Iva Nomwoyo Murefu Kuna Vose
“Tinokukumbirai, hama, kuraira vasina nhevedzano, kutaura nenzira inonyaradza kumweya yakaora mwoyo, kutsigira vakaneta, kuva nomwoyo murefu kuna vose.”—1 VATESARONIKA 5:14, NW.
1. Zvapupu zvaJehovha zvakaratidzira mwoyo murefu kupi uye mumigariroi?
MUENZANISO wakadini uyo Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha zvakagovera mukuva nomwoyo murefu! Zvakatsungirira nhamo nechitambudzo zvikuru mudzaichimbova nyika dzeNazi neFascist nomunyika dzakadai seMalawi kusvikira panguva ino. Zvinewo mwoyo murefu, ndeizvo zvinorarama mumhuri dzakakamuraniswa mune zvorudzidziso.
2. Zvinhui zviviri zvinoparira paradhiso yomudzimu iyo vanhu vaJehovha vanofarikanya?
2 Pasinei zvapo nechitambudzo nezvinetso zvavanowana, vanhu vakazvitsaurira vaJehovha vave vachifarikanya zvikomborero zveparadhiso yomudzimu. Zvamazvirokwazvo, maidi anoratidza kuti maKristu akazodzwa akavamba kuifarikanya mugore ra 1919. Chii chinoparira iyi paradhiso yomudzimu? Kutanga kwazvose, iyi migariro yeparadhiso iripo pakati pavanhu vaJehovha nemhaka yokuti Mwari akadzorera vabatiri vake vakazodzwa ku“nyika” yavo, kana kuti mugariro, wokunamata kwakachena. (Isaya 66:7, 8) Paradhiso yomudzimu inobudirirawo nemhaka yokuti munhu ari wose ari mairi anoratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari. Mwoyo murefu ndechimwe chaizvozvi. (VaGaratia 5:22, 23) Ukoshi hwevara irori kana toreva nezveparadhiso yedu yomudzimu hunogona kuonekwa muuku kutaura kwakaitwa nenyanzvi William Barclay: “Hakugoni kuva nechinhu chakadai soushamwari hwechiKristu pasina makrothumia [mwoyo murefu]. . . . Uye chikonzero chaikoko ndeichi bedzi—kuti makrothumia ivara guru raMwari (VaR. 2.4; 9.22).” (A New Testament Wordbook, peji 84) Hungu, mwoyo murefu unokosha zvakadaro!
Kuva Nomwoyo Murefu Nehama Dzedu
3. Jesu naPetro vakapa chifundoi pamusoro pokuva nomwoyo murefu?
3 Muapostora Petro sezviri pachena akanga ane chitambudzo mukuratidzira mwoyo murefu, nokuti akambobvunza Jesu, kuti: “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndikaikanganwira? Kusvikira kanomwe here?” Jesu akamupa zano, rokuti: “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.” (Mateo 18:21, 22) Namamwe mashoko, hakuna muganhu kuchiverengero chenguva dzatinofanira kushivirirana ndokukanganwira mumwe munhu ari kutitadzira. Pashure pokurangarira zvose, hatigoni kufungidzira kuti munhu upi noupi aizoverenga kusvikira ku 77! Bva, kuva anokanganwira zvakadaro zvirokwazvo kunoraira mwoyo murefu.
4. Neiko vakuru zvikurukuru vachifanira kuva nomwoyo murefu?
4 Pakunouya kukuratidzirwa kwomwoyo murefu nehama dzomudzimu, hapana panikiro kuti vakuru veungano vanofanira kuva vomuenzaniso. Shiviriro yavo ingaedzwa nemhaka yokuti vatendi biyavo vakati vangava vasingaitiri hanya kana kuti vasingakendengi. Vamwe vangava vanononozeka pakunouya kukururamisa tsika dzakashata. Vakuru vanofanira kungwarira kuti vasatsamwiswe nyore nyore kana kuti kugumburwa noutera hwehama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu. Panzvimbo pezvo, vafudzi vomudzimu ivava vanofanira kuyeuka zano, rokuti: “Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi.”—VaRoma 15:1.
5. Ndezvipi zvatinogona kushivirira kana tine mwoyo murefu?
5 Ipapo zvakare, kubonderana kwohunhu kungamuka nemhaka youtera hwomunhu nezvikanganiso. Nemhaka yokukundikana kana kuti zvimiro zvendangariro, tinotokonya hama dzedu, sokunge zvakadaro, uye dzingaita ikoko kwatiri. Naizvozvo, rakakodzera sei zano, rokuti: “Pfuurirai kushivirirana nokukanganwirana norusununguko kana munhu upi noupi ane chisakiso chokunyunyutira mumwe. Kunyange sezvo Jehovha akakukanganwirai norusununguko, imiwo itai saizvozvo.” (VaKorose 3:13, NW) “Kushivirirana” kunoreva kuva nomwoyo murefu, kunyange zvazvo tingava nezvikonzero zvakasimba zvokunyunyutira mumwe munhu. Hatifaniri kutsiva kana kuti kuranga hama yedu, kwete kunyange kuiitira mafemo.—Jakobho 5:9.
6. Neiko kuva nomwoyo murefu iri nzira youchenjeri?
6 Rinoshanda nenzira imwe cheteyo izano rinowanwa pana VaRoma 12:19, rokuti: “Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira, ndizvo zvinotaura [Jehovha, NW].’” ‘Kudziurira kutsamwa’ kunoreva kuva anononoka kutsamwa, kana kuti ane mwoyo murefu. Kuratidzira iri vara inzira youchenjeri, nokuti kunobetsera isu navamwe. Kana chinetso chamuka, isu timene tinonzwa zviri nani nemhaka yokuti kupfurikidza nokuva nomwoyo murefu, hatisati tiri kuita kuti zvinhu zvishate zvikuru. Uye munhu watinoshandisira mwoyo murefu anonzwawo zviri nani nemhaka yokuti hatisati tiri kumuranga kana kuti kutsiva munzira yakati. Hakushamisi kuti Pauro akaraira maKristu biyake ku“taura nenzira inonyaradza kumweya yakaora mwoyo, kutsigira vakaneta, kuva nomwoyo murefu kuna vose”!—1 VaTesaronika 5:14, NW.
Mukati Meboka Remhuri
7. Neiko vanhu vakaroorana vachifanira kuva nomwoyo murefu?
7 Kwakasanotaurwa kuti roorano inofadza mubatanidzwa wavakanganwiri vaviri vakanaka. Ikoko kunorevei? Kuti vanhu vakaroorana nenzira inofadza vane mwoyo murefu mukubata nomumwe nomumwe. Vanhu vamwe navamwe vanovanzokwezverwa kune mumwe nomumwe nemhaka yezvimiro zvavo zvakasiana. Iyi misiano ingava inofadza, bva ingavawo manyuko okupesana kunowedzera kunhamo nefunganyo dziri kutoparira maKristu akaroorana kuti ave ne“dambudziko munyama yavo.” (1 VaKorinte 7:28, NW) Somuenzaniso, ngatitii murume haakendengeri udzame kana kuti anokombamira kuva asingati ngwarirei kana kuti anoregeredza. Ikoku kungava kunoedza chaizvo kumudzimai wake. Asi kana zvikarakadzo zvinotaurwa nomutsa zvisingayamuri, angafanira zvake kushivirira utera hwake kupfurikidza nokuva nomwoyo murefu.
8. Neiko varume vangafanira kuva nomwoyo murefu?
8 Pane rumwe rutivi, mudzimai angapa ngwariro huru kuudzame ndokukombamira kunetsa murume wake. Ikoku kungasanoyeuchidza rugwaro, runoti: “Zviri nani kugara padenga pane kugoverana imba nomudzimai anonetsa.” (Zvirevo 25:24, Today’s English Version) Muchinoitika chakadaro, mwoyo murefu unodikanwa kuwirirana nezano raPauro, rokuti: “Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.” (VaKorose 3:19) Kunodawo mwoyo murefu kuti varume vateerere zano romuapostora Petro, rokuti: “Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Utera hwomudzimai wake pane dzimwe nguva hungaedza murume, asi mwoyo murefu uchamubetsera kuhushivirira.
9. Neiko mwoyo murefu uchidikanwa navabereki?
9 Vabereki vanofanira kuva nomwoyo murefu kana vachizobudirira mukurera vana vavo. Vaduku vangaita vaitazve mhosho dzimwe chetedzo. Vangaratidzika kuva vane chisimbwa kana kuti vanononoka kudzidza uye vangaedza vabereki vavo nenzira inopfuurira. Mumigariro yakadaro, vabereki vechiKristu vanofanira kunonoka kutsamwa, vasingarasikirwi nokuzvidzora kwavo kana kuti dzikamo asi kuramba vakadzikama vachiva vakasimba nokuda kwenheyo dzakarurama. Madzibaba anofanira kuyeuka kuti iwowo akambova vaduku pane imwe nguva uye aiitawo zvikanganiso. Anofanira kushandisa zano raPauro, rokuti: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”—VaKorose 3:21.
Naavo Vari Kunze
10. Tinofanira kuita sei panzvimbo yedu yebasa, sezvinoonekwa nechinoitika chipi?
10 Nemhaka yokusakwana kwavanhu noudyire, migariro isingafadzi ingamuka kunzvimbo yebasa yomuKristu. Inzira youchenjeri kuva anongwarira pakutaura uye kushivirira zvakaipa nokuda kworugare. Chinoratidza kuti ikoku kunogona sei kuva kuchenjera ndichinoitika chomuKristu uyo akanga ari nyajambwa wokusabvumirana kukuru kwaiparirwa nomushandi biyake ane shanje. Nemhaka yokuti hama yacho haina kuita ikoku nhau yakakomba asi yakanga ine mwoyo murefu, pashure penguva yakati yakakwanisa kutanga fundo yeBhaibheri nomushandi akanga ave achinetsa.
11. Ndirini zvikurukuru patinofanira kuva nomwoyo murefu, uye nei?
11 Vanhu vaJehovha zvikurukuru vanofanira kuva nomwoyo murefu pakupupurira kuavo vari kunze kweungano yechiKristu. Nguva nenguva, maKristu anosangana nemhinduro dzokuvirima kana kuti dzehasha. Kwaizova kwakakodzera kana kuti kwokuchenjera kupindura zvakafanana here? Aiwa, nokuti ikoko hakusati kwaizova kuratidzira mwoyo murefu. Nzira youchenjeri ndeyokuyeuka ndokutevera chirevo chokuchenjera, chokuti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.”—Zvirevo 15:1.
Kutenda Netariro Zvinoyamura Mukuratidzira Mwoyo Murefu
12, 13. Mavarai achatibetsera kuva nomwoyo murefu?
12 Chii chinogona kutibetsera kuratidzira mwoyo murefu, kushivirira migariro inotambudza? Chimwe chinhu kutenda muzvipikirwa zvaMwari. Tinofanira kudavira shoko raMwari. Magwaro anoti: “Hakuna muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” (1 VaKorinte 10:13) Namamwe mashoko, mumwe wekare, akati: “Kana Mwari achikubvumira, ndinogona kukushivirira.” Hungu, tinogona kukushivirira kupfurikidza nokuva nomwoyo murefu.
13 Yakasanobatana nokutenda itariro muUmambo hwaMwari. Apo hunodzora pamusoro papasi, migariro yose yakaipa inotiparira nhamo ichabviswa. Muna ikoku, wezvamapisarema Dhavhidhi akati: “Rega kutsamwa, urashe hasha, usava neshungu, zvinongotadzisa munhu. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:8, 9) Tariro yechokwadi yokuti Mwari achakurumidza kubvisa migariro yose iyoyi inotambudza inotibetsera kuva vane mwoyo murefu.
14. Ndichinoitikai chinoratidza chikonzero nei tichifanira kuva nomwoyo murefu kumukwanyina asingatendi?
14 Tinofanira kuita sei kana mukwanyina asingatendi achitiparira nhamo? Ramba uchitarira kuna Mwari nokuda kwebetsero, uye ramba uchikarira kuti mushori achava munamati waJehovha. Mudzimai womumwe muKristu pane dzimwe nguva airamba kugadzira zvokudya zvake nokugeza mbatya dzake. Aishandisa mutauro wakashata, aisataura naye kwamazuva, uye kunyange kuedza kuti atsingwe kupfurikidza nouroyi. “Asi,” iye akadaro, “nguva imwe neimwe ndakatendeukira kuna Jehovha mumunyengetero, uye ndaivimba Naye kuti andibetsere kukudziridza vara rakanaka romwoyo murefu kuti ndisarasikirwe nedzikamo yangu yechiKristu. Ndaikarirawo kuti rimwe zuva chimiro chake chomwoyo chaizochinja.” Pashure pamakore 20 okubatwa kwakadaro, mudzimai wake akavamba kuchinja, uye iye akati: “Ndinoonga sei kuna Jehovha kuti akandibetsera kusakurira chibereko chomudzimu, mwoyo murefu, nemhaka yokuti zvino ndinogona kuona muuyo wacho: Mudzimai wangu akatanga kufamba munzira youpenyu!”
Munyengetero, Kuzvininipisa, Uye Rudo Zvichabetsera
15. Neiko munyengetero uchigona kutibetsera kuva nomwoyo murefu?
15 Munyengetero ndiimwe betsero huru mukuratidzira mwoyo murefu. Pauro akakurudzira, kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi, asi muchinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero nokuteterera pamwe chete nokuonga mikumbiro yenyu ngaiziviswe kuna Mwari; uye rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu namasimba enyu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7, NW) Yeukawo kuteerera pangiro, yokuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azungunuswe.”—Pisarema 55:22.
16. Mukuva nomwoyo murefu, kuzvininipisa kunogona sei kutibetsera?
16 Kuzvininipisa ndiimwezve betsero huru mukusakurira chibereko chomudzimu chomwoyo murefu. Munhu anodada ane chinya. Anogumburwa nyore nyore, anokurumidza kutsamwa, uye haasati achizotsungirira kubatwa kupi nokupi kusina kunaka. Kwose ikoku imhesano yokuva ane mwoyo murefu. Asi munhu anozvininipisa haasati achizozvirangarira amene zvakakomba zvikuru. Iye achamirira Jehovha, sezvakaita Dhavhidhi paaivhimwa naMambo Sauro uye kutukwa naShimei muBhenjamini. (1 Samueri 24:4-6; 2 Samueri 16:5-13) Nokudaro, tinofanira kushuva kufamba “nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu muchiitirana mwoyo murefu murudo.” (VaEfeso 4:2) Uyezve, tinofanira ku‘zvininipisa timene mumeso aJehovha.’—Jakobho 4:10.
17. Neiko rudo ruchatibetsera kuva nomwoyo murefu?
17 Zvikurukuru rudo rusina udyire runotibetsera kuva nomwoyo murefu. Zvamazvirokwazvo, “rudo rune mwoyo murefu,” nokuti runotiparira kuva nefariro dzakanakisisa dzavamwe pamwoyo. (1 VaKorinte 13:4) Rudo runotigonesa kuva netsitsi, kuzviisa timene mumugariro wavamwe, sokunge zvakadaro. Uyezve, rudo runotibetsera kuva nomwoyo murefu nemhaka yokuti “runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose. Rudo harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:7, 8) Hungu, rwiyo rwoUmambo nhamba 200 mubhuku raImbirai Jehovha Rumbidzo, runoti:
“Rudo rwoona runako.
Runovaka uhama.
Rune mutsa kuvatadzi,
Rwowana zvakanaka.”
Kuva Nomwoyo Murefu Nomufaro Here?
18. Kunobvira sei kuva nomwoyo murefu nomufaro?
18 Pauro akanyengetera kuti vatendi biyake muKorose vazadzwe nezivo yakarurama yokuda kwaMwari kuti vafambe zvakafanira Jehovha, kumufadza, uye kubereka chibereko mubasa riri rose rakanaka. Nokudaro vaizo“simbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomwoyo murefu, nomufaro.” (VaKorose 1:9-11) Zvisinei, mumwe munhu anogona sei kuva no“mwoyo murefu nomufaro”? Ikoko hakusati kuchipokanidza, nokuti kuva nomufaro unodudzwa muMagwaro haisati iri nhauwo zvayo yokuva asingafunganyi kana kuti anofara. Chibereko chomudzimu chomufaro chinobatanidza kunzwa kwegutsikano huru pamusoro pokuita chinhu chakarurama pamberi paMwari. Iratidzirwowo yetariro yokugamuchira tuso yakapikirwa somuuyo wokushandisa mwoyo murefu. Ndicho chikonzero nei Jesu akati: “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarisise kwazvo; nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.”—Mateo 5:11, 12.
19. Mienzanisoi inoratidza kuti kunobvira kuva zvose zviri zviviri ane mwoyo murefu naanofara?
19 Jesu akanga ane mufaro wakadaro. Zvamazvirokwazvo, “iye akatsungirira padanda rokutambudzira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akazvidza kunyadziswa.” (VaHebheru 12:2, NW) Mufaro iwoyo wakagonesa Jesu kuva nomwoyo murefu. Nenzira yakafanana, rangarira chakaitika apo vaapostora vakabhurwa ndokurairwa kuti va“rege kutaura nezita raJesu.” Ivo “vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake. Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo.” (Mabasa 5:40-42) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini unobvumikisa kuti vateveri vaKristu vanogona kuva nomwoyo murefu nomufaro!
20. Kana tichiratidzira mwoyo murefu, ikoku kunogona sei kutapura ukama hwedu navamwe?
20 Shoko raMwari zvirokwazvo rinopa zano rokuchenjera parinotipangira kusatsiva, kunonoka kutsamwa patinenge tichikarira zvakanakisisa—hungu, kuva nomwoyo murefu! Tinoda munyengetero wenguva dzose nechibereko ichochi chomudzimu waMwari kuti tifambidzane nehama dzedu nehanzvadzi dziri muungano, naavo vari muboka redu remhuri, navanhu vari kunzvimbo yedu yebasa, uye navanhu vamwe navamwe vatinosangana navo muushumiri hwechiKristu. Uye chii chinogona kutibetsera kuratidzira mwoyo murefu? Kutenda, tariro, kuzvininipisa, mufaro, uye rudo. Zvirokwazvo, namavara akadaro tinogona kuva nomwoyo murefu kuna vose.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko mwoyo murefu uchikosha kukugoverana kwedu muparadhiso yomudzimu?
◻ Neiko vakuru zvikurukuru vachifanira kuva nomwoyo murefu?
◻ Neiko mwoyo murefu uchifanira kusakurirwa navarume navadzimai?
◻ Ndimamwe mavarai achatibetsera kuva nomwoyo murefu?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Izanoi rakabva kuna Jesu rakabetsera Petro kuva nomwoyo murefu?