Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
“Jambwa renguva dzedu rine ngwavaira. Tinoda rudzidziso, asi hakuna kwatinowana Mwari anorukodzera.”—Lucian Blaga, mudetembedzi nomuzivi weRomania
“Rudzidziso navafundisi zvave zviri, uye zvichida zvicharamba zviripo kwenguva refu, pakati pavavengi vakurusa vefambiro mberi norusununguko.”—Khristo Botev, mudetembedzi weBulgaria
MASHOKO anokorwa pamusoro apa anodzokorora mugariro unovhiringidza umo vanhu vazhinji vapachokwadi vanozviwana vamene vari. Mukati-kati vanonzwa dikanwo yorudzidziso, asi Mwari akavanzika uyo vafundisi vanodzidzisa haasati ari Mwari wavanogona kunzwisisa ndokuda. Uyezve, vanoziva kuti vafundisi namarudzidziso avo vakaita zvakawanda kuti vadzivise fambiro mberi yavanhu norusununguko. Hungu, nepo dikanwo yorudzidziso iri kuzivikanwa nenzira inowedzera, vanhu vakatendeseka havasati vachizogamuchira rudzidziso rwupi norwupiwo zvarwo.
Mutsaukano Unokosha
Rudzidziso runoita basa rinokosha mumugariro worudzi rwomunhu nenhau. The New Encyclopædia Britannica inotaura nezvorudzidziso “seidi muruzivo rwokuzviwanira rwavanhu, tsika, uye nhau” ndokuwedzera, kuti: “Ufakazi hwezvimiro zvorudzidziso noruvimbiko zviriko murutivi rwuri rwose rwoupenyu hwavanhu.” Asi nhau inoratidza kuti hakuna namamwe amarudzidziso makuru enyika ave ari chikomborero nokuda kworudzi rwomunhu.
Munhu wehurumende weIndia Jawaharlal Nehru akambotsinhira, kuti: “Chiono chechinodanwa kunzi rudzidziso, kana kuti pamwero upi noupi rudzidziso rwakarongwa, muIndia nokumwewo, chatizadza nokutyisa.” Uchirangarira hondo dzakarwiwa noutsotsi hwakaitwa muzita rorudzidziso, unogona kusabvumirana naye nenzira yokutendeseka here?
Muzana ramakore rechi 18, muzivi weFrance Voltaire akaita mutsaukano unofadza. Iye akanyora, kuti: “Rudzidziso, munodaro, rwakaparira zviito zvisingaverengeki zvine mukurumbira wakaipa. Zvimwe munofanira kutaura kuti kutenda mashura, kutenda mashura kuri kutonga pamusoro pedenderedzwa redu rakasuruvara. Kutenda mashura muvengi ane utsinye zvikurusa wokunamata kwakachena kwatine musengwa kuna Nyakuvapo Mukurusa.” Voltaire akarwisa kusashivirira kworudzidziso kwezuva rake, asi akachengeta chitendero chake muna Mwari soMusiki wechisiko chapose pose. Akaona mutsaukano pakati porudzidziso rwechokwadi norwenhema.
Dikanwo Yokusarudza
Havasati vari vose vanobvumirana naVoltaire. Vamwe vanotaura kuti vanoona zvakanaka mumarudzidziso ose; nokudaro, havanzwi dikanwo chaiyoiyo yokutsvaka rudzidziso rwechokwadi. Vanhu vakadaro vanofanira kuteerera nyevero yakapiwa nomuporofita Isaya, uyo akanyora, kuti: “Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.” (Isaya 5:20) Rudzidziso rwenhema rwakaparira zvakaipa nokuda kwavanhu. Rwakaguma nerima romudzimu uye rwakasiya kuvava mumiromo yavanhu vane mwoyo wakatendeseka.
Chisarudzo chacho, naizvozvo, hachisati chiri pakati pokuva asingadaviri muna Mwari nokudavira murudzidziso rwupi norwupi. Hachina kupfava kudaro. Kana mumwe munhu angoziva bedzi dikanwo yaMwari, iyeyo anofanira kutsvaka rudzidziso rwechokwadi. Munzveri Émile Poulat anosanokutaura muLe Grand Atlas des Religions (Bhuku Guru reMepu dzaMarudzidziso), kuti: “Zvinhu izvo [marudzidziso] anodzidzisa nokuraira zvakasiana-siana zvikuru zvokuti hakubviri kuzvidavira zvose.” Mubvumirano naikoku, Encyclopædia Universalis yeFrance (Enisaikoropedhia Yechisiko Chapose pose), inoti: “Kana zana ramakore rechi 21 rikadzokera kurudzidziso, . . . munhu achafanira kusarudza kana zvinhu zvinoyera zvaanogoverwa zviri zvechokwadi kana kuti zvenhema.”
Nzira Yokusarudza Nayo Rudzidziso Rwakarurama
Chii chichatitungamirira mukusarudza rudzidziso rwakarurama? Encyclopædia Universalis yakarurama painosimbisa ukoshi hwezvokwadi. Rudzidziso runodzidzisa nhema harugoni kuva rwechokwadi. Muporofita mukurusa ati ambofamba pasi pano akati: “Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nezvokwadi.”—Johane 4:24, NW.
Muporofita iyeyo akanga ari Jesu Kristu, uye iye akazivisawo, kuti: “Ngwarirai vadzidzisi venhema vorudzidziso, avo vanouya kwamuri vakapfeka samakwai asi chaizvoizvo vari mapere ane makaro. Munogona kuvaziva kupfurikidza nezvibereko zvavo. . . . Muti uri wose wakanaka unobereka muchero wakanaka, asi muti wakaora unobereka muchero wakashata.” (Mateo 7:15-17, Phillips) Vachiona muchero wakashata wamarudzidziso “makuru” enyika, uye kunyange wamasekete nezvitendero zvakamuka, vanhu vazhinji vapachokwadi vari kusvika pakuarangarira ose se‘miti yakaora,’ isitongorina kunaka zvakakwana. Asi vanogona sei kuwana rudzidziso rwechokwadi?
Sezvinooneka kwaizova kusingabviri kufunda zviuru zvose zvamarudzidziso ari mukati nokunze kwechiKristudhomu tisati taita chisarudzo. Zvisinei, kana—sokutaura kwakaita Jesu—tikashandisa zvokwadi nezvibereko semipimo, kunobvira kuziva rudzidziso rwechokwadi.
Zvokwadi Nezvibereko
Jesu akadudza zvokwadi. Pamusoro paikoku, iboka ripi ravatendi rinoramba nhema dzorudzidziso dzakawanwa mungano dzakare nouzivi hwechiGiriki zvinotekeshera mumarudzidziso mazhinjisa? Imwe nhema yakadaro idzidziso yokuti mweya womunhu haufi nenzira yomuzvarirwo.a Dzidziso iyoyi yakaparira dzidziso inozvidza Mwari yehero yomwoto.
Jesu akadudzawo zvibereko. Pamusoro paikoku, unoziva rudzidziso rwakaparira ushamwari hwechokwadi hwamarudzi ose umo mipingo yedzinza, mutauro, uye yourudzi inokurirwa norudo nokunzwisisana here? Unoziva nzanga yorudzidziso yenyika yose ine mitezo ingasva zvayo yatambudzwa pane kubvumira vezvamatongerwe enyika kana kuti vatungamiriri vorudzidziso kuvakuchidzira kuvenga hama nehanzvadzi dzavo ndokudziuraya muzita rourudzi kana kuti rudzidziso here? Rudzidziso rwakaramba dzidziso dzenhema dzorudzidziso dzakadaro ndokubereka zvibereko zvakadaro rwaizopa ufakazi hune simba hwokuva rwechokwadi, harwaizodaro here?
Rudzidziso Rwechokwadi Rwuri Kushandiswa Nhasi
Kune rudzidziso rwakadaro here? Hungu, rwuriko. Asi unofanira kubvuma kuti harusati rwuri rumwe rwamarudzidziso makuru enyika. Ikoku kunofanira kutishamisa here? Aiwa. MuMharidzo yake yakakurumbira yapaGomo, Jesu akati: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa, vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”—Mateo 7:13, 14.
Naizvozvo rudzidziso rwechokwadi runowanika kupi? Mukuzvininipisa kwose nokutendeseka, tinofanira kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoumba nzanga yamarudzi ose iri kufamba muiyi ‘nzira nhete neyakamanikana.’ Chokwadi, marudzidziso makuru anodana Zvapupu zvaJehovha nenzira yokunyomba kuti sekete. Asi ndizvo chaizvo izvo vatungamiriri vorudzidziso vakawa pakutenda muzana rokutanga ramakore N.V. vakadana maKristu apakuvamba.—Mabasa 24:1-14.
Neiko Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo chokuti zvine rudzidziso rwechokwadi? Eya, izvo zvinoumba huhama hwamarudzi ose hunosvika munyika dzinopfuura 200 uye huri kukurira mapoka ourudzi, dzinza, mutauro, uye boka renzanga. Uye zvinoramba kudavira dzidziso—pasinei zvapo nokuti ndedzakare zvakadini—idzo dzinopokanidza zvakajeka izvo Bhaibheri rinotaura. Asi zvakapinda sei mumugariro wakadaro unochivika? Uye kushandiswa kworudzidziso rwechokwadi kunobatanidzei? Iyoyi nemimwe mibvunzo pamusoro porudzidziso zvichakurukurwa munyaya mbiri dzinotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwechibvumikiso chinosanotsigirwa chamavambo engano eichi chitendero, ona bhuku rinonzi Mankind’s Search for God, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 52-7.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Hondo dzamaKristu dzaiva rutivi rwezvibereko zvakaora zvorudzidziso rwenhema
[Kwazvakatorwa]
Bibliothèque Nationale, Paris
[Mufananidzo uri papeji 8]
Rudzidziso rwechokwadi runobereka zvibereko zvakanaka