RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 7/15 pp. 23-26
  • Pwere dzechiKristu—Ivai Vakasimba Mukutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pwere dzechiKristu—Ivai Vakasimba Mukutenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Kutenda Kwakasimba Kuchidikanwa
  • ‘Ivai Vakagadzirira Kuita Dziviriro’
  • “Pindura Mumwe Nomumwe”
  • Rubatsiro Runowanika
  • Kutendeka Kunounza Zvikomborero
  • Ndingakwanisa Kubata sei Nekutsvinyirwa?
    Mukai!—1999
  • Vechiduku—Jehovha Haasi Kuzokanganwa Basa Renyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ndingaparidza Sei Kune Vokuchikoro Kwangu?
    Mukai!—2002
  • Vechiduku—Simbisai Chido Chenyu Chokushumira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 7/15 pp. 23-26

Pwere dzechiKristu—Ivai Vakasimba Mukutenda

“MUNHU ari wose anofanira kupinda.” Ndicho chakanga chiri chiziviso chacho. Vadzidzi vose muchimwe chikoro cheJapan vaifanira kuvapo pamusangano wavose muhoro. Mumwe mudzidzi muduku wechiKristu aisagona kubvumirana nemifungo yaitaurwa murwiyo rwechikoro. “Eya,” iye akafunga kudaro, “ndinoziva kuti rwiyo rwechikoro rucharidzwa. Asi handisati ndichizova nezvinetso zvipi nezvipi. Ndichangogara shure senguva dzose.”

Apo Chapupu chiduku chaJehovha chakapinda muhoro, zvisinei, chakawana kuti mitezo yavadzidzisi yose yakanga yakagara mumutsetse wokupedzisira. Nokudaro, icho chaifanira kugara pamberi pavo. Apo vamwe vadzidzi vakasimuka nokuda kwerwiyo rwechikoro, icho chakaramba chakagara nenzira yokuremekedza. Asi vadzidzisi vakashatiriswa naikoku. Vakaedza kuchimanikidza nokubata kuti chimire. Unogona kuzvifungidzira umene uri mumugariro wakadaro here? Waizodai wakaitei?

Chikonzero Nei Kutenda Kwakasimba Kuchidikanwa

Kwaizova kwakaisvonaka kudai vanhu vakarega maKristu ari oga ndokuabvumira kurarama mukuwirirana nehana dzawo dzakarovedzwa neBhaibheri. Kazhinji kazhinji, zvisinei, maKristu anofanira kunangana nemigariro inorwadza. Ikoku hakufaniri kutishamisa, nokuti Mwanakomana waMwari amene, Jesu Kristu, akati: “Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo.” (Johane 15:20) Kunze kwechitambudzo chaicho, vabatiri vaJehovha vanonangana nemimwe miedzo yakasiana-siana yokutenda.

Pwere dzechiKristu kazhinji kazhinji dzinoda kutenda kwakasimba kuti dzinangane nemiedzo inosanganwa nayo kuchikoro. Dzingakandirwa musonganirano novomukirasi biyavo vanoshandisa mutauro woutere kana kuti vane zvimiro zvinozvidza Mwari. MaKristu maduku anganangana nesimbiso inowedzera paurudzi nedzvinyiriro yokuva anobatanidzwa mumakirabhu, matongerwe enyika apachikoro, kana kuti mimwe mibato ingakuvadza mumudzimu. Vadzidzisi kana kuti vadzidzi biyavo vangaedza kuisa dzvinyiriro pamaKristu maduku kuti abvumirane pane zvisina kufanira. Nokudaro, pwere dzoumwari dzinofanira kuvimba nomudzimu waJehovha nokuda kwokutenda kunodikanwa kuti dzipe dziviriro yakajeka yetariro yadzo.—Mateo 10:19, 20; VaGaratia 5:22, 23.

‘Ivai Vakagadzirira Kuita Dziviriro’

Zano romuapostora Petro rakakodzera nokuda kwavose vari vaviri maKristu maduku naakura. Iye akati: “Mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe anokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya.” (1 Petro 3:15) Kuva akagadzirira kuita dziviriro yakadaro kunodei? Kutanga, unofanira kunzwisisa izvo Magwaro anodzidzisa. Kuti uve nechimiro chakasimba kuchikoro panhau dzakadai sourudzi, matongerwe enyika, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, kana kuti tsika, unofanira kutanga kunzwisisa chikonzero chechimiro chechiKristu uye unofanira kuchidavira zvapachokwadi.

Somuenzaniso, muapostora Pauro akaudza maKristu biyake, kuti: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Unobvumirana naikoko here? Sokuratidzira kwakaita Pauro, kuri nyore kutsauswa munhau yesonganiro. Munhu angaratidzika kuva woushamwari naanofarirwa. Asi kana asingagoverani itiro hanya yako nokuda kwebasa raJehovha kana kuti kunyange kudavira zvipikirwa zveBhaibheri, iye musonganiri akashata. Neiko? Nemhaka yokuti upenyu hwake hwakavakirwa panheyo dzakasiana, uye zvinhu zvinokosha zvikuru kumuKristu zvingave zviri zvoukoshi huduku kwaari.

Ikoku hakusati kuchishamisa, nokuti Jesu akati nezvavateveri vake: “Havazi venyika, seni ndisi wenyika.” (Johane 17:16) Hakubviri kuti munhu ave muKristu wechokwadi uye panguva imwe cheteyo achiva rutivi rwenyika ino, iyo Satani ari mwari wayo. (2 VaKorinte 4:4) Unoona here kuti kuparadzana nenyika kwakadaro kunodzivirira zvikuru sei muKristu muuipi nokukakavadzana zvinotambudza vakawanda kwazvo nhasi? Kana zvakadaro, ipapo unogona kunzwisisa chikonzero nei uchifanira kuchengeta kuparadzana kwako, kunyange kana ikoku kuchireva kuti haugoni kukumbanira mumibato yakati yechikoro.a

Ukoshi hwokuva akasimba mukutenda nokuchengeta fariro dzoUmambo pakutanga muupenyu hwakaratidzwa muchinoitika chomumwe musikana muduku wechiKristu. (Mateo 6:33) Apo kuhwirudzurwa kwokupedza kwake kufunda kwakaziviswa, iye akawana kuti kwakanga kwakarongwa nokuda kwezuva rimwe chetero negungano redunhu reZvapupu zvaJehovha raakaronga kupinda. Iye akanyora tsamba yokuremekedza achitsanangura chikonzero nei aisazovapo pakuhwirudzura ndokuipa kumudzidzisi wake kirasi isati yatanga. Pashure pekirasi, mudzidzisi akamudana parutivi ndokumukumbira kuti atsanangure zvakare chikonzero nei akanga asati achizovapo nokuda kwokuhwirudzura. Musikana wacho anoti: “Iye akanga achida kuona kana mashoko angu akanga ari mamwe chetewo. Uku kwakanga kuri kunzwa kwangu here, kana kuti tsamba yacho yaingovawo zvayo namashoko amai vangu? Pakuona kupwiswa kwangu kwomunhu oga munhau yacho, haana kundishora.”

“Pindura Mumwe Nomumwe”

Pwere dzechiKristu dzinowanzowana kuti kana dzikaita kuti chimiro chadzo chizivikanwe zvakajeka kumitezo yavadzidzisi navadzidzi nhau isati yamuka, dzvinyiriro yacho haisati iri inodokuva huru kwazvo apo zvinetso zvinofanira kunanganwa nazvo. Mumwe muKristu muduku weJapan anorondedzera kuti apo akanga ane makore 11 okukura, chikoro chake chaida kuti vadzidzi vose vapinde pati yeKrisimisa. Vadzidzi vaiva mumagiredhi apamusoro vakaisa dzvinyiriro paari kuti atore rutivi, asi iye akanga asipo, uye mudzidzisi wake akanzwisisa chimiro chake. Neiko? Nemhaka yokuti pedyo nokutanga kwegore rechikoro, Chapupu navabereki vacho vakanga vasangana nomudzidzisi ndokutsanangura mativi akasiana-siana echimiro chavo chechiKristu.

Paanenge ari muushumiri hwomumunda, mamwe maKristu maduku anotya kusangana nevomukirasi biyavo kana kuti vadzidzisi. Unonzwa nenzira iyoyo here? Kana zvakadaro, kuregererei kuita nhano yokutanga ndokuita kuti vomukirasi biyako vazive kuti unoparidzira paimba neimba uye chikonzero nei uchiita saizvozvo. Chimwe Chapupu chaJehovha chine makore 14 okukura chakashuma, kuti: “Munhu ari wose ari pachikoro anoziva chimiro changu somuKristu. Zvamazvirokwazvo, ivo vanosanochiziva kwazvo zvokuti kana ndikasangana nevomukirasi biyangu pandinenge ndiri muushumiri, handinzwi ndichikwenudzwa. Vadzidzi biyangu vanowanzoteerera, uye kakawanda vanogamuchira mabhuku eBhaibheri.” Mumwe ane makore 12 okukura anoshuma kuti iye anokarira kusangana nevomukirasi biyake paanotora rutivi muushumiri. Panzvimbo pokuva anoshamiswa nomufungo waikoku, anohwirudzura nguva dzose zvaachataura apo kunoitika. Nokudaro, akagadzirira kupa zvikonzero zvakanaka zvokutenda kwake.

Muzvikoro zvakawanda, mibato yapashure pechikoro inotaurwa kuva nhau yechisarudzo. Asi chaizvoizvo, vadzidzisi navadzidzi vanoisa dzvinyiriro huru pavanhu vamwe navamwe kuti vakumbanire mumibato yakadaro. MuKristu ane makore 20 okukura akawana nzira yakanaka yokugonana nayo nedzvinyiriro iyoyi. Iye anoti: “Ndaibatira sapiona webetsero muchikoro chose chapamusoro. Munhu ari wose aiziva kuti ndakanga ndakabatikana zvikuru mumibato yangu yorudzidziso zvokusagona kukumbanirana muzvimwe zvinhu.” Munun’una weChapupu ichochi akatevera nzira imwe cheteyo. Dzimwe pwere dzechiKristu dzinoenda zvakananga kubva mubasa roupiona hwebetsero mukati mamakore apachikoro kupinda mumubato woupiona hwenguva dzose savazivisi voUmambo venguva yakazara apo kuenda kwavo kuchikoro kunoguma.

Usatongofuratira miuyo yakanaka yomufambiro wako wakaisvonaka nouchapupu hwako hwoushingi. Panzvimbo pokuramba wakanyarara, kuregererei kuratidza kuti wakasimba mukutenda kupfurikidza nokutaura nenzira yokuremekedza asi noushingi? Ndizvo zvakaitwa nomusikana wechiIsraeri uyo akanga atapwa ndokuva mumhuri yomukuru wamauto weSiria Naamani. (2 Madzimambo 5:2-4) Zita raJehovha rakarumbidzwa nemhaka yokuita nhano yokutanga kwomusikana muduku iyeyo. Kutenda kwako kwakafanana kunogonawo kuunza rukudzo kuna Mwari uye kungabetsera vamwe kuti vamire savarumbidzi vezita rake.

Idi nderokuti hatigoni kubvumiranisa kutenda kwedu pane zvisina kufanira bva ndokuramba tiri maKristu. Jesu akati: “Munhu mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.” (Mateo 10:32, 33) Kuva akasimba mukutenda somuteveri waJesu mutoro wakakomba, handizvo here?

Rubatsiro Runowanika

Kuti uve nokumira kwakasimba somumwe weZvapupu zvaJehovha, unoda kutenda kwakasimba. Nedonzo irero, unofanira kufunda Bhaibheri nenzira yokushingaira, kupinda misangano yechiKristu, uye kupinda muushumiri hwomumunda. Kana uchiri kunzwa kuti chimwe chinhu chiri kushaika, chii chaunogona kuita? Mudzidzi Jakobho akati: “Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake.” (Jakobho 1:5) Taura kuna Jehovha mumunyengetero pamusoro pechinetso chako; iye anogona kukusimbisa kuti unangane nemiedzo kana kuti nemiidzo zvokutenda kwako.

Chiizve icho muKristu muduku anogona kuita? Bhuku raZvirevo rinotiudza, kuti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” (Zvirevo 23:22) Muapostora Pauro akatsigira zano irori, nokuti iye akati: “Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.” (VaKorose 3:20) Vabereki vechiKristu vanogona kukubetsera kuva akasimba mukutenda. Teerera zvikarakadzo zvavo. Nebetsero yavo, nzvera Magwaro nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri, uchitsvaka pfungwa, zano, uye zvinoitika. Mose muri vaviri iwe navabereki vako muchafarikanya ikoku, uye kuchakubetsera kukurira ruzazu kana kuti rutyo.—2 Timotio 1:7.

Shandisa zvakazara gadziriro idzo Jehovha Mwari akaita kupfurikidza neungano yechiKristu. Sanogadzirira misangano. Taura navakuru vakagadzwa navamwe vakapfuura nomuzvinoitika zvakafanana neizvo zvakanangana newe zvino. Soromoni akati: “Wakachenjera [anoteerera, NW], awedzere kudzidza; nomunhu wenjere awane mano akanaka.” (Zvirevo 1:5) Naizvozvo dzidza kuvanhu vakura ivava. Unogona kudzidzawo, kubva kupwere dzechiKristu dziri kugonana nenzira inobudirira nezvinetso zvakafanana nezvako.

Kutendeka Kunounza Zvikomborero

Kupfurikidza nokumira wakasimba mukutenda, uchishandisa zano raPauro ro“kuva vakatsiga, vasingazununguki, nguva dzose vane zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinte 15:58, NW) Jehovha anoziva uye anonzwisisa zvinetso zvaunonangana nazvo. Iye akasimbisa vakawanda avo vakanangana nezvinetso zvakafanana, uye achakusimbisa. Kana ukatsamira pana Mwari, achakutsigira, nokuti wezvamapisarema akati: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.”—Pisarema 55:22.

Petro akanyora, kuti: “Ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambiro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe.” (1 Petro 3:16) Kana ukaramba kubvumirana pane zvisina kufanira pamusoro pemitemo yaMwari yakarurama nenheyo, uchava nehana yakanaka, iyo iri chikomborero chaichoicho chinobva kuna Jehovha. Uyezve, uchagadza muenzaniso wakanaka nokuda kwepwere dzechiKristu dzine kutenda kungave kwakaneta. (1 Timotio 4:15, 16) Mufambiro wako ungadzikurudzira kuita nhamburiko dzokuva dzakasimba mukutenda nokudaro ndokukwanisa kutsungirira miedzo.

Iwe ungatobetsera avo vanoshora pakutanga chimiro chako chechiKristu. Yeuka aya mashoko anonyandura tariro, anoti: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana, nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.” (Muparidzi 11:6) Ndiani anoziva kuti miuyo yakanaka yakadini ichabva mukukusha kwako mbeu yakanaka kupfurikidza nezviito zvako zvokutendeka?

Pakati pezvikomborero zvikurusa zvauchakohwa ndicho chimiro chinotenderwa naJehovha. Pakupedzisira, kuva akasimba mukutenda kuchaguma noupenyu husingagumi. (Johane 17:3; enzanisa naJakobho 1:12.) Hapana kuzorora kwechinguvana mumuedzo kunowanwa kupfurikidza nokubvumirana pane zvisina kufanira kwakafanirwa nokurasikirwa nechipo ichocho.

Zvakadiniko nepwere yadudzwa pamavambo enyaya ino? Eya, iyo yakatsungirira chitambudzo chayo. Pashure pokunge musangano wechikoro wapera, iyo yakaedza nenzira yokungwarira pakutaura kutsanangura chimiro chayo kuvadzidzisi vayo. Kunyange zvazvo mashoko ayo asina kuteererwa, iyo yakanga ine gutsikano yokuziva kuti yakanga yaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Iyo yakapfuurira kudzivirira kutenda kwayo kusvikira yapedza kuenda kuchikoro kwayo. Ipapo yakava piona. Tsungiriro yako yokutendeka ngaive nomuuyo unofadza wakafanana. Ichadaro kana ukabvumikisa kuva akasimba mukutenda.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwekurukurirano yeidzi nedzimwe nheyo dzeBhaibheri, ona bhuku raQuestions Young People Ask—Answers That Work, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Bhokisi riri papeji 25]

RUBATSIRO RUNOWANIKA

◻ Teerera uchenjeri hwavabereki vako vanotya Mwari.

◻ Shandisa gadziriro dzomudzimu dziri muungano yechiKristu.

◻ Taura navakuru vakagadzwa navamwe vangave vakava nezvinetso zvakafanana nezvako.

◻ Taura namamwe maKristu maduku ari kugonana nenzira inobudirira nemhinganidzo dzakafanana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe