RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 1/1 pp. 18-23
  • Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rutyo Rwoumwari Runokurira
  • Kuita Mukutya Jehovha
  • Ida Chakanaka, Venga Chakaipa
  • Itya Jehovha Uye Murumbidze
  • Rumbidza Jehovha Nokusingagumi
  • Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kudzidza Kuwana Mufaro Mukutya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Itya Jehovha Uchengete Mirayiro Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kutyirei Mwari, Kwete Vanhu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 1/1 pp. 18-23

Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene

“Ndiani asati achizokutyai chaizvoizvo, Jehovha, uye kurumbidza zita renyu, nemhaka yokuti imi moga makavimbika?”—ZVAKAZARURWA 15:4, NW.

1, 2. (a) Jehovha akazarura sei mawindi okudenga mukati ma 1991? (b) Ndichinoitikai choupenyu chakasunda mufundisi akatendeka kupa pangiro, yokuti: “Itya Jehovha”? (Onawo 1991 Yearbook, mapeji 187-9.)

JEHOVHA ‘akazarura mawindi amatenga uye akadurura chaizvoizvo chikomborero kusvikira pasisinazve kushaiwa.’ Mashoko iwayo angagona kushandiswa ashandiswazve kuZvapupu zvaJehovha munguva dzichangobva kupfuura idzi. (Maraki 3:10) Somuenzaniso, mukati megore rebasa ra 1991, mbavarira yeZvapupu zvinoshanya navakokorodzani vomunzvimbomo yakaratidzirwa muushamwaridzani pakokorodzano chaidzo dzakaitwa kupote pasi rose—kubva mu“Mutauro Wakachena” Kokorodzano muBuenos Aires muSouth America; muManila, Taipei, uye Bangkok iri muMabvazuva; kusvikira ku“Vadi Vorusununguko” Kokorodzano muBudapest, Prague, uye Zagreb (August 16-18, 1991) muEastern Europe.

2 Wakanga uri mufaro wakadini nokuda kwenhume dzakabva mhiri kwamakungwa kusangana neZvapupu zvakatendeka kwenguva refu zvomunzvimbo idzodzo. Somuenzaniso, muBangkok, Frank Dewar—pane imwe nguva aiva muparidzi bedzi woUmambo muThailand—akataura nezvamakore ake 58 ebasa roufundisi. Mibato yake yakabva pazvitsuwa zvePacific kusvikira kuAsia yoKumaodzanyemba kwakadziva kuMabvazuva, uye kunyange kupinda muChina. Iye akanga atarisana nengozi dzokuputsikirwa nechikepe, mhuka dzomusango mumasango makuru, zvirwere zvomunzvimbo dzapasi dzinopisa, uye hurumende ine utsinye yavakuru vakuru vehondo veJapan. Paakabvunzwa kuti ipangiroi yaaizopa kuvakokorodzani, mhinduro yake yakanga iri yakapfava: “Ityai Jehovha!”

3. Neiko tichifanira kuratidzira rutyo rwoumwari?

3 “Ityai Jehovha!” Kunokosha sei kuti tose zvedu tisakurire rutyo irworwo rwakanaka! “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.” (Pisarema 111:10) Urwu rutyo harusati ruri kutyiwa kwakaipa kwaJehovha. Panzvimbo pezvo, ruremekedzo rukuru nokuda kwesimba rake rinotyisa namavara oumwari, zvakavakirwa panzwisiso yatinogamuchira kupfurikidza nefundo yeShoko raMwari. Pana Zvakazarurwa 15:3, 4, rwiyo rwaMosesi norweGwaiana runozivisa, kuti: “[Jehovha, NW], Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, [Jehovha, Nokuti imi moga makavimbika, NW]?” Mukuvimbika kuvanamati vake, Jehovha ane “bhuku yokurangaridza . . . yakanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” Vanotuswa noupenyu husingaperi.—Maraki 3:16; Zvakazarurwa 20:12, 15.

Rutyo Rwoumwari Runokurira

4. Kununurwai kwekare kunofanira kutikurudzira kutya Jehovha?

4 Apo Israeri akabuda muEgipita yaFarao, Mosesi akaratidza zvakajeka kuti iye aitya Jehovha bedzi. Nokukurumidza, vaIsraeri vakabatwa pakati peGungwa Dzvuku negadziriro ine simba yehondo yeEgipita. Vaigona kuiteiko? “Mosesi akati kuvanhu: ‘Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaEgipita vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi. Jehovha uchakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.’” Nenzira yenenji, Jehovha akaparadzanisa mvura. VaIsraeri vakayambuka napagova regungwa. Ipapo mvura dzakavamba kukoromoka. Uto raFarao rakaparadzwa. Jehovha akaponesa rudzi irworwo runotya Mwari, nepo panguva imwe cheteyo achiita rutongeso paEgipita inozvidza Mwari. Nenzira yakafanana nhasi, iye acharatidzira ruvimbiko rwake mukununura Zvapupu zvake zvinotya Mwari munyika yaSatani.—Eksodho 14:13, 14; VaRoma 15:4.

5, 6. Ndizvinoitikai munguva yaJoshua zvinoratidza kuti tinofanira kutya Jehovha panzvimbo pomunhu?

5 Pashure poKubuda muEgipita, Mosesi akatumira tsori 12 muNyika Yakapikirwa. Gumi vakatyiswa pakuona vagari vemo vakafanana nehofori uye vakaedza kuodza mwoyo vaIsraeri pakupinda munyika yacho. Asi dzimwe mbiri, Joshua naKarebhi, dzakashuma, kuti: “Inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Jehovha achifara nesu, uchatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha unesu, regai kutya.”—Numeri 14:7-9.

6 Zvisinei, vaIsraeri ivavo vakatera kukutya munhu. Somuuyo, havana kutongosvika munyika yechipikirwa. Asi Joshua naKarebhi, pamwe chete nechizvarwa chitsva chavaIsraeri, vakaropafadzwa kupinda munyika iyoyo yakanaka nokurima minda yayo yemizambiringa nemiti yemiorivhi. Mukutaura kwake kwokuoneka kuvanhu vakaungana vaIsraeri, Joshua akapa iyi pangiro: “Ityai Jehovha zvino, mumushumirei nomwoyo wose nezvokwadi.” Uye Joshua akawedzera, kuti: “Kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.” (Joshua 24:14, 15) Mashoko anokurudzira zvakadini nokuda kwemisoro yemhuri navamwe vose okutya Jehovha sezvatinogadzirira kuyambuka ndokupinda munyika itsva yakarurama yaMwari!

7. Dhavhidhi akasimbisa sei ukoshi hwokutya Mwari?

7 Mukomana mufudzi Dhavhidhi akaratidzirawo kutya Jehovha kwomuenzaniso paakadenha Goriati muzita raMwari. (1 Samueri 17:45, 47) Ari pamubhedha wake worufu, Dhavhidhi aigona kuzivisa, kuti: “[Mudzimu, NW] waJehovha wakataura mukati mangu, shoko rake rakanga riri parurimi rwangu. Mwari waIsraeri wakataura, Dombo raIsraeri rakataura neni rikati: ‘Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, uchabata ushe achitya Mwari; uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, samangwanani kana kusina makore.’” (2 Samueri 23:2-4) Uku kutya Mwari kwave kusipo nenzira yakatanhamara pakati pavatongi venyika ino, uye muuyo wacho une ngwavaira sei! Kuchava kwakasiana sei apo Jesu, “Mwanakomana waDhavhidhi,” anotonga pasi mukutya Jehovha!—Mateo 21:9.

Kuita Mukutya Jehovha

8. Neiko Judha akabudirira munhungamiro yaJehoshafati, kuchiratidzirei nokuda kwanhasi?

8 Anenge makore ane zana pashure porufu rwaDhavhidhi, Jehoshafati akava mambo muna Judha. Pano zvakare pakanga pana mambo uyo akabatira mukutya Jehovha. Iye akadzorera nhevedzano youbati ushe hwaMwari muna Judha, akaisa vatongi munyika yose, uye akavapa iyi mirairidzo: “Hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye unemi pakutonga kwenyu. Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro. . . . Ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, mune mwoyo yakarurama.” (2 Makoronike 19:6-9) Nokudaro, Judha akabudirira mukutya Jehovha, kunyange sezvo vanhu vaJehovha vachibetserwa nebasa ravatariri vanonzwira tsitsi nhasi.

9, 10. Jehoshafati akakurira sei mukutya Jehovha?

9 Zvisinei, Judha akanga ane vavengi. Ivava vakasarudza kuparadza chose chose rudzi rwaMwari. Mauto ehondo akabatanidzwa aAmoni, Moabhi, uye Gomo reSeiri akadirana mundima yeJudhea ndokutyisidzira Jerusarema. Rakanga riri uto rine simba. Jehoshafati akatendeukira kuna Jehovha mumunyengetero “ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwe chete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo.” Ipapo, mukupindura munyengetero iwoyo, mudzimu waJehovha wakaburukira pamuRevhi Jahazieri, uyo akati: “Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. Burukirai mangwana mundorwa navo . . . Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusarema; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha unemi.’”—2 Makoronike 20:5-17.

10 Mangwanani akatevera, vanhu vaJudha vakafumomuka. Sezvavakabuda nenzira yokuteerera kundosangana nomuvengi, Jehoshafati akamira ndokuti: “Chindinzwai imi vaJudha nemi mugere Jerusarema; tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda.” Vachifamba vari pamberi pavarume vakashongedzerwa nezvombo, vaimbi kuna Jehovha vakaimba mukorasi, kuti: “Ongai Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi.” Jehovha akaratidzira mutsa worudo iwoyo kupfurikidza nokukandira mapoka omuvengi munyongano yakadaro zvokuti vakaurayana. Sezvo vanhu vaJudha vakasvika panharireyomurindi murenje, zvitunha zvavavengi vakafa bedzi zvakasara.—2 Makoronike 20:20-24.

11. Pamusoro porutyo, marudzi anosiana sei navanhu vaMwari?

11 Apo marudzi akavakidzana akanzwa nezvouku kununura kwenenji, “kutya Mwari” kwakava pamusoro pavo. Pano rumwe rutivi, rudzi rwakateerera mukutya Jehovha zvino rwakanga rwava ne“zororo pamativi ose.” (2 Makoronike 20:29, 30, NW) Nenzira yakafanana, apo Jehovha anoita rutongeso paArmagedhoni, marudzi achatya Mwari noMwanakomana wake Muurayi, Jesu Kristu, uye achava asingakwanisi kumira muzuva guru rokutsamwa kwoumwari.—Zvakazarurwa 6:15-17.

12. Kutya Jehovha kwakatuswa sei munguva dzapakuvamba zvikuru?

12 Kutya Jehovha kwakanaka kunounza tuso dzakapfuma. Noa “akaratidza rutyo rwoumwari ndokuvaka areka nokuda kwokuponeswa kwemhuri yake.” (VaHebheru 11:7, NW) Uye kana ari maKristu omuzana rokutanga ramakore, kwakanyorwa kuti, pashure penhambo yechitambudzo, ungano “yakapinda munhambo yorugare, ichivakwa; uye sezvo yakafamba ichitya Jehovha nomukunyaradza kwomudzimu mutsvene yakaramba ichiwedzera”—zvikuru sezvairi kuita muEastern Europe nhasi.—Mabasa 9:31, NW.

Ida Chakanaka, Venga Chakaipa

13. Tingawana sei bedzi chikomborero chaJehovha?

13 Jehovha akanaka chose chose. Nokudaro, “kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa.” (Zvirevo 8:13) Kwakanyorwa nezvaJesu, kuti: “Wakada kururama, uye wakavenga kusateerera mutemo. Ndicho chikonzero nei Mwari, Mwari wako, akakuzodza namafuta omufaro.” (VaHebheru 1:9, NW) Kana isu, kufanana naJesu, tichishuva chikomborero chaJehovha, tinofanira kusema ushati, utere, masimba masimba, uye makaro zvenyika inodada yaSatani. (Enzanisa naZvirevo 6:16-19.) Tinofanira kuda icho Jehovha anoda uye kuvenga icho iye anovenga. Tinofanira kutya kuita chinhu chipi nechipi icho chingasafadza Jehovha. “Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.”—Zvirevo 16:6.

14. Jesu anotigovera sei muenzaniso?

14 Jesu akatisiira muenzaniso wokuti tinofanira kusanotevera nhano dzake. “Wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kuna iye unotonga zvakarurama.” (1 Petro 2:21-23) Mukutya Jehovha, isuwo tinogona kutsungirira ruzvidzo, kunyomba, zvitambudzo, izvo nyika yaSatani inotutira patiri.

15. Neiko tichifanira kutya Jehovha panzvimbo paavo vanogona kuuraya muviri?

15 Pana Mateo 10:28, Jesu anotipangira, kuti: “Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo unogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena.” Kunyange kana munhu anotya Jehovha achifanira kuurawa nomuvengi, marwadzo orufu anongova zvawo echinguvana. (Hosea 13:14) Pakumutswa, iyeyo uchakwanisa kuti: “Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?”—1 VaKorinte 15:55.

16. Jesu akaratidza sei kutya Jehovha ndokumurumbidza?

16 Jesu amene anogovera muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavose vanoda kururama kwaJehovha ndokuvenga chiri chakaipa. Kutya kwake Jehovha kunoratidzirwa mumashoko ake okupedzisira kuvadzidzi vake, anowanika pana Johane 16:33: “Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika, asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.” Nhauro yaJohane inopfuurira, kuti: “Jesu wakataura izvozvi, akatarira kudenga, akati: ‘Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi, . . . Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu.’”—Johane 17:1-6.

Itya Jehovha Uye Murumbidze

17. Tinogona kutevedzera muenzaniso waJesu munzirai?

17 Isu nhasi tinogona kutevedzera muenzaniso woushingi waJesu here? Zvirokwazvo tinogona mukutya Jehovha! Jesu akazivisa kwatiri zita rakakurumbira raJehovha namavara. Kutya Jehovha saChangamire wedu Ishe, tinomukwidza pamusoro pavamwe vamwari vose, kubatanidza Utatu husina zita, hwakavanzika hwechiKristudhomu. Jesu akabatira Jehovha norutyo rwakanaka, achiramba kusungwa mumusungo wokutya munhu anofa. “Pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.” Kufanana naJesu, isuwo ngatityei Jehovha sezvatinopfuurira kudzidza kuteerera muzvinhu zvatinotambura—nguva dzose tine ruponeso rusingaperi senharidzano yedu.—VaHebheru 5:7-9.

18. Tingaitira sei Mwari basa rinoyera norutyo rwoumwari?

18 Gare gare mutsamba iyoyo kumaKristu eHebheru, Pauro anopangira maKristu akazodzwa, kuti: “Saka, zvatinopiwa [umambo, NW] husingazununguki, ngative nokuonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.” Nhasi, “boka guru” rinogoverana mubasa iroro rinoyera. Uye rakaumbwa nechii? Pashure pokukurukura mutsa usakafanirwa waJehovha mukugovera chibairo choMwanakomana Wake, Jesu Kristu, Pauro anoti: “Naizvozvo ngatirambe tichibaira Mwari naye chibairo chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” (VaHebheru 12:28; 13:12, 15) Mukuonga mutsa usakafanirwa waJehovha, tichada kupa awa riri rose rinobvira kubasa rake rinoyera. Seshamwari dzakavimbika dzamaKristu akazodzwa asara, boka guru nhasi riri kuita nokure rutivi rukuru rwebasa iroro. Ivava vanoti ruponeso runobva kuna Mwari naKristu, sezvavanomira nenzira yokufananidzira pamberi pechigaro choumambo chaMwari, “vachimuitira basa rinoyera masikati nousiku.”—Zvakazarurwa 7:9, 10, 15, NW.

Rumbidza Jehovha Nokusingagumi

19, 20. Marudzii maviri orutyo achaoneka mu“zuva raJehovha”?

19 Zuva rine mbiri rokurevererwa kwaJehovha rinosvika nokukurumidza! “‘Tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva, rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Nguva iyoyo ine ngwavaira i“zuva guru raJehovha, rinotyisa.” (Maraki 4:1, 5) Richaparira “kuvhunduswa” mumwoyo yavakaipa, uye ivava “havatongopukunyuki.”—Jeremia 8:15; 1 VaTesaronika 5:3.

20 Vanhu vaJehovha, zvisinei, vanosundwa norudzi rwakasiana rworutyo. Ngirozi yakaronzeswa “mashoko akanaka asingaperi” yakaadanidzira nenzwi rakakwirira, ichiti: “Ityai Mwari ndomukupa mbiri, nemhaka yokuti nguva yake yorutongeso runoitwa naye yasvika.” (Zvakazarurwa 14:6, 7, NW) Tichamira mukutya rutongeso irworwo sezvo kupisa kunobvuraudza kweHar–Magedhoni kunoparadza nyika yaSatani. Kutya Jehovha kwakanaka kuchanyorwa zvisingadzimiki pamwoyo yedu. Ipapo ngatinzwirwe nyasha kuzviwana timene pakati pa‘vakaponeswa avo vakadana pazita raJehovha’!—Joere 2:31, 32; VaRoma 10:13.

21. Kutya Jehovha kuchatungamirira kuzvikomboreroi?

21 Zvikomborero zvinoshamisa zvichatevera, kubatanidza “makore oupenyu” anotambanukira mukusingagumi mose! (Zvirevo 9:11; Pisarema 37:9-11, 29) Naizvozvo, kana tariro yedu iri yokugara nhaka Umambo kana yokubatira munzvimbo yahwo pasi pano, ngatipfuurirei zvino kuitira Mwari basa rinoyera norutyo rwoumwari noruremekedzo. Ngatipfuurirei kurumbidza zita rake dzvene. Uye nomuuyoiko wakakomborerwa? Kuonga nokusingaperi kuti takarangarira zano rokuchenjera rokutya Jehovha nguva dzose!

Waizopindura Sei?

◻ Chii chinorehwa nokuti “kutya Jehovha”?

◻ Kutya Mwari kwakabetsera sei vanhu vake vekare?

◻ Muenzanisoi worutyo rwoumwari uyo Jesu akatisiira?

◻ Tingachengeta sei perero mukutya Jehovha?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mubhuku raZvakazarurwa, hama dzaJesu dzinooneka dzichiimba “rwiyo rwaMosesi,” rwiyo runorumbidza Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 20]

Uto raJehoshafati rinokurira mukutya Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 23]

Makore oupenyu anotambanukira mukusingagumi mose achava tuso yaavo vanotya Jehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe