovera.
Makore maviri gare gare ndakaropafadzwa kuva pakati pamapiona chaiwo okutanga kugadzwa muBritain. Wakanga uri mufaro kugamuchira ichi chikomborero, asi kwakanga kusingafadzi kusiya chengeteko inofadza yomusha woumwari. Pashure penguva yakati uye nebetsero yaJehovha, ndakagadziridza.
Basa rangu roupiona rakadzongonyedzwa mukati mehondo yeNyika II apo, nezvimwe Zvapupu zviduku, ndakapinzwa mutorongo pamusoro penhau yokusatora rutivi. MuTorongo reDurham, ndakaronga saMM (Musungwa Muduku). Ikoku kwakareva kuti ndaifanira kupfeka makabudura—nhamo yakajeka mumugariro wokunze unotonhora. Imbofungidzira zvako Wilf Gooch (zvino mutsinhanisi weDare reBazu muBritain), Peter Ellis (mumwe mutezo weDare reBazu reBritain), Fred Adams, uye ini—tose takareba mamita enenge 1,8—takamira pamwe chete uye takapfeka makabudura kufanana navakomana vechikoro!
Mugove—Ireland
Pashure pokusunungurwa kwangu mutorongo, ndakapayona mumativi akasina-siana eEngland kwamakore matatu. Ipapo ndakagamuchira mugove waizobvumikisa kuva zvose zviri zviviri unoedza nounogutsa zvikuru—Republic of Ireland. Chose chandaiziva pamusoro pokumaodzanyemba kweIreland chakanga chiri chokuti anodokuva munhu ari ose ikoko ari muRoma Katurike. Asi ndakafuratira tsinhiro dzakaipa dzakaitwa navamwe uye handina kuzengurira kugamuchira mugove wacho. Iyoyi yakanga iri nguva yokukura kwokunamata kwechokwadi, uye ndakanga ndine chokwadi chokuti Jehovha, kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, aizondibetsera.
Zvizhinjisa zveZvapupu muRepublic of Ireland zvakanga zviri mudzimbahwe, Dublin, nechimwe chete kana kuti zviviri zvakapararira muimwe nzvimbowo zvayo. Nokudaro, vanhu vazhinjisa vakanga vasina kutongoona mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pamwe chete namamwe mapiona chaiwo matatu, ndakatanga basa muguta reCork. Kwakanga kusiri nyore kuwana nzeve inoteerera. PaMisa yavo, vaprista nguva dzose vainyevera pamusoro pedu, vachitidana kuti “vanadhiabhorosi vechiKomonisiti.” Mapepanhauwo ainyevera pamusoro pemibato yedu.
Rimwe zuva mugeri akanga achichekerera bvunzi rangu achishandisa reza ine mubato. Mukurukurirano, iye akabvunza chandakanga ndichiita muCork. Apo ndakamuudza, akakurumidza kushatirwa ndokundituka. Ruoko rwake rwakanga ruchibvunda nehasha, uye ndakava nezviono zvokufamba ndichibuda mushopu yacho musoro wangu wakaiswa pasi poruoko rwangu! Inyaradzo yakadini kubuda mushopu ndisina kukuvara!
Masimba Masimba Enyongori
Pane dzimwe nguva taifanira kutarisana namasimba masimba enyongori. Somuenzaniso, rimwe zuva muna March 1948, takanga takabatikana muushumiri hwapaimba neimba apo nyongori yakadenha mubiyangu, Fred Chaffin. Achirondwa neboka racho, Fred akamhanyira panomira bhazi uye akakumbira muchairi webhazi nomubatsiri nokuda kwebetsero. Panzvimbo pezvo, ivo vakakumbanira mudenho. Fred akamhanyazve achikwira nomugwagwa ndokukwanisa kuvanda seri kworusvingo rurefu urwo rwakanga rwakaganhura imba yomuprista.
Munguvayo, ndakanga ndaenda kubhasikoro rangu. Kuti ndidzokere pakati peguta, ndakatora mugwagwa muduku, asi apo ndakapinda mumugwagwa mukuru, nyongori yakanga yakamirira. Varume vaviri vakakwinyata bhegi rangu ndokukandira zvaiva mukati maro mumhepo. Ipapo ivo vakavamba kundirova nokundibanha. Kamwe kamwe mumwe munhu akaoneka. Iye akanga ari mupurisa akapfeka nguvo dzake, uye akamisa denho yacho, achinditora navadenhi kukamba yamapurisa.
Iyi denho yakagovera hwaro hwoku‘tidzivirira nokusimbisa pamutemo mashoko akanaka.’ (VaFiripi 1:7) Apo mhaka yacho yakauya kudare, mupurisa akanga andinunura, iye amene muRoma Katurike, akapa ufakazi, uye vanhu vamwe navamwe vatanhatu vakawanwa vane mhaka yokudenha. Mhaka yacho yakaratidza kuti taiva namaruramiro okuenda pasuo nesuo ndokubatira sechidziviso kuvamwe vangafunga zvokutendeukira kumasimba masimba.
Pakutanga kwakarangarirwa kuva kune ngozi zvikuru kutumira hanzvadzi samapiona munzvimbo dzakafanana neCork. Zvisinei, kazhinji kazhinji kwakaratidzika kuti kwaizova kuri nani kuti hanzvadzi dzishanyire vakadzi vanofarira. Naizvozvo, pamberi chaipo peiyi denho, Sosaiti yakanga yagovera hanzvadzi mbiri dzakaisvonaka mapiona kuCork. Imwe, Evelyn MacFarlane, gare gare akava mufundisi uye akaita basa rakaisvonaka muChile. Mumwe wacho, Caroline Francis, uyo akanga atengesa musha wake muLondon kuti apayone muIreland, akava mudzimai wangu.
Mbeu Dzezvokwadi Dzinomera
Kungadai kwakava kuri nyore kufunga kuti takanga tichipambadza nguva yedu kudyara mbeu dzezvokwadi yoUmambo mumigariro yakadaro. Kuona zvokwadi ichimera pano napapo, kunyanguvezvo, kwakatsigira chivimbo chedu musimba raJehovha rokuita kuti zvinhu zvikure. Somuenzaniso, Sosaiti yakambotumira zita nekero zvomumwe munhu akanga anyora achikumbira kopi yebhuku rinonzi Mwari Ngaave Wazvokwadi. Kero yacho yakanga iri muFermoy, taundi duku makiromita 35 kubva kuguta reCork. Naizvozvo ndakaenda ndakatasva bhasikoro rangu imwe Svondo mangwanani kuzowana uyu munhu.
Apo ndakasvika muFermoy, ndakabvunza mumwe munhu nzira. “Haiwa,” akadaro, “iwayo ndimamwe [makiromita gumi namana] mumugwagwa.” Ndakaenda zvakare uye pakupedzisira ndakasvika purazi mumugwagwa muduku womunyika. Murume muduku akanga atumira bhuku racho akanga akamira pasuo repurazi. Apo ndakazvisuma ndimene, akati: “Bhuku iroro rakafanira uremu hwaro mundarama!” Takava nekurukurirano yakaisvonaka, uye handina kutongocherechedza makiromita 50 okutasva bhasikoro ndichienda kumusha. Kunyange zvino, anopfuura makore 40 gare gare, ndinowana mufaro mukuru apo ndinosangana nomurume “muduku” iyeyo, Charles Rinn, gore rimwe nerimwe pakokorodzano. Nhasi, munharaunda yeCork mune ungano gumi.
Mukati mama 1950, Caroline neni takaparadzira mbeu dzezvokwadi pakati peIreland. Kurudziro yokupfuurira yakauya muna 1951 apo vanhu vanyoro kufanana na“Mbuya” Hamilton nomuroora wake vakagamuchira nokukurumidza. “Mbuya” Hamilton vakava muparidzi wokutanga akabhapatidzwa muCounty Longford.—1 VaTesaronika 2:13.
Pokugara pakanga pari chinetso. Nokukurumidza apo dzvinyiriro yakashandiswa pavaridzi vedzimba, vaitikumbira kubva. Naizvozvo, tarasikirwa nenzvimbo dzokugara nhatu dzakasiana-siana munhevedzano inokurumidza, takatenga tende, chidimbu chapasi, uye mabhegi okurarira ndokufamba nawo muY-model Ford. Taimisa tende yacho papi napapi pataigona pamugumo wokupupurira kumwe nokumwe kwezuva. Gare gare, takawana turera yamamita 4. Yakanga iri duku, nezvakakodzera zvishomanene zvazvino uno—taifanira kufamba hafu yekiromita nokuda kwemvura yokunwa—uye pasina chinovhara kupisa kwezuva, asi kwatiri yakanga iri youmbozha. Kufadza kwangu kwakaedzwa rimwe zuva apo ndakatsvedza pamudzi womuti wakatota ndokuwa neshure ndichipinda mutsime, refu, rakatetepa, asi risina kudzama zvikuru. Zvisinei, takaisa mutariri wedunhu nomudzimai wake muturera iyoyo apo vakatishanyira.
Padzimwe nguva vanhu vaiva nomwoyo wakanaka vakaratidza mutsa usingakarirwi. Somuenzaniso, takaenda kuSligo mumadokero eIreland muna 1958, makore masere pashure pokunge mamwe mapiona maviri abudiswa mutaundi racho. Takanyengeterera betsero yaJehovha yokuwana nzvimbo yeturera, uye pashure pamaawa akawanda okutsvaka, takawana panopwanyirwa mabwe pakuru, pasingashandiswi. Mumwe munhu aifudza mombe munzira akatiudza kuti mhuri yake yaiva vene vapanopwanyirwa mabwe. “Tingagona kuishandisa here?” takabvunza, tichimuudza kuti takanga tiri vamiriri vesosaiti yeBhaibheri. Iye akataura kuti kwaizova kwakaisvonaka.
Nokukurumidza pashure akabvunza, kuti: “ISosaiti ipi yeBhaibheri yamuri vayo?” Yakanga iri nguva inotyisa. Takamuudza kuti takanga tiri Zvapupu zvaJehovha. Kusununguko yedu huru, iye akaramba ane ushamwari. Mavhiki mashomanene gare gare, akatipa risiti yerendi yegore yenzvimbo yacho. “Hatidi mari ipi neipi,” iye akadaro. “Asi tinoziva chishoro icho imi vanhu munotarisana nacho, naizvozvo kana munhu upi noupi akabvunza maruramiro enyu okuva paiyi nzvimbo, hehuno ufakazi hwenyu.”
Tiri muSligo, takanzwa nezvomumwe munhu, mutengesi womuchitoro anosanozivikanwa nomutambi wenhabvu, uyo akanga aratidza fariro yakati apo mapiona ekare akanga achiri mutaundi. Iye akanga ava neonano duku kwamakore masere, zvisinei, naizvozvo takashamisika kuti akanga akadini zvino. Nyemwerero yokufara pachiso chaMattie Burn apo ndakazvisuma ndimene yakapa mhinduro. Mbeu dzezvokwadi dzakadyarwa makore pamberi pezvi dzakanga dzisina kufa. Iye achiri mutezo weungano duku inoshingaira muSligo.
Zvimiro Zvinochinja
Nzvimbo imwe iyo yakaratidzira chimiro choutsinye chavazhinji kwatiri yakanga iri taundi reAthlone. Apo kupupurira kukuru kwakavamba imomo muma 1950, vaprista vakaronga kuti vose vaigara murutivi rumwe rwetaundi vasaine chikumbiro chinotaura kuti vakanga vasingadi Zvapupu zvaJehovha kuti zvishanyire masuo avo. Ivo vakatumira ichochi kuhurumende, kuchiita kuti basa muAthlone rive rakaoma zvikuru kwamakore akati. Pane imwe nguva boka repwere rakandiziva seChapupu ndokuvamba kukanda mabwe. Apo ndakamira pamberi pewindo rechitoro, muridzi akandikoka kupinda muchitoro chake—zvikuru kuti adzivirire windo rake kupfuura kundidzivirira—uye kundirega ndichibuda nesuo reshure.
Misi ichangobva kupfuura iyi, zvisinei, muna August 1989, apo ndakakurukura hurukuro yamariro muAthlone ehama yakatendeka, hapana chandaigona kuita kunze kwokushamiswa nokuti Jehovha akaita sei kuti zvinhu zvikure imomo. Kunze kwemitezo yeungano, vanhu vomunzvimbomo 50 vakateerera nokuremekedza hurukuro yamariro muHoro yoUmambo yakaisvonaka hama dzakanga dzavaka.
Rovedzo Chaiyo kuGilead School
Muna 1961, ndakakokwa kukosi yemwedzi gumi kuWatchtower Bible School of Gilead. Iyi kosi chaiyo yakanga iri yehama bedzi, naizvozvo Caroline neni taifanira kupa kokero yacho rangariro yokunyengetera. Takanga tisina kuparadzaniswa kwamakore 12. Uyezve, sezvo mudzimai wangu aivawo nechishuvo chikuru chokupinda Gilead School ndokuva mufundisi, akaodzwa mwoyo zvikuru nokusakokwa. Asi, zvaaiva nendangariro yakanaka, akaisa fariro dzoUmambo pakutanga ndokubvuma kuti ndinofanira kuenda. Kosi yacho yakanga iri ropafadzo inoshamisa. Asi wakanga uri mufaro kudzokera kumusha nokubatanidzwa mubasa muhofisi yebazu yeSosaiti, ndichipa kurudziro kuZvapupu 200 kana kuti kupfuura zvakanga zvichisima nokudiridza muIreland mukuvamba kwama 1960.
Makore akati gare gare, muna 1979, Caroline akaenda kudzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muNew York apo ndakakokwa kukosi chaiyo yeGilead yemitezo yeDare reBazu. Rakanga riri pfundo rorwakazova rutivi rwokupedzisira rwoupenyu hwake. Makore maviri gare gare akafa. Mumakore ose 32 takabatira pamwe chete mubasa renguva yakazara, Caroline haana kutongorasikirwa neshingairo yake yebasa raJehovha kana kuti chivimbo chake chokuti aizoita kuti zvinhu zvikure.
Ndakarasikirwa naye zvikuru kwazvo. Chinhu chimwe chakandibetsera kukunda yakanga iri nyaya yomumagazini aMukai! wechiNgezi yenguva yacho, yaiva nomusoro unoti “Learning to Live Without One You Love.” (February 8, 1981) Misodzi yakauya kumeso angu panguva ipi neipi ndaifunga nezveshamwari yangu yakarasika, asi ndakaita izvo nyaya yacho yakakarakadza ndokuramba ndakabatikana mubasa raJehovha.
Chikomborero chaJehovha Chinopfuurira
Gore rimwe pamberi pairori, muna April 1980, ndakanga ndiripo apo Hama Lyman Swingle woMutumbi Unodzora akatsaurira chivako chitsva chebazu muDublin. Mufaro wakadini kuona vaparidzi 1 854 mumunda, avo panguva iyoyo vakabatanidzawo Northern Ireland! Uye zvino, makore gumi gare gare, Yearbook inoshuma chiverengero chapamusoro chavane 3 451 nokuda kwa 1990!
Munguvayo ndakava nechikomborero chakawedzerwa. Ndichibatira somuraidzi weChikoro Choushumiri hwoUmambo, ndakasangana naEvelyn Halford, hanzvadzi inokwezva neinoshingaira yakanga yatamira kuIreland kuzobatira uko kune kushaiwa kukuru. Takaroorana muna May 1986, uye iye abvumikisa kuva tsigiro chaiyoiyo kwandiri mumubato wangu wose woubati ushe hwaMwari.
Pamakore angu 51 ebasa renguva yakazara chifo chokubva kuchikoro, 44 akapedzerwa muIreland. Kunofadza kuona vazhinji vandakabetsera vachiri kubatira Jehovha, vamwe savakuru navabatiri vanoshumira. Ndinogona kutaura pasina zenguriro kuti mumwe wemifaro mikurusa munhu upi noupi anogona kuva nawo kubatsira mumwe munhuwo zvake kufamba munzira yokuupenyu.
Kwave kuchisimbisa kutenda kuona kunamata kwechokwadi kuchikura munzvimbo imwe pashure peimwe muIreland, pasinei zvapo nechishoro chinotyisa. Zvino, vaparidzi 3 500 vanosonganirana neungano dzinopfuura 90 munyika macho mose. Zvirokwazvo, hapana muganhu kuicho Jehovha anogona kuita. Iye achaita kuti zvinhu zvikure kana tikadyara nokushingaira nokudiridza. (1 VaKorinte 3:6, 7) Ndinoziva ikoku kuva chokwadi. Ndakakuona kuchiitika muIreland.