RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 8/15 pp. 28-29
  • Iwe Unoyeuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iwe Unoyeuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Famba Sezvinoraidzwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mungabatsira Sei Mwana “Anopanduka”?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Koshesa Upenyu Hwawakapiwa
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 8/15 pp. 28-29

Iwe Unoyeuka Here?

Wakanzwisia here kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi? Eya, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

◻ Hwaroi hune vafudzi vomudzimu hwokutanga kuonana navanhu vakadzingwa kuti vaone kana vangasundwa kupfidza?

Kunyange apo vaIsraeri vakanga vari muutapwa asi vasingapfidzi, Jehovha, kufanana nomufudzi, akatanga kuvatsvaka, achitumira vaporofita vake kwavari. Vafudzi vechiKristu vanofarira kubetsera vapi navapi vanopfidza vangava vakafanana negwai rakarasika. (Enzanisa naRuka 15:4-7.)—4/15, mapeji 21-3.

◻ Muenzanisiro waJesu womwanakomana anopambadza unoratidza sei zvinofanira kuva mirangariro yedu nezviito apo munhu anodzorerwa muungano yechiKristu? (Ruka 15:22-32)

Nharidzano yedu inofanira kuva kutevedzera baba, avo vakaratidza mufarwa pakudzokera kwomwanakomana wavo anopambadza. Nokudaro, tinofanira kutaura norusununguko nehama yakadzorerwa ndokuikurudzira zvino kuita fambiro mberi muzvokwadi.—4/15, peji 25.

◻ Ingwariroi dzinoshanda dzinogona kuitwa kudzivisa kuva nyajambwa woutsotsi?

Panguva ipi kana ipi pakunobvira, dzivisa kuva munharaunda dzine ngozi panguva yousiku. Vanza zvinhu zvako zvakagadzirwa namabwe anokosha, uye takura zvinhu zvakadai sekamera mubhegi rokutengera zvinhu. Ngwarira pamusoro pokufamba mumucheto chaimo menzira yaparutivi, zvikurukuru kana wakatakura bhirifikesi kana kuti bhegi. (Ona Zvirevo 3:21-23.)—5/1, mapeji 5-6.

◻ Neiko uporofita huri pana Zefania 2:3 huchiti: “Zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha”?

Ruponeso kuupenyu runotsamira pakutendeka netsungiriro. (Mateo 24:13) Nokudaro, avo bedzi vanowirirana nemipimo yakarurama yaMwari ndokuramba vachitaura mutauro wakachena vachavanzwa muzuva rokutsamwa kwaJehovha. (Zefania 2:1, 2)—5/1, peji 14.

◻ Chii chinobatanidzwa mukuisa Mwari pakutanga muupenyu hwemhuri?

Vabereki navana vanofanira kunamata Jehovha ndokuwirirana nemipimo yake yakarongwa muBhaibheri.—5/15, peji 5.

◻ Neiko Jehovha asina kuranga vatadzi nokukurumidza?

Chikonzero chimwe ndechokuti zita raMwari rinofanira kuziviswa mupasi rose. (Enzanisa naVaRoma 9:17.) Chimwe ndechokubvumira nguva yokupedza nhau dzouchangamire hwaMwari neperero yomunhu, idzo dzakabva murupandukiro muEdheni. Uyewo, mwoyo murefu waMwari unopa vanokanganisa banza rokupfidza nokururamisa nzira dzavo. (2 Petro 3:9)—5/15, mapeji 11-12.

◻ Maidii anopupurira kuti Bhaibheri nderamavambo anopfuura ohunhu?

Bhaibheri rakanyorwa navanyori 40 vakasiana-siana, avo vaibva mumifambiro yose youpenyu uye avo vakararama inopfuura nhambo yamakore 1 600; bva vanyori vose ivava vakatevera musoro mumwe mukuru. Iyi tsinhirano yomukati yeBhaibheri yaizova isingabviri kudai kwakasiiwa kutsaona kana kuti nhungamirowo zvayo yomunhu.—6/1, peji 5.

◻ Chiitoi chechienzi nebasa risiri renguva dzose, zvakadeya kutaurwa pana Isaya 28:21, zvichaita Jehovha muzuva redu?

Nyevero iri pana Zvakazarurwa 17:16 inoratidza kuti vadi vezvamatongerwe enyika veBhabhironi Guru rimwe zuva vacharipandukira. Somuuyo, chiKristudhomu chichaparadzwa chose chose pamwe chete namamwe marudzidziso ose enhema. Ichochi chichava chiito chechienzi chaJehovha nebasa rake risiri renguva dzose nokuda kwezuva redu.—6/1, mapeji 22-23.

◻ Chii chinofanira kurangarira vakadzi vechiKristu pamusoro pokushandisa zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha nemekiapu?

Bhaibheri harirambidzi kushandisa zvinoyamura runako zvakadaro. (Eksodho 32:2, 3; Estere 2:7, 12, 15) Asi kuva nomwero kunofanira kukurira. Mukadzi angagona kusatana kusvika pakutevedzera mitoo yenyika, achishandisa ripisitiki yakanyanyisa, mafuta okuzora matama, kana kuti mafuta okuzora mumeso, kunyange sezvakaita Jezebheri. (2 Madzimambo 9:30) Ngwariro inofanira kushandiswa kuitira kuti mafuta arege kushandiswa zvakanyanya uye zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha zvinoshandiswa zvirege kuva zvokuzvitutumadza.—6/1, mapeji 30-1.

◻ VaIsraeri vakanzvenga sei “matenda akaipa eEgipita” ayo akanga akapararira munguva dzapakuvamba? (Dheuteronomio 7:15)

Sezviri pachena ivo vakanzvenga hosha dzakadaro zvikurukuru nemhaka yokuchengeta miitiro youtsanana yakakwirira yairairwa musungano yoMutemo.—6/15, peji 4.

◻ Neiko Mwari akaraira kuti vanhu havafaniri kudya ropa? (Genesi 9:3, 4; Revhitiko 17:10, 11; Mabasa 15:22-29)

Upenyu chipo chinobva kuna Mwari uye upenyu hwavanhu hunotsamira pachinoyerera chinotsigira upenyu chinonzi ropa. (Pisarema 36:9) Kupfurikidza nokuremekedza ropa sechairo, vanhu vanoratidza rutsamiro rwavo pana Mwari nokuda kwoupenyu. Naizvozvo, chikonzero chikuru chomurairo waMwari pamusoro peropa chakanga chiri, kwete kuti kudya ropa kwaigona kuva kusingapi utano hwakanaka, asi kuti ropa raiva nerevo chaiyo kuna Mwari.—6/15, mapeji 8-9.

◻ Vabereki vechiKristu nepwere vangasimbisa sei bviro yokuti kuramba kwomuduku kuisirwa ropa kucharemekedzwa?

Kunyange zvazvo isiri mukuru pamutemo, pwere yechiKristu inofanira kukwanisa kutsanangura zvakajeka uye zvakasimba chiri kuramba kwayo kworudzidziso kwakasimba kukudya ropa. Vabereki vanogona kuva namarusando erovedzo navana vavo kuitira kuti ivava vawane ruzivo rwokuzviwanira mukutsanangura kupwiswa kwavo vamene.—6/15, peji 18.

◻ Vakadzi vakakomborerwa zvikuru kwazvo sei mukati moushumiri hwapasi hwaJesu?

Jesu akavamba basa iro rakaunza nyaradzo, tariro, uye chiremera chitsva kuvakadzi vamadzinza ose. Iye akadzidzisa vakadzi zvokwadi huru dzomudzimu. (Johane 4:7, 24-26) Mukati moushumiri hwake, iye akagamuchira kushumira kwavakadzi sezvo aifamba munyika yose. (Marko 15:40, 41)—7/1, mapeji 14-15.

◻ Hunyanzvii hwokudzidzisa hwaJesu uhwo vabereki vakawana huchibudirira navana vavo?

Vabereki vanoita zvakanaka kushandisa mienzanisiro kuita kuti zvokwadi dzechiKristu dzifadze kumwoyo yavana vavo vaduku, uye ivo vangashandisa mibvunzo yakasanofungwa kuti vanzwisise icho vana vavo vakura vari kufunga chaizvoizvo. (Enzanisa naMateo 17:24-27.)—7/1, peji 26.

◻ Neiko tichifanira kuronda mutsa worudo?

Vara romutsa worudo rinoita kuti tidiwe naMwari navamwe. Iro rinosimudzira tsitsi uye rinotiita vanorangarira zvikuru. Iro rinosimbisa zvisungo mukati memhuri neungano yechiKristu. Kupfuura zvose, mutsa worudo unounza mbiri kuna Jehovha.—7/15, peji 22.

◻ Neiko kuchibvira kuti muKristu atsauswe munhau yesonganiro? (1 VaKorinte 15:33)

Mumwe munhu angaratidzika kuva ane ushamwari naanofadza, asi kana iye asati achigoverana itiro hanya yomuKristu nokuda kwebasa raJehovha kana kuti kunyange kutenda Bhaibheri, iye musonganiri akaipa. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti upenyu hwake hwakavakirwa panheyo dzakasiana, uye zvinhu zvinokosha kumuKristu zvingava nerevo duku kwaari.—7/15, peji 23.

◻ Neiko Zuva roRutongeso iri nguva yetariro?

Zuva roRutongeso inhambo yamakore ane chiuru chimwe. Iro richatungamirirwa naMwari amene noMwanakomana wake, Kristu Jesu, akagadzwa naMwari kushanda soMutongi. Iyi ichava nguva yokudzorera kurudzi rwomunhu upenyu hwakakwana hwohunhu uhwo Adhama akarasa nokuda kwavana vake. (1 VaKorinte 15:21, 22)—8/1, mapeji 5-7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe