RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 11/15 pp. 19-23
  • “Mutariri Anofanira Kuva . . . Anozvidzora”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mutariri Anofanira Kuva . . . Anozvidzora”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzvidzora—Chinodikanwa Chavakuru
  • Pakubata Navamwe
  • Kuzvidzora Pamisangano Yavakuru Napakutonga
  • Kuzvidzora Naane Mitezo Yakasiana Yokubereka Nayo
  • Kuzvidzora Mudzimwe Nzvimbo
  • Kusakurira Chibereko Chokuzvidzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuzvidzora—Neiko Kuchikosha Kwazvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuti Uwane Mubayiro, Zvidzore!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Wedzerai Pazivo Yenyu Kuzvidzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 11/15 pp. 19-23

“Mutariri Anofanira Kuva . . . Anozvidzora”

“Mutariri anofanira kuva . . . anozvidzora.”—TITO 1:7, 8.

1, 2. Muenzanisoi wokuzvidzora uyo William of Orange akagovera, uye nemiuyoi inobetsera?

NHAU inogovera muenzaniso unokosha zvikurusa unobatanidza kudzorwa kwemirangariro. Pakati pezana ramakore rechi 16, mutongi muduku weNetherlands William of Orange akanga ari parwendo rwokundovhima naMambo Henry II weFrance. Mambo akazivisa kuna William gadziriro iyo iye namambo weSpain vaiva nayo yokuparadza vaPurotesitendi vose muFrance nomuNetherlands—kutaura idi, muchiKristudhomu mose. Mambo Henry akanga ane mufungo wokuti William muduku akanga ari muKaturike wapachokwadi kufanana naye amene uye naizvozvo akazivisa udzame hwose hwerangano yacho. Icho William akanzwa chakamukatyamadza zvikurusa nemhaka yokuti zhinji dzeshamwari dzake dzapedyosa vakanga vari vaPurotesitendi, asi iye haana kuratidzira chaakanzwa; panzvimbo pezvo, akaratidza fariro huru muudzame hwose uhwo mambo akamupa.

2 Nokukurumidza apo William aigona kudaro, zvisinei, akatanga gadziriro dzokukundikanisa iyi rangano yacho, uye ikoku kwakatungamirira pakupedzisira kukusunungura Netherlands muudzori hweKaturike hweSpain. Nemhaka yokuti William akakwanisa kushandisa kuzvidzora paakatanga kunzwa nezverangano yacho, akasvika pakuzivikanwa sa“William the Silent.” William of Orange akabudirira zvikuru zvokuti tinoudzwa, kuti: “Akanga ari muvambi chaiyeiye wokuzvimirira noukuru hwenyika yeNetherlands.”

3. Ndivanaani vanobetserwa apo vakuru vechiKristu vanoshandisa kuzvidzora?

3 Nemhaka yokuzvidzora kwake, William the Silent akabetsera zvikuru vose vari vaviri iye amene navanhu vake. Nenzira yakaenzana, chibereko chomudzimu mutsvene chokuzvidzora chinofanira kuratidzirwa nhasi navakuru vechiKristu, kana kuti vatariri. (VaGaratia 5:22, 23) Kupfurikidza nokushandisa iri vara, vanobetsera vose vari vaviri ivo vamene neungano. Pane rumwe rutivi, kukundikana kwavo kushandisa kuzvidzora kunogona kuita kuvadziko isingatauriki.

Kuzvidzora—Chinodikanwa Chavakuru

4. Izanoi romuapostora Pauro rinosimbisa kudikanwa kwokuti vakuru vashandise kuzvidzora?

4 Pauro, iye amene mukuru, akanzwisisa kukosha kwokuzvidzora. Pakupa zano vakuru vakanga vauya kwaari vachibva Efeso, iye akavaudza, kuti: “Zvingwarirei mumene neboka rose.” Pakati pezvimwe zvinhu, kuzvingwarira vamene kwaibatanidza kudikanwa kwokushandisa kuzvidzora, kungwarira mufambiro wavo. Mukunyorera Timotio, Pauro akaita pfundo rimwe chetero, achiti: “Ipa ngwariro yenguva dzose kwauri umene nokudzidziso yako.” Zano rakadaro rakaratidza kuziva kwaPauro kombamiro yohunhu yavamwe yokuitira hanya zvikuru kuparidzira kupfuura kushandisa izvo ivo vanoparidza. Naizvozvo, iye akatanga kusimbisa kudikanwa kwokuzvingwarira vamene.—Mabasa 20:28; 1 Timotio 4:16, NW.

5. Vakuru vechiKristu vanogadzwa sei, uye zvikwaniriso zvavo zvakanyorwa papi muMagwaro?

5 Mumakore ose apfuura, basa rapaMagwaro ravakuru rakajeka zvikuru zvishoma nezvishoma. Nhasi, tinoona kuti kuva mukuru inzvimbo yokugadzwa. Vakuru vanogadzwa noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha kana kuti vamiriri vawo vakananga. Mutumbi iwoyo, somuuyo, unomirira “muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Zvikwaniriso zvokuva mutariri wechiKristu, kana kuti mukuru, zvinopiwa zvikurukuru nomuapostora Pauro pana 1 Timotio 3:1-7 naTito 1:5-9.

6, 7. Zvikwanirisoi zvakananga zvavakuru zvinoda kuzvidzora?

6 Pauro anotaura pana 1 Timotio 3:2, 3 kuti mutariri anofanira kuva ane mwero mutsika. Ikoku nokudikanwa kwokuti mukuru ave ane nhevedzano kunoda kushandiswa kwokuzvidzora. Murume anokwanirisa kuva mutariri haasati ari murovi uye haasati ari anokakavara. Izvi zvikwaniriso zvinodawo kuti mukuru azvidzore. Uyezve, kuti mukuru asave munwi anokakavara, anonwisa waini, iye anofanira kushandisa kuzvidzora.—Onawo mashoko omuzasi kuna 1 Timotio 3:2, 3, NW.

7 Pana Tito 1:7, 8, Pauro akataura zvakananga kuti mutariri anofanira kuva anozvidzora. Cherekedza, zvisinei, kuti zvingani zvezvimwe zvikwaniriso zvakarongwa muidzi ndima zvinobatanidza kuzvidzora. Somuenzaniso, mutariri anofanira kuva asina pomero, hungu, asina chaanopomerwa. Zvirokwazvo, mukuru angagona kusasvitsa zvikwaniriso izvozvo kutoti akashandisa kuzvidzora.

Pakubata Navamwe

8. Mavarai anodikanwa navakuru mukupa zano anosimbisa kudikanwa kwokuzvidzora?

8 Ipapo zvakare, mutariri anofanira kuva anoshivirira naane mwoyo murefu mukubata navatendi biyake, uye ikoku kunoda kuzvidzora. Somuenzaniso, pana VaGaratia 6:1 (NW), tinorava, kuti: “Hama, kunyange zvazvo munhu akaita nhano yenhema asati aiziva, imi mune zvikwaniriso zvomudzimu [zvikurukuru vakuru] edzai kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro, sezvo imi mumwe nomumwe munozvingwarira mumene, kutyira kuti mungaedzwawo.” Kuratidzira mudzimu wounyoro kunoda kuzvidzora. Pamusoro paikoko, kuzvidzora kunobatanidzwawo mukuzvingwarira umene. Nenzira yakafanana, apo mukuru anenge achidanwa nokuda kwebetsero nomunhu ari muchinetso, kuzvidzora kunokosha zvikuru. Pasinei hapo nechingafunga mukuru nezvomunhu wacho, anofanira kuva ane mutsa, anoshivirira, uye anonzwisisa. Panzvimbo pokukurumidza kupa zano, mukuru anofanira kuva anodisa kuteerera ndokuwana mumunhu wacho chinoratidzika chaizvoizvo kuva chiri kumunetsa.

9. Vakuru vanofanira kurangarira zanoi pakubata nehama dzakavhiringidzika?

9 Iri zano riri pana Jakobho 1:19 rakafanira zvikurukuru pakubata navanhu vakavhiringidzika: “Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa.” Hungu, mukuru anofanira kungwarira kusapindura nenzira yakafanana zvikurukuru pakunangana nezviito zvehasha kana kuti zvokutapurika. Kunoda kuzvidzora kusananganisa mashoko okutapurika namashoko okutapurika, kusa“tsiva chakaipa nechakaipa.” (VaRoma 12:17, NW) Kupindura nomutoo wakafanana kunongoita bedzi kuti nhau dzakaipa dziipe zvikuru. Naizvozvo pano zvakare Shoko raMwari rinopa vakuru zano rakaisvonaka, richivayeuchidza kuti “mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.”—Zvirevo 15:1.

Kuzvidzora Pamisangano Yavakuru Napakutonga

10, 11. Chii chakaitika pamisangano yavakuru, chinoratidza kudikanwa kwokuzvidzora panhambo dzakadaro?

10 Imwe nzvimbo umo vatariri vechiKristu vanofanira kungwarira kushandisa kuzvidzora iri mukati memisangano yavakuru. Kutaura nounyoro nemhaka yezvokwadi neruramisiro pane dzimwe nguva kunoda kuzvidzora kukuru. Kunodawo kuzvidzora kudzivisa kuedza kudzora kurukurirano. Uko mukuru anenge ane chimiro chakadaro, kwaizova mutsa kuti mumwe mukuru amupe zano.—Enzanisa na 3 Johane 9.

11 Ipapo zvakare, pamisangano yavakuru, mukuru anonyanyoshingaira angaedzwa kuva anonyanduka, kunyange kusimudza inzwi rake. Zviito zvakadaro zvinoratidzira zvikuru kwazvo sei kushaikwa kwokuzvidzora! Chaizvoizvo izvo zvinozvikurira ruviri. Pane rumwe rutivi, kusvikira kumwero wokuti munhu anorasikirwa nokuzvidzora, kumwero iwoyo iye anonetesa mugariro wake amene kupfurikidza nokubvumira kunyanduka kufukidza kurangarira. Pane rumwe rutivi, kusvikira kumwero uyo munhu anonyanduka, iye anokombamira kutsamwisa kana kuti kunyange kushora vakuru biyake. Kunze kwezvo, kutoti vakuru vachingwarira, misiano mikuru yomurangariro ingaparira kukamukana mumapoka avo. Ikoku kunoshanda kukuvadziko yavo vamene uye kuiyo yeungano.—Enzanisa naMabasa 15:36-40.

12. Vakuru vanofanira kuva vanongwarira kushandisa kuzvidzora mukubata nemigariroi?

12 Kuzvidzora kunodikanwawo zvikuru navakuru kudzivisa kuva vanosarura kana kuti kushandisa simba ravo zvisina kufanira. Kuri nyore kwazvo kutera kumuedzo, kubvumira rangariro dzisina kukwana dzohunhu kupesvedzera icho mumwe anotaura kana kuti anoita! Nguva nenguva, vakuru vakakundikana kuita nenzira yakasimba apo mumwe wavana vavo kana kuti imwe hama yokunyama yakawanwa ine mhaka yomufambiro usina kururama. Mumigariro yakadaro kunoda kuzvidzora kusarega zvisungo zveropa zvichidzivisa chiito chakarurama.—Dheuteronomio 10:17.

13. Neiko kuzvidzora kuchidikanwa zvikuru navakuru pakutonga?

13 Mumwe mugariro umo kuzvidzora kunokosha zvikuru ndaapo kunenge kune kutonga. Vakuru vanofanira kushandisa kuzvidzora kukuru kuti vasapesvedzerwe zvisina kufanira nemirangariro. Havafaniri kuva vasingatani zvikuru kutsauswa nemisodzi. Panguva imwe cheteyo, mukuru anofanira kuva anongwarira kusarasikirwa nechimiro chake apo pomero dzinoitwa uye denho dzingakandirwa paari, sechingava chinoitika pakubata navawi pakutenda. Pano mashoko aPauro akakodzera zvikuru: “Muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose.” Kunoda kuzvidzora kushandisa unyoro mudzvinyiriro. Pauro anopfuurira kuratidza kuti “muranda waShe” anofanira “kutsungirira pakuitirwa zvakaipa, unodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa.” Kuti aratidzire unyoro nokuzvichengeta amene achidzorwa pakubata nechishoro kunoda kuzvidzora kukuru.—2 Timotio 2:24, 25.

Kuzvidzora Naane Mitezo Yakasiana Yokubereka Nayo

14. Izanoi rakaisvonaka iro vakuru vanofanira kuteerera mukubata kwavo navane mitezo yakasiana yokubereka nayo?

14 Vakuru vanofanira kuva vanongwarira zvikuru kushandisa kuzvidzora pakunouya kukubata kwavo naavo vane mitezo yakasiana yokubereka nayo. Hakuna mufungo kuti mukuru aite shanyo yokufudza pahanzvadzi ari oga. Mukuru anofanira kuperekedzwa nomumwe mukuru kana kuti mubatiri anoshumira. Sezvingabvira achinzwisisa ichi chinetso, Pauro akapa zano mukuru Timotio, kuti: “Umuraire . . . vakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.” (1 Timotio 5:1, 2) Vamwe vakuru vakaonwa vachiisa maoko avo pahanzvadzi sokunge nechiito choubaba. Asi vangagona kuva vachizvinyengera vamene, nokuti simba rorudo panzvimbo pechidakadaka chakachena chouhama hwechiKristu ringagona kusanova rinosunda chiito chakadaro.—Enzanisa na 1 VaKorinte 7:1.

15. Chimwe chinoitika chinosimbisa sei ruzvidzo pazita raJehovha urwo runogona kuvapo apo mukuru anenge asingashandisi kuzvidzora?

15 Ikuvadziko yakadini kuzvokwadi yakavapo nemhaka yokuti vamwe vakuru havana kushandisa kuzvidzora mukubata kwavo nehanzvadzi muungano! Makore mashomanene akapfuura, mumwe mukuru akadzingwa nemhaka yokuti akanga aita upombwe nehanzvadzi yechiKristu ine murume akanga asiri Chapupu. Pausiku humene apo kudzingwa kweachimbova mukuru kwakaziviswa, murume akashatiriswa akapinda nokukurumidza muHoro yoUmambo ane chigwagwagwa ndokupfura kuvanhu vaviri vane mhaka. Hakuna nomumwe wavo akaurawa, uye akakurumidza kutorerwa zvombo, asi zuva rakatevera racho pepanhau guru rakaratidzira papeji raro rokutanga mashoko o‘kupfura pachechi.’ Ruzvidzo rwakadini urwo kushaiwa kuzvidzora kwomukuru iyeyo kwakaunza paungano napazita raJehovha!

Kuzvidzora Mudzimwe Nzvimbo

16. Neiko vakuru vachifanira kuva vanongwarira kushandisa kuzvidzora pakupa hurukuro dzavose?

16 Kuzvidzora kunodikanwawo zvikuru apo mukuru anopa hurukuro yavose. Mukurukuri wapachena anofanira kuva muenzaniso wechivimbo nedzikamo. Vamwe vanoedza kufadza vanzwi vavo netsinhiro zhinji dzinosetsa dzinoitwa chete nokuda kwedonzo rokuwana kuseka. Ikoku kungaratidzira kutera kumuedzo wokufadza vateereri vavo. Chokwadika, kutera kwose kumuedzo kushaiwa kuzvidzora. Kungatotaurwa kuti kupfuudza nguva pakupa hurukuro kunoratidzira kushaikwa kwokuzvidzora, pamwe chete nokugadzirira kusina kukwana.

17, 18. Ibasai iro kuzvidzora kunoita mukudzikamisa kwomukuru mitoro yake yakasiana-siana?

17 Mukuru ari wose anoshanda zvakaoma anofanira kunangana nedenho yokudzikamisa zvinodikanwa zvakasiana-siana zvinoitwa panguva yake nesimba. Kunoda kuzvidzora kusaenda kukunyanyisa kwakati. Vamwe vakuru vakava vanoitira hanya kwazvo zvinodikanwa zveungano zvokuti vakaregeredza mhuri dzavo. Nokudaro, apo imwe hanzvadzi yakaudza mudzimai womumwe mukuru pamusoro peshanyo yokufudza yakaisvonaka yaakanga aita pairi, mudzimai womukuru akati: “Ndinoshuva kuti aizoita shanyo yokufudza pandiri panguva yakati!”—1 Timotio 3:2, 4, 5.

18 Mukuru anodawo kuzvidzora kuti adzikamise nguva yaanopedzera pafundo yomunhu oga neiyo inopedzerwa muushumiri hwomumunda kana kuti pashanyo dzokufudza. Mukurangarira kunyengera kwomwoyo womunhu, kuri nyore zvikuru kuti mukuru apedzere nguva yakawanda kupfuura yaanofanira pane chaanowana kuva chinofadza zvikurusa. Kana achida mabhuku, iye angagona kusanova anopedzera nguva yakawanda pafundo yomunhu oga kupfuura yaanofanira kupedza. Kana akawana ushumiri hwapaimba neimba hwakati omei, angawana pembedzo dzokuhuregeredza achida kuita shanyo dzokufudza.

19. Musengwai uyo vakuru vanawo unosimbisa kudikanwa kwokuzvidzora?

19 Musengwa wokuchengeta chakavanzika unodawo kuti mukuru ave anosvinurira kushandisa kuzvidzora kwakasimba. Rakakodzera pano izano rokuti: “Usazivisa kutaura kwakavanzika kwomumwe.” (Zvirevo 25:9, NW) Ruzivo rwokuzviwanira runokarakadza kuti ichochi chingava chimwe chezvinodikanwa zvinoputswa zvakafara zvikuru pakati pavakuru. Kana mukuru ane mudzimai akachenjera naane rudo uyo iye ane kurukurirano yakanaka naye, pangava nekombamiro kwaari yokukurukura kana kuti yokungodudza nhau dzakavanzika. Asi ikoku hakuna kufanira uye hakusi kuchenjera zvikurusa. Kutanga, kunofumura chakaronzeswa. Hama dzomudzimu nehanzvadzi dzinouya kuvakuru ndokuvaudza zvakavanzika nemhaka yokuti vane chivimbo chokuti nhau yacho ichachengetwa yakavanzika zvikuru. Kupa nhau dzakavanzika kumudzimai wako hakuna kururama, hakusi kuchenjera, uye hakuna rudowo nemhaka yokuti ikoku kunoisa mutoro usiri madikanwa paari.—Zvirevo 10:19; 11:13.

20. Neiko kuchikosha kwazvo kuti vakuru vashandise kuzvidzora?

20 Pasina panikiro, kuzvidzora, haiwa, kunokosha kwazvo, uye zvikurukuru saizvozvo nokuda kwavakuru! Nemhaka yokuva kwavo vakaronzeswa ropafadzo yokutungamirira pakati pavanhu vaJehovha, vane kuzvidavirira kukuru zvikuru. Sezvo zvakawanda zvakavapiwa, zvakawanda zvichadikanwa kwavari. (Ruka 12:48; 16:10; enzanisa naJakobho 3:1.) Iropafadzo nebasa zvavakuru kugadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavamwe. Kupfuurezvo, vakuru vakagadzwa vanogona kuita zvakanaka zvakawanda kana kuti kuvadziko huru kupfuura vamwe, kazhinji kazhinji kuchitsamira pakuti vanoshandisa here kuzvidzora kana kuti kwete. Hakushamisi kuti Pauro akati: “Mutariri anofanira kuva . . . anozvidzora.”

Unoyeuka Here?

◻ Ndizvinodikanwai zvapaMagwaro zvavakuru zvinoratidza kuti vanofanira kushandisa kuzvidzora?

◻ Neiko kuzvidzora kuchidikanwa navakuru pakubata navatendi biyavo?

◻ Kuzvidzora kunofanira kushandiswa sei pamisangano yavakuru?

◻ Idenhoi inopiwa nokudikanwa kwokuti vakuru vachengete zvakavanzika?

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kuratidzira kuzvidzora kunokosha pamisangano yavakuru

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vakuru vechiKristu vanofanira kushandisa kuzvidzora ndokuchengeta zvakavanzika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe