Vimba Noruoko Runoponesa rwaJehovha
“Jehovha . . . ivai ruoko rwavo mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.”—ISAYA 33:2.
1. Mupfungwai umo Jehovha ane ruoko rune simba?
JEHOVHA ane ruoko rune simba. Chokwadika, sezvo “Mwari ari Mudzimu,” harusati ruri ruoko rwenyama. (Johane 4:24, NW) MuBhaibheri, ruoko rwokufananidzira runomirira mano okushandisa simba. Nokudaro, kuri kupfurikidza noruoko rwake kuti Mwari anonunura vanhu vake. Zvamazvirokwazvo, ‘kufanana nomufudzi, Mwari anofudza boka rake. Noruoko rwake iye anounganidza pamwe chete makwaiana, uye anoatakura muchipfuva chake.’ (Isaya 40:11; Pisarema 23:1-4) Vanhu vaJehovha vanonzwa vakachengeteka sei muruoko rwake rune rudo!—Enzanisa naDheuteronomio 3:24.
2. Mibvunzoi pano yakafanirwa nokurangarira kwedu?
2 Ruoko rwaJehovha rwakaponesa sei vanhu vake, munguva yakapfuura nomunguva yazvino? Iyamuroi iyo Mwari anovapa seungano? Uye neiko vanhu vake vachigona kuvimba noruoko rwake runoponesa mukati menhamo dzavo dzose?
Kushanda Kworuoko Runoponesa rwaMwari
3. Magwaro anoti kununurwa kwaIsraeri muEgipita kwakaitwa nani?
3 Asati anunura vaIsraeri muubatwa hweEgipita makore 3 500 akapfuura, Mwari akaudza muporofita wake Mosesi, kuti: “Naizvozvo muti kuvana vaIsraeri: ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaEgipita, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’” (Eksodho 6:6) Mukuwirirana nomuapostora Pauro, Mwari akabudisa vaIsraeri muEgipita “noruoko rune simba.” (Mabasa 13:17) Vanakomana vaKora vakati kukundwa kweNyika Yakapikirwa kwakaparirwa naMwari, vachiti: “Nokuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, ruoko rwavo haruna kuvaponesa; asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, nokuti maivafarira.”—Pisarema 44:3.
4. Chivimbo muruoko runoponesa rwaJehovha chakatuswa sei mumazuva edenho yeAsiria?
4 Ruoko rwaJehovha rwakayamurawo vanhu vake mumazuva edenho yeAsiria. Panguva iyoyo muporofita Isaya akanyengetera, kuti: “Jehovha mutinzwirei tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwavo mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.” (Isaya 33:2) Munyengetero iwoyo wakapindurwa apo ngirozi yaMwari yakauraya vane 185 000 mumusasa wavaAsiria, kuchibudisa Mambo Sanheribhi muJerusarema “achinyara.” (2 Makoronike 32:21; Isaya 37:33-37) Kuvimba noruoko runoponesa rwaJehovha kunotuswa nguva dzose.
5. Ruoko rune simba rwaJehovha rwakaitei nokuda kwamaKristu anotambudzwa pamugumo weHondo yeNyika I?
5 Ruoko rune simba rwaMwari rwakaponesa maKristu akazodzwa akatambudzwa pamugumo weHondo yeNyika I. Muna 1918 dzimbahwe roMutumbi Unodzora rakadenhwa navavengi varo, uye hama dzaisanozivikanwa dzakapinzwa mutorongo. Vachitya masimba enyika, vakazodzwa vakadokurega basa ravo rokupupurira. Asi vakanyengeterera kumutsidzirwa kwaro nokucheneswa muchivi chokusashanda nokusachena kworutyo. Mwari akapindura kupfurikidza nokuparira hama dzakapinzwa mutorongo kusunungurwa, nokuwanwa vasina mhaka kuchitevera nokukurumidza pashure paikoko. Somuuyo wezvokwadi dzakataurwa pakokorodzano yavo muna 1919 nokudururwa kwomudzimu waMwari unonyandura, vakazodzwa vakamutsidzirwa nokuda kwebasa rokusatya kuna Jehovha muzadziko yokupedzisira yaJoere 2:28-32.—Zvakazarurwa 11:7-12.
Betsero Muungano
6. Tinoziva sei kuti kunobvira kutsungirira mugariro unotambudza muungano?
6 Sezvo Mwari achitsigira sangano rake rose zvaro, ruoko rwake runotsigira vamwe navamwe vari mariri. Chokwadika, migariro haina kukwana muungano ipi neipi nemhaka yokuti vanhu vose havana kukwana. (VaRoma 5:12) Naizvozvo vamwe vabatiri vaJehovha padzimwe nguva vangawana mugariro unotambudza muungano. Somuenzaniso, kunyange zvazvo Gayo akaita “basa rakatendeka” mukugamuchira hama dzinoshanya nenzira yomutsa, Dhiotrefe haana kudzigamuchira uye akatoedza kudzinga vane mutsa muungano. (3 Johane 5, 9, 10) Kunyanguvezvo, Jehovha akabetsera Gayo navamwe kupfuurira kuratidza mutsa mukutsigirwa kwebasa rokuparidzira Umambo. Kutsamira kwokunyengetera pana Mwari kunofanira kutibetsera kuramba tichiita mabasa akatendeka tichimumirira kuti aruramise mugariro ungava unoedza kutenda kwedu.
7. MaKristu akavimbika akararama mukuwirirana netsauriro yawo kuna Mwari pasinei hapo nemigariroi muungano yeKorinte?
7 Ngatitii wakanga uchisonganirana neungano yomuzana rokutanga ramakore yeKorinte. Pane imwe nguva, mapoka akatyisidzira chinzwano chayo, uye kushivirirwa kwoutere kwakatyisidzira mudzimu wayo. (1 VaKorinte 1:10, 11; 5:1-5) Vatendi vakaendesana kumatare enyika, uye vamwe vaiitirana nharo panhau dzakasiana-siana. (1 VaKorinte 6:1-8; 8:1-13) Gakava, godo, kutsamwa, uye nyongano zvakaita kuti upenyu huve hwakaoma. Vamwe vakatopanikira chiremera chaPauro uye vakamhura mano ake okutaura. (2 VaKorinte 10:10) Bva, vanhu vakavimbika vaisonganirana neungano iyoyo vakararama mukuwirirana netsauriro yavo kuna Mwari mukati menguva iyoyo inotambudza.
8, 9. Chii chatinofanira kuita kana mugariro unotambudza ukanangana nesu muungano?
8 Kana mugariro unotambudza ukamuka, tinofanira kuomerera kuvanhu vaMwari. (Enzanisa naJohane 6:66-69.) Ngativei vanoshivirirana, tichiziva kuti kunotorera vamwe vanhu nguva refu zvikuru kupfuura vamwe kuti vapfeke “hunhu hutsva” ndokuzvipfekedza vamene kunzwira urombo, mutsa, kuzvininipisa kwendangariro, unyoro, uye mwoyo murefu. Sezvo vabatiri vaMwari vachisianawo mumugariro wekare, tose zvedu tinofanira kuratidza rudo ndokuva vanokanganwira.—VaKorose 3:10-14.
9 Pashure pamakore mazhinji ebasa kuna Jehovha, imwe hama yakati: “Kana chinhu chimwe chave chichikosha zvikurusa kwandiri, yave iri nhau yokuramba ndiri pedyo nesangano rinooneka raJehovha. Chinoitika changu chapakuvamba chakandidzidzisa kuti hakuna kunaka sei kutsamira pakurangarira kwomunhu. Apo ndangariro yangu yakanga yasarudza papfundo iroro, ndakatsunga kugara nesangano rakatendeka. Munhu anogonazve sei kuwana nyasha dzaMwari nechikomborero?” Unokoshesa nenzira yakafanana ropafadzo yako yokubatira Jehovha navanhu vake vanofara here? (Pisarema 100:2) Kana zvakadaro, hausati uchizorega chinhu chipi nechipi chichikubvisa musangano raMwari kana kuti kuparadza ukama hwako noUyo ane ruoko runoponesa vose vanomuda.
Betsero Apo Miedzo Inotikomba
10. (a) Munyengetero unobetsera sei vanhu vaMwari kutarisana nomuedzo? (b) Chipikirwai icho Pauro akapa pana 1 VaKorinte 10:13?
10 Savanhu vakatendeka vakabatanidzwa nesangano raMwari, tine betsero yake mukati menguva yomuedzo. Somuenzaniso, iye anotibetsera kuchengeta perero yedu kwaari patinenge takombwa nomuedzo. Chokwadika, tinofanira kunyengetera mutsinhirano namashoko aJesu, anoti: “Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwirei pane wakaipa,” Satani Dhiabhorosi. (Mateo 6:9-13) Chaizvoizvo, nokudaro tinokumbira Mwari kusatibvumira kukundikana patinoedzwa kusamuteerera. Iye anopindurawo minyengetero yedu nokuda kwouchenjeri hwokukurira miedzo. (Jakobho 1:5-8) Uye vabatiri vaJehovha vanogona kuva nechokwadi chebetsero yake, nokuti Pauro akati: “Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” (1 VaKorinte 10:13) Chii chiri manyuko omuedzo wakadaro, uye Mwari anoita sei nzira yokubuda nayo?
11, 12. VaIsraeri vakatera kumiedzoi, uye tinogona sei kubetserwa nezvinoitika zvavo?
11 Muedzo unobva mumigariro inogona kutinyengedza kuva vasina kutendeka kuna Mwari. Pauro akati: “Zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo [vaIsraeri]. Imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: ‘Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakamuka kuti vatambe.’ Zvino ngatirege kuita upombwe, savamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe vane zviuru zvine makumi maviri nezvitatu. Ngatirege kuidza [Jehovha, NW], savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka. Murege kun’un’una savamwe vavo vakan’un’una, vakaparadzwa nomuparadzi.”—1 VaKorinte 10:6-10.
12 VaIsraeri vaishuva zvinhu zvinokuvadza pavakatera kumuedzo wokuva namakaro mukuungana nokudya zvihuta zvakagoverwa nenzira yenenji naMwari. (Numeri 11:19, 20, 31-35) Pakuvamba, vakava vanamati vezvidhori apo kusavapo kwaMosesi kwakaparira muedzo wokupinda mukunamata mhuru. (Eksodho 32:1-6) Zviuru zvakaparara nemhaka yokuti zvakatera kumuedzo ndokuita ufeve navakadzi vavaMoabhi. (Numeri 25:1-9) Apo vaIsraeri vakatera kumuedzo ndokun’un’una pamusoro poruparadziko rwaKora anopandukira, Dhatani, Abhirami, uye vasonganiri vavo, 14 700 vakaparara nedenda rakatumwa nenzira youmwari. (Numeri 16:41-49) Tinogona kubetserwa nezvinoitika zvakadaro kana tikaziva kuti hakuna mumwe weiyi miedzo wakanga wakakura kwazvo zvokuti vaIsraeri vaisagona kuve vakaudzivisa. Vaigona kuve vakaita kudaro kudai vakanga vashandisa kutenda, kudai vakaonga tarisiro yorudo yaMwari, uye kudai vakanga vakanzwisisa ururami hwoMutemo wake. Ipapo ruoko rwaJehovha rwaigona kuva rwakavaponesa, kunyange sezvarunogona kutiponesa.
13, 14. Jehovha anoita sei nzira yokubuda nayo apo vabatiri vake vanotarisana nomuedzo?
13 SamaKristu, tinotarisana nemiedzo yavose kurudzi rwomunhu. Bva, tinogona kuramba takatendeka kuna Mwari kupfurikidza nokunyengeterera betsero yake uye kushanda kudzivisa muedzo. Mwari akatendeka, uye iye haasati achizotirega kuti tiedzwe kupfuura kwatinogona kutsungirira. Kana takavimbika kuna Jehovha, hatisati tichizotongokuwana kusingabviri kuita kuda kwake. Iye anoita nzira yokubuda nayo kupfurikidza nokutisimbisa kuti tidzivise muedzo. Somuenzaniso, patinotambudzwa, tingaedzwa kubvumirana pane zvisina kufanira mutariro yokunzvenga kutambudzwa kana kuti rufu. Asi kana tichivimba noruoko rune simba rwaJehovha, muedzo hautongosviki papfundo raasingagoni kusimbisa kutenda kwedu ndokutipa simba rakaringanira kuchengeta perero. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro: “Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasa mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.”—2 VaKorinte 4:8, 9.
14 Jehovha anotsigirawo vanhu vake kupfurikidza nokushandisa mudzimu wake somuyeuchidzi nomudzidzisi. Unoyeuchidza mapfundo apaMagwaro uye unotibetsera kunzwisisa mashandisire atingaaita kuti tidzivise muedzo. (Johane 14:26) Vabatiri vakatendeka vaJehovha vanonzwisisa nhau dzinobatanidzwa mumuedzo uye havanyengedzwi kupinda mukutevera nzira isina kururama. Mwari akaita nzira yokubuda nayo kupfurikidza nokuvagonesa kutsungirira kunyange kusvikira kurufu pasina kutera kumuedzo. (Zvakazarurwa 2:10) Kunze kwokubetsera vabatiri vake kupfurikidza nomudzimu wake, Jehovha anoshandisa ngirozi dzake nokuda kwesangano rake.—VaHebheru 1:14.
Betsero Muzvinhu Zvomunhu Oga
15. Ibetseroi yomunhu oga yatingawana muRwiyo rwaSoromoni?
15 Avo vanosonganirana nesangano raJehovha vane betsero yake muzvinhu zvomunhu oga. Somuenzaniso, vamwe vangave vachitsvaka mukwanyina wechiKristu. (1 VaKorinte 7:39) Kana pane kuodzwa mwoyo, kungava kunobetsera kurangarira mambo waIsraeri Soromoni. Iye akakundikana kugamuchirwa nemhandara yechiShuramiti muroorano nemhaka yokuti yaida mufudzi anozvininipisa. Chinyorwa chamambo cheiyi nhau chingadanwa kuti Rwiyo rwoRudo Rwakakangaidzwa rwaSoromoni. Tingachema misodzi kana nhamburiko dzedu timene dzenyengano dzisina miuyo muchinoitika chakati, asi Soromoni akapukunyuka kuora mwoyo kwake, uye naizvozvo tinogona kudarowo. Mudzimu waMwari unogona kutibetsera kuratidzira kuzvidzora namamwe mavara oumwari. Shoko rake rinotibetsera kugamuchira idi rinorwadza kazhinji kazhinji rokuti munhu haagoni kuva norudo rwenyengano nokuda kwomunhu upi noupi zvake. (Rwiyo rwaSoromoni 2:7; 3:5) Bva, Rwiyo rwaSoromoni runoratidza kuti kungabvira kuwana mutendi biyedu anotida zvikuru. Chinokosha zvikuru, urwu “rwiyo rukuru” runozadzikwa murudo rwoMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu, nokuda kwo“mwenga” wake wavateveri vakazodzwa vane 144 000.—Rwiyo rwaSoromoni 1:1; Zvakazarurwa 14:1-4; 21:2, 9; Johane 10:14.
16. “Dambudziko munyama yavo” rinowanwa namaKristu akaroora ringabatanidzei?
16 Kunyange avo vanoroora mutendi vane “dambudziko munyama yavo.” (1 VaKorinte 7:28, NW) Pachava nefunganyo neitiro hanya zvinobatanidza murume nomudzimai navana vavo. (1 VaKorinte 7:32-35) Chirwere chingaunza mitwaro nefunganyo. Chitambudzo kana kuti nhamo yemari zvingaita kuti kuve kwakaoma kuti baba vechiKristu vagovere zvinodikanwa zvoupenyu zvemhuri yavo. Vabereki navana vangaparadzaniswa nokupinzwa mutorongo, uye vamwe vangatambudzwa uye kunyange kuurawa. Asi mumigariro yose yakadaro, tinogona kudzivisa muedzo wokuramba kutenda kana tichivimba zvomenemene noruoko runoponesa rwaJehovha.—Pisarema 145:14.
17. Chinetsoi chemhuri icho Mwari akagonesa Isaka naRebheka kutsungirira?
17 Tingafanira kutsungirira mimwe miedzo kwenguva refu. Somuenzaniso, mwanakomana angaparira vabereki vake voumwari nhamo kupfurikidza nokuroora asingatendi. Ikoko kwakaitika mumhuri yatateguru Isaka nomudzimai wake Rebheka. Mwanakomana wavo ane makore 40 okukura Esau akaroora vakadzi vaviri vechiHeti avo “vakarwadza mwoyo waIsaka naRebheka.” Kutaura idi, “Rebheka akati kuna Isaka: ‘Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu hungabatsirei?’” (Genesi 26:34, 35; 27:46) Sezviri pachena, mweya wakarurama waRebheka wakatambudzwa neichi chinetso chinopfuurira. (Enzanisa na 2 Petro 2:7, 8.) Bva, ruoko rwaJehovha rwakatsigira Isaka naRebheka, ruchivagonesa kutsungirira uyu muedzo apo vaichengeta ukama hwakasimba Naye.
18. Muedzoi womunhu oga uyo C. T. Russell akatsungirira nebetsero yaMwari?
18 Kunotambudza apo mutezo wemhuri wakabhapatidzwa unoderera mubasa raMwari. (Enzanisa na 2 Timotio 2:15.) Bva, vamwe vakatotsungirira kurasikirwa kwomudzimu nomukwanyina, sezvakaita Charles T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society. Mudzimai wake akagura batano dzake neSosaiti ndokumusiya muna 1897, pashure paanodokusvika makore 18 eroorano. Iye akaita chiito chapamutemo cheparadzano muna 1903, uye chakapiwa muna 1908. Nhamo yake yakanga iri pachena paakamuudza mutsamba yapakuvamba, kuti: “Ndakanyengetera zvapachokwadi kuna Ishe nokuda kwako. . . . Handisati ndichizokuremedza nenhauro dzenhamo yangu, kana kuti kuedza kunyandura tsitsi dzako kupfurikidza nokurondedzera muudzame mifungo yangu, sezvo nguva nenguva ndinoona marokwe ako nezvimwe zvinhu izvo zvinounza zvakajeka pamberi pendangariro yangu zvawaichimbova—wakazara kwazvo norudo netsitsi norubatsiro—mudzimu waKristu. . . . Haiwa, rangarira nenzira yokunyengetera zvandava kudokutaura. Uye iva nechokwadi chokuti chinondirwadza zvikuru, kutapurwa kukuru kwemifungo, hakusati kuri bedzi ushoma hwangu kwoupenyu hwangu hwose hwasara; asi kuwa kwako, mudiwa wangu, kurasikirwa kwako kusingaperi, sokurangarira kwandinogona kuita.” Pasinei hapo nokurwadziwa kwakadaro, Russell akanga ane tsigiro yaMwari kusvikira kumugumo woupenyu hwake hwapasi. (Pisarema 116:12-15) Jehovha nguva dzose anotsigira vabatiri vake vakavimbika.
Kubuda Munhamo Dzose
19. Chii chatinofanira kuyeuka kana zvinetso zvinotambudza zvikapfuurira?
19 Vanhu vaJehovha vanomuziva kuva “Mwari wamabasa anoponesa,” Uyo “anotitakurira mutoro zuva nezuva.” (Pisarema 68:19, 20, NW) Naizvozvo, savanhu vakazvitsaurira vanosonganirana nesangano rake rapasi, ngatiregei kutongotera kukusava netariro kana zvinetso zvinotambudza zvikapfuurira. Yeuka kuti “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” (Pisarema 46:1) Chivimbo chedu maari chinotuswa nguva dzose. “Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura,” akadaro Dhavhidhi, “akandisunungura pakutya kwangu kwose. . . . Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, akamuponesa panjodzi dzake dzose.”—Pisarema 34:4-6.
20. Mubvunzoi unosara nokuda kwokurangarira?
20 Hungu, Baba vedu vokudenga vanoponesa vanhu vavo munhamo dzose. Ivo vanotsigira sangano ravo rapasi, vachigovera betsero muzvinhu zveungano nomuzvinhu zvomunhu oga. Zvamazvirokwazvo, “Jehovha haangarashi vanhu vake.” (Pisarema 94:14) Asi ngatiteverei kurangarira dzimwe nzira idzo Jehovha anobetsera nadzo vanhu vake somunhu mumwe nomumwe. Baba vedu vokudenga vanotsigira sei vabatiri vavo vanorwara, vakaora mwoyo, vakarohwa nenhamo nemhaka yokufirwa, kana kuti vanotambudzika pamusoro pezvikanganiso zvavo? Sezvatichaona, muizvi zvinhuwo, tine chikonzero chokuvimba noruoko rune simba rwaJehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Ruoko rwaJehovha rwakaunza sei ruponeso munguva dzekare?
◻ Jehovha anobetsera sei vanhu vake vari muungano nhasi?
◻ Ibetseroi iyo Mwari anogovera muzvinhu zvomunhu oga?
◻ Chii chatinofanira kuita kana zvinetso zvinotambudza zvikapfuurira?
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Mwari akabudisa vaIsraeri muEgipita “noruoko rune simba”