RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 5/15 pp. 8-9
  • Kurudyi rwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurudyi rwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Kristu Ari Kuruoko rwaMwari Rwerudyi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Pamugwagwa wokuDhamasiko
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Vanoita Zvakaipa Vanogona Kuchinja Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 5/15 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Kurudyi rwaMwari

KUDURURWA kwomudzimu mutsvene paPentekosta ufakazi hwokuti Jesu adzokera mudenga. Chiono chakapiwa nokukurumidza pashure kumudzidzi Stefano chinobvumikisawo kuti Iye akasvikako. Pamberi chaipo pokutakwa namabwe nokuda kwokupupurira kwake kwokutendeka, Stefano anoti: “Tarirai! Ndinoona matenga akazarurwa uye Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.”—NW.

Ari kurudyi rwaMwari, Jesu anomirira murairo unobva kuna Baba vake, unoti: “Enda uchikurira pakati pavavengi vako.” (NW) Asi munguvayo, kutozosvikira aita chiito chokurwisana navavengi vake, Jesu anoitei? Iye anobata ushe, kana kuti anotonga, pavadzidzi vake vakazodzwa, achivatungamirira mumubato wavo wokuparidzira nokuvagadzirira kuva, kupfurikidza norumuko, madzimambo vasonganiri naye muUmambo hwaBaba vake.

Somuenzaniso, Jesu anosarudza Sauro (gare gare akazivikanwa zviri nani nezita rake rechiRoma, Pauro) kuti atungamirire basa rokuita vadzidzi mudzimwe nyika. Sauro anoshingairira Mutemo waMwari, bva iye anotsauswa navatungamiriri vorudzidziso vechiJudha. Somuuyo, Sauro haasati achingotendera bedzi kuurawa kwaStefano asi anoenda kuDhamasko nesimba rakabva kumuprista mukuru Kayafasi rokudzorera kuJerusarema vakasungwa varume vapi navapi navakadzi avo anowanako avo vari vateveri vaJesu. Zvisinei, Sauro ari munzira, chiedza chakajeka chinopenya kamwe kamwe makamupoteredza uye anowira pasi.

“Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” inzwi rinobva kumanyuko asingaoneki rinobvunza kudaro. “Ndimi aniko, Ishe?” Sauro anobvunza kudaro.

“Ndini Jesu waunotambudza,” mhinduro inouya.

Sauro, uyo apofumadzwa nechiedza chenenji, anoudzwa naJesu kupinda muDhamasko ndokumirira miraidzo. Ipapo Jesu anooneka muchiono kuna Ananiasi, mumwe wavadzidzi vake. Pamusoro paSauro, Jesu anoudza Ananiasi, kuti: “Munhu uyu mudziyo wakasarudzwa kwandiri kuti apupurire zita rangu kumarudzi pamwe chete nokumadzimambo navanakomana vaIsraeri.”—NW.

Zvamazvirokwazvo, netsigiro yaJesu, Sauro (anozivikanwa zvino saPauro) navamwe vaparidzi veevhangeri vanova nebudiriro huru mubasa ravo rokuparidzira nokudzidzisa. Kutaura idi, anenge makore 25 pashure pokuoneka kwaJesu kwaari panzira yokuDhamasko, Pauro anonyora kuti “mashoko akanaka” a“paridzirwa muchisiko chose chiri pasi pedenga.”—NW.

Pashure pokupfuura kwamamwe makore akawanda, Jesu anogovera nhevedzano yezviono kumuapostora wake anodiwa, Johane. Kupfurikidza neizvi zviono izvo Johane anorondedzera mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, iye, chaizvoizvo, anorarama kuti aone Jesu achidzokera musimba roUmambo. Johane anotaura kuti “kupfurikidza nefuridziro” (NW) iye akaendeswa mberi munguva ku“zuva raShe.” Chii chiri iri “zuva”?

Kusanofundwa kwamauporofita eBhaibheri, kubatanidza uporofita hwaJesu amene pamusoro pamazuva okupedzisira, kunozivisa kuti “zuva raShe” rakavamba mugore rinokosha ra 1914, hungu, mukati mechizvarwa chino! Naizvozvo makanga muri muna 1914 umo Jesu akadzokera asingaoneki, pasina chinoitika chavose uye navabatiri vake vakatendeka bedzi vanoziva nezvokudzokera kwake. Mugore iroro Jehovha akapa Jesu murairo wokuenda achikurira pakati pavavengi vake!

Achiteerera murairo waBaba vake, Jesu akabvisa mumatenga Satani namadhemoni ake, achivakandira kupasi. Pashure pokuona ikoku kuchiitika muchiono, Johane anonzwa inzwi rokudenga richizivisa, kuti: “Zvino ruponeso rwasvika nesimba noumambo zvaMwari wedu nesimba raKristu wake!” (NW) Hungu, muna 1914 Kristu akavamba kutonga saMambo!

Iwaya mashoko akanaka zvakadini nokuda kwavanamati vaJehovha mudenga! Ivo vanokurudzirwa, kuti: “Farai, imi matenga nemi munogara maari.” Asi chii chiri mugariro nokuda kwaavo vari pasi pano? “Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa,” inzwi rinobva kudenga rinopfuurira kudaro, “nemhaka yokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, ane hasha huru, achiziva kuti ane nhambo pfupi yenguva.”—NW.

Tiri munhambo pfupi iyoyo yenguva iko zvino. Vanhu panguva ino vari kuparadzaniswa kuti vapinde munyika itsva yaMwari kana kuti zvimwe kuti vatambure ruparadziko. Zvokwadi ndeiyi, nguva yako umene yemberi zvino iri kusarudzwa nenzira yaunogamuchira nayo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ayo ari kuparidzirwa mupasi rose munhungamiro yaKristu.

Apo kuparadzaniswa kwavanhu kunenge kwapedzwa, Jesu Kristu achabatira soMumiriri waMwari wokubvisa mupasi tsika yose yaSatani yezvinhu navose vanoitsigira. Jesu achaita uku kubviswa kwouipi hwose muhondo inonzi muBhaibheri Har–Magedhoni, kana kuti Armagedhoni. Pashure pako, Jesu, Munhu mukurusa muchisiko chose anotevera Jehovha Mwari amene, achabata Satani namadhemoni ake ndokuvasunga kwamakore ane chiuru mu“gomba rakadzika-dzika,” ndiko kuti, mugariro wokusashanda wakafanana norufu. Mabasa 7:55-60; 8:1-3; 9:1-19; 16:6-10; Pisarema 110:1, 2; VaHebheru 10:12, 13; 1 Petro 3:22; Ruka 22:28-30; VaKorose 1:13, 23; Zvakazarurwa 1:1, 10; 12:7-12; 16:14-16; 20:1-3; Mateo 24:14; 25:31-33.

◆ Pashure pokunge Jesu akwira kudenga, anoiswa kupi, uye chii chaanomirira?

◆ Jesu anotonga pana vanaani pashure pokukwira kudenga, uye kutonga kwake kunooneka sei?

◆ “Zuva raShe” rakavamba rini, uye chii chakaitika pamavambo aro?

◆ Ibasai rokuparadzanisa riri kufambira mberi nhasi rinotapura munhu ari wose wedu somunhu oga, uye kuparadzanisa kuri kuitwa pahwaroi?

◆ Apo basa rokuparadzanisa rinopedzwa, ndizvinoitikai zvichatevera?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe