RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 3/1 pp. 25-28
  • Chinhu Chakanakisisa Chokuita Noupenyu Hwangu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinhu Chakanakisisa Chokuita Noupenyu Hwangu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kupinda Mubasa Roupiyona!
  • Ireland Mukati Memakore Ehondo
  • Migove Yezvokudya Zvomudzimu
  • Kukurira Chishoro
  • Kudzokera kuEngland
  • Kuita Zvaunoudzwa naJehovha Kunounza Makomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Ramba Uchidyara Mbeu—Jehovha Achaikudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kushandira Pamwe Samapiona Kwoupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 3/1 pp. 25-28

Chinhu Chakanakisisa Chokuita Noupenyu Hwangu

YAKATAURWA NABOB ANDERSON

Anenge makore gumi apfuura, shamwari dzakandibvunza, kuti: “Neiko wave uchipfuurira kwenguva yakareba zvakadaro sapiyona, Bob?” “Eya,” ndakanyemwerera ndokuti, “munogona kufunga nezvechinhu chipi nechipi chiri nani kuita kupfuura kupayona here?”

NDAKANGA ndine makore 23 okukura muna 1931 apo ndakapinda mubasa roupiyona. Zvino ndava mugore rangu rechi 87 uye ndichiri kupayona. Ndinoziva kuti hapana chinhu chiri nani chandaigona kuve ndakaita noupenyu hwangu. Regai nditsanangure chikonzero nei.

Muna 1914 turakiti rakasiyiwa pamusha pedu. Rakabudiswa naVadzidzi veBhaibheri Vamarudzi Ose, sokudaidzwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Apo Chapupu chacho chakadzoka, mai vangu vakachibvunzisisa pamusoro pomwoto wehero. Vakanga varerwa somuMethodist chaiye weWisiri asi vaisatongogona kuwiriranisa iyi dzidziso yokutambudza kusingagumi naMwari worudo. Nokukurumidza apo vakadzidza zvokwadi yenhau yacho, vakati: “Ndinonzwa ndichifara zvikuru kupfuura zvandakambonzwa muupenyu hwangu!”

Mai vangu vakarega nokukurumidza kudzidzisa paSandisikuru yeMethodist ndokukumbanira boka duku raVadzidzi veBhaibheri. Vakatanga kuparidzira mutaundi romusha wedu reBirkenhead, iro rakatarisana nechiteshi chengarava cheLiverpool mhiri kweMersey River, uye nokukurumidza vakanga vava kuchovha bhasikoro nguva dzose vachienda kumataundi akavakidzana naro. Vakapupura muiyi ndima yakakura kwehwakanga hwasara hwoupenyu hwavo uye vakava vanosanozivikanwa zvikuru, vachigadzira vana vavo muenzaniso wakaisvonaka. Vakafa muna 1971 pazera rokukwegura zvikuru ramakore 97, Chapupu chaishingaira kusvikira kumugumo.

Hanzvadzi yangu, Kathleen, uye ini takabviswa kuSandisikuru yeMethodist kuti tikumbanire Mai kumisangano yavo naVadzidzi veBhaibheri. Gare gare, apo baba vangu vakaitawo fambiro mberi, vabereki vangu vakaronga fundo yemhuri yeBhaibheri yenguva dzose mubhuku raThe Harp of God. Fundo yakadaro yakanga iri chinhu chitsva mumazuva iwayo, asi iyi rovedzo yapakuvamba muzvokwadi huru yeBhaibheri yakava netuso huru, sezvo hanzvadzi yangu neni tose tiri vaviri takapinda mubasa roupiyona pashure penguva yakati.

Mai vakanamatira kumufungo wokuti kuona “Photo-Drama of Creation” muLiverpool muna 1920 kwakanga kuri nguva yechinjo huru yomudzimu nokuda kwedu vana, uye vakanga vakarurama. Kunyange zvazvo ndakanga ndiri muduku, kuratidzira ikoko kwakasiya mifungo yakajeka pandangariro yangu. Chakatanhamara muyeuko mangu chikamu chairatidzira upenyu hwaJesu, zvikurukuru sezvachakamuratidzira achifamba kuenda kurufu rwake. Chakaitika chacho chose chakandibetsera kunangidzira ngwariro pabasa rinokosha zvikurusa muupenyu—kuparidza!

Pakuvamba muma 1920, ndakatanga kuparadzira maturakiti namai vangu pamasikati eSvondo. Pakutanga takarayirwa kuasiya pamisha; gare gare takaudzwa kuagamuchidza vanasaimba uye ipapo kudzokerera avo vakanga vachifarira. Nguva dzose ndakarangarira ikoku sehwaro hwapakuvamba hwomubato weshanyo yedzokerero nefundo yeBhaibheri, uyo unobudirira kwazvo nhasi.

Kupinda Mubasa Roupiyona!

Kathleen neni takabhapatidzwa muna 1927. Ndakanga ndichishanda saanalytical chemist muLiverpool apo, muna 1931, ndakanzwa chisarudzo chokugamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Ndakanga ndaona kakawanda macolporteur eSosaiti (zvino anonzi mapiyona) achishanda munharaunda yebhizimisi muLiverpool, uye muenzaniso wavo wakandiorora zvikuru kwazvo. Ndaishuva sei kusununguka pasonganiro yenyika, kuti ndishandise upenyu hwangu mubasa raJehovha!

Mukati mezhezha regore rimwe chetero, shamwari yangu Gerry Garrard yakandiudza kuti yakanga yagamuchira mugove wakabva kuna purezidhendi wechipiri weWatch Tower Society, Joseph F. Rutherford, wokuparidzira muIndia. Chinguvana asati afamba nengarava, akandishanyira ndokutaura pamusoro peropafadzo yebasa renguva yakazara. Sezvaakaoneka, akandikurudzirazve kupfurikidza nokuti, “Ndine chokwadi chokuti nokukurumidza uchava piyona, Bob.” Uye ndizvo zvakaitika. Ndakanyoresa muna October iyeyo. Mufaro wakadini, rusununguko rwakadini, kuchovha bhasikoro munzira dzomumaruwa tichiparidzira kunzanga dziri dzoga! Ndakaziva ipapo kuti ndakanga ndichitanga basa rinokosha zvikurusa randaigona kumboita.

Mugove wangu woupiyona wokutanga wakanga uri muSouth Wales uko ndakakumbanira Cyril Stentiford. Cyril gare gare akaroora Kathleen, uye vakapayona pamwe chete kwamakore anoverengeka. Mwanasikana wavo, Ruth, gare gare akapindawo mubasa roupiyona. Pakasvika 1937, ndakanga ndava muFleetwood, Lancashire—mukutsirani waEric Cooke. Kutozosvikira panguva iyoyo, mapiyona aishanda bedzi munharaunda dzomumaruwa dzeBritain, kunze kwendima yeungano. Asi Albert D. Schroeder, uyo akanga achitarisira basa rehofisi yebazu yeSosaiti yeLondon panguva iyoyo, akaita chisarudzo chokutitamisira kuguta reBradford, Yorkshire. Iyi yakanga iri nguva yokutanga mapiyona muBritain akanga agoverwa kubetsera ungano yakati.

Muna 1946, Eric akaenda kuWatchtower Bible School of Gilead uye akagoverwa kuSouthern Rhodesia, zvino yava Zimbabwe, uye iye nomudzimai wake vachiri kubatira nokutendeka savafundisi muDurban, South Africa.

Muna 1938 ndakanga ndava mune mumwe mugove, nguva ino somubatiri wenharaunda (zvino ava kunzi mutariri wedunhu) wokuchamhembe kwakadziva kumadokero kweLancashire neLake District yakaisvonaka. Imomo ndakasangana naOlive Duckett, uye pashure pokunge tachata, akakurumidza kundiperekedza mubasa redunhu.

Ireland Mukati Memakore Ehondo

Nokukurumidza pashure pokunge Britain yatanga kurwisana neGermany muna September 1939, mugove wangu wakachinjirwa kuIreland. Kunyoresa nokuda kwehondo kwakanga kwatanga muBritain asi kwete muRepublic of Ireland yokumaodzanyemba, iyo yakaramba iri nyika isingatori rutivi kwenhambo yehondo yacho. Republic of Ireland neNorthern Ireland zvakanga zvichizova dunhu rimwe. Ganhuriro dzakanga dzichishanda, zvisinei, uye kwakanga kuri madikanwa kuwana mvumo dzokufamba kuti ubve Britian kuenda kurutivi rupi norupi rweIreland. Zviremera zvakandiudza kuti ndaigona kuenda, asi ndaifanira kubvuma kudzokera kuEngland nokukurumidza apo kunyoresa nokuda kwehondo kweboka rezera rangu kwakadaidzirwa. Ndakabvuma nomuromo, asi kushamisiko yangu, apo mvumo yangu yakabudiswa, pakanga pasitongorina ganhuriro dzakabatanidzwa kwairi!

Panguva iyoyo, kwakanga kune Zvapupu zvinoti pfuurei 100 muIreland yose. Pakusvika kwedu muDublin muna November 1939, Jack Corr, piyona wenguva yakareba, akasangana nesu. Akatiudza kuti kwakanga kune mamwe mapiyona maviri mutaundi raiva pedyo navanhu vanofarira vashomanene muDublin, vanenge 20 pamwe chete. Jack akahaya kamuri muDublin nokuda kwomusangano apo vose vakabvuma kusangana nguva dzose Svondo imwe neimwe. Iyi gadziriro yakapfuurira kutozosvikira ungano yavambwa muna 1940.

Northern Ireland, sorutivi rweUnited Kingdom, yakanga ichirwisana neGermany, naizvozvo sezvatakatamira kuchamhembe kweBelfast, taiva namabhuku eganhuriro dzezvokudya uye nhambo yerima guru usiku yokugonana nayo. Kunyange zvazvo ndege dzeNazi dzaifanira kubhururuka anosanopfuura makiromita 1 600 kuti dzisvike kuBelfast ndokudzoka kumisasa yadzo muEurope, dzakakwanisa kubhomba guta racho nenzira inobudirira. Mukati mokudenha kwokutanga, Horo yoUmambo yedu yakakuwadzwa uye furati redu rakaparadzwa apo takanga tichishanyira hama murumwe rutivi rweguta, naizvozvo takava nokupukunyuka kunoshamisa. Usiku humwe chetehwo, imwe mhuri yeZvapupu yakamhanyira kuuvando hwavose. Apo vakasvika ikoko, vakawana hwakazara uye vaifanira kudzokera kumba kwavo. Uvando hwacho hwakabhombwa zvakananga, uye vose vaiva mahuri vakaurawa, asi hama dzedu dzakapukunyuka nokuchekwa kushomanene namavanga. Mukati maaya makore akaoma ehondo, hapana mumwe wehama dzedu akakuvadzwa zvakakomba, izvo tinotenda Jehovha nokuda kwazvo.

Migove Yezvokudya Zvomudzimu

Sezvo hondo yakafambira mberi, ganhuriro dzakava dzakasimba zvikuru, uye pakupedzisira kunzverwa kwetsamba kwakavambwa. Ikoku kwakareva kuti Nharireyomurindi yakamiswa ndokusabvumidzwa kupinda munyika. Kunyange zvazvo takashamiswa pamusoro pechataigona kuita, ruoko rwaJehovha rwakanga rwusiri rwupfupi. Mamwe mangwanani ndakagamuchira tsamba yaibva kune mumwe “mukoma” aiva muCanada uyo akanga achindinyorera pamusoro penhau dzemhuri. Ndakanga ndisingazivi kuti aiva ani, asi mumashoko apashure pesiginicha akati akanga achipfigira “nyaya inofadza yeBhaibheri” yokuti ndirave. Yakanga iri kopi yeNharireyomurindi, asi nemhaka yokuti yakanga iri mubutirowo zvaro, yakanga isina kubviswa nomunzveri.

Nokukurumidza mudzimai wangu neni, nebetsero yeZvapupu zvomunzvimbomo, kubatanidza Maggie Cooper uyo akanga ave ari mubasa re“Photo-Drama,” takatanga kunyorazve nyaya dzacho. Takakurumidza kuzvironga timene kuti tiparadzire makopi 120 munyika yose, sezvo magazini eNharireyomurindi ane butirowo zvaro akasvika nguva dzose achibva kushamwari dzakawanda itsva dzaiva muCanada, Australia, uye United States. Nemhaka yeshingairo nomutsa zvavo, hatina kutongopotsa chinyorwa chimwe mukati menhambo yose yehondo.

Takakwanisa kuvawo namagungano. Yakatanhamara yakanga iri kokorodzano ya 1941 apo chinyorwa chitsva cha Children chakabudiswa. Kwakaratidzika kuti munzveri haana kuramba bhuku iro akafunga kuva raiva pamusoro pavana, naizvozvo takakwanisa kupinza mugove wedu munyika pasina chinetso chipi nechipi! Pane imwe nhambo, taiva nebhukwana raPeace—Can It Last? rakadhindwa munzvimbomo nemhaka yokuti kwakanga kusingabviri kupinza munyika makopi aibva London. Pasinei zvapo neganhuriro dzose dzakaiswa patiri, takanga tichisanotarisirwa mumudzimu.

Kukurira Chishoro

Mumwe mufundisi akanga achigara mumusha wokutarisira vakwegura muBelfast waitarisirwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha akatumira kopi yebhuku raRiches kumudzimai wake aiva muEngland. Akanga achishora zvokwadi, uye mumhinduro yake akajekesa pfundo iroro. Akataurawo kuti takanga tiri “sangano risina kuvimbika kunyika yaro.” Munzveri wetsamba akacherekedza ikoku ndokushuma nhau yacho kuCriminal Investgation Department. Somugumisiro, ndakadaidzwa kumusasa wamapurisa kuti ndizotsanangura uye ndakakumbirwa kuunza kopi yaRiches. Nenzira inofadza, apo bhuku racho rakadzorerwa pakupedzisira, ndakacherechedza kuti mativi akatarwa aitaura pamusoro peChechi yeRoma Katurike. Ndakafunga kuti ikoku kwakanga kuchikosha, sezvo ndaiziva kuti mapurisa akanga akarinda mubato weIRA (Irish Republican Army).

Ndakabvunzisiswa pamusoro pokusatora rutivi kwedu munguva dzehondo, nokuti mapurisa akakuwana kwakaoma kunzwisisa chimiro chedu. Asi zviremera hazvina kutongoita chiito chipi nechipi mukurwisana nesu. Gare gare, apo ndakatsvaka mvumo yokuita gungano, mapurisa akaomerera pakutuma vashumi vaviri vamapurisa. Ndakati, “Tichavagamuchira!” Naizvozvo vakauya ndokupinda musangano wamasikati, vachiita zvinonyorwa zvipfupi. Pamugumo worusando rwacho, vakabvunza, kuti, “Neiko tatumwa pano? Tiri kuifarikanya yose!” Vakauya zvakare zuva rakatevera ndokugamuchira nomufaro kopi yapachena yebhukwana redu raPeace—Can It Last? Rasara regungano racho rakapfuura pasina chakaitika.

Nokukurumidza sezvo hondo yakapera uye ganhuriro dzokufamba dzakarerutswa, Pryce Hughes aibva kuBheteri yeLondon akauya kuBelfast. Akaperekedzwa naHarold King, uyo akagoverwa gare gare kuChina somufundisi. Pashure pamakore matanhatu okuparadzaniswa nehofisi yebazu yeLondon, tose zvedu takakurudzirwa zvikuru nehurukuro idzo idzi hama dzakapa. Nokukurumidza pashure pacho, Harold Duerden, mumwe piyona akatendeka, akatumirwa achibva England kuti asimbise basa roUmambo muBelfast.

Kudzokera kuEngland

Takanga takudziridza kuda hama dzeIreland, uye kwakanga kwakaoma kudzokera kuEngland. Asi mudzimai wangu neni takagoverwa zvakare kuManchester uye gare gare takatamira kuNewton-le-Willows, rimwe taundi reLancashire uko kwaiva nokushayiwa kukuru. Lois, mwanasikana wedu, akaberekwa muna 1953, uye kwakanga kuchifadza kumuona achipinda muushumiri hwoupiyona pazera ramakore 16. Pashure pokuchata kwake naDavid Parkinson uyo aiva piyona, vakapfuudzira basa ravo renguva yakazara muNorthern Ireland, munzira dzakawanda vachitevera makwara ayo Olive neni takanga taita. Zvino, navana vavo, vakadzoka muEngland, uye tose zvedu tiri kubatira muungano imwe cheteyo.

Pasinei zvapo nechinjo mumamiriro edu ezvinhu, handina kutongorega kupayona—Olive aisatongoda izvozvo, uye ini ndaisadawo. Ndave ndichinzwa nguva dzose kuti chinyorwa changu choupiyona chinogoveranwa nenzira yakafanira nomudzimai wangu nemhaka yokuti pasina tsigiro yake yenguva dzose, yorudo, ndaisatongogona kuve ndakapfuurira mubasa renguva yakazara. Tose tiri vaviri tinoneta nokukurumidza zvino, chokwadika, asi kupupura kuchiri mufaro, zvikurukuru apo tinenge tiri pamwe chete, tichiitisa vavakidzani vedu fundo dzeBhaibheri. Mumakore akapfuura, takaropafadzwa kubetsera vanenge vanhu zana kuva vabatiri vaJehovha vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa. Mufaro wakadini ikoko kwave kuri! Uye ndinofunga kuti iyi nhamba inofanira kusvikira pari zvino kuva yakawanziridzwa kakawanda sezvo mhuri dzinotambanukira kuzvizvarwa zvechitatu nechina dzakavawo Zvapupu.

Olive neni tinogarotaura pamusoro peropafadzo nezvakaitika zvedu zvakawanda mumakore akapfuura acho. Makore anofadza zvakadini ayo ave ari, uye apfuura nokukurumidza sei! Ndinoziva kuti hapana chinhu chiri nani chandaizogona kuita noupenyu hwangu kupfuura kubatira Mwari wangu, Jehovha, sapiyona makore aya ose. Zvino, ndingava ndichitarira shure nokuonga kana kuti kutarira mberi nekariro, ndinowana kuti mashoko aJeremia ane revo zvikuru: “Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; . . . . Naizvozvo ndichavimba naye.”—Mariro 3:22-24.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Bob naOlive Anderson

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe