Kubva Muurombo Hwakanyanya Kwazvo Kuenda Kuupfumi Hunopfuura Zvose
YAKATAURWA NAMANUEL DE JESUS ALMEIDA
Ndakazvarwa muna October 1916, uye ndiri wokupedzisira pavana 17. Vapfumbamwe vemadzikoma angu nehanzvadzi vakanga vafa nokurwara nokushaya zvokudya zvinovaka muviri, saka handina kumbovaziva. Isu vasere vakanga vasara taigara nevabereki vedu mumusha muduku uri pedyo nePorto, Portugal.
MUSHA wedu wakaderera waiva neimba duku yokutandarira uye neimwe yokurara. Mvura yokunwa taiichera mutsime inenge hafu yekiromita kubva kumba, uye midziyo yedu yokubikira yaiva yechinyakare.
Madzikoma angu paakanga ava kunyatsosimba mumuviri, akatanga kushanda muminda yechibage. Mari yaaitambira yaibetsera kugovera zvokudya zvemhuri. Nebetsero yawo ndakava mwana bedzi akadzidza zvishoma. Kunyange zvazvo upenyu hwedu hwakanga hwakaoma, takanga takatendeka kwazvo muChechi yeKaturike, tichitarisira kuti neimwe nzira izvi zvaizotibetsera muupenyu.
Mumwedzi waMay, chechi yaiva neyavaiti novena. Kwemazuva mapfumbamwe anotevedzana, taienda kuchechi mangwanani-ngwanani kuchakasviba. Ikoko tainyengetera, tichitenda kuti izvozvo zvaizotiunzira chikomborero chaMwari. Taifungawo kuti mupristi aiva munhu mutsvene, mumiririri waMwari. Asi, nokufamba kwenguva, maonero edu akachinja.
Kutsvaka Chimwe Chinhu Chiri Nani
Pataitadza kubhadhara mutero wechechi, mupristi aisava nehanya nematambudziko edu akanyanya emari. Izvi zvaitiodza mwoyo. Maonero angu chechi akachinja zvikuru, saka pandakanga ndava nemakore 18, ndakasarudza kusiya mhuri yangu kuti ndione kana kwakanga kusina chimwe chinhu chiri nani muupenyu pane kushanda mumunda uye nekukakavadzana nechechi. Muna 1936, ndakasvika muLisbon, guta guru rePortugal.
Ikoko ndakasangana naEdminia. Kunyange zvazvo ndainzwa kuti ndakanyengedzwa nechitendero, takatevedzera tsika ndokuroorana muChechi yeKaturike. Ipapo muna 1939, hondo yeNyika II yakatanga. Munguva yehondo, ndaitarisira dzimba 18 dzokuchengetera zvinhu, uye taitumira marori anosvika 125 ezvombo zvehondo muzuva rimwe chete.
Kutyisa kwehondo pamwe nekubatanidzwa zvakasimba kweChechi yeKaturike kwakanditapura zvakanyanya. Ndakashamisika kuti, ‘Mwari ane hanya nevanhu zvechokwadi here? Tinofanira kumunamata sei?’ Makore akawanda gare gare muna 1954, mumwe murume akanga ati kurei, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akataura neni nezvemibvunzo yandaiva nayo. Kukurukura uku kwakachinja upenyu hwangu hwose.
Kufadzwa Netariro yeBhaibheri
Murume uyu ane tsitsi, Joshua, akanditsanangurira kuti Umambo hwaMwari ndihwo mhinduro bedzi kuzvinetso zvenyika uye kuti rugare nekuchengeteka zvaizovapo bedzi kuburikidza nokutonga kweUmambo. (Mateo 6:9, 10; 24:14) Zvaakataura zvakandifadza, asi ndaizengurira kubvuma zvaaitsanangura nemhaka yezvandaiziva nezvechitendero. Paakada kudzidza Bhaibheri neni, ndakabvuma ndichimuti asazokumbira mari uye kuti asazotaura zvematongerwo enyika. Akabvuma, achindivimbisa kuti zvaaipa zvaiva zvepachena.—Zvakazarurwa 22:17.
Kuvimba kwangu naJoshua kwakawedzera nokukurumidza. Saka ndakamukumbira chimwe chinhu chandakanga ndasuwa kubvira ndichiri pwere. “Zvinobvira here kuti ndive neBhaibheri rangu pachangu?” Ndaripiwa, ndakafara sei kurava kekutanga kubva muShoko reMusiki wedu pachake kuvimbisa kwakadai sekuti: “Mwari amene achava na[vanhu]. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura”!—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kuvimbisa kweBhaibheri nezvekubviswa kwourombo nezvirwere kwaindinyaradza zvikuru. Murume akatendeka Erihu akati nezvaMwari: “Anovapa zvokudya zvizhinji.” (Jobho 36:31) Uye mukutonga kwakarurama kweUmambo hwaMwari, Bhaibheri rinoti, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Jehovha Mwari anofarira nerudo vanhu zvakadini! Kufarira kwangu zvaakavimbisa kwakawedzera sei!
Ndakapinda musangano wangu wekutanga weZvapupu zvaJehovha musi wa17 April 1954. Wakanga uri musangano unokosha—Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Kubvira ipapo, ndakanga ndichiwanikwa kumisangano nguva dzose. Nokukurumidza ndakatanga kugoverana nevamwe zvinhu zvakanaka zvandakanga ndichidzidza. Mumazuva iwayo muPortugal, taiva nepikiniki mwedzi woga woga pedyo nemhenderekedzo yegungwa, uye ipapo taiva nenguva yorubhabhatidzo. Mwedzi minomwe Joshua ataura neni, ndakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari ndokuzviratidza nokubhabhatidzwa mumvura mugungwa.
Kutanga kwa1954 kwaingova nezvinenge Zvapupu zana muPortugal yose. Saka kwakanga kuchidikanwa zvikuru kuti varume vatungamirire mubasa rokuparidza. Ndakakurumidza kufambira mberi mumudzimu, uye nokukurumidza ndakapiwa mutoro muungano. Muna 1956, ndakagadzwa semubatiri weungano, sokudaidzwa kwaiitwa mutariri anotungamirira panguva iyoyo, muungano yechipiri yeZvapupu zvaJehovha muLisbon. Nhasi, kune dzinopfuura ungano zana muguta iri nemasabhabha aro.
Kubetserwa Nokuratidza Mutsa
Kunyange zvazvo Edminia neni takanga tisina mari yakawanda, musuo wedu waigara wakazarukira hama dzedu dzechiKristu. Muna 1955 mumwe piyona, sekudaidzwa kunoitwa vaparidzi venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, akamira muPortugal ari munzira yokubva kumusha kwake kuBrazil achienda kugungano ramarudzi akawanda re“Umambo Hunokunda” muGermany. Nokuda kwezvinetso zvezvokufambisa, akagara mumusha medu kwemwedzi, uye takabetserekana sei mumudzimu nokushanya kwake!
Vamwe vakashanyira musha wedu panguva iyoyo vaibatanidza nhengo dzemhuri yedzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, dzakadai saHugo Riemer neshamwari yomukamuri rake ainzi Charles Eicher. Takadya navo uye vakapa hurukuro kuhama dzechiPutukezi. Senhiyo dzichangochochonywa dzine miromo yakashama, taimirira mashoko anotapira emudzimu ayo aipiwa nevakadaro.
Vatariri vanofambira veZvapupu zvaJehovha vaigarawo mumusha medu pavaishanya. Mumwe mushanyi asingakanganwiki muna 1957 akanga ari Álvaro Berecochea, mutariri webazu reMorocco, uyo akanga agoverwa kushanyira Portugal kuti akurudzire hama. Akapinda fundo yebhuku mumusha medu, uye takaomerera kuti agare nesu kwenguva yake yakanga yasara ari muPortugal. Takakomborerwa zvikuru uye takakodzwa nenzira yomudzimu mukati mekushanya kwake kwemwedzi wose, asiwo Álvaro akawedzera kusimba mumuviri nemhaka yekubika kwakanaka kwemudiwa wangu Edminia.
Urombo hwakanyanya, hwakadai sehwandakava nahwo pauduku, hunogona kusiya pfungwa dzinorwadza pamunhu. Asi, ndakasvika pakuonga kuti kuwanda kwezvatinoitira Jehovha nevabatiri vake vakatendeka, ndiko kutikomborerawo kwaanotiita. Nguva nenguva chinhu ichi chaisimbiswa mandiri sezvataitaridza mutsa kune vose vataigona.
Pakokorodzano yedu muPorto muna 1955, chiziviso chakaitwa chezvekokorodzano yamarudzi akawanda yeZvapupu zvaJehovha iyo yaizoitirwa kuYankee Stadium muNew York City muna 1958. Bokisi remipiro rakaiswa muHoro yoUmambo imwe neimwe munyika—idzo panguva iyoyo dzakanga dziri shoma—kuti dzibetsere nemari yokutumira nhume dzechiPutukezi kukokorodzano. Ungafungidzira kufara kwedu apo mukadzi wangu neni takasarudzwa kuva pakati penhume idzi here? Waiva mufaro wakadini kushanyira dzimbahwe reZvapupu zvaJehovha renyika yose muBrooklyn patakanga tiri muUnited States kukokorodzano!
Kutsungirira Chitambudzo
Muna 1962 basa rekuparidza reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muPortugal, uye vafundisi—kusanganisira Eric Britten, Domenick Piccone, Eric Beveridge, nevakadzi vavo—vakadzingwa. Gare gare, takanga tisingachabvumidzwi kuitira misangano yedu muHoro dzeUmambo, saka taiiita muchivande mudzimba dzavanhu; uyewo zvakanga zvisingachabviri kuva nekokorodzano huru muPortugal. Saka wakava mutoro wangu kuti ndirongere hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu zvifambiso kuti dzipinde kokorodzano dzakadaro mune dzimwe nyika.
Kurongera nhamba huru dzeZvapupu kuti zviende kune dzimwe nyika kwakanga kusiri nyore. Asi nhamburiko yacho yakanga yakafanira, tichifunga nezvekubetserwa kunoshamisa kwemudzimu uko hama dzechiPutukezi dzakawana. Ndichinoitika chaivaka zvakadini kwavari kuva vapindi vekokorodzano muSwitzerland, England, Italy, neFrance! Kokorodzano dzakadaro dzaivapawo mukana wekudzoka nemabhuku munyika. Mumakore iwayo, takakumbira kakawanda kuti tinyoreswe sesangano rechitendero muPortugal, asi kukumbira kwose ikoko kwakarambwa.
Pashure pekudzingwa kwevafundisi pakutanga kwa1962, matikitivha akatanga kukudza maitiro awo ekumisa basa redu rokuparidza. Mapoka ehama nehanzvadzi dzedu akasungwa ndokuiswa kumatare. Mishumo yakanyorwa pamusoro pezvimwe zvezviitiko izvi yakabudiswa mumagazini ino uye mune imwe yayo, Mukai!a
Pakati peavo vakasungirwa kuparidza paiva napiyona uyo wandakanga ndazivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Sezvo matikitivha akawana kero yangu pakati pezvinhu zvake, ndakadaidzwa ndokubvunzurudzwa.
Gare gare, vamiririri vaviri vematikitivha vakauya kumba kwangu. Vakatora zvandaishandisa kufunda Bhaibheri pamwe nemaBhaibheri 13. Vakaramba vachishupa, vachingodzoka nguva dzakasiyana-siyana dzinokwana nomwe kuti vazosecha musha wedu. Nguva nenguva, vaitinaya nemibvunzo.
Kakawanda ndaidaidzwa kuti ndizopupurira nokuda kwezvimwe Zvapupu mumatare edzimhosva. Kunyange zvazvo ndakanga ndisina dzidzo yekunyika yakawanda, Jehovha akandipa ‘kuchenjera, uko kwaisakwanisa kudziviswa kana kupokanidzwa nevavengi vose vari pamwe chete.’ (Ruka 21:15) Pane imwe nguva mutongi akashamiswa zvikuru neuchapupu hwangu zvokuti akabvunza kuti ndakanga ndakadzidza zvakadini. Vose vaiva mudare vakaseka pandakataura kuti ndakangogumira murugwaro rwechina.
Kuwedzera kwaiita kutambudzwa ndiko kuwedzera kwaiitawo nhamba yaavo vaigamuchira mashoko eUmambo. Saka, Zvapupu zvaive pasi pe1 300 muPortugal muna 1962 zvakawedzera kupfuura 13 000 pakazosvika 1974! Panguva iyoyo, muna May 1967, ndakakokwa kuzoshanda semutariri anofambira. Mubasa iri ndaishanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha kuti ndidzisimbise mumudzimu.
Kufadzwa Neupfumi Hunopfuura Zvose
Muna December 1974, ndakaropafadzwa nokubatanidzwa mukunyoresa uko kwaiita kuti basa reZvapupu zvaJehovha muPortugal rive rapamutemo. Gore rakatevera racho mukadzi wangu neni takava nhengo dzemhuri yeBheteri yeZvapupu zvaJehovha muEstoril. Ndakagadzwawo kushanda senhengo yeDare reBazu rePortugal.
Wave uri mufaro wakadini kuona basa rokuparidza richibudirira muPortugal uye mundima dzinotarisirwa nebazu redu! Idzi dzinobatanidza Angola, Azores, Cape Verde, Madeira, uye São Tomé nePríncipe. Mukati memakore akawanda kwave kuchifadza kuona vafundisi vanobva muPortugal vachitumirwa kundoshanda mundima idzodzi, umo kufarira mashoko eUmambo kwakakura kwave kuchiratidzwa. Fungidzira kufara kwedu zvino kuva nevazivisi voUmambo vanopfuura 88 000 munzvimbo idzodzi, kubatanidza vanopfuura 47 000 muPortugal! Vakapinda Chirangaridzo munyika idzodzi muna 1998 vakasvika 245 000, kana tikaenzanisa nevasingasviki 200 pandakava Chapupu muna 1954.
Edminia neni tinobvumirana nemwoyo wose nemunyori weBhaibheri wepisarema uyo akati “zuva rimwe pavazhe [dzaJehovha] rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka.” (Pisarema 84:10) Pandinofunga nezvemavambo angu akaderera ndokuaenzanisa nepfuma yomudzimu iyo ndakazova nayo, ndinonzwa sezvakaita muprofita Isaya kuti: “Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndichakukudzai, ndicharumbidza zita renyu; nokuti makaita zvinoshamisa. . . . Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa.”—Isaya 25:1, 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai! yechiNgezi yaMay 22, 1964, mapeji 8-16, uye Nharireyomurindi yaApril 1, 1967, mapeji 147-53.
[Mifananidzo iri papeji 24]
Pamusoro: Hama Almeida muLisbon vachizivisa zvirongwa zvokutumira nhume kukokorodzano yekuNew York ya1958
Pakati: Vachiitisa musangano wemuenzaniso wevabatiri ku“Rugare paPasi” Gungano Ramarudzi Akawanda muParis
Pasi: Mabhazi akahayiwa agadzirira kuenda kukokorodzano yeruwa muFrance
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kuitisa kunamata kwemangwanani pabazu rePortugal
[Mufananidzo uri papeji 25]
Bazu rePortugal, rakatsaurirwa muna 1988
[Mufananidzo uri papeji 26]
Hurukuro dzaHama Hugo Riemer dzakatikurudzira pavakashanya vachibva kuBheteri yeBrooklyn
[Mufananidzo uri papeji 26]
Nemukadzi wangu