Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Zvokwadi yeBhaibheri Inosunungura muNun muBolivia
VANHU vazhinji vane mwoyo yakatendeseka vari kutiza vachibva murudzidziso rwenhema, kudzidza zvokwadi yeBhaibheri, uye vari kuuya kuzonamata Jehovha, Mwari wechokwadi. Vanopfuura 7 600 vakaita saizvozvo muBolivia, kubatanidza mumwe munun.
Apo akanga ava namakore mapfumbamwe bedzi okukura, M—— akava neonano yake yokutanga nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Akauya kusuo apo Chapupu chakashanyira musha wake, uye kwenguva yokutanga, akanzwa zita raMwari, Jehovha, richidudzwa. Rakaramba riri mundangariro yake kwamakore.
Sezvo akanga ari musikana bedzi mumhuri, kwakasarudzwa kuti anofanira kuva munun. “Ndakafara sei kuti ndakanga ndichizova mubasa raMwari—toti hedu, ndizvo zvandaifunga,” anodaro M——. Asi mufaro wake wakachinja kuva kuora mwoyo apo akaona kusaruramisira nokusarura zvaiitwa munogara manun. Iye anoti: “Zvichida handisati ndichizotongokanganwa kuora mwoyo ikoko nokurohwa ikoko kwokunyama nokwomudzimu uko kwairwadza kwazvo, kuchindiparira kurangarira Mwari, kwete soUyo worudo, asi soUyo anoranga pasina kunzwira urombo.”
Anopfuurira, kuti: “Pakazosvika nguva yandakava munun, ndakanga ndave asingabudiriri mukuwana zita raJehovha muBhaibheri. Ndakangowana bedzi ‘Yahweh,’ uye ikoko kwakandishamisa. Rimwe zuva ndakatobuda kundotsvaka vanhu avo vaitaura nezvaJehovha, asi handina kutongovawana.
“Nguva yakapfuura, uye rimwe zuva pandakanga ndiri munzira ndichienda kumusha wemhuri yangu, ndakaona chiratidzo, ‘Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.’ Ndaida kuvaudza kuti vakanga vari vaporofita venhema, asi hakuna munhu akanga ari muhoro yacho. Ndakadzokera paSvondo. Musangano wakanga uchipfuurira, uye chiverengero chakati chairatidzika kuva chinoshamisika kuona munun akapfeka zvakazara ari muvateereri. Pashure pomusangano wacho, ndakaedza kukurumidza kubuda. Kunyanguvezvo, mumwe weZvapupu akandikwazisa, naizvozvo ndakamubvunza, kuti, ‘Neiko muchituka Mutsvene kupfurikidza nokutakura zita iroro?’ Mubvunzo wangu wakatungamirira kukurukurirano yeBhaibheri, uye ndakaita gadziriro dzokuti andishanyire kumusha wemhuri yangu. Vabereki vangu vakamudzinga. Takasanganazve, zvisinei, mwedzi miviri gare gare, uye akandikoka kumusha wake nokuda kwefundo yeBhaibheri. Ndakaororwa zvikuru namashoko aakandiratidza, anobvumikisa kuti maKristu anofanira kushandisa zita raMwari. Ufakazi ihwohwo hwakandipa simba rinodikanwa rokuramba zvinhu zvose zvisina maturo zvandakanga ndadzidziswa somunun.
“Ndinoyeuka zvinhu zvizhinji pamusoro poupenyu hwangu munogara manun. Somuenzaniso, pane imwe nguva ndaida zvimwe zvokudya kuti ndidye. Naizvozvo ndakanyora ndokukumbira vabereki vangu kunditumira zvimwe, ndisingazivi kuti tsamba dzainzverwa panogara manun. Pazvokudya zvakatevera, chitsama chikuru chechingwa nejelly chakaiswa pamberi pangu, uye ndakamanikidzirwa kuzvidya zvose. Zvino ndakanga ndava nezvokudya zvakanyanyowanda. Ndakadudza ikoku kushamwari dzangu, uye imwe yakakarakadza kuti ndidimbure-dimbure chingwa chandaisagona kudya ndokuchiparadzira pauriri. Pandakaita izvozvo, mumwe munun kamwe kamwe akandibata ndokundikandira pauriri, nomurairo wakakomba wokuti ndaifanira kunanzva uriri hwose kusvikira hwachena norurimi rwangu. Kamuri racho rakanga rakakura. Ndichiteerera murairo wacho, ndakanzwa kugegedza kukuru nokuseka—hakuna tsitsi dzipi nedzipi dzakaratidzwa.
“Ndinogona zvino kuona kuti kunoshamisa sei kuva akasununguka pazvose izvozvo. Sezvaigona kukarirwa, urwu rusununguko rwaibatanidza kurega zvimwe zvinhu. Kutanga, baba vangu vakandikandira kunze kwemba. Kunyanguvezvo, ndisati ndabva panogara manun, ndakava neropafadzo yokubetsera mamwe manun maduku kudzidza zvokwadi. Ndinofara kutaura kuti vamwe vedu takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha Mwari!
“Pashure pokunge ndabva panogara manun, kwakanga kwakaoma kuti baba vangu vanzwisise chikonzero nei ndakarega mabasa anobhadhara zvikuru asi anopedza nguva. Zvisinei, ndaida nguva yakawanda nokuda kwebasa raMwari. Zvino ndinobatira sapiona wenguva dzose, noupenyu husina kuoma asi hunotusa zvikuru. Uye kumufaro wangu mukuru, mai vangu nehanzvadzi dzangu vakandikumbanira mubasa raJehovha.”
Zvirokwazvo, zvokwadi yeBhaibheri inosunungura munhu mutsika yenyika yorudzidziso rwenhema, uye inounza mufaro usingagumi nomufarwa.—Johane 8:32.