Hushumiri Hwako Here?
JEHOVHA akaratidza rupo rwake mukugovera zvakakwana pasi nokuda kwokufarikanya kwedu upenyu. Iye akarega norupo idzi gadziriro dziripo kunyange pashure pokunge Adhama naEvha vapanduka. Uyezve, iye akaratidzira rudo rwake rukuru mukutuma Mwanakomana wake kuti aponese vanhu vanotenda mungwavaira yechivi.—Mateo 5:45; Johane 3:16.
Tinogona sei kuita chimwe chinhu kurudo irworwo? Jesu akataura kuti tinofanira kuda Jehovha Mwari wedu nomwoyo wedu wose, mweya, ndangariro, uye simba. Ikoku kunokarakadza kuti tine musengwa wokumupa kunamata kwedu noruvimbiko uye kuti tinofanira kurarama upenyu hwedu mutsinhirano nokuda kwake.—Marko 12:30; 1 Petro 4:2.
Asi chii chinobatanidzwa mukuita kuda kwaMwari? Kune here basa ratinogona kumuitira—ushumiri hwatinofanira kugoverana mahuri?
Kudikanwa Kwavashumiri
Chechi dzakavhiringidza vanhu pamusoro penzira yokunamata nayo nokubatira Mwari. Bva, Bhaibheri rinoratidza kuti kune rudzidziso rumwe bedzi rwechokwadi, “Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhapatidzo rumwe; Mwari mumwe naBaba wavanhu vose.” Jesu akati: “Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi.” Naizvozvo vanopiwa zano, rokuti: “Munofanira kutaura mose nebvumirano, uye . . . hakufaniri kuva namapoka pakati penyu.”—VaEfeso 4:3-6; Johane 4:23; 1 VaKorinte 1:10, NW.
Vhiringidziko pamusoro porwuri rudzidziso rwechokwadi yakavamba muEdheni apo Satani akadenha ururami hwouchangamire hwaJehovha kupfurikidza nokupanikira nzira yaMwari yokutonga. (Genesi 3:1-6, 13) Satani zvino anotsigira ichi chishoro kuna Mwari nedzidziso dzenhema dzinoparadzirwa navafundisi vanonyengera avo “vanoramba vachizvishandura vamene kuva vashumiri vokururama.” Naizvozvo Bhaibheri rinoti: “Vadiwa, musatende kutaura kwakafuridzirwa kuri kwose . . . nemhaka yokuti vaporofita vazhinji venhema vakapinda munyika.”—2 VaKorinte 11:14, 15; 1 Johane 4:1, NW.
Nomufaro, Mwari akaita nhano dzokupedza iyi nhau yokutonga. Zvaakatuma Mwanakomana wake kuzodzikinura rudzi rwomunhu, iye zvino akaita Jesu Mambo woUmambo hwokudenga hwaMwari, ane simba rokuparadza Satani navaporofita vake, kana kuti vashumiri. Ikoku kuchaita kuti kuve nechokwadi chokuti kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano, kukukomborerwa kusingaperi kwavanhu vanoteerera.—Dhanieri 7:13, 14; VaHebheru 2:9.
Satani akadzikatidza idzi zvokwadi. (2 VaKorinte 4:4) Nokudaro, pane kudikanwa kwokuti tibatire savashumiri vaMwari, tichiratidzira unhema hwaSatani nokupupurira zvokwadi. Jehovha haatimanikidzi kupinda mubasa rake. Iye anoda kuti isu, kufanana naJesu, tizvipe timene nokudisa nokuda kwokumuonga uye nokuda kweizvo akatiitira.—Pisarema 110:3; VaHebheru 12:1-3.
Ushumiri hwechiKristu
Jesu “wakapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveevhangeri youshe hwaMwari.” (Ruka 8:1) Iye akarovedzawo vadzidzi vake kuva vashumiri kufanana naye ndokuvatuma kundoparidza. (Mateo 10:1-14, 27) Gare gare, akavatuma kuzopfuuridzira ushumiri kumigumo yapasi.—Mateo 28:19, 20; Mabasa 1:8.
Iri basa riri pamaKristu echokwadi, uye mudzimu waMwari unoanyandura kuparidza. Sezvakaitika paPentekosta 33 N.V., vose vanogamuchira mashoko akanaka vanotanga kuita mutoro wokuita ziviso yapachena yokutenda kwavo.—Mabasa 2:1-4, 16-21; VaRoma 10:9, 13-15.
Vanhu vazhinjisa, kunyanguvezvo, havagoni kuzviona vamene savashumiri. Peter, mumwe weZvapupu zvaJehovha, anoti: “Varume muGermany vanowanzokurangarira kuva kunonyadzisa kutaura pamusoro porudzidziso. ‘Ikoko ndokwokuti vafundisi vaite,’ ivo vanodaro.” Mukuwirirana naTony, mufundisi kwamakumi amakore, vanhu muEngland vakati: “Zvauri kutaura zvakanaka, uye ndinofunga kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakaisvonaka. Asi kuenda pasuo nesuo ndichiparidzira—handingagoni chaizvo kuita izvozvo.” Ben akafunda Bhaibheri kwenguva yakati nomumwe murume weNigeria uyo akamuudza, kuti: “Handigoni kuzviratidza ndimene ndichiparidza pachena paimba neimba; asi ndingagona kupa mari kuungano yenyu yokubetsera avo vanodisa kuita izvozvo.” Hungu, vanhu vazhinjisa havana kutenda nepwiso zvinodikanwa nokuda kwoushumiri hwechiKristu.
Kunyanguvezvo, kuparidza pachena mutoro wavose vari muungano yechiKristu, pasinei zvapo nezera kana kuti munhurume kana munhukadzi. Hahusati huri bedzi hwavakuru navabatiri vanoshumira, avo ‘vanotungamirira,’ asiwo hwamaKristu ose zvawo. Vose vanopiwa zano, kuti: “Ipai kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake. . . . Teererai avo vanotungamirira pakati penyu.”—VaHebheru 13:15, 17, NW.
Achitaura kuboka rakavhengana muMharidzo yake yapaGomo, Jesu akati: “Haasati ari munhu ari wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwamatenga, asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari mumatenga achapinda.” Pane imwe nhambo iye akaratidza kuti kuita kuda kwaMwari kunobatanidza kuparidza kuvasiri vatendi. Vadzidzi vake vakanga vachimukurudzira kurega kuparidza kuvaSamaria kuti adye, asi iye akati: “Zvokudya zvangu ndezvokuti ndiite kuda kwaiye akandituma nokupedza basa rake.”—Mateo 7:21; Johane 4:27-38, NW.
Hunofanira Kuva Basa Rako Here?
Vanhu kazhinji kazhinji vanoda zvavo kuronda zvokudya zvokunyama nepfuma. Asi pakuvamba muMharidzo yapaGomo, Jesu akapa zano vateereri vake rinorwisana nokuronda nenzira yokufunganya zvinhu zvakadaro. “Panzvimbo pezvo,” iye akati, “zvichengeterei mumene pfuma mudenga . . . Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari].”—Mateo 6:20, 33, NW.
Kutanga kutsvaka Umambo kunoreva kusarega dzimwe fariro dzichidzikatidza ushumiri hwedu. Zvisinei, kuita ikoku hakurevi kubvisa chimwe chinhu chiri chose zvacho. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotikurudzira kusaregeredza misengwa yechokwadi yemhuri. Vanhu vose vane misengwa yakadaro. Kuiregeredza kuita nenzira inopesana nokutenda kwechiKristu. (1 Timotio 5:8) Kunyanguvezvo, tinofanira kuita zvose zvatinogona kuita nenzira ine mufungo muushumiri tichiita mimwe mitoro nenzira yakadzikama.
Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa . . . nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Mashoko akapoteredza ouporofita ihwohwo anoisa zadziko yahwo muzuva redu. Chifo cha 1914 mashoko akanaka ndeokuti Umambo hwakapiwa simba rokuita chimwe chinhu nokuda kwouchangamire hwaJehovha uye kurwisana naSatani nenyika yake. (Zvakazarurwa 11:15-18) Tinofanira kufunga zvakakomba pamusoro perevo yaikoku. Mugumo uchasvika, uye tinofanira kuita kuti basa rokuparidza riitwe nguva iyeyo isati yasvika. Upenyu huri mungozi; tinogona kubetsera kuponesa hwakawanda hwahwo.
Svasvavirira Ushumiri Hwakazara Zvikuru
Vazhinji veZvapupu zvaJehovha vanopa maawa gumi kana kuti kupfuura mwedzi mumwe nomumwe kukugoverana mashoko akanaka navamwe. Zviuru zvinopedzera maawa maviri kana kuti matatu pazuva mukuparidza samapiona ebetsero, uye vamwe vanopfuurira kubatira samapiona enguva dzose uye chaiwo. Ivo vanonzwisisa kurumidziro yeiri basa uye vanoda kuva negoverano yakazara zvikurusa inobvira kuita kuti riitwe mugumo wenyika ino isingafari usati wasvika.
Iwe unotova Chapupu chinoshingaira chaJehovha here? Ipapoka svasvavirira goverano yakazara zvikuru mubasa racho. Vandudza kusanoita kwako mukuparidza nokudzidzisa, uchiedza kupedza zvakawanda muushumiri. Kana iwe uchikwanisa kuva piona, ita saizvozvo. Kana migariro yako isingakubvumiri zvapachokwadi kudaro, ipapo kurudzira avo vanogona kusvasvavirira iri basa.
Kana usati uri Chapupu chakazvitsaurira chaJehovha, usataura kuti ushumiri hahusati huri hwako. Mumwe murume anonzi Peter, makanika wemichina, akaramba zvakasimba kugoverana kwomudzimai wake mashoko akanaka navamwe. “Ndinogona sei kuita kuti mudzimai wangu aparidze paimba neimba?” aibvunza kudaro. Pashure pamakore okucherekedza kupwiswa kwake kwakasimba pamusoro peShoko raMwari, akasarudza kufundawo Bhaibheri. Zvino, kufanana nomudzimai wake, iye mushumiri akazvitsaurira, akabhapatidzwa wamashoko akanaka.
Naizvozvo usazvidzivisa umene paropafadzo yokubatira Jehovha. Tinokukurudzira kufunda Bhaibheri nokusonganirana namaKristu echokwadi pamisangano yawo. Ikoku kuchakubetsera kuumba upenyu hwako mutsinhirano nokururama kwaMwari nokuvaka kutenda kwakasimba mumadonzo ake. Kana ukaita fambiro mberi muna ikoku, iwewo uchakwanirisa kuva mushumiri waMwari. Iwe ipapo ucharopafadzwa kugoverana mukuita uyu murairo waJesu: “Endai naizvozvo muite vadzidzi . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.”—Mateo 28:19, 20, NW.
Hungu, kune ushumiri hwaungagoverana mahuri, uye ndokwokukurumidzira zvikuru kupfuura nakare kose kuti iwe uite saizvozvo.
[Bhokisi riri papeji 25]
Mumwe mukoti ane mhuri yokutarisira anoti: “Ndinofamba rinopfuura awa rimwe zuva riri rose ndichienda kuchipatara kwandinoshanda, naizvozvo ndaifunga kuti ndaisagona kuita upiona hwebetsero. Asi ndakasanoronga mibato yangu kuti ndigoverane mubasa romumunda nokukurumidza mangwanani mamwe namamwe ndisati ndaenda kubasa, mukati menhambo dzokuzorora, uye pamazuva okusashanda. Unogona kufungidzira mufaro wangu apo, pamugumo womwedzi mumwe, ndakanga ndapedzera maawa 117 mukuparidza! Ndakagovera magazini 263, kuzvinyoresa 22 nokuda kwamagazini uye ndakakwanisa kutanga fundo dzeBhaibheri nhatu.”
[Bhokisi riri papeji 27]
Michael ane vana vaduku vanomwe, uye ane basa rine mutoro mukoreji yeNigeria. Iye mukuruwo muungano yechiKristu. Iye anogoverana murangariro wezviuru zveZvapupu:
“Ndinorangarira ushumiri sebasa rangu uye nguva dzose ndinoyeuka kuti Pauro akati: ‘Ini ndakasima, Aporo akadiridza, asi Mwari akaramba achiiita kuti ikure.’ Mudzimai wangu neni ‘tinosima’ mukati mekurukurirano pfupi dzapaimba neimba dzamashoko akanaka. Isu ‘tinodiridza’ kupfurikidza nokudzokera kuavo vanoratidza fariro kuti tivadzidzise kubva muBhaibheri, seizvo Jesu akati tinofanira. Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzevhiki nevhiki dzakabetsera chiverengero chikuru—muzvimwe zvinoitika mhuri dzose—kusvika pazivo yezvokwadi.”