Nyika Itsva Yava Pedyo!
VANHU vehurumende vakataura zvakawanda pamusoro penhevedzo yenyika itsva yavanoita vamene. Vanotaura pamusoro pokubvisira nyika rutyo nemipingo kukubatira pamwe pakati pavanhu nehurumende. Asi kuri kuvanhu here kuparira nyika itsva?
Rudzi rwomunhu rwakava namazana amakore okutanga nyika yorugare nechengeteko. Pasina panikiro, vazhinji vave vari vapachokwadi zvikuru munhamburiko dzakadaro. Pasinei zvapo nechimiro chehurumende dzakafungwa navanhu kuti vaite madonzo akadaro, zvisinei, mashoko eBhaibheri akabvumikisa kuva echokwadi, anoti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.
Nyika Itsva Yakapikirwa
Bva, Shoko rimwe chetero rakafuridzirwa raMwari rinogovera chipikirwa chokuti kuchava nenyika itsva. Pashure pokudeya kutaura mugumo wetsika yekare yezvinhu, muapostora wechiKristu Petro akazivisa, kuti: “Sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:10-13.
Ichochi chipikirwa chaani? Chinopiwa naasiri mumwe kunze kwaJehovha, “Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.” (Pisarema 83:18) Iye achaita izvo vanhu vasingagoni. Hungu, Jehovha Mwari achaparira nyika itsva. Asi rini?
Nyika Itsva Yava Pedyo Zvikuru!
Nyika itsva yakapikirwa yaMwari isati yava chinhu chaichoicho chomwero wakazara, “nyika” iripoyi, kana kuti “tsika yezvinhu,” inofanira kusvika kumugumo wayo. Pamusoro paikoku, vadzidzi vaJesu Kristu vakabvunza, kuti: “Tiudzei, zvinhu izvozvi zvichava rini? uye chii chichava chiratidzo chokuuya kwenyu, uye chomugumo wenyika?” (Mateo 24:3, King James Version) New World Translation yakarurama zvikuru inoti, vateveri vaJesu vakabvunza, kuti: “Tiudzei, Zvinhu izvozvi zvichava rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?”
Mumhinduro, Jesu akadeya kutaura mativi akawanda echiratidzo chokuvapo kwake kusingaoneki somunhu womudzimu musimba roUmambo hwokudenga. (1 Petro 3:18) Somuenzaniso, iye akati: “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe, nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji.” Kubva pa“kutanga kwenhamo” muna 1914, “rudzi urwu” rwakaratidzwa naJesu rwakawana hondo inopfuurira, kuperevedza kwezvokudya, uye kudengenyeka kwapasi sorutivi rwechiratidzo chokuvapo kwake kusingaoneki.—Mateo 24:7, 8, 34.
Hondo yatambudza ichi chizvarwa nenzira isingaenzaniswi chifo chegore ra 1914. Hondo yeNyika I yakatora upenyu hunofungidzirwa kuva mamirioni 14. Mukati meHondo yeNyika II, varwi navasiri varwi vane mamirioni 55 vakaurawa. Chokwadi, chifo cha 1914 upenyu hunopfuura mamirioni 100 hwakarasika muhondo! Zvirokwazvo, ikoku kunoratidza rutivi rwechiratidzo chokuvapo kwaJesu.
Kuperevedza kwezvokudya, kwakadeyawo kutaurwa naKristu, kwakakuvadza nyika dzakawanda pashure peimwe neimwe yehondo mbiri dzenyika. Pasinei zvapo nefambiro mberi dzesayenzi, chinoda kusvika chikamu chimwe chezvina chenyika chine nzara nhasi. Gore rimwe nerimwe, mamirioni avana navamwe anofa nemhaka yokusadya zvinovaka muviri. The World Book Encyclopedia, inoti: “Mazhinjisa amarudzi ari kubudirira eAfrica, Asia, uye Latin America haatongorina zvokudya zvakakwana nokuda kwavanhu vavo. Mamirioni ari munyika idzodzi ane nzara. Apo kugadzirwa kwezvokudya kana kuti zvinotengwa kunyika dzokumwe zvinoderera nokuda kwechikonzero chipi nechipi, nzara ingarova uye zviuru kana kuti mamirioni avanhu angafa.”
Kudengenyeka kwapasi kwauraya upenyu hwakawanda mukati mechizvarwa chino kuchiratidza “nguva yomugumo.” (Dhanieri 12:4, NW) Kufungidzirwa kwavanyajambwa vokudengenyeka kwapasi kunosiana. Asi chifo cha 1914 kuparadza kunoitwa nokudengenyeka kwapasi kwakawedzera mupasi rose, uye ikoku kwakatora mazana ezviuru oupenyu. Ichitsinhira pakuviri bedzi kwaikoku, Yorkshire Post yaOctober 19, 1989, yakati: “Muna 1920 kudengenyeka muruwa rweChina rweJiangsu kwakauraya 180 000, uye pana July 28, 1976, China yakatambura kudengenyeka kwakaipisisa munhau yayo yazvino uno. Vanenge 240 000 vakafa apo guta riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweChina reTangshan rakadokuparadzwa chose chose nokudengenyeka kwaiyera 7,8 pachikero cheRichter chisina kusimbiswa zvakarurama zvikuru.” Pepanhau racho rakaronga kumwe kudengenyeka kwapasi kukuru kunopfuura 30 muzana ramakore rechi 20.
Mubato wokuparidzira Umambo wakadeyawo kutaurwa sorumwe rwamativi echiratidzo chokuvapo kusingaoneki kwaJesu. Iye akaudza vadzidzi vake vaibvunza, kuti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Sokuporofita kwakaita Jesu, iri basa rokuparidzira zvino riri kupfuuridzirwa mupasi rose munyika 212 navanopfuura 4 000 000 veZvapupu zvaJehovha.
Zadziko dzomuzuva razvino uno dzamauporofita iwaya namamwe dzinobvumikisa kuti zvamazvirokwazvo tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5) Pamberi pedu chaipo pane “dambudziko guru” rakadeyawo kutaurwa naJesu Kristu. Richiguma no“kurwa pazuva iro guru raMwari Wamasimba ose” paHar-magedhoni, richagumisa tsika yakaipa iripoyi yezvinhu. (Mateo 24:21, NW; Zvakazarurwa 16:14-16) Ipapo nyika itsva yakapikirwa yaMwari ichava chinhu chaichoicho.a
Zvikomborero Izvo Vanhu Vasingagoni Kuunza
Vanhu vehurumende vanoganza pamusoro penhevedzo yenyika itsva yavanoita vamene. Asi Jehovha, Mwari wedenga napasi, haana kutongokumbira vanhu kuti vatsive tsika iripoyi nenyika itsva. Iye amene achaita ikoko pazuva nenguva zvinozivikanwa bedzi naiye. (Mateo 24:34, 36) Muapostora akwegura Johane akava neichi chiono chepachine nguva mberi cheizvo Mwari, kwete munhu, achaita:
“Ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake. Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: ‘Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.’ Wakanga agere pachigaro choushe akati: ‘Tarirai, ndinovandudza zvose.’ Akati: ‘Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.’”—Zvakazarurwa 21:1-5.
“Denga idzva” ndihwo Umambo hwokudenga hwaJesu Kristu. “Pasi idzva” (NW), harisati riri imwe nyika yapasi asi chaunga chitsva chavanhu panyika ino—vose zvavo vari vadzorwi vanoteerera voUmambo hwaKristu, pasina mapoka edzinza, orudzi, kana kuti omutauro. (Enzanisa nePisarema 96:1.) Denga nepasi zvokufananidzira zviripo—tsika yezvinhu yaDhiabhorosi negadziriro yayo yehurumende inopesvedzerwa naSatani namadhemoni ake—zvichave zvaparadzwa. (1 Johane 5:19) Kunyange zvazvo makungwa chaiwoiwo acharamba aripo, gungwa rokufananidzira rorudzi rwomunhu rusina kuterama rwakaipa, richange risisipo. Vabati ushe vokudenga vanosonganira vaJesu vanoumba Jerusarema Idzva uye musonganirano naye vanoumba sangano guru richadzora chaunga chavanhu vakarurama. Mwari acha‘gara no’rudzi rwomunhu runoteerera nenzira yokumirira pavanenge vari kuyananiswa zvizere naye kupfurikidza naKristu mukati meZuva roRutongeso ramakore ane chiuru.—Zvakazarurwa 14:1-4; 20:6.
Mukutonga kwoUmambo muchava nezvikonzero zvakawanda zvomufarwa. Kuchema, kurira, uye marwadzo anobva mukurwara, kusuruvara, uye zvinhu zvakafanana zvichava zvinoitika zvomunguva yakapfuura. Kunyange rufu rwakapararira kurudzi rwomunhu ruchibva kumubereki wedu wokutanga, Adhama anotadza, harusati ruchizovakozve. (VaRoma 5:12) Mufaro wakadini uchatekeshera apo ichi chisakiso chemisodzi chenyika yose chinenge chaenda nokusingaperi!
Havasati vari vanhu vanofa asi Mwari amene anopa vimbiso pamusoro pezvikomborero izvozvi. Ndiye anoti: “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Hungu, uye Jehovha Mwari akaudza muapostora Johane, kuti: “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.”
Zvinodikanwa Zvinokosha Zvinogoverwa Zvizere
Munyika itsva inoitwa naMwari, pasi pakupedzisira richava paradhiso. Ikoku ndokwechokwadi, nokuti Jesu akapikira muiti wezvakaipa anonzwira urombo akarovererwa parutivi pake, kuti: “Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43, NW) Pakati pemigariro yeparadhiso, zvinodikanwa zvohunhu zvakadai sezvokudya nedzimba zvichagoverwa zvizere.
Kuperevedza kwezvokudya kuri kutora mamirioni oupenyu nhasi. Pasinei zvapo nokuti nhamburiko dzokudyisa vane nzara dzingava dzakaisvonaka zvakadini, makaro nezvimwe zvinhu zvinodzivisa vanhu kupedza zvinetso zvakadaro. Somuenzaniso, Saturday Star, pepanhau reJohannesburg, South Africa, rinoshuma, kuti: “Nharo dzezvamatongerwe enyika, mitengo yamafuta yakawedzerwa nokuneta kwavose nerwisano dzinoratidzika kuva dzisingatongogumi dzeAfrica zviri kubatana kunonotsa betsero . . . MuSudan, imwe yenyika dzakatapurwa zvikurusa, vanhu vari pakati pamamirioni 5 namamirioni 6 vanotarisana nokuziya nenzara muna 1991.” Asi nzara ichakanganwika munyika itsva yaMwari. Mukutonga kwoUmambo “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.
Pokugara ndichimwe chinodikanwa chavanhu icho chiri kure nokugoverwa zvakakwana nokuda kwavakawanda muzuva redu. Mamirioni anogara mutuzvitumbawo zvatwo kana kuti havana musha chose chose. Mukuwirirana neThe New York Times, muimwe nyika yokuMabvazuva, “pakambani yezvamagetsi . . . , vashandi vane makore 20 okukura vanotarisana nendaza yokumirira yamakore 73 kuti vawane imba,” uye mushumo wehurumende unoratidzira kuti vamwe vanhu vanofanira kugara “mudzimba dzinochengeterwa zvinhu, mahofisi kana kuti kunyange zvimbuzi.” Asi kuchava kwakasiana sei munyika itsva! MuParadhiso yomunguva yemberi, “vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”—Isaya 65:21, 22.
Zvinetso zvemhoteredzo yezvinhu zvipenyu zvichapera munyika itsva yakapikirwa yaMwari. Shatiswo yemhepo inotyisidzira utano nokukuvadza zvirimwa haisati ichizotongovakozve. Shatiswo nokuparadzwa kwemokugara zvino kuri kuisa mungozi marudzi akawanda emiti nemhuka panguva iyeyo hazvisati zvichizova tyisidziro. Uye zvinhu zvakadai sokuparadzwa kunopfuurira kweozone layer hazvisati zvichizoisa mungozi upenyu pasi pano. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha Mwari achapedza zvinetso zvose izvozvi, nokuti Shoko rake rinotipikira kuti nokukurumidza iye acha“paradza avo vanoparadza pasi.”—Zvakazarurwa 11:18, NW.
Munyika itsva, hondo ichavawo chinhu chomunguva yakapfuura asi kwete nemhaka yokuti vanhu vehurumende vakabudirira mukuita kuti marudzi akande zvombo pasi. Panzvimbo pezvo, Mwari achaita apo vatongi vezvamatongerwe enyika vakakundikana. Iye achaunza rugare kurudzi rwomunhu runoteerera mukuwirirana naaya mashoko owezvamapisarema, anoti: “Uyai muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.” (Pisarema 46:8, 9) Munyika itsva yakapikirwa yaMwari yava pedyo kwazvo, vanhu havasati vachizotongorwazve hondo asi vachafarikanya rugare rwechokwadi nechengeteko.—Mika 4:2-4.
Uchavamo Here?
Unogona kuva nechivimbo munyika itsva yakapikirwa naJehovha Mwari. Iye haarevi nhema. (VaHebheru 6:17, 18) Shoko rake, Bhaibheri, nderechokwadi, uye zvarinopikira nguva dzose zvinoitika.—Johane 17:17.
Mashoko akanaka ezvikomborero zvinoshamisa nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera ndiwo ayo Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kugoverana navanhu vose vane mwoyo yakatendeseka. Unofanira kuita nhamburiko zvino dzokuwana zivo yedonzo roumwari, uye kuita chiito pamusoro pezvipikirwa zvinoshamisa zvinowanwa muMagwaro Matsvene. Nzira iyoyi inogona kutungamirira kuupenyu husingagumi, nokuti Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Ipapo uchava neropafadzo yokufarikanya nguva dzinofadza dziri pamberi apa, nokuti nyika itsva yaMwari yava pedyo!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona ganhuro 17 ne 18 dzebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.