“Ngatibviseiwo Chinorema Chiri Chose”
“Ndakasuruvara kwazvo uye ndakaora mwoyo,” akachema kudaro Mary. Achinongedzera kumutwaro wemitoro yechiKristu, uyu mukadzi wechiKristu akawedzera, kuti: “Ndinoona shamwari dzichipera simba. Iniwo ndinonzwa kuneta nedzvinyiriro. Ndapota ndibetserei kunzwisisa chikonzero nei.”
UNONZWAWO kuti uri mudzvinyiriro, wakaneta zvikuru zvokusagona kutarisira zvakakwana mitoro yako youbati ushe hwaMwari here? Pane dzimwe nguva kunoratidzika kuti ushumiri hwechiKristu mutoro unorema here, mutwaro usingatakuriki? MaKristu akatendeka mazhinji anotambura nhambo dzokuora mwoyo, nokuti nguva dzose takapoteredzwa namasimba akaipa ayo anogona kuderedza mufaro wedu. Kuva muKristu wapachokwadi nhasi idenho zvamazvirokwazvo. Nokudaro, padzimwe nguva vamwe vanganzwa kuti ushumiri hwechiKristu mutwaro unorema.
Kutsvaka Chisakiso
Magwaro anojekesa kuti Jehovha haana kuisa zvinodikanwa zvisina mufungo patiri. Muapostora Johane akataura kuti “mirairo [yaMwari] hairemi.” (1 Johane 5:3) Jesu nenzira yakafanana akaudza vateveri vake, kuti: “Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” (Mateo 11:29, 30) Nenzira yakajeka hakusati kuri kuda kwaJehovha kuti tinzwe tanyanyoremedzwa kana kuti takaremerwa mubasa redu kwaari.
Ipapoka, muKristu akatendeka angasvika sei pakurangarira mitoro yake yechiKristu somutwaro unorema? Sezvingabvira, zvinhu zvinoverengeka zvinobatanidzwa. Cherekedza aya mashoko omuapostora Pauro: “Ngatibviseiwo chinorema chiri chose . . . , uye ngatimhanyei netsungiriro nhangemutange yakaisirwa pamberi pedu.” (VaHebheru 12:1, NW) Mashoko aPauro anoratidzira kuti muKristu padzimwe nguva angaisa mitwaro isiri madikanwa paari amene. Ikoku hakusati kuchibatanidza hako zvivi zvakakomba. Asi muKristu angaita zvikanganiso muchisarudzo izvo zvinogona kuomesa zvakakomba upenyu hwake, zvichikuita kuti kumuomere kumhanya nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.
Murangariro Wakadzikama Wezvinhu Zvokunyama
Somuenzaniso, rangarira nhau yebasa rokunyika. Munyika zhinji, migariro yezvemari ingasiya muKristu ane chisarudzo chiduku kunze kwokushanda maawa marefu. Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, vanhu vanotora basa kuti bedzi vafambire mberi kana kuti vaunganidze zvoumbozha. Kupfurikidza nokunzverazve zvinodikanwa zvavo chaizvoizvo, mamwe maKristu akakuwana kuri kuchenjera kuita gadziridzo mumugariro wavo webasa. Ikoku kwakanga kuri chinoitika naDebbie nomurume wake, avo vose vari vaviri vari Zvapupu zvaJehovha. Iye anoti: “Mugariro wedu wezvemari wakanga wachinja, uye pakanga pasisinazve dikanwo chaiyoiyo yokuti ndipfuurire kushanda nguva yakazara. Asi kwakanga kwakaoma kurega.” Nokukurumidza akavamba kunzwa dzvinyiriro yokuva nezvakawanda zvikuru zvokuita. Iye anotsanangura, kuti: “Chitanhatu rakanga riri zuva rangu bedzi rakasununguka rokuita basa romumba. Kazhinji kazhinji ndaisambonzwa ndichida kupinda mubasa romumunda. Ndainzwa zvakaipa pamusoro paikoku, uye hana yangu yaindinetsa, bva ndaida basa rangu! Pakupedzisira, ndaifanira kutarisana nezvomene. Pakanga pane mhinduro imwe bedzi. Ndakarega basa.” Sezvinobvumwa, gadziridzo huru yakadaro ingasava inobvira nokuda kwavamwe. Zvisinei, kunzverwa kwokungwarira kworudungwe rwebasa rako kungazivisa kudikanwa kwechinjo dzakati.
Pangava nedzimwe nzira dzokuzvirerutsira timene nadzo mitwaro isiri madikanwa. Zvakadiniko nokuderedza kuwanda kwokufamba kwedu kwokufara, mibato yemitambo, kana kuti imwe varaidzo—kubatanidza nguva inopedzerwa mukutarira terevhizheni? Uye kunyange pashure pokuwana dzikamo inoshuviwa muidzi nharaunda, gadziridzo dzenguva dzose dzingadikanwa kuchengeta dzikamo yakadaro.
Kuva Nomufungo Kunokosha
Kuva nomufungo muzvinhu zvakadaro kuchatibetsera kuchinjira kumigariro mitsva sezvainomuka. Nokudaro, tinogona kuchengeta murangariro wakanaka woushumiri hwedu.—VaEfeso 5:15-17; VaFiripi 4:5.
Unozviwana umene uri mudzvinyiriro yokuramba wakavambirana neizvo vamwe vanoita mubasa raMwari here? Ikokuwo kunogona kuwedzera funganyo nevhiringidziko kuupenyu hwako. Nepo muenzaniso wakanaka wavamwe uchigona zvirokwazvo kukukurudzira kuita zvakawanda, kuva nomufungo kuchakubetsera kugadza nharidzano chaidzoidzo dziri mutsinhirano nemigariro yako umene namano. Magwaro anotiudza, kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.”—VaGaratia 6:4, 5.
Tsika dzomunzvimbomo namagamuchidzanwa zvingawedzerawo kumitwaro yedu. Muzuva raJesu vanhu vakanga vaneta nokuedza kuwirirana nemitemo mizhinji yorudzidziso namagamuchidzanwa zvakagadzwa navanhu. Nhasi, vanhu vaJehovha vakasunungurwa mumagamuchidzanwa orudzidziso rwenhema. (Enzanisa naJohane 8:32.) Zvisinei, muKristu anogona kuva akanyanyobatikana zvisina kufanira netsika dzomunzvimbomo. Somuenzaniso, pane dzimwe nguva zvinoitika zvakadai semichato zvinokombwa netsika dzine udzame zvikuru. Idzi tsika dzingasava dzisina kururama, uye dzingatova dzinokwezva nedzinofadza. Zvisinei, maKristu angasava nenguva kana kuti mari zvokuchengeta zvinhu zvose zvakadaro, uye kutamburira kuita saizvozvo kungagona kuwedzera mimwe mitwaro isiri madikanwa.
Rangarira chakaitika apo Jesu akashanyira mumwe mukadzi ainzi Marta. Panzvimbo pokubetserwa zvizere nouchenjeri hwake hwoumwari, “Marta . . . wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru.” Akanga akaremerwa noudzame huzhinji. (Ruka 10:40) Asi Jesu akakarakadza nenzira yomutsa kuti iye angapfavisa gadziriro dzake dzezvokudya kuti abetserwe nokudzidzisa kwake. (Ruka 10:41, 42) Ikoku kunosanoratidzira kuti chisarudzo chakanaka nokuva nomufungo zvichakubetsera mukuwana dzikamo yakafanira muushumiri hwako hwechiKristu.—Jakobho 3:17.
Chisarudzo chakanaka chinodikanwawo pakusarudza shamwari dzako. Zvirevo 27:3 inonyevera, kuti: “Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.” Nenzira isingachinji, vasonganiri vako vapedyo vachava nepesvedzero yakasimba panzira yako yokufunga. Kuramba uchifambidzana naavo vanokurumidza kuwanira mhaka ndokutsoropodza vamwe muungano kungadyara mbeu dzokuora mwoyo nokufunga kwakaipa mauri. (1 VaKorinte 15:33) Kana ukanzwisisa kuti ikoku chinetso, chinjo dzakati dzokuchenjera musonganirano dzako dzingagona kurerutsa mutwaro wako.
Iva Anozvininipisa Mukufamba naMwari
Pana Mika 6:8 (NW), tinowana uyu mubvunzo unonyandura mufungo: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chiiko, asi . . . kuva anozvininipisa mukufamba naMwari wako?” Kuzvininipisa kunorondedzerwa sokuziva ganhuriro dzomunhu. Avo vasati vachiziva ganhuriro dzavo vanogona kuzvikurira vamene nezvokuita zvakawanda zvikuru. Ikoku kwakaitika namaKristu akakura mumudzimu, kunyange vatariri, kuchiguma nokuora mwoyo, vhiringidziko, uye kurasikirwa nomufaro. Kenneth, mumwe mukuru wechiKristu, akabvuma, kuti: “Ndakazviona ndimene ndichipinda mukuora mwoyo, uye ndakati, ‘Handisati ndichizorega ikoku kuchiitika kwandiri.’ Naizvozvo ndakaderedza mamwe amabasa angu ndokupa ngwariro pane chandaigona kuita.”
Kunyange muporofita anozvininipisa Mosesi akanga ane chinetso mukuziva ganhuriro dzake amene. Naizvozvo Jetero, tezvara vake, vakabetsera Mosesi kufunga zvakajeka pamusoro pokunyanyowanda kwechitsama chebasa raakanga achiedza kuita ari oga. “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi?” akabvunza kudaro Jetero. “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. Zvirokwazvo iwe uchaneta kwazvo, . . . nokuti chinhu ichi chinokuremera; haugoni kuchiita uri woga. . . . Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vaka[kwaniriswa, NW], . . . zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri; asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwe chete newe.” Mosesi pakarepo akavamba kupa rimwe rebasa rake kuna vamwe, nokudaro achiwana sununguko pane wakanga uchiva mutwaro usingatakuriki.—Eksodho 18:13-26.
Pane imwe nhambo Mosesi akati kuna Jehovha: “Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo.” Zvakare, mhinduro yakanga iri kupa. Ikoku kungavawo mhinduro kumugariro wako wakaoma kana uchinzwa uchikurirwa namabasa akawanda zvikuru.—Numeri 11:14-17.
Jehovha Anotibetsera Kutakura Mutwaro
Jesu akataura kuti joko rake rakanga rakanaka uye mutwaro wake wakareruka asi usiri usingaremi. Joko iro Jesu akatikoka kutakura isu timene harisati riri joko rousimbe. Ijoko retsauriro yakakwana kuna Mwari somudzidzi waJesu Kristu. Naizvozvo, mwero wakati wokurema kana kuti dzvinyiriro unouya nokuva muKristu wapachokwadi. (Mateo 16:24-26; 19:16-29; Ruka 13:24) Sezvo migariro yenyika inoipa zvikuru, dzvinyiriro dzichawedzera. Zvisinei, tine chikonzero chokuva vakananga muchitarisiko chedu nemhaka yokuti kokero yaJesu inokarakadza kuti vamwe vangagona kupinda mujoko rake naye uye kuti aizovayamura.a Nokudaro, chero bedzi tichitevera nhungamiro yaKristu, mutwaro wedu ucharamba uchitakurika nemhaka yokuti iye achatibetsera.
Mwari anotarisira avo vanomuda, uye iye anochengeta mwoyo namasimba endangariro zvavose vanokandira nenzira yomunyengetero mitwaro yavo paari. (Pisarema 55:22; VaFiripi 4:6, 7; 1 Petro 5:6, 7) “[Jehovha, NW] ngaaongwe, iye unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, iye Mwari muponesi wedu,” akadaro wezvamapisarema. (Pisarema 68:19) Hungu, iva nechokwadi chokuti Mwari achatakura mutoro wakowo zuva nezuva kana ukabvisa chinorema chiri chose ndokumhanya netsungiriro nhangemutange yakaiswa pamberi pako.
[Mashoko Omuzasi]
a Kushandurwa kwamashoko omuzasi ndouku: “Pindai mujoko rangu neni.”
[Mufananidzo uri papeji 24]
Vakuru vakachenjera vanodisa kupa mabasa nokugoverana mutwaro