RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/1 pp. 5-6
  • Murangariro weBhaibheri Worugare Nechengeteko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Murangariro weBhaibheri Worugare Nechengeteko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rugare Nechengeteko—Nhungamiro Kuchii?
  • Nguva Yakaziviswa
  • ‘Kupesana’ Pakati Pamasimba Enyika
  • Kutarira Mberi Kwo“rugare Nechengeteko” Zvinoitwa Nomunhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Tyisidziro Yenyukireya—Yabviswa Nokusingaperi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/1 pp. 5-6

Murangariro weBhaibheri Worugare Nechengeteko

Vanhu vakawanda vanodavira kombamiro iri pachena kuchinzwano chenyika chikuru zvikuru norugare nechengeteko izvo iyoyi ingaunza. Vanokarira kuti chiito chakadaro chichatungamirira kunyika iri nani. Asi Bhaibheri rinoratidzira kuti kune zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura zvinooneka.

NHAU yorugare nechengeteko zvikurukuru ndeyefariro kumaKristu nemhaka yezvakanyora muapostora Pauro mufuridzirwo kuungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore. Mashoko ake akanyorwa muBhaibheri pana 1 VaTesaronika 5:3, anoti: “Kana vachiti, ‘Rugare [nechengeteko!, NW]’ ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba; havangatongopukunyuki.” Rugwaro irworwu runomutsa mibvunzo inokosha.

Rugare Nechengeteko—Nhungamiro Kuchii?

Kana ukarava mashoko akapoteredza mashoko aPauro anokorwa pamusoro apa, uchaona kuti avo vari kuti “rugare [nechengeteko, NW]” havasati vari maKristu akamuka zvizere, asi, panzvimbo pezvo, vanhu vamwe navamwe vasingazivi chiri kuitika chaizvoizvo. Vari mumugariro une ngozi asi havazivi nezvawo nemhaka yokuti vanofunga kuti zvinhu zviri kuvandudzika. Pamusoro pamaKristu, kunyanguvezvo, Pauro akati: “Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu.” (1 VaTesaronika 5:1) Hungu, tinofanira kuziva rudungwe rwenguva rwaMwari rwezvinoitika. Neiko? Nemhaka yokuti Pauro akataura kuti nguva yoruparadziko rwakamwe kamwe, runonzi [“zuva raJehovha, NW],” riri kuuya “sembavha usiku.”—1 VaTesaronika 5:2.

Kutaurwa kwakadeya kutaurwa kworugare nechengeteko kunobatanidzei? Nenzira yakajeka, kunofanira kupfuura kutaurawo zvako. Vanhu vave vachitaura nezvorugare kwenguva refu inodokuva sokurwa kwavave vachiita hondo. Mashoko aPauro anofanira kunongedzera kunguva apo marudzi anoratidzika kuva ari kuwana rugare nechengeteko nenzira yakatanhamara. Asi ikoku kuchava bedzi chitarisiko chenhema. Runoratidzika kuva rugare nechengeteko runotungamirira kuruparadziko rwakamwe kamwe sezvinooneka hazvisati zviri rugare chairwoirwo kana kuti chengeteko yechokwadi.

Jesuwo akataura pamusoro poruparadziko rwakamwe kamwe irworwu. Iye akakudana kuti “kutambudzika kukuru, kusati kwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.” Mazana amakore anoverengeka pamberi paJesu, muporofita Dhanieri akataurawo nezvaro, uye akarirondedzera se“nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo.”—Mateo 24:21; Dhanieri 12:1.

Kana richidanwa kuti dambudziko guru, kana ichidanwa kuti nguva yenhamo—muchinoitika chimwe nechimwe, mukuwirirana namauporofita, richaparadza chiratidziro chiri chose chetsika yapasi yaSatani. Panzvimbo pokuratidzira tendero youmwari, kutaurwa kwakaporofitwa kworugare nechengeteko kuchatungamirira kumusiano umene!—Enzanisa naZefania 3:8.

Nguva Yakaziviswa

Kuenda kuri pachena kwemisi ichangobva kupfuura iyi kuchinzwano chenyika chikuru zvikuru netariro dzinovapo somuuyo nokuda kworugare nechengeteko izadziko yenyevero youporofita yaPauro here? Eya, seizvo magazini ino yakaonesa kazhinji kazhinji, chifo cha 1914 takapupurira zadziko yamauporofita mazhinji eBhaibheri ane chokuita nokuvapo kwokudenga kwaJesu musimba roUmambo. (Mateo, ganhuro 24, 25; 2 Timotio 3:1-5; Zvakazarurwa 6:1-8) Jesu akaratidzira kuti zuva raJehovha, apo ruparadziko rwakamwe kamwe ruchauya pavakaipa, richasvika apo mitezo yechizvarwa chavanhu vakapupurira mavambo enguva iyoyi inenge ichiri mipenyu.—Ruka 21:29-33.

Muapostora Pauro akasumawo nguva. Iye akati: “Pavanenge vari kutaura nezvorugare nechengeteko, kamwe kamwe ngwavaira inovasvikira.” Kushandurwa ikoku kwamashoko aPauro muThe New English Bible kunoratidza nenzira yakajeka kuti dambudziko guru rinoitika “pavanenge vari kutaura.” Kufanana nembavha usiku—rusingadeyi kuonwa—ruparadziko rucharova parunenge rusingatongokarirwi, apo ngwariro yavanhu vazhinjisa inenge iri parugare rwavo nechengeteko zvinokarirwa. Nokudaro, nepo panguva ino tisingagoni kutaura kana mugariro uripo worugare nechengeteko unozadzika mashoko aPauro—kana kuti kutaurwa kworugare nechengeteko kuchafanira kukura kusvikira kutambanukoi—idi rokuti kutaura kwakadaro kuri kunzwika zvino kusvikira kumwero usina muenzaniso rinongwadza maKristu kukudikanwa kwokuramba akamuka panguva dzose.

‘Kupesana’ Pakati Pamasimba Enyika

Apo akataura nezvenguva yenhamo, muporofita Dhanieri akasumawo nguva. Iye akaratidza kuti nguva yenhamo yaizoitika pamugumo werwisano yenguva refu pakati pamapoka amasimba maviri, rimwe rinodanwa kuti “mambo wokumusoro” uye rimwe racho, “mambo wezasi.” (Dhanieri 11:5-43) Chifo chomugumo weHondo yeNyika II, mapoka iwaya ane simba ave achimirirwa na“mambo wezasi” wezvepfuma na“mambo wokumusoro” wesosharisiti.

Dhanieri akadeya kutaura kuti kukwikwidzana kwakakasharara pakati pamapoka maviri iwaya, sezvakacherekedzwa mukati mamakore 45 apfuura, kwaizova so“kupesana,” kufanana navatambi vetsimba vaviri vari kuvavarira banza. Misi ichangobva kupfuura iyi, kupesana kunoratidzika kuva kwakaderera. Nokudaro, muna May gore rapfuura, gurukota rezvinoitika kunze kwenyika reSoviet rakazivisa kuti Utsinye Hukuru pakati pamarudzi hwakapera. Muna June, magazini yeTime yakanongedzera kumusangano mukuru pakati peUnited States neSoviet Union ndokuti: “Zvimwe zvezvibvumirano pakudzora zvombo nokuedzwa kwenyukireya zvaizodai zvakaratidzika kuva chiitwa chinoshamisa makore mashomanene apfuura. Zvino, zvose zvatorangarirwa, zvinoratidzika kuva zvine mugumo unoodza mwoyo.”

Kana hunoratidzika kuva ushamwari ihwohwu pakati pamasimba makuru maviri huri hwechinguvana kana kuti hwechigarire, kuchava pachena mukufamba kwenguva. Kunyanguvezvo, chimwe chinhu chakajeka. Nhambo yenguva yakadudzwa naJesu yaenda zvikuru. Uye zvinhu zviri kuitika munyika zvinoratidzira kuti tava pedyo nezvinoitika zvakadeya kutaurwa nomuapostora Pauro nomuporofita Dhanieri. Kunyange zvazvo zvinoitika zvamatongerwe enyika zvemisi ichangobva kupfuura iyi zviri kusvika kumwero wakati nemhaka yepesvedzero yamachechi echiKristudhomu, hazvisati zvichizotungamirira kurugare runogarisa. Ufakazi ndohwokuti zvichatungamirira kumusiano chaiwo nokuda kwamarudzi enyika ino.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Kuchava pachena mukufamba kwenguva kuti hunoratidzika kuva ushamwari pakati pamasimba makuru huchagara kwenguva yakareba sei

[Kwazvakatorwa]

USSR Mission to the UN

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe