RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 10/1 pp. 23-28
  • ‘Vanofara Avo Vose Vanoramba Vachikarira Jehovha’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Vanofara Avo Vose Vanoramba Vachikarira Jehovha’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mbeu Youfundisi Inodyarwa
  • Zvinetso muSpain
  • Kuparidzira Muudzvinyiriri hweKaturike
  • Chitambudzo Uye Kudzingwa
  • Mumwe Mugove, Mumwe Mutauro
  • Nguva Yenhamo Inovamba
  • Kuparidzira muMorocco yeIslam
  • Mugove Wenguva Pfupi?
  • Miedzo Nezvikomborero
  • Kukura muEl Salvador
  • Upenyu Hwakazara Nezvinoshamisa Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kubva Muurombo Hwakanyanya Kwazvo Kuenda Kuupfumi Hunopfuura Zvose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Takaona Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa waMwari Munzira Dzakawanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Vafundisi Vanokurumidzisa Kukura Munyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 10/1 pp. 23-28

‘Vanofara Avo Vose Vanoramba Vachikarira Jehovha’

YAKATAURWA NADOMENICK PICCONE

Vabereki vangu vakatama vachibva Italy vachienda kuUnited States mukati mokuvamba kwama 1920 uye pakupedzisira vakagara muSouth Philadelphia, panguva iyeyo yaizivikanwa seLittle Italy. Pakasvika 1927 ivo vakanga vachisonganirana naVadzidzi veBhaibheri, avo gare gare vakava vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha.

INI ndakaberekwa muna 1929 uye nokudaro ndakaratidzirwa kuzvokwadi yeBhaibheri kuvambira paucheche. Ndinogona kuyeuka kuti Zvapupu zvaisangana mumba medu zvisati zvabuda kundoparidzira mumataundi akasimba zvikuru eRoma Katurike munharaunda inochera marasha yePennsylvania, umo hama dzaisungwa kakawanda. Ndakabhapatidzwa muna 1941 pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muSt. Louis, Missouri. Ipapo zvinhu zvakatanga kushata.

Ndakavamba kusonganirana norudzi rwakaipa rwepwere munharaunda ndokutanga kusvuta nokubhejera mumakona omugwagwa. Sezvineiwo, vabereki vangu vakaona kuti vakanga vachirasikirwa nokundidzora ndokusarudza kutamira kuimwe nharaunda yeguta. Handina kufadzwa, sezvo ndakarasikirwa neshamwari dzangu dzose dzomumugwagwa. Zvisinei, nhasi ndinotarira shure ndokunzwa ndichionga zvikuru kuna baba vangu. Ivo vakarasikirwa nemari yakawanda kuti vandibudise mumhoteredzo idzodzo. Nepo kare vaigona kufamba vachienda kubasa, zvino vaifanira kukwira chitima chapasi pevhu vachienda kure. Asi uku kutama kwakandidzorera mumhoteredzo youbati ushe hwaMwari.

Mbeu Youfundisi Inodyarwa

Rinodokuva gore riri rose, taienda kuSouth Lansing, New York, kuzopinda marusando okupedza kufunda eWatchtower Bible School of Gilead. Kuona vafundisi ivavo vachitumirwa munyika yose kwakadyara chishuvo chebasa roufundisi mumwoyo mangu. Naizvozvo, pashure pokupedza kufunda pachikoro chapamusoro, ndakanyoresa somushumiri woupiona hwenguva dzose, kutanga May 1947.

Mumwe piona muduku muungano medu akanga ari Elsa Schwarz, uye akanga achishingaira zvikuru mubasa rokuparidzira. Vabereki vake nguva dzose vakanga vamukurudzira kuva mufundisi, naizvozvo unogona sezvingabvira kufungidzira muuyo wacho. Takaroorana muna 1951. Tichibatira pamwe chete samapiona muPennsylvania, takakumbira kupinda chikoro chavafundisi cheGilead. Muna 1953 takakokwa kuzopinda kirasi yechi 23 yeGilead. Pashure pemwedzi mishanu yefundo huru negadziriro muGilead, takapedza kufunda pakokorodzano muToronto, Canada, uye takagamuchira mugove wedu—Spain!

Zvinetso muSpain

Tichigadzirira kuenda kumugove wedu woufundisi muna 1955, Elsa neni takanga takazara nemibvunzo. Spain! Yaizova yakadini? Rudzi rwacho rwakanga ruchitongwa nomudzvinyiriri weKaturike Generalissimo Francisco Franco, uye basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rakarambidzwa. Taizoita sei mumigariro yakadaro?

Takanga taudzwa nehama padzimbahwe reSosaiti muBrooklyn kuti Frederick Franz, panguva iyeyo mutevedzeri wapurezidhendi weWatch Tower Society, uye Alvaro Berecochea, mufundisi akabva Argentina, vakanga vasungwa, pamwe chete nedzimwe hama dzakawanda. Gungano rapachivande rakanga rarongwa mumasango pedyo neBarcelona. Zvisinei, mapurisa akanga aziva nezvouku kuungana kwapachivande uye akanga asunga vazhinjisa vaavo vaivapo.a

Takanga taudzwa kuti zvichida hakuna munhu aizokwanisa kusangana nesu apo taizosvika muBarcelona. Miraidzo yedu yaiva iyi: “Tsvakai hotera, ipapo zivisai Sosaiti muNew York kero yacho.” Takaramba tichirangarira mashoko aIsaya: “Vanofara avo vose vanoramba vachikarira [Jehovha]. Uye nzeve dzenyu mumene dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Heyi nzira. Fambai mairi, imi vanhu.’” (Isaya 30:18, 21, NW) Taizongofanira zvedu kuramba tichikarira Jehovha ndokutevera nhungamiro yesangano rake.

Takati sarai zvakanaka kuvabereki vedu neshamwari avo vakauya kuNew York kuzotioneka, uye nokukurumidza ngarava yedu, Saturnia, yakanga yodzika noRwizi rwaHudson yakananga kuAtlantic. Iyoyo yakanga iri nguva yokupedzisira yandakaona baba vangu. Makore maviri gare gare, apo ndakanga ndiri kumwe, vakafa pashure pechirwere chenguva refu.

Pakupedzisira takasvika kumugove wedu, guta rapachiteshi chengarava reBarcelona. Rakanga riri zuva risingafadzi, rinonaya, asi sezvo takanga tichipfuura panobhadharwa mari yezvinhu zvinobva kudzimwe nyika, takaona “mushana” wezviso zvinonyemwerera. Alvaro Berecochea, pamwe chete nedzimwe hama dzeSpain, akanga aripo kuzosangana nesu. Takafara chaizvoizvo kuziva kuti hama dzedu dzakanga dzasunungurwa.

Zvino taifanira kudzidza chiSpain. Mumazuva iwayo vafundisi vaifanira kudzidza mitauro nenzira yakaoma—pasina mabhuku okushandisa kana kuti vadzidzisi. Kwakanga kusina kosi dzomutauro panguva iyeyo. Taifanira kusvika nharidzano inodikanwa yamaawa mubasa rokuparidzira uye panguva imwe cheteyo kudzidza mutauro—pabasa, sokunge zvakadaro.

Kuparidzira Muudzvinyiriri hweKaturike

Sangano raJehovha panguva iyeyo rakanga riri mumavambo aro muSpain. Muna 1955 kwaiva nechiverengero chapamusoro chavaparidzi 366 munyika yavanhu vane mamirioni 28. Kwaiva neungano gumi bedzi munyika yacho yose. Kwaizoramba kwakadaro kwenguva yakareba here? Apo bedzi mudzimai wangu neni takatanga kuparidzira paimba neimba, takawana kuti Spain yakanga yakafanana neparadhiso nokuda kwaavo vanoparadzira mashoko akanaka. Hungu, vanhu vakanga vane nzara yezvokwadi.

Asi basa rokuparidzira rakanga richiitwa sei, sezvo rakanga rakarambidzwa? Kazhinji kazhinji taisashanyira imba iri yose iri mumugwagwa, kana mafurati ose aiva muchivako. Barcelona yakaumbwa nezvivako zvakawanda zvamafurati zvine nhurikidzwa shanu nenhanhatu, uye takaraidzwa kutangira pamusoro ndokushanda tichidzika. Zvichida taishanyira furati rimwe chete pauriri humwe kana kunyange kudarika uriri hunoverengeka. Uyu mutoo wakaita kuti kuomere zvikuru mapurisa kutibata kana saimba anonyanyisa akazivisa mapurisa pamusoro pedu.

Misangano yeungano yaiitirwa mudzimba dzavanhu, ungano dzichiumbwa namapoka efundo yebhuku anovambira pamatatu kusvikira kumana. Ikoku kwakagonesa mubatiri weungano kushanyira imwe neimwe yeidzi fundo dzebhuku kamwe pamwedzi. Muitisi wefundo yebhuku aiva nomutoro wokuitisa misangano yose, yaiitwa pausiku huviri hwakasiana hwevhiki nokuda kwamapoka maduku avanhu vanovambira pa 10 kusvikira ku 20.

Taifanira kudzidza nzira itsva youpenyu. Panguva iyoyo kwakanga kusina gadziriro dzemisha yavafundisi muSpain. Panguva ipi kana ipi pakwaibvira, taigara nehama mumisha yadzo. Kudzidza kubikira pachitofu chamarasha kwakanga kuri chinoitika chaichoicho nokuda kwaElsa! Pakupedzisira takakwanisa kutenga chitofu chiduku cheparafini, iyo yakanga iri vandudziko chaiyoiyo.

Chitambudzo Uye Kudzingwa

Pashure penguva yakati takagamuchira shoko rokuti fungu rechitambudzo rakanga richitanga muAndalusia, uko piona chaiye akanga asungwa. Sezvineiwo, akanga akatakura kabhukwana kaiva namazita nekero zvehama mumativi ose enyika. Takapfuurira kugamuchira mishumo yokuti hama dzedu dzakanga dzichisungwa muguta rimwe pashure perimwe. Vhozhokero dzakanga dzichisvika pedyo zvikuru neBarcelona. Pakupedzisira, chitambudzo chakarova Barcelona.

Mwedzi mishomanene pamberi pezvi, mapurisa akanga andiendesa kudzimbahwe rawo nokuda kwokubvunza. Pashure pamaawa anoverengeka ndakasunungurwa, uye ndakafunga kuti iwoyo waiva mugumo wenhau yacho. Ipapo American Embassy yakandiwana ndokukarakadza kuti ndidzivise kukwenudzwa kwokudzorerwa kunyika yangu, ndinofanira kubva munyika yacho nokuda kwangu ndimene. Nokukurumidza pashure paikoko, mapurisa akatizivisa kuti taiva namazuva gumi okuenda. Sezvo takanga tisina nguva yokunyorera Watch Tower Society, chii chatinofanira kuita? Migariro yakaratidzika kuva inoratidzira kuti tinofanira kuenda kumunda wavafundisi uri pedyosa kunze kweSpain—Portugal, kumadokero.

Mumwe Mugove, Mumwe Mutauro

Apo bedzi takasvika muLisbon, Portugal, muna July 1957, takagoverwa savafundisi kuPorto, guta riri kuchamhembe zvikuru kweLisbon. Rairangarirwa kuva dzimbahwe rechipiri renyika yacho uye raiva munharaunda yakakurumbira nokuda kwewaini dzayo dzapachiteshi chengarava. Ungano inobudirira yaiitira misangano yayo pasi pechivako chomutaundi. Basa rokuparidzira rakarambidzwawo muPortugal, sezvo nyika yacho yakanga iri muudzvinyiriri hwaSalazar. Bva, migariro yakanga yakasiana chose chose neiyo yaiva muSpain. Misangano yaiitirwa mumisha yehama, uye mapoka anovambira pa 40 kusvikira ku 60 aipinda. Kwakanga kusina zviratidzo zvokuti misha yakanga iri nzvimbo dzemisangano yeZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo ndaisataura chiPutukezi, ndakagadzwa kuva mubatiri weungano. Zvakare, takadzidza mutauro mutsva nenzira yakaoma.

Rinenge gore rimwe gare gare, takagoverwa kuLisbon. Muno, kwenguva yokutanga, taiva nenzvimbo yedu timene, furati rakatarira guta reLisbon. Takagoverwa kutarisira dunhu—Republic yePortugal yose. Apo takasvika muPortugal, maingova navaparidzi 305 bedzi uye ungano shanu.

Nguva Yenhamo Inovamba

Padzimwe dzemepu dzinoratidza Portugal nenyika dzayo, pakanga pane kutaura, kwokuti: “Zuva haritongodoki panyika yePortugal.” Ikoku kwakanga kwakadaro, sezvo Portugal yaiva nenyika mumativi akawanda enyika, mbiri dzehurusa dzichiva Mozambique neAngola muAfrica. Muna 1961 kwakaratidzika kuti kwaiva nezvinetso zvaikura muidzi nyika, uye Portugal yakaona kudikanwa kwokuwedzera mauto ayo.

Zvino, chii chaizoita hama duku apo dzakanyorwa nokuda kwebasa rehondo? Dzimwe dzakakwanisa kuwana kuhesvurwa nemhaka youtano hwakaipa, asi zhinjisa dzakamira zvakasimba nokuda kwokusatora rutivi kwechiKristu. Nokukurumidza fungu rakasimba rechitambudzo rakatanga. Bazu rakagamuchira mishumo yokuti mapiona chaiwo akanga achisungwa nokurohwa zvakakomba namapurisa apachivande, P.I.D.E. (Polícia Internacional e Defesa do Estado) ine mukurumbira wakaipa. Vamwe vedu vafundisi takadanwa kudzimbahwe ramapurisa nokuda kwokubvunza. Ipapo, varoorani vatatu vakapiwa mazuva 30 okubva munyika yacho. Tose zvedu takakwirira.

Vamwe navamwe varoorani vari vafundisi vakadanwa kudzimbahwe ramapurisa nokuda kwebvunzurudzo nomutungamiriri weP.I.D.E. Kutanga, mubatiri webazu, Eric Britten, uye mudzimai wake, Christina, vakabvunzwa. Ipapo, Eric Beveridge nomudzimai wake, Hazel, uye pakupedzisira Elsa neni takabvunzurudzwa. Mukuru wamapurisa akatipomera zvenhema kushandiswa namaKomonisiti kusekesa nyika yokuMadokero nokudzidzisa kwedu pamusoro pokusatora rutivi. Kukwirira kwedu kwakanga kusina maturo.

Kwakanga kuchisuruvarisa sei kusiya shure hama nehanzvadzi 1 200 vakanga vachipfuura nomunguva dzakaoma nemhaka yokutonga kwakaipa kwomudzvinyiriri asina mufungo! Nepo vanaBeveridge vakaenda kuSpain uye vanaBritten vakadzokera kuEngland, ndoupi waifanira kuva mugove wedu unotevera? Morocco yeMuslim!

Kuparidzira muMorocco yeIslam

Zvakare, takanga tichiramba tichikarira Jehovha. Mugove mutsva, tsika itsva, uye mitauro mitsva! ChiArab, chiFrench, uye chiSpain yakanga iri mitauro yehurumende yoUmambo hweMorocco, umo makanga mune Zvapupu 234 muungano sere. Rudzidziso rwehurumende yenyika yacho rwaiva chiIslam, uye kutendeutsa pakati pavaMuslim kwakanga kusiri kwapamutemo. Naizvozvo taigona kuparidzira bedzi kuvanhu zvikurukuru veEurope navasiri vaMuslim.

Apo bedzi vafundisi vakatanga kusvika mukupera kwama 50, wedzero dzakaonekwa. Asi hurumende yeMorocco yakavamba kuisa dzvinyiriro pavaEurope, uye kwaiva nokubuda kukuru kwavokumwe, kubatanidza hama dzakawanda.

Sezvo vaisava vaMuslim vedu vakava vashomanene, takazviwana timene tichisungirwa kuwana nzira dzokungwarira pakutaura dzokutaura nadzo kuvaMuslim, uye ikoku kwakatungamirira kunyunyuto kumapurisa. Sezvo nyunyuto dzakava zhinji zvikuru muTangier namamwe maguta, pakupedzisira takaudzwa kuti taingova namazuva 30 bedzi okubva munyika yacho. Muna May 1969, Elsa neni takadzingwa mumumwezve mugove.

Mugove Wenguva Pfupi?

Takaudzwa kudzokera kuBrooklyn, uye ndakakokwa kupinda musangano wavabatiri vebazu wakaitwa zhezha iroro. Ndiri ikoko, ndakaziviswa kuti mugove wedu mutsva waizova El Salvador, Central America, uye kuti ndaifanira kubatira ikoko somubatiri webazu. Ndakaziva kuti iwoyu sezvingabvira zvikurusa waizogara kwaanenge makore mashanu, nguva hurusa iyo vafundisi vaibvumirwa kugara munyika yacho, sezvo basa redu rakanga risingazivikanwi pamutemo imomo.

El Salvador—mugove wakadini! Maiva navaparidzi 1 290, kubatanidza mapiona 114 aishuma paavhareji mwedzi mumwe nomumwe. Vanhu vacho vaitya Mwari, vaida Bhaibheri, uye vane mutsa. Panodokuva pasuo riri rose, ivo vaitikoka kupinda kuzotaura kwavari. Munguva pfupi, takava nefundo dzeBhaibheri dzakawanda sedzataigona kutarisira.

Sezvo takacherekedza wedzero nokushaiwa kukuru imomo, takasuruvara kuti taizofanira kusiya uyu mugove pashure pamakore mashanu chete. Naizvozvo kwakasarudzwa kuti tinofanira kuedza kuita kuti basa reZvapupu zvaJehovha rinyoreswe pamutemo. Takaendesa mapepa kuhurumende muna December 1971, uye pana April 26, 1972, takafadzwa nokurava mupepanhau rehurumende, Diario Oficial, kuti chikumbiro chedu chakanga chagamuchirwa. Vafundisi havasati vaizofanirazve kubva pashure pamakore mashanu asi vaigona kuwana hugaro hwechigarire munyika yacho.

Miedzo Nezvikomborero

Mumakore ose mumigove yedu yakasiana-siana, takaita shamwari dzakanaka dzakawanda ndokuona chibereko muushumiri hwedu. Elsa akava nechinoitika chakaisvonaka muSan Salvador nomudzidzisi wapachikoro nomurume wake murwi. Imwe yeshamwari dzomudzidzisi wapachikoro yakavawo inofarira zvokwadi. Pakutanga murume haana kuratidzira fariro muBhaibheri; kunyanguvezvo, takamushanyira apo akanga ari muchipatara, uye aiva noushamwari. Pakupedzisira iye akafunda Bhaibheri, akarega basa rake rokurwa, uye akatanga kuparidzira pamwe chete nesu.

Munguvayo, mumwe mukadzi akauya paHoro yoUmambo ndokubvunza Elsa kana akanga achifunda neaichimbova murwi. Kwakaitika kuti akanga ave ari pfambi yake! Iye akanga achifundawo Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pakokorodzano yoruwa, aichimbova murwi, mudzimai wake, shamwari yake, uye yaichimbova pfambi yake vose vakabhapatidzwa!

Kukura muEl Salvador

Nemhaka yewedzero huru, Horo dzoUmambo dzakawanda dzakavakwa, uye nyika yacho zvino ine Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 18 000. Iyi fambiro mberi, zvisinei, yave iri isina miedzo yayo nezviedzo. Kwamakore gumi, hama dzaitofanira kuita kuda kwaJehovha pakati pehondo yavagari vemo. Asi dzakachengeta kusatora rutivi kwadzo ndokuramba dzakavimbika kuUmambo hwaJehovha.

Pakati pavaviri vedu, Elsa neni tave tiri mubasa renguva yakazara kwamakore 85. Takawana kuti apo tinoramba tichikarira Jehovha ndokuteerera ‘shoko rinobva shure richiti, “Heyi nzira. Fambai nayo, imi vanhu,”’ hatitongoodzwi mwoyo. Takafarikanya zvamazvirokwazvo upenyu hunogutsa nohunotusa savabatiri venguva yakazara vaJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwoudzame hwakazara, ona 1978 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 177-9.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Gungano musango muSpain, 1956

[Mufananidzo uri papeji 25]

Taisiparidzira kuvaisava vaMuslim muMorocco

[Mufananidzo uri papeji 26]

Bazu muEl Salvador, mugove wedu wazvino

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe