Famba Sezvinoraidzwa naJehovha
“Ndiraidzei, Haiwa Jehovha, pamusoro penzira yenyu. Ndichafamba muzvokwadi yenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.”—PISAREMA 86:11, NW.
1, 2. Chii chinosunda Zvapupu zvaJehovha kuramba kugamuchira kuisirwa ropa?
“ZVIMWE Zvapupu zvaJehovha zvakarurama mukuramba kushandiswa kwezvinhu zveropa, nokuti ndokwechokwadi kuti chiverengero chinokosha chezvinhu zvinogona kuparira hosha chinogona kupfuudzwa neropa rakaisirwa.”—Le Quotidien du Médecin yezuva nezuva yokurapa yeFrance, December 15, 1987.
2 Vamwe vakarava tsinhiro iyoyo vangave vakarangarira kuva mhanza zvayo yokuti Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kuisirwa ropa kare kare kusati kwazivikanwa zvikurukuru kuti ikoku kunogona kuva kune ngozi sei, kunyange kunouraya. Asi chimiro icho Zvapupu zvaJehovha zvakaita paropa hachisati chiri netsaona, uyewo hachisati chiri mutemo wakatangwa nesekete rakati rechienzi, chimiro chinobva murutyo rwokuti ropa harina kunaka. Panzvimbo pezvo, Zvapupu zvinoramba ropa nemhaka yokutsunga kwazvo kufamba nenzira yokuteerera pamberi poMuraidzi Mukuru wazvo—Mwari.
3. (a) Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro pokutsamira pana Jehovha? (b) Muuyoi uyo Dhavhidhi akakarira nemhaka yokuvimba naMwari?
3 Mambo Dhavhidhi, uyo akanzwa kutsamira kwake pana Mwari, akatsunga kuraidzwa naye uye ‘kufamba muzvokwadi yake.’ (Pisarema 86:11) Dhavhidhi akambopangirwa kuti kana akadzivisa kuva nemhaka yeropa mumeso aMwari, ‘mweya [wake] waigona kubvumikisa kuva wakaputirwa mubhegi roupenyu naJehovha.’ (1 Samueri 25:21, 22, 25, 29) Sezvo vanhu vaiputira zvinokosha kuti vazvidzivirire ndokuzvichengeta, naizvozvo upenyu hwaDhavhidhi hwaigona kudzivirirwa ndokuchengetwa naMwari. Achigamuchira pangiro yokuchenjera, Dhavhidhi haana kutsvaka kuzviponesa amene kupfurikidza nenhamburiko dzomunhu oga asi aivimba noUyo waakanga ane musengwa woupenyu kwaari: “Muchandiratidza nzira youpenyu; mufaro wakazara uri pamberi pangu; paruoko rwenyu rworudyi pane zvinofadza nokusingaperi.”—Pisarema 16:11.
4. Neiko Dhavhidhi aida kuraidzwa naJehovha?
4 Nechimiro ichocho, Dhavhidhi haana kunzwa kuti iye somunhu oga aigona kusarudza kuti mitemoi youmwari yakanga yakanaka kana kuti yaida kuteererwa. Chimiro chake chakanga chiri: “Ndiraidzei, Haiwa Jehovha, munzira yenyu, uye nditungamirirei munzira yokururama.” “Ndiraidzei, Haiwa Jehovha, pamusoro penzira yenyu. Ndichafamba muzvokwadi yenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu. Ndinokurumbidzai, Haiwa Jehovha Mwari wangu, nomwoyo wangu wose.” (Pisarema 27:11; 86:11, 12, NW) Padzimwe nguva kufamba muzvokwadi pamberi paMwari kungaratidzika kuva kusina kukodzera kana kuti kungareva kurasikirwa kukuru, asi Dhavhidhi aida kuraidzwa munzira yakarurama uye kufamba mairi.
Kuraidzwa Pamusoro Peropa
5. Dhavhidhi angadai akazivei pamusoro pechimiro chaMwari paropa?
5 Kwakafanirwa nokucherekedza kwedu kuti kuvambira pahukomana zvichienda mberi, Dhavhidhi akanga adzidziswa murangariro waMwari weropa, uri murangariro wakanga usiri chakavanzika chorudzidziso. Apo Mutemo wairavirwa vanhu, Dhavhidhi angave akanzwa izvi: “Mweya wenyama uri muropa, uye ini ndimene ndakariisa paatari kuti imi muyananise mweya yenyu, nemhaka yokuti iropa rinoyananisa kupfurikidza nomweya uri mariri. Ndicho chikonzero nei ndakati kuvanakomana vaIsraeri: ‘Hakuna mweya wenyu unofanira kudya ropa uye hakuna mugari wechienzi uyo ari kugara pakati penyu somuenzi anofanira kudya ropa.’”—Revhitiko 17:11, 12, NW; Dheuteronomio 4:10; 31:11.
6. Kwakanga kuine kudikanwa kunopfuurira sei kwokuti vabatiri vaMwari varaidzwe pamusoro peropa?
6 Chero bedzi Mwari akashandisa Israeri savanhu vake vakaunganidzwa, avo vaida kumufadza vaifanira kuraidzwa pamusoro peropa. Chizvarwa pashure pechizvarwa chavakomana navasikana vaIsraeri nokudarozvo vakaraidzwa. Asi muraidzo wakadaro waizopfuurira pashure pokunge Mwari agamuchira ungano yamaKristu, achivaumba kuva “Israeri waMwari” here? (VaGaratia 6:16) Hungu, zvamazvirokwazvo. Murangariro waMwari weropa hauna kuchinja. (Maraki 3:6) Chimiro chake chakataurwa pamusoro pokusashandisa ropa zvisina kufanira chaivapo pamberi pokunge sungano yoMutemo yatanga kushanda, uye chakapfuurira pashure pokunge Mutemo wagumiswa.—Genesi 9:3, 4; Mabasa 15:28, 29.
7. Neiko kuraidzwa naMwari pamusoro peropa kuchikosha kwatiri?
7 Ruremekedzo nokuda kweropa runokosha zvikuru kuchiKristu. ‘Ikoko hakusati kuri kukatutsira here?’ vamwe vangabvunza kudaro. Bva, chii chiri chinokosha zvikuru kuchiKristu kana chisati chiri chibairo chaJesu? Uye muapostora Pauro akanyora, kuti: “Uyo [Jesu] watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake.” (VaEfeso 1:7) The Inspired Letters, rakashandurwa naFrank C. Laubach, rinoshandura ndima yacho, kuti: “Ropa raKristu rakatiripira uye zvino tiri Vake.”
8. “Boka guru” rinotsamira sei paropa nokuda kwoupenyu?
8 Vose vanokarira kupukunyuka “dambudziko guru” roswedera pedyo uye kufarikanya zvikomborero zvaMwari muparadhiso yapasi vanotsamira paropa rakadeurwa raJesu. Zvakazarurwa 7:9-14, (NW) inovarondedzera ndokutaura mukuhwirudzura zvomunguva yakapfuura, ichiti: “Ivava ndivo vanobuda mudambudziko guru, uye vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana.” Cherekedza mutauro wacho pano. Hausati uchitaura kuti ava vanoponeswa mudambudziko vakanga ‘vagamuchira Jesu’ kana kuti ‘kuisa kutenda maari,’ kunyange zvazvo iwayo zvirokwazvo ari mativi anokosha. Unopfuurira ndokutaura kuti vaka“suka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa ra[Jesu].” Ikoko imhaka yokuti ropa rake rine ukoshi hunodzikinura.
9. Neiko kuteerera Jehovha pamusoro peropa kwakakomba kwazvo?
9 Kunzwisisa uhu ukoshi kunobetsera Zvapupu zvaJehovha kuva zvakatsunga kusashandisa ropa zvisina kufanira, kunyange kana murapi akataura zvapachokwadi kuti kuisira kunokosha. Angadavira kuti betsero dzinobvira dzokuisira dzinokunda ngozi dzoutano dzinopiwa neropa rimene. Asi muKristu haagoni kufuratira ngozi yakatokomba zvikuru, ngozi yokurasikirwa netendero yaMwari kupfurikidza nokubvuma kushandiswa kusina kufanira kweropa. Pauro akambotaura nezvaavo vano“ita chivi noune pashure pokunge vagamuchira zivo yakarurama yezvokwadi, (NW).” Neiko chivi chipi nechipi chorudzi irworwo chakakomba kwazvo? Nemhaka yokuti munhu akadaro “wakatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, . . . akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harina maturo zvaro.”—VaHebheru 9:16-24; 10:26-29.
Betsera Vamwe Kuraidzwa
10. Chii chiri seri kwokutsunga kwedu kurega ropa?
10 Isu tinonzwisisa chibairo chorudzikinuro chaJesu tinongwarira kusaita chivi, tichiramba ukoshi hunoponesa upenyu hweropa rake. Tafungisisa nhau yacho, tinoziva kuti kuonga kwakapfava kuna Mwari nokuda kwoupenyu kunofanira kutisunda kuramba kubvumiraniswa pane zvisina kufanira kupi nokupi kwemitemo yake yakarurama, iyo tine chivimbo chokuti yakapiwa nefariro dzedu dzakanakisisa pamwoyo—fariro dzedu dzenguva refu dzakanakisisa. (Dheuteronomio 6:24; Zvirevo 14:27; Muparidzi 8:12) Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvavana vedu?
11-13. Murangariroi usina kururama pamusoro pavana vavo neropa uyo vamwe vabereki vechiKristu vanawo, uye nei?
11 Apo vana vedu vanenge vari vacheche kana kuti vaduku zvikuru zvokusagona kunzwisisa, Jehovha Mwari anogona kuvarangarira savakachena navanogamuchirika pahwaro hwokuzvipira kwedu. (1 VaKorinte 7:14) Naizvozvo ndokwechokwadi kuti vana vari mumhuri yechiKristu vangave vasati vanzwisisa uye vaita chisarudzo pamusoro pokuteerera mutemo waMwari paropa. Zvisinei, tiri kuita unani hwedu kuvaraidza muiyi nhau inokosha here? Vabereki vechiKristu vanofanira kurangarira ikoko zvakakomba, nokuti vamwe vabereki vanoratidzika kuva vane chimiro chisina kururama pamusoro pavana vavo neropa. Vamwe vanoratidzika kuva vanonzwa kuti havana chaizvoizvo udzori hukuru pamusoro pokuti vana vavo vaduku vanoisirwa here. Neiko vane uyu murangariro usina kururama?
12 Nyika zhinji dzine mitemo kana kuti masangano ehurumende zvokudzivirira vana vanoregeredzwa navanobatwa zvisina kufanira. Vana veZvapupu zvaJehovha havasati vari kuregeredzwa kana kuti kubatwa zvisina kufanira apo vabereki vanosarudza mukupesana nokubvumira mwanakomana wavo anodiwa kana kuti mwanasikana kupiwa ropa, vachikumbira panguva imwe cheteyo kushandiswa kwokurapa kunotsiva uko mushonga wazvino unogona kugovera. Kunyange mumurangariro wezvokurapa, ikoku hakusati kuri kuregeredza kana kuti kubatwa zvisina kufanira, tichirangarira ngozi dzinobvumwa dzokurapa kwokuisira. Kushandiswa kwamaruramiro okuyera ngozi dzinobatanidzwa uye ipapo kusarudza kurapwa.a Bva, gadziriro dzapamutemo dzakatendeukirwa kwadziri navamwe varapi vaitsvaka chiremera chokumanikidzira kuisira kusingadikanwi.
13 Vamwe vabereki, vachiziva kuti kungava nyore kuti varapi vawane tsigiro yedare yokuisira muduku, vanganzwa kuti nhau yacho haisati iri mumaoko avo, kuti hakuna chinhu icho vabereki vanogona kana kuti vanofanira kuita. Murangariro iwoyo hauna kururama sei!—Zvirevo 22:3.
14. Dhavhidhi naTimotio vakaraidzwa sei muupwere hwavo?
14 Tacherekedza kuti Dhavhidhi akaraidzwa munzira yaMwari kuvambira paupwere hwake zvichienda mberi. Ikoko kwakamushongedzera kurangarira upenyu sechipo chinobva kuna Mwari uye kuziva kuti ropa rinomirira upenyu. (Enzanisa na 2 Samueri 23:14-17.) Timotio akaraidzwa mukufunga kwaMwari “kubvira paucheche.” (2 Timotio 3:14, 15) Haubvumi here kuti kunyange apo Dhavhidhi naTimotio vakanga vari pasi periri nhasi zera rapamutemo roukuru, vanofanira kuve vakakwanisa kuzvitaurira vamene zvakanaka panhau dzinobatanidza kuda kwaMwari? Nenzira yakafanana, asati ambova ezera rapamutemo, maKristu maduku nhasi anofanira kuraidzwa munzira yaMwari.
15, 16. (a) Murangariroi wakatanga mune dzimwe nzvimbo pamusoro pamaruramiro avaduku? (b) Chii chakatungamirira kukupiwa ropa kwomumwe muduku?
15 Mune dzimwe nzvimbo anonzi mwana akura anopiwa maruramiro akafanana naayo avakura. Kwakavakirwa pazera kana kuti kufunga kwoukuru, kana kuti zvose zviri zviviri, pwere ingarangarirwa seyakura zvakakwana kuita zvisarudzo zvayo imene pakurapwa. Kunyange uko ikoku kusiri mutemo, vatongi kana kuti vakuru vakuru vangakoshesa zvikuru zvido zvepwere inokwanisa kutaura zvakajeka chisarudzo chayo chakasimba pamusoro peropa. Nenzira yakapesana, apo pwere inenge isingagoni kutsanangura zvitendero zvayo zvakajeka uye nenzira youkuru, dare ringanzwa kuti rinofanira kusarudza chinoratidzika kuva chakanakisisa, sezvaringaitira mucheche.
16 Mumwe murume muduku akanga afunda Bhaibheri achirega achifundazve kwamakore asi akanga asina kubhapatidzwa. Pasinei hapo nokuva kwake ane mavhiki manomwe bedzi kubva pazera raaizowana “maruramiro okuzvirambira amene kurapwa,” chipatara chakanga chichimurapa nokuda kwekenza chakatsvaka tsigiro yedare kuti chimuisire mukurwisana nezvido zvake neizvo zvavabereki vake. Mutongi anotungamirirwa nehana akamubvunza pamusoro pezvitendero zvake paropa ndokubvunza mibvunzo mikuru, zvakadai samazita amabhuku mashanu okutanga eBhaibheri. Murume muduku aisagona kuadudza kana kuti kupa chipupuriro chinopwisa chokuti ainzwisisa chikonzero nei akaramba ropa. Nenzira inosuruvarisa, mutongi wacho akabvumira kuisira, achitsinhira, kuti: “Kuramba (k)wake kubvuma kuisirwa ropa hakuna kuvakirwa panzwisiso yakakwana yezvitendero zvake amene zvorudzidziso.”
17. Chimiroi icho mumwe musikana ane makore 14 okukura akaita pamusoro pokupiwa ropa, nomuuyoi?
17 Nhau dzingaitika zvakasiana nokuda kwomuduku akasanoraidzwa munzira dzaMwari uye ari kufamba nokushingaira muzvokwadi Yake. Mumwe muKristu muduku zvikuru akanga ane rudzi rwakafanana rwechienzi rwekenza. Musikana wacho navabereki vake vakanzwisisa ndokugamuchira kurapwa nemishonga kwakachinjwa nenyanzvi yapachipatara chakakurumbira. Zvisinei, nhau yacho yakaendeswa kudare. Mutongi akanyora, kuti: “D.P. akapupurira kuti aizoramba kuisirwa ropa munzira ipi neipi yaaigona. Iye akarangarira kuisira kuva kuvhozhokerwa kwomuviri wake ndokukuenzanisa nokubatwa chibharo. Iye akakumbira Dare kuremekedza chisarudzo chake ndokumubvumidza kupfuurira pa[chipatara chacho] pasina kuisirwa ropa kwakarairwa neDare.” Muraidzo wechiKristu waakanga agamuchira wakamuyamura paiyi nguva yakaoma.—Ona bhokisi.
18. (a) Mumwe musikana aitambura akaita chimiroi chakasimba pamusoro pokugamuchira ropa? (b) Chii icho mutongi akasarudza pamusoro pokurapwa kwake?
18 Mumwe musikana wamakore 12 okukura akanga achirapwa nokuda kweleukemia. Rimwe sangano regarikano yavana rakaendesa nhau yacho kudare kuti ropa rigone kumanikidzirwa paari. Mutongi akagumisa kuti: “L. audza dare rino zvakajeka uye nenzira yakapfava kuti, kana kuedza kukaitwa kumuisira ropa, acharwisa kuisira ikoko nesimba rose raanogona kuunganidza. Ataura, uye ndinomudavira, kuti achazhamba nokurwisa uye kuti achavhomora jekiseni muruoko rwake uye achaedza kuparadza ropa riri mubhegi riri pamusoro pomubhedha wake. Ndinoramba kuita kuraira kupi nokupi uko kungazopinza uyu mwana muchinetso ichocho . . . Nouyu murwere, kurapa kwakakarakadzwa nechipatara kunoshanda kuhosha yacho bedzi mupfungwa yomuviri. Kunokundikana kushanda kuzvinodikanwa zvake zvendangariro nezvitendero zvake zvorudzidziso.”
Vabereki—Sanoraidzai
19. Musengwai chaiwo uyo vabereki vanofanira kuita kuvana vavo?
19 Zvinoitika zvakadaro zvine shoko rine simba nokuda kwavabereki vanoshuva kuti vose vari mumhuri yavo vararame mukuwirirana nomutemo waMwari paropa. Chimwe chikonzero nei Abrahama akanga ari shamwari yaMwari ndechokuti Iye aiziva kuti tateguru wacho aizo“raira vanakomana vake nemhuri yake pashure pake kuti va[gozo]chengeta nzira yaJehovha yokuita zvakarurama.” (Genesi 18:19, NW) Ikoku hakufaniri kuva kwechokwadi nezvavabereki vechiKristu nhasi here? Kana iwe uri mubereki, uri kuraidza here vana vako vanodiwa kufamba munzira yaJehovha kuti nguva dzose vagova “vakagadzirira kuita dziviriro pamberi pomunhu ari wose anoraira . . . chikonzero chetariro iri [mavari], asi vachiita saizvozvo pamwe chete nounyoro noruremekedzo rukuru”?—1 Petro 3:15, NW.
20. Chii chatinofanira kuda zvikurukuru kuti vana vedu vazive uye kudavira pamusoro peropa? (Dhanieri 1:3-14)
20 Kunyange zvazvo kungava kwakanaka kuti vana vedu vaziviswe pamusoro pengozi dzehosha nedzimwe njodzi dzokuisirwa ropa, kuraidza vana vedu mumutemo wakakwana waMwari paropa hakurevi zvikurukuru kuedza kuroverera rutyo rweropa. Kudai, somuenzaniso, mutongi akabvunza musikana chikonzero nei aisada kupiwa ropa uye mhinduro yake yakanga iri zvikurukuru yokuti aifunga ropa kuva rine ngozi zvikuru kana kuti rinotyisa, chii chaigona kuva muuyo? Mutongi angagumisa kuti akanga angoriwo zvake muduku naanotyiswa zvikuru, sezvo angatya kwazvo kubviswa apendikisi zvokuti aizochema ndokudzivisa uku kuvhiyiwa uko kunyange vabereki vake vainzwa kuti kwakanga kwakamunakira. Uyezve, tacherekedza pakuvamba kuti chikonzero chikuru nei maKristu achiramba kuisira hachisati chiri chokuti ropa rakashatiswa asi kuti rinokosha kuna Mwari wedu noMupi woUpenyu. Vana vedu vanofanira kuziva ikoko, pamwe chete nokuti ngozi dzinobvira dzokurapa dzeropa dzinopa ukoshi hwakawedzerwa kuchimiro chedu chorudzidziso.
21. (a) Vabereki vanofanira kudzidzei pamusoro pavana vavo nomurangariro weBhaibheri weropa? (b) Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo pamusoro peropa?
21 Kana une vana, une chokwadi chokuti vanobvuma uye vanogona kutsanangura chimiro chakavakirwa paBhaibheri pakuisira here? Vanodavira zvirokwazvo ichi chimiro kuva kuda kwaMwari here? Vanopwiswa kuti kuputsa mutemo waMwari kwaizova kwakakomba kwazvo zvokuti kungagona kuisa mungozi kariro yomuKristu youpenyu husingaperi here? Vabereki vakachenjera vachahwirudzura idzi nhau navana vavo, vangava vari vaduku zvikuru kana kuti vanodokuva vakura. Vabereki vangava namarusando erovedzo umo pwere imwe neimwe inonangana nemibvunzo ingabvunzwa nomutongi kana kuti mukuru mukuru wechipatara. Nharidzano yacho haisati iri yokuita kuti pwere idzokorore nomusoro maidi akasarudzwa kana kuti mhinduro. Kunokosha zvikuru kuti vazive icho ivo vanodavira, uye chikonzero nei. Chokwadika, pakutongwa mudare, vabereki kana kuti vamwe vangapa mashoko pamusoro penjodzi dzeropa nokuwanikwa kwemishonga inotsiva. Asi izvo mutongi kana kuti mukuru mukuru sezvingabvira angatsvaka kudzidza mukutaura navana vedu ndechokuti vanonzwisisa noukuru here mugariro wavo nezvisarudzo uyewo kana vane zvinokosha zvavo vamene nemifungo yakasimba.—Enzanisa na 2 Madzimambo 5:1-4.
22. Chii chinogona kuva muuyo wechigarire wokuraidzwa kwedu naMwari pamusoro peropa?
22 Tose zvedu tinoda kunzwisisa ndokubatirira zvakasimba kumurangariro waMwari weropa. Zvakazarurwa 1:5 inorondedzera Kristu souyo ‘anotida uye akatisunungura muzvivi zvedu kupfurikidza neropa rake amene.’ Kupfurikidza bedzi nokugamuchira ukoshi hweropa raJesu tinogona kuwana kukanganwirwa kwakazara nokusingagumi kwezvivi zvedu. VaRoma 5:9 inoti nenzira yakajeka: “Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaporeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.” Kuchenjera sei, ipapoka, nokuda kwedu uye nokuda kwavana vedu kuraidzwa naJehovha paiyi nhau uye kuva vakatsunga kufamba munzira yake nokusingaperi!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona How Can Blood Save Your Life?, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, mapeji 21-2, 28-31.
Mapfundo Makuru Omuraidzo
◻ Murangariroi watinofanira kuva nawo pamusoro pokuraidzwa naJehovha?
◻ Neiko kuteerera mutemo waMwari paropa kuchikosha kwazvo?
◻ Neiko kuchikosha kuti pwere dzikwanise kutsanangura zvakajeka nezvakasimba mifungo yadzo pamusoro peropa?
◻ Vabereki vechiKristu vanogona sei kubetsera vana vavo kuva vanosanoraidzwa mumutemo waJehovha paropa?
[Bhokisi riri papeji 17]
DARE RAKAORORWA
Chii icho chisarudzo chedare chakataura pamusoro paD.P., adudzwa mundima 17?
“Dare rakaororwa zvikurusa nouchenjeri, dzikamo, chiremera, uye simba zvouyu muduku ane makore 14-1/2 okukura. Iye angave akakurirwa nokuwana kuti akanga ane rudzi rwekenza runouraya . . . Kunyanguvezvo, akanga ari munhu muduku akakura uyo akauya kuDare kuzopupurira. Akaratidzika kuva akapa ngwariro zvakajeka pabasa rakaoma rakanga rakatarisana naye. Akanga apinda marusando ose okupa zano, abvumirana negadziriro yakati yokurapa, akudziridza uzivi hune mufungo pamusoro pokuti iye somunhu aizotarisana sei neiyi denho yokurapwa, uye akauya kuDare ane chikumbiro chinoorora: remekedzai chisarudzo changu . . .
“Mukuwedzera kuukuru hwake, D.P. akataura hwaro hwakakwana zvechisarudzo chake nokuda kwokuti Dare richiremekedze. Mumudzimu, mundangariro, mutsika, uye mumifungo aizokuvadzwa negadziriro yokurapwa iyo yaibatanidza kuisirwa ropa. Dare richaremekedza chisarudzo chake chegadziriro yokurapwa.”
[Mufananidzo uri papeji 16]
Mutongi kana kuti mutarisiri wechipatara angada kuziva icho pwere yechiKristu inodavira chaizvoizvo, uye chikonzero nei