Kutarira Mberi Kwo“rugare Nechengeteko” Zvinoitwa Nomunhu
Zvokwadi ndeyokuti, vanhu havatongogoni kuunza rugare chairwoirwo, runogarisa. Zvokona neiko? Nemhaka yokuti vanhu havasati vari vaparadzi vorugare chaivoivo, kunyange zvazvo vachigoverana mhaka yacho nokuda kwenhau yavo yakasvibiswa neropa. Muparadzi worugare chaiyeiye ane simba zvikuru kupfuura munhu. Haasati ari mumwe kunze kwaSatani Dhiabhorosi, uyo anorondedzerwa muBhaibheri so“munyengeri wenyika yose.”—Zvakazarurwa 12:9.
BHAIBHERI rinoti: “Nyika yose igere muna iye wakaipa [Satani].” (1 Johane 5:19) Nokudaro, kuwana rugare chairwoirwo nechengeteko inogarisa kunofanira kubatanidza kubvisa Satani munzvimbo pamwe chete netsika yenyika yaakavaka neyaanodzora zviri pachena kwazvo. (Enzanisa naIsaya 48:22; VaRoma 16:20.) Vanhu havagoni kuita ikoku.
Ipapoka, rugare nechengeteko zvinogona sei kuwanwa? Kupfurikidza nesimba roUyo akasimba zvikuru zvisina kuganhurirwa kupfuura Satani. Mwari Wamasimba ose akagadza muganhu wenguva kumubato waSatani pakati porudzi rwomunhu. Apo muganhu iwoyo wenguva unosvika, “ruparadziko rwakamwe kamwe” ruchauya panyika iri musimba raSatani. (1 VaTesaronika 5:3-7, NW) Ufakazi hwose hunotungamirira kumhedziso yokuti ikoku kuchaitika nokukurumidza.
Rugare Nechengeteko Zvino!
Kunyanguvezvo, zvakadiniko zvino? Mwero wakati worugare nechengeteko unobvira kunyange nhasi. Seiko? Kwete sokuedza kwakaita vatungamiriri vorudzidziso vakawanda, kupfurikidza nokuva vanobatanidzwa mune zvematongerwe enyika zvenyika ino, asi, panzvimbo pezvo, kupfurikidza nokutevera mirairo yaMwari nezano.
Nzira yakadaro inobereka rugare chaizvoizvo here? Hungu, inodaro. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvakaiedza ndokuwana kuti kunobvira chaizvoizvo kufarikanya rugare rwechokwadi pamwe chete nomwero wakati wechengeteko. Kutevera mirairo yaMwari seinoziviswa muBhaibheri kwakazvigonesa kuva pamwe chete sesangano ramarudzi ose murugare rwechokwadi, pasinei zvapo nedzinza razvo, rudzi, kana kuti mutauro.—Pisarema 133:1.
Mukuteerera mutemo woumwari, nenzira yokufananidzira zvaka‘pfura minondo kuva miromo yamapadza uye hazvisati zvichizotongodzidzazve hondo.’ (Isaya 2:2-4) Zvinonzwa zvakachengeteka murudo rwaMwari uye zvine chivimbo chokuti hama dzazvo dzomudzimu dzinozviitira hanya. (VaRoma 8:28, 35-39; VaFiripi 4:7) Kana uchipanikira kana ikoku kuri kwechokwadi, tinokukoka kuti uzvishanyire muimwe yeHoro yoUmambo yazvo ndokuzvionera umene.
Rugare Nechengeteko Munyika Yose
Ikoku, zvisinei, hakusati kuri kuzadzika kwokupedzisira kwechipikirwa cheBhaibheri chorugare rwechokwadi nechengeteko. Nyangwe! Runongova zvarwo rumbonera rweizvo nyika ino yaizova yakaita kudai munhu ari wose akatevera mitemo yaMwari. Nokukurumidza rumbonera irworwo ruchava chinhu chaichoicho.
Muapostora Pauro akati: “Kana vachiti, [avo vasingabatiri Mwari] ‘Rugare [nechengeteko!, NW]’ [vachifunga kuti pakupedzisira vaunza rugare nechengeteko nenzira yavo vamene] ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira.” (1 VaTesaronika 5:3) Mwari achatema kuti Satani atsausa rudzi rwomunhu kwenguva refu yakakwana. Ipapo ichava nguva yokumubvisa munzvimbo, pamwe chete netsika yenyika yakaipa iri musimba rake. Ipapo ichava nguva yokuzadzikwa kwouporofita hwaDhanieri, hunoti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Ichochi chichava chiito chakaipa chaMwari here? Nyangwe. Ruparadziko rwakamwe kamwe ruchauya paavo bedzi vanofanirwa narwo mukuwirirana norutongeso rwaMwari, mipimo yaMwari. Unovimba noMusiki kuti asarudze zvakarurama munhau iyoyi here? Zvirokwazvo tinogona kusiira nhau yacho zvakakotsekana mutarisiro yake! Uye chii chichava muuyo webasa rake rorutongeso? Chirevo chinoti: “Nokuti vakarurama vachagara nhaka panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” (Zvirevo 2:21, 22) Munhu upi noupi achachema kurasikirwa navakaipa here?
Vaparadzi vorugare vabviswa munzira, rugare rwechokwadi nechengeteko zvichava mugariro worudzi rwomunhu mupasi rose mukutonga kunobetsera kwoUmambo hwaMwari. “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Unodavira chipikirwa ichochi cheBhaibheri here? Une chivimbo chokuti zvinhu izvozvi zvichaitika nokukurumidza here? Kana une panikiro dzipi nedzipi, tinokukurudzira kunzverazve nhau yacho. Chaizvoizvo, nzira yaMwari ndiyo nzira bedzi iyo munhu achazotongowana nayo nharidzano inoshuviwa yorugare chairwoirwo nechengeteko yechokwadi.
[Mifananidzo iri papeji 8]
Vanhu vaJehovha vanofarikanya rugare rwechokwadi nomwero wakanaka wechengeteko nhasi