Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Zvapupu zvaJehovha Zvinoparidzira Nenzira Yamasanga Nemiuyo Yakanaka
VANHU vazhinji vakatanga kusumwa kuzvokwadi yeBhaibheri apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akavaparidzira nenzira yamasanga. Muna ikoku Zvapupu zvinotevera muenzaniso waJesu Kristu, uyo akaparidzira nenzira yamasanga kumukadzi weSamaria patsime paakanga auya kuzochera mvura. (Johane, ganhuro 4) MuEast Africa, mumwe weZvapupu zvaJehovha akaparidzira nenzira yamasanga kumunun weKaturike. Hofisi yebazu yeWatch Tower Society inorondedzera chakava muuyo:
◻ Pakuvamba mamwe mangwanani ari munzira yake kuenda kutaundi, Chapupu chacho chakasangana nomunun weKaturike. Icho chakashandisa banza racho kubvunza munun wacho, kuti: “Muri kuenda kupi panguva ino yezuva?” Mhinduro yacho yakanga iri: “Ndiri kuenda kundonyengetera kuna Mwari wangu.” Ipapo chakabvunza munun wacho, kuti: “Munoziva zita raMwari wenyu here?” “Zita rake harisati riri Mwari here?” munun wacho wakapindura kudaro. Chapupu chakakarakadza kuuya kumusha wake masikati iwayo kuzokurukura zita raMwari. Pashure pekurukurirano munun akaenda kuchechi kwake ndokubvunza mumwe wavaprista kana aiziva icho “Jehovha” aimirira. Mhinduro yacho yakanga iri, “Izita raMwari.” Munun akashamiswa zvikuru kunzwa kuti muprista aiziva ikoku asi haana kutongodzidzisa ikoku kwaari.
Chapupu chakashanyira mukadzi wacho kwamazuva mapfumbamwe akatevedzana ndokumudzidzisa zvokwadi pamusoro poUtatu, mweya, hero yomwoto, uye tariro yavakafa. Mukadzi wacho akapinza chinhu chiri chose uye ipapo akakumbira Chapupu kumupa nguva yakati yokurangarira dzidziso dzose idzi itsva. Pashure pamavhiki maviri iye akasvika Chapupu chacho zvakare ndokukumbira kuva nedzimwe kurukurirano. Panguva ino munun akanga asarudza kusiya chechi uye akanga atoparadza zvifananidzo zvake, marozari, uye muchinjikwa. Muprista akaedza kumunyengetedza kudzoka, asi iye akanga akatsunga kuronda zvokwadi. Iye akabhapatidzwa gare gare uye akabatira sapiona webetsero wenguva dzose kwemwedzi yakawanda pasinei zvapo noutano hwake hwakashata noukweguru.
Sezvo imba yake iri huru, iye akapa ungano kushandiswa kwayo seHoro yoUmambo. Hama dzakatsiva denga rekare, dzakapaza madziro omukati, uye dzakaita rutivi rukuru rwechivako nzvimbo inokwezva yemisangano. Uyu aichimbova munun weKaturike anogara mukamuri riri seri kwehoro yacho. Iye ari kufara zvikuru kuve akakwanisa kuita uyu mupiro kukunamatwa kwaJehovha.
◻ Chimwe chinoitika icho chinoratidza uchenjeri hwokupupurira kwamasanga chinobva kuKampala, Uganda. Ari munzira kuenda kuhofisi yehurumende, mumwe mufundisi Chapupu akataura nenzira yamasanga kuna avo vaaiva navo muchinhu chinokwidza vanhu. Mumwe murume, VaL——, akataura chishuvo chokugamuchira bhuku rakagoverwa asi aisagona kuritora panguva iyoyo. Naizvozvo iye akapa mufundisi zita rake nekero yehofisi yake. Gare gare mufundisi akaendako ndokubvunza nokuda kwaVaL——. Iye akadanwa asi kukushamisika kwomufundisi wacho, murume akasiana akaoneka. Makanga mune varume vaviri vane zita rakafanana vaishanda muhofisi iyoyo. Uchapupu hupfupi hwakapiwa kuna VaL—— vechipiri, uye ivo vakaratidza fariro yechienzi. Nepo VaL—— vokutanga vakarasikirwa nefariro, fundo yeBhaibheri yakatangwa naVaL—— vechipiri. Zvino Chapupu chakabhapatidzwa, uye mudzimai wavo nomwanakomana vari kuita fambiro mberi yakanaka vakananga rubhapatidzo.
Jesu Kristu Mufudzi Akaisvonaka uye anoziva vanhu vakafanana namakwai vane mwoyo yakarurama. Izvi zvinoitika zvinoenzanisira kuti iye anotungamirira vateveri vake kuna vakadaro. Kuparidzira kwamasanga kunogona kubudirira!—Johane 10:14.