RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 5/15 pp. 10-15
  • Rangarira Mienzaniso Yomwoyo Murefu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rangarira Mienzaniso Yomwoyo Murefu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwoyo Murefu Nokuda Kwezita Rake
  • Mwoyo Murefu Nokuda Kwavanhu
  • Muenzaniso waJesu Womwoyo Murefu
  • Mimwe Mienzaniso Yomwoyo Murefu
  • Rangarira Muenzaniso waPauro
  • Jehovha ndiMwari Ane Mwoyo Murefu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • ‘Pfekai Mwoyo Murefu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Iva Nomwoyo Murefu Kuna Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Mufambe Zvakafanira . . . Nomwoyo Murefu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 5/15 pp. 10-15

Rangarira Mienzaniso Yomwoyo Murefu

“Mwari . . . akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa.”—VAROMA 9:22.

1. (a) Shoko raMwari rakafuridzirwa rinobatira sei nokuda kwebetserwo yedu? (b) Muna ikoku, neiko vara romwoyo murefu richirangarirwa pano?

JEHOVHA Mwari, Musiki wedu, akatipa Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri Dzvene. Iro nderokubatira so‘mwenje kutsoka yedu uye chiedza kunzira yedu.’ (Pisarema 119:105) Shoko raMwari rinotibetserawo kuva “vakashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.” (2 Timotio 3:16, 17, NW) Imwe nzira yarinodarozvo kutishongedzera nayo iri kupfurikidza nokutipa mienzaniso yakaisvonaka yomwoyo murefu. Iri vara ndichimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari uye rinokosha kukuwana kwedu tendero yake nokufambidzana nenzira ine tsinhirano navanhu biyedu.—VaGaratia 5:22, 23.

2. Chii chiri revo yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mwoyo murefu,” uye ndiani ari pakutangisisa mukuratidzira vara irori?

2 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mwoyo murefu” chaizvoizvo rinoreva “mudzimu murefu.” Mwoyo murefu wakarondedzerwa se“vara riya rokuzvidzora mukutarisana nokutsamwiswa iro risingakurumidzi kutsiva kana kuti kuranga nokukurumidza.” (Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine, Volume 3, peji 12) Kuva nomwoyo murefu kunoreva kushandisa kuzvidzora nokunonoka kutsamwa. Uye ndiani ari pakutangisisa pakati paavo vanononoka kutsamwa, vanoratidzira mwoyo murefu? Hakuna mumwe kunze kwaJehovha Mwari. Nokudaro, pana Eksodho 34:6, tinorava kuti Jehovha ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” Kutaura idi, kamwe kanokwana kasere muMagwaro, Jehovha anotaurwa nezvake se“anononoka kutsamwa.”—Numeri 14:18; Nehemia 9:17; Pisarema 86:15; 103:8; 145:8; Joere 2:13; Jona 4:2; Nahumi 1:3.

3. Mavarai anotsanangura kuva kwaJehovha nomwoyo murefu?

3 Kuva nomwoyo murefu, kana kuti kunonoka kutsamwa, ndizvo chaizvo zvataizokarira kuna Jehovha Mwari, nokuti haana muganhu musimba nouchenjeri, akakwana mururamisiro, uye rudo rumene runotaurwa somunhu. (Dheuteronomio 32:4; Jobho 12:13; Isaya 40:26; 1 Johane 4:8) Iye anodzora mavara ake, achiachengeta ari mudzikamo yakakwana panguva dzose. Chii chinozivisa Shoko rake pamusoro pechikonzero nei uye sei akaratidzira mwoyo murefu kuvanhu vasina kukwana?

Mwoyo Murefu Nokuda Kwezita Rake

4. Mwari akaratidzira mwoyo murefu kuvatadzi nokuda kwezvikonzeroi zvakanaka?

4 Neiko Jehovha ane mwoyo murefu? Neiko asingarangi vatadzi pakarepo? Kwete nemhaka yokusakendenga kana kuti kushaiwa shingairo nokuda kwokururama. Aiwa, asi nokuda kwezvikonzero zvakanaka Jehovha anononoka kutsamwa uye haarangi vanhu nokukurumidza. Chimwe chikonzero ndechokuti zita rake rigoitwa kuti rizivikanwe. Chimwe chikonzero ndechokuti nguva yaidikanwa yokupedza nhau dzouchangamire hwaMwari neperero yorudzi rwomunhu, dzakamutswa norupandukiro muEdheni. Chimwezve chikonzero chemwoyo murefu waMwari ndechokuti anopa vanhu vanotadza banza rokururamisa nzira dzavo.

5, 6. Neiko Jehovha akaratidzira mwoyo murefu pamusoro pokupandukira kwomunhu?

5 Jehovha akanga ane mwoyo murefu mukubata navaviri vokutanga vohunhu mubindu reEdheni. Pavakaputsa murairo wake wokusadya muchero womuti wezivo yezvakanaka nezvakaipa, aigona kudai akavauraya pakarepo nengirozi yakawa iyo yakanga yanyengera Evha. Pakanga pasina panikiro kuti pfungwa yaJehovha yokururama neruramisiro yakanga yapandukirwa, zvokuti akatsamwira vapandukiri vacho vatatu. Aizodai akanga ari mumaruramiro ake zvakakwana kudai akanga avauraya pakarepo. Mwari akanga anyevera munhu wokutanga, Adhama, kuti: “Asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:17) Pazuva rimene iro Adhama akatadza, Mwari akaita kuti vadariki vazvidavirire ndokutaura tongero yorufu. Mukutonga, Adhama naEvha vakafa zuva iroro. Bva, Musiki wedu ane mwoyo murefu akarega Adhama achirarama kwamakore 930.—Genesi 5:5.

6 Mwari akanga ane zvikonzero zvakanaka zvokuva nomwoyo murefu, kana kuti kunonoka kutsamwa, mune ichi chinoitika. Kudai akanga auraya vapandukiri ivavo pakarepo, ikoku kungadai kusina kupindura kushora kusingapanikirwi kwaDhiabhorosi kuti Jehovha Mwari haasati akafanirwa kuti anamatwe uye kuti iye haagoni kuva navabatiri vohunhu vachachengeta perero yavo kwaari pasinei zvapo nemigariro. Uyezve, mibvunzo yakadai seiyi ingadai yakasiiwa isina kupindurwa: Yakanga iri mhaka yaani kuti Adhama naEvha vakatadza? Jehovha akavasika pakutanga vakaneta kwazvo mutsika zvokuti vaisagona kudzivisa muedzo uye ipapo kuvaranga nokuda kwokukundikana kuita saizvozvo here? Mhinduro kuzvose izvozvi iri pachena munhauro inowanwa mubhuku raJobho, ganhuro 1 ne 2. Kupfurikidza nokubvumidza dzinza ravanhu kuwedzera, Jehovha akabvumira vanhu kuva namabanza okubvumikisa pomero dzaSatani kuva dzenhema.

7. Neiko Jehovha asina kuuraya Farao pakarepo?

7 Apo Jehovha akanga odokununura vanhu vake, vaIsraeri, muusungwa hweEgipita, akabvumikisa zvakare kuva nomwoyo murefu. Jehovha aigona kudai akaparadza Farao namauto ake ehondo pakarepo. Panzvimbo pokuita ikoku, zvisinei, Mwari akavashivirira kwenguva yakati. Nokuda kwezvikonzeroi zvakanaka? Eya, sezvo nguva yakapfuura, Farao akava ane chisimbwa zvikuru mukuramba kwake kurega vaIsraeri vachibva muEgipita savanhu vakasununguka vaJehovha. Nokudaro iye akaratidza kuti akanga ari ‘mudziyo wokutsamwirwa’ wakafanirwa noruparadziko nokuda kwokumhura Jehovha. (VaRoma 9:14-24) Bva, pakanga pane chikonzero chikuru zvikuru nei Mwari akanga ane mwoyo murefu mune ichi chinoitika. Kupfurikidza naMosesi, iye akaudza Farao, kuti: “Ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika; asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.”—Eksodho 9:15, 16.

8. Mwari haana kuuraya vaIsraeri vanopandukira murenje nokuda kwechikonzeroi?

8 Mwoyo murefu waJehovha wakaratidzirwawo nokuda kwezvikonzero zvakanaka apo vaIsraeri vakanga vari murenje. Vakaedza shiviriro yaMwari sei kupfurikidza nokunamata mhuru yendarama uye kupfurikidza nokukundikana kushandisa kutenda apo tsori gumi dzakadzokera nomushumo wakashata! Mwari haana kuvaparadza savanhu vake sezvo zita rake nomukurumbira zvaibatanidzwa. Hungu, Jehovha akaratidzira mwoyo murefu nokuda kwezita rake.—Eksodho 32:10-14; Numeri 14:11-20.

Mwoyo Murefu Nokuda Kwavanhu

9. Neiko Jehovha akaratidza mwoyo murefu mumazuva aNoa?

9 Jehovha ave ane mwoyo murefu nokuda kworudzi rwomunhu chifo chaapo Adhama akatadzira vana vake vose vanobvira, achivaitira kusaruramisira kukuru kupfurikidza nokutadza. Mwoyo murefu waMwari wakaita kubvirire kuti chikanganiso ichocho chiruramiswe mukuti iye akabvumira nguva yokuti vanhu vanopfidza vayananiswe naye. (VaRoma 5:8-10) Jehovha Mwari akaratidzawo mwoyo murefu kuvanhu muzuva raNoa. Panguva iyoyo, “Jehovha akaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.” (Genesi 6:5) Kunyange zvazvo Mwari aigona kuva akaparadza dzinza ravanhu nokukurumidza paakaona mugariro iwoyu, iye akaraira kuti aizogumisa mugariro iwoyu mumakore 120. (Genesi 6:3) Iyi ratidzirwo yomwoyo murefu yakabvumira nguva yokuti Noa ave navanakomana vatatu, yokuti vakure ndokuroora, uye yokuti mhuri iyoyo ivake ngarava yokuponesa mweya yavo neyokuchengetwa kwemhuka. Neiyi nzira kwakanga kuchibvira kuti donzo raMwari rapakuvamba nokuda kwapasi riitwe.

10, 11. Neiko Jehovha akanga ane mwoyo murefu kwazvo norudzi rwaIsraeri?

10 Imwe rondedzerwo yomwoyo murefu inoshanda zvikurukuru kukubata kwaMwari navanhu vake. I“tsungirirwo yomwoyo murefu yezvakaipa kana kuti kutsamwiswa, yakabatanidzwa nokuramba kurega tariro yevandudziko muukama hwakadzongonyedzwa.” (Insight on the Scriptures, Volume 2, peji 262; rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.) Ikoku kunonongedzera kuchikonzero chokuwedzera nei Mwari akanga ane mwoyo murefu kuvaIsraeri. Ivo vaibva vabvazve kuna Jehovha ndokupinda muusungwa mumarudzi aVamarudzi. Bva, iye akaratidzira mwoyo murefu kupfurikidza nokununura vaIsraeri nokuvapa banza rokupfidza.—Vatongi 2:16-20.

11 Voruzhinji vamadzimambo aIsraeri vakapinza vadzorwi vavo mukunamata kwenhema. Mwari akarasa rudzi rwacho pakarepo here? Aiwa, haana kukurumidza kurega tariro yevandudziko muukama hwakadzongonyedzwa. Panzvimbo pezvo, Jehovha akanonoka kutsamwa. Achiratidzira mwoyo murefu, Mwari akavapa avapazve banza rokupfidza. Tinorava pana 2 Makoronike 36:15, 16, kuti: “Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti wakanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.”

12. Kupupurirai uko Magwaro echiKristu echiGiriki anopa pamusoro pechikonzero nei Jehovha ane mwoyo murefu?

12 Magwaro echiKristu echiGiriki anogoverawo ufakazi hwokuti Jehovha anoratidzira mwoyo murefu kuti abetsere vanhu vake vanotadza. Somuenzaniso, muapostora Pauro anobvunza maKristu anodarika, kuti: “Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?” (VaRoma 2:4) Anoshanda nenzira imwe cheteyo mashoko aPetro, anoti: “[Jehovha, NW] haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi ane mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Nenzira yakakodzera zvikurusa, tinoudzwa kuti “titi mwoyo murefu waShe wedu ruponeso.” (2 Petro 3:15) Nokudaro, tinoona kuti Jehovha ane mwoyo murefu, kwete nemhaka yokudzorwa nemirangariro kana kuti kuregeredza, asi nemhaka yokuti zita rake namadonzo zvinobatanidzwa uye iye ane ngoni uye ane rudo.

Muenzaniso waJesu Womwoyo Murefu

13. Ufakazii hwapaMagwaro huripo hwokuti Jesu Kristu akanga ane mwoyo murefu?

13 Wechipiri bedzi kumuenzaniso womwoyo murefu wakagadzwa naMwari ndeuyo woMwanakomana wake, Mesia, Jesu Kristu. Iye muenzaniso wakaisvonaka wokuzvidzora pasina kutsiva kwokukurumidza pasinei zvapo nokutsamwiswa.a Kuti Mesia aizova nomwoyo murefu kwakadeya kutaurwa nomuporofita Isaya muaya mashoko, anoti: “Wakamanikidzwa, kunyange zvakadaro wakazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwaiana rinoiswa kundobaiwa, uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.” (Isaya 53:7) Kunopupurira zvokwadi imwe cheteyo kutaura kwaPetro, kwokuti: “Iye wakati achitukwa, haana kutukazve, wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kuna iye unotonga zvakarurama.” (1 Petro 2:23) Vadzidzi vaJesu vanofanira kuva vakamuedza sei nokuitirana vaitiranazve nharo kwavo pamusoro pokuti ndiani akanga ari mukurusa! Bva, iye akanga ane mwoyo murefu naanoshivirira sei kwavari!—Marko 9:34; Ruka 9:46; 22:24.

14. Chii icho muenzaniso waJesu wokuva nomwoyo murefu unofanira kutisunda kuita?

14 Tinofanira kutevera muenzaniso uyo Jesu akagadza mukuva ane mwoyo murefu. Pauro akanyora, kuti: “Ngatimhanyei netsungiriro nhangemutange yakaiswa pamberi pedu, sezvatinotarisisa paMumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu. Iye akatsungirira padanda rokutambudzira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akazvidza kunyadziswa, uye akagara kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari. Zvamazvirokwazvo, sanorangarirai uyo akatsungirira kutaura kwakadaro kunopesana kwakaitwa navatadzi mukurwisana nefariro dzavo vamene, kuti mugorega kuneta ndokupera simba mumweya yenyu.”—VaHebheru 12:1-3, NW.

15. Tinoziva sei kuti Jesu akanga ane mwoyo murefu uye akatsungirira miedzo nenzira yokudisa?

15 Kuti Jesu akanga ane mwoyo murefu uye akatsungirira miedzo nokudisa kunogona kuoneka muchimiro chaakaratidzira panguva yokusungwa kwake. Pashure pokutuka Petro nokuda kwokutora munondo kuti adzivirire Tenzi vake, Jesu akati: “Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makurukuru ane gumi namaviri? Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanira kuitwa kudaro?”—Mateo 26:51-54; Johane 18:10, 11.

Mimwe Mienzaniso Yomwoyo Murefu

16. Magwaro anoratidza sei kuti mwanakomana waJakobho Josefa akanga ane mwoyo murefu?

16 Kunyange vanhu vasina kukwana, vanotadza vanogona kuratidzira mwoyo murefu. Magwaro echiHebheru ane mienzaniso yetsungiriro yokushivirira zvakaipa yavanhu vasina kukwana. Somuenzaniso, kuna Josefa, mwanakomana watateguru vechiHebheru Jakobho. Akatsungirira nenzira yokushivirira sei kusaruramisira kwakaitwa paari navakoma vake kuna baba nokwakaitwa nomudzimai waPotifari! (Genesi 37:18-28; 39:1-20) Josefa haana kubvumira miedzo iyoyi kumuita kuti akasharare. Ikoku kwakanga kuri pachena apo iye akaudza vakoma vake, kuti: “Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari wakandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.” (Genesi 45:4, 5) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini womwoyo murefu wakagadzwa naJosefa!

17, 18. Ufakazii hwomwoyo murefu hwatinahwo muchinoitika chaDhavhidhi?

17 Dhavhidhi ndomumwe muenzaniso womubatiri akatendeka waJehovha uyo akatsungirira zvakaipa nenzira yokushivirira, achiratidzira mwoyo murefu. Achirondwa sembwa naMambo ane godo Sauro, panhambo mbiri Dhavhidhi aigona kudai akatsiva kupfurikidza nokumuuraya. (1 Samueri 24:1-22; 26:1-25) Asi Dhavhidhi akamirira Mwari, sezvinogona kuonekwa mumashoko ake kuna Abhishai, okuti: “Jehovha ndiye uchamuuraya [Sauro]; zvimwe zuva rake rokufa richasvika, zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo. Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.” (1 Samueri 26:10, 11) Hungu, Dhavhidhi aigona kugumisa kuteverwa kwake naSauro. Panzvimbo pezvo, Dhavhidhi akasarudza kuva nomwoyo murefu.

18 Rangarirawo chakaitika apo Mambo Dhavhidhi akanga achitiza mwanakomana wake anonyengera Abhisaromi. Shimei, muBhenjamini weimba yaSauro, akakanda mabwe kuna Dhavhidhi ndokumutuka, achishevedzera, kuti: “Buda, buda, iwe munhu ane mhaka yeropa nomunhu akanakira pasina!” Abhishai aida kuti Shimei aurawe, asi Dhavhidhi akaramba kutsiva. Panzvimbo pokuita ikoko, iye zvakare akaratidzira vara romwoyo murefu.—2 Samueri 16:5-13, NW.

Rangarira Muenzaniso waPauro

19, 20. Muapostora Pauro akazviratidza amene sei kuva ane mwoyo murefu?

19 MuMagwaro echiKristu echiGiriki, tine mumwe muenzaniso wakaisvonaka womwoyo murefu womunhu asina kukwana—muapostora Pauro. Iye akaratidzira tsungiriro yokushivirira, mwoyo murefu, pamusoro pavose vari vaviri vavengi vake vorudzidziso navanhu vamwe navamwe vaitaura kuti maKristu. Hungu, Pauro akaratidzira mwoyo murefu kunyange zvazvo vamwe muungano yapaKorinte vakati: “[Tsamba, NW] dzake dzine mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, une utera, nokutaura kwake kunozvidzwa.”—2 VaKorinte 10:10; 11:5, 6, 22-33.

20 Naizvozvo, nechikonzero chakanaka, Pauro akaudza vaKorinte, kuti: “Asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamadambudziko, pakurohwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya; pakuchena kwomwoyo, pakuziva, pamwoyo murefu, paunyoro, pa[mudzimu mutsvene, NW], parudo rusinganyengeri.” (2 VaKorinte 6:4-6) Nenzira yakafanana, muapostora aigona kunyorera mushandi biyake Timotio, kuti: “Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomwoyo murefu, norudo, nokutsungirira, namadambudziko, nenhamo, . . . pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.” (2 Timotio 3:10, 11) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini uyo muapostora Pauro akatigadzira mukuva nomwoyo murefu!

21. Nyaya inotevera ingatibetsera sei?

21 Nenzira yakajeka, Magwaro akazara nemienzaniso yakaisvonaka yomwoyo murefu. Jehovha noMwanakomana wake anodiwa ndiyo mienzaniso mikurusa. Asi kunokurudzira sei kucherechedza kuti iri vara rakaratidzirwa navanhu vasina kukwana, vakadai saJosefa, Dhavhidhi, uye muapostora Pauro! Nyaya inotevera yakarongedzerwa kutibetsera kutevedzera mienzaniso yakaisvonaka yakadaro.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuva nomwoyo murefu hakungoreviwo zvako kutambura kwenguva refu. Kana munhu ari kutambura kwenguva refu akatsamwiswa kana kuti kushatirwa nemhaka yokusakwanisa kutsiva, aisazova ane mwoyo murefu.

Waizopindura Sei?

◻ Kuva nomwoyo murefu kunorevei?

◻ Jehovha ave ane mwoyo murefu zvikurukuru nokuda kwezvikonzeroi?

◻ Jesu akazviratidza amene kuva ane mwoyo murefu munzirai?

◻ Chibvumikisoi chapaMagwaro chiripo chokuti mwoyo murefu unogona kuratidzirwa navanhu vasina kukwana?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Josefa, Jesu, Dhavhidhi, Pauro, uye Jobho vaiva mienzaniso yomwoyo murefu

[Mufananidzo uri papeji 13]

Jesu akaratidzira mwoyo murefu kuvadzidzi vake

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe