RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 7/1 pp. 20-23
  • ‘Kurarama Ndichisanorangarira Zuva raJehovha’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kurarama Ndichisanorangarira Zuva raJehovha’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa reBheteri
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
  • Kufamba
  • Ndinowana Shamwari
  • Uchapupu Kuchikomborero chaJehovha
  • Ndichiri Kukarira Zuva raJehovha
  • Kuzivisa Mashoko Akanaka Zvisingaregi (1942-1975)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kwandasvitswa Nebasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Upenyu Hwakapfuma Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 7/1 pp. 20-23

‘Kurarama Ndichisanorangarira Zuva raJehovha’

YAKATAURWA NALYLE REUSCH

KUVAMBIRA payeuko yangu yapakuvamba zvikurusa, upenyu hwedu hwemhuri hwakanga hwakavakirwa pachitendero chakasimba munyika itsva inouya yokururama. Amai vangu nababa vairavira isu vana Bhaibheri pamusoro pa‘matenga matsva nepasi idzva’ uye pamusoro pe‘mhou nebere zvinofura pamwe chete, shumba ichidya uswa sezvinongoita nzombe, uye mukomana mudukuwo zvake achiva mutungamiriri pazviri.’ Ivo vakakuita kuti kuve chaikoiko kwazvo, ndakazvifungidzira ndimene kuva mukomana mudukuwo zvake iyeyo.—2 Petro 3:11-13; Isaya 11:6-9.

Muma 1890 sekuru vangu, August Reusch, vakadzidza zvokwadi huru dzeBhaibheri kupfurikidza nokunyorerana naCharles T. Russell. Ivo vakaparidzira zvikuru mumusha mavo nemakapoteredza muNorthwest Territory yeCanada, zvino Yorkton, Saskatchewan. Kazhinji kazhinji vaipa zano vanakomana vavo, kuti: “Vakomana, ngwarirai 1914!” Kupwiswa kuti zuva raJehovha rakanga rava pedyo kwakazadza baba vangu nepfungwa yekurumidziro iyo yakapfuurira munduramo yavo uye iyo yave iri nzira youpenyu nokuda kwangu.

Amai naBaba vakanga vari muenzaniso chaiwoiwo womutsa. Boka refundo yeBhaibheri reSaskatoon, Saskatchewan, Ungano yaVadzidzi veBhaibheri yaisangana nguva dzose mumusha medu. Vashumiri vanofambira (vainzi vafambiri) kazhinji kazhinji vaigara mumusha medu. Mukoma wangu, Verne, uye hanzvadzi yangu, Vera, uye ini takabetserwa mumudzimu. Nguva dzose kwaiva nepfungwa yezvomene pamusoro peshoko roUmambo nedikanwo yokukurumidzira yokuudza vamwe pamusoro pahwo. (Mateo 24:14) Ndakanga ndisingazivi kuti mumakore omunguva yemberi ndaizopedza chikamu chikuru choupenyu hwangu ndichipfuuridzira basa raava vafambiri kupfurikidza nokubatira somutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha.

Muna 1927, Baba vakatamisa mhuri kuBerkeley, California. Ipapo, mukati mokuderera kukuru kwemari muna 1933, ndakapedza kudzidza pachikoro chapamusoro. Mukoma wangu, Verne, uye ini takazvirangarira timene savane mhanza yakanaka kuwana basa pafekitari yeFord Motor Company muRichmond, California. Zvisinei, rimwe zuva muchirimo cha 1935, ndakarangarira, kuti: ‘Kana ndichifanira kushanda zvakaoma, ndingafanira zvangu kushanda zvakaoma nokuda kwechiri chakafanira.’ Zuva iroro ndakarega basa, uye zuva rakatevera racho ndakanyorera kumbiriso yokubatira paBheteri, dzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha, muBrooklyn, New York. Pashure pokupinda kokorodzano inofadza muWashington, D.C., muna June 1935, ndakagamuchirwa nokuda kwebasa reBheteri.

Basa reBheteri

Nathan Knorr, manija wefekitari, akandiisa kuti ndishande mukuchengeta zvivako zvakanaka. Ndakanga ndiri ndoga. Somukomana wamakore 20 okukura, ndakanzwa ndichikosha zvikuru. Ndaigona kufamba-famba norusununguko murutivi rupi norupi rwefekitari, uye hakuna munhu aibvunza chandakanga ndichiita. Hama Knorr aionga nzira yandaiita nayo basa rangu, asi akacherekedza chinetso chechimiro. Iye akaramba achivavarira kundibetsera kuti ndigogona kukudziridza kuzvininipisa.

Yaiva nguva yakati, zvisinei, ndisati ndaziva kuti Hama Knorr akanga achiedza chaizvoizvo kundibetsera. Naizvozvo ndakakumbira ruregerero nokuda kwechimiro changu ndokutaura kutsunga kwokuita zviri nani. Iwayo akanga ari mavambo oukama hwenguva refu, hwoushamwari naHama Knorr, uyo muna January 1942 akava purezidhendi wechitatu weWatch Tower Society.

Kunze kwokuita basa rokuchengeta zvinhu zvakanaka, ndakadzidza kushandisa mizhinjisa yemichina munosungwa mabhuku kana kuti kubatsira pairi. Pashure penguva yakati ndakaita basa romuhofisi, kunyora nokutumira maodha ebasa nokufekitari. Chirimo nezhezha zva 1943 dzakanga dziri nguva dzokubatikana nedzinofadza zvikuru. Nyika yakanga iri pakati peHondo yeNyika II, uye Zvapupu zvaJehovha zvakatsungirira kunetswa, kusungwa, uye tongero dzetorongo pamarudzi ose epomero dzisina kururama. Muna 1940 Dare Gurusa reU.S. rakanga raraira kuti zvikoro zvingagona kuda kuti vadzidzi vakwazise mureza. Ikoku kwakatanga fungu ramasimba masimba mu 44 dzenyika 48 dzapanguva iyoyo. Vana veZvapupu vakadzingwa muzvikoro, vabereki vakasungwa, uye nyongori dzakadzinga Zvapupu mutaundi. Vanhu vamwe navamwe vakapfurwa, vamwe vakanamwa netara ndokufukidzwa neminhenga.

Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvakadzorera mumatare, basa guru ramapepa muchimiro chemirairo yakanyorwa inobudiswa nedare, magwaro anopiwa negweta pamberi pokutaura mhaka mudare, uye magwaro anobudiswa navashandi vapamutemo veSosaiti zvaiuya kuchibhariro changu kuzotsikirirwa. Tose zvedu taishanda maawa akawanda omuraudzo kuti tipedze panguva yaidikanwa. Zvisarudzo zveDare Gurusa zvakava somuuyo muna May naJune wa 1943—apo 12 dzemhaka 13 dzakasarudzwa kuchitsigirwa Zvapupu zvaJehovha—zvakava rutivi rwezvinyorwa zvenhau yapamutemo. Ndinoonga kuva ndakacherekedza zvakananga kuti Jehovha akazarura sei nzira mukutsigira nokusimbisa pamutemo mashoko akanaka.—VaFiripi 1:7.

Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Munzira dzakati takanga takashongedzerwa zvakashata mumazuva iwayo kuti tiite basa guru rakadeya kutaurwa pana Mateo 24:14, ndiko kuti, ‘kuparidzira mashoko akanaka oUmambo mupasi rose mugumo usati wasvika.’ Hama Knorr, sapurezidhendi weSosaiti, akaona kudikanwa kwepurogiramu yedzidzo. Pamwe chete nemimwe mitezorume yemhuri yeBheteri, ndakagamuchira kokero yokunyoresa mu“Kosi Yakakwirira Muushumiri Hwoubati Ushe hwaMwari.” Iyoyi pakupedzisira yakakura kuva Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, icho chave chichishanda muungano dzeZvapupu zvaJehovha chifo cha 1943.

Takasangana mukamuri remisangano remhuri yeBheteri paMuvhuro madekwana, February 16, 1942, uye Hama Knorr akakurukura hurukuro yokutanga yomuraidzo. Nhau yake yakanga iri “Manyoro eBhaibheri.” Hama T. J. Sullivan akanga ari mutariri wechikoro uye akatipa zano rokutibetsera kuvandudza. Pashure penguva yakati ndakapiwa uyu mugove womutariri wechikoro cheBheteri, uyo ndakarangarira seropafadzo huru. Asi yakanga iri zvakare nguva yechirango.

Ndakanga ndave ndichinyanyotsoropodza uye ndisina ruremekedzo rwakafanira mukupa zano imwe hama yakura, naizvozvo Hama Knorr akandiudza zvakajeka, kuti: “Hakuna munhu anoda apo unoshandisa chiremera nomutoo usingafadzi.” Apo iye akanga atsanangura nhau yake zvakajeka uye nzeve dzangu dzakanga dzatsvuka zvakakwana, meso matsvuku makuru aHama Knorr akapfava. Nenzwi romutsa, iye akarava Pisarema 141:5: “Wakarurama ngaandirove; uchava mutsa: uye ngaanditsiure; achava mafuta akaisvonaka, ayo asati achizopunza musoro wangu.” (King James Version) Ndakashandisa rugwaro irworwo kakawanda apo kwakava mutoro wangu kupa zano rokururamisa kuvamwe.

Pamberi pamavambo eChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, vashomanene vedu vaiva nebanza rokutaura pachena kakawanda. Apo Hama Rutherford akafa, Hama Knorr akashanda zvakaoma kukudziridza mano ake okutaura. Kamuri rangu reBheteri rakanga riri pasi zvakananga nemaaigara, uye ndaigona kumunzwa achirovedza kukurukura kwake. Kakawanda chaizvoizvo, iye akarava zvinonzwika hurukuro yavose inoti “Rugare—Runogona Kugarisa Here?” asati aikurukura pakokorodzano yapaCleveland muna 1942.

Kufamba

Pashure pokunge ndabatira makore 13 paBheteri, Hama Knorr akandigovera kuti ndibatire mumunda somutariri woruwa. Mukundiudza nokupfupikisa pamusoro pomugove wangu mutsva, iye akati: “Lyle, zvino une banza rokucherekedza zvakananga kuti Jehovha anobata sei chaizvo navanhu vake.” Ndichirangarira ikoku nesutukesi mbiri muruoko, ndakavamba basa rangu somutariri anofambira pana May 15, 1948. Ndisati ndavamba basa roruwa, ndakabatira somutariri wedunhu kwemwedzi mishomanene.

Boka rokutanga, kana kuti ungano, iyo ndakabatira yakanga iri duku yomuruwa muWaseca, Minnesota. Ndakanga ndanyora pachine nguva mberi kuna Dick Cain, mubatiri weboka (seizvo mutariri anotungamirira aidanwa panguva iyeyo) kuti asangane neni pachitima. Iye akanga ari piona chaiye, uye kuti aderedze ndyiko, iye akanga achangobva kubva mukamuri rake rinorendwa, umo akanga apedzera nguva yechando, achipinda mokugara make mezhezha, tende. Zvisinei, Minnesota muna May haisati iri chaizvoizvo nguva yezhezha! Usiku ihwohwo, ndichibvunda ndiri mutende, ndakashamisika kana ndakanga ndakakodzera nomuzvarirwo iyi nzira youpenyu. Ndakabatwa nedzihwa rakakomba iro rakagara kwamavhiki, asi ndakapona.

Mukati mamakore iwayo apakuvamba pakushanyira ungano dzakasiana-siana namatunhu, ndaigara mumisha yehama ndokurarama nezvaiva musutukesi. Ndakawana marudzi ose opokugara, kubatanidza kurara pauriri hwekicheni, pazvigaro zvomukamuri rokutandarira, mukamuri dzapamusoro dzinopisa dzisingapindi mhepo. Padzimwe nguva ndaigara mumisha umo mumwe mutezo wemhuri waishora zvitendero zvedu. MuWisconsin mumwe murume asingatendi ainditarira akashatirwa vhiki rose sezvo ndaiuya nokuenda. Apo akauya kumusha akadhakwa humwe usiku, ndakamunzwa achityisidzira ku“pfura nhingi iyeyo,” ndakagumisa kuti yakanga yava nguva yokuenda. Asi zvinoitika zvisingafadzi zvaiva zvechienzi zvikuru uye zvaingowedzera bedzi kunakidza kumugove wangu. Izvo zvaiva chimwe chinhu chokufadzwa nacho pashure.

Ndinowana Shamwari

Ndinokuyeuka zvakanaka. Pagungano redunhu muTiffin, Ohio, ndakasangana nomukadzi muduku, akanaka, ane meso matsvuku, Leona Ehrman, akabva kuFort Wayne, Indiana. Iyewo akarererwa mukutenda kwechiKristu uye akanga ave ari piona akatendeka kwamakore anoverengeka. Kufamba nguva dzose hakuna kukodzera kunyenga, asi tainyorerana. Ipapo, muna 1952, ndakabvunza kuti, “Unondida here?” uye iye akati, “Hungu, ndinokuda!” ndizvo takadana. Takaroorana. Kazhinji kazhinji takabvunzwa chikonzero nei tisina kutongogadzikana nomusha nemhuri, asi tinotaura kuti tine mhuri—hama, hanzvadzi, vanababa, uye vanamai munyika 44 umo takabatira.—Marko 10:29, 30.

Vamwe vakabvunza kuti, ‘Hamuna kutongoneta here ndokunzwa muchida kurega?’ Hungu, kanopfuura kamwe. Asi pakati pavaviri vedu, apo mumwe anonzwa aora mwoyo, mumwe anokurudzira. Imwe nguva ndakatonyorera mukoma wangu, Verne, ndichimubvunza pamusoro pokubvira kwokushanda naye mubhizimisi rake rokupenda. Iye akapindura kuti kazhinji kazhinji aikarira ikoko nemhaka yokuti taiva pedyo kwazvo pakukura. Zvisinei, iye akandipa zano rokuyera chisarudzo changu nokungwarira. Ipapo ndakayeuka mashoko aiwanzodzokororwa naHama Knorr kumitezo yemhuri yeBheteri: “Kurega hakutori nhamburiko huru; kunoda ushingi neperero kunamatira kumugove wako.” Iroro rakanga richiri zano rakanaka.

Hakuna mutariri anofambira akaroora angagona kunamatira kwenguva refu kumugove wake pasina mudzimai akavimbika naanotsigira, sezvakabvumikisa kuva Leona kwandiri. Hunhu hwake hwoushamwari, hune rudo nechimiro chokufara nguva dzose muungano zvakaita kuti adiwe nezviuru. Handitongoneti nokumuudza kuti ndinomuda sei. Ikoko, ndine chokwadika, kunomubetserawo kunamatira kubasa.

Uchapupu Kuchikomborero chaJehovha

Basa guru romutariri weruwa rakanangidzirwa pagungano redunhu, apo anobatira vhiki rimwe nerimwe sasachigaro, mukurukuri wapachena, uye mutariri wechikoro. Chikomborero chaJehovha paiyi gadziriro chiri pachena muidi rokuti pamazana amagungano edunhu andakatarisira, hakuna nerimwe rakakundikana kuitwa. Chokwadi, mamwe akadzongonyedzwa, asi hakuna rimwe rakaregwa.

MuWooster, Ohio, muchirimo cha 1950, sezvo ndakadana nokuda kworwiyo rwokupfiga rworusando rweChitanhatu usiku, nyongori yavashori vanopfuura chiuru yakaungana kunze kwehoro yemitambo apo gungano rakanga richiitwa. Nyongori yakanga yauya namabhokisi amazai akaora okutirova nawo sezvataienda. Naizvozvo takayera mugariro wacho ndokuchengeta purogiramu ichipfuurira nenziyo, zvinoitika, uye hurukuro dzisina kugadzirirwa dzeBhaibheri. Zvapupu 800 zvakaramba zvakaterama uye zvichishivirira.

Pa 2:00 a.m., mugariro wokunze wakanga uchitonhora zvikurusa. Sokunge mukugadzirira nokuda kwokubuda, varindiri vakabudisa mahosipaipi okudzima mwoto ndokuvamba kugeza mazai akanga adonha munzira yapamberi. Nyongori yakaungana zvakare, ichisiya kudziya kwenzvimbo yamabhazi iri pedyo. Asi chiito chavarindiri chakanga chiri chidziviso, uye takaendesa vateereri chinyararire nesuo reshure. Vose vakasvika zvakakotsekana kumotokari dzavo. Dzongonyedzo yenyongori yakaitika pamamwe magungano okuOhio, muCanton, Defiance, uye Chillicothe. Asi masimba masimba enyongori akanga ava kuderera, sezvo zvisarudzo zveDare Gurusa reU.S. zvokutitsigira pakupedzisira zvakavamba kuva nomuuyo pavasingateereri mutemo.

Pashure penguva yakati zvinetso zvoutano zvakaita kuti chinjo ive iri madikanwa. Naizvozvo pakati pama 1970, Sosaiti nomutsa yakandigovera kundobatira somutariri wedunhu munharaunda yokumaodzanyemba kweCalifornia uko ungano dziri pedyo uye gadziriro nokutarisirwa utano dzinowanika nyore nyore. Nepo mabasa omutariri woruwa achibatanidza kufamba kwakawanda nokutarirwa kwamatunhu akawanda, mabasa omutariri wedunhu anobatanidza kuronga magungano edunhu nokugovera nokuhwirudzura mativi epurogiramu. Mukuwedzera, Zvikoro Zvebasa Roupiona zvinofanira kurongwa ndokubatirwa. Naizvozvo basa ravatariri vanofambira, ringave roruwa kana kuti redunhu, inzira youpenyu yakazara, inotusa.

Ndichiri Kukarira Zuva raJehovha

Kuvambira muyeuko dzangu dzapakuvamba zvikurusa anopfuura makore 70 apfuura, nguva dzose ndakanzwa pfungwa huru yekurumidziro. Armagedhoni nguva dzose yave iri, mukufunga kwangu, zuva rapashure pamangwana. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Kufanana nababa vangu, uye baba vavo pamberi pavo, ndakararama upenyu hwangu sezvakakurudzira muapostora kuti, “sanorangarirai kuvapo kwezuva raJehovha.” Nguva dzose ndakarangarira nyika itsva yakapikirwa se‘chinhu chaichoicho kunyange zvazvo chisingaoneki.’—2 Petro 3:11, 12, NW; VaHebheru 11:1.

Iyi kariro yakarovererwa mandiri kuvambira paucheche ichakurumidza kuzadzikwa. “Mhou nebere zvichachera,” “shumba ichadya uswa senzombe,” uye “mwana muduku uchadzitungamirira.” (Isaya 11:6-9) Zvipikirwa zvinofadza zvakadaro zvinovimbiswa namashoko aJesu kuna Johane pana Zvakazarurwa 21:5, anoti: “Wakanga agere pachigaro choushe akati: ‘Tarirai, ndinovandudza zvose.’ Akati kwandiri: ‘Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.’”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe