Zvakadzidziswa naJesu NezveUmambo hwaMwari
“Akaenda muguta neguta uye mumusha nomusha, achiparidza . . . mashoko akanaka oumambo hwaMwari.”—RUKA 8:1.
TINOFARIRA kutaura nezvezvinhu zvatinokoshesa mumwoyo yedu. Sezvakataurwa naJesu pachake, “muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mateu 12:34) Kana tikaongorora zvaitaurwa naJesu muushumiri, tinogona kuona kuti aikoshesa chaizvo Umambo hwaMwari.
Umambo hwaMwari chii? Umambo ihurumende inotongwa naMambo. Saka Umambo hwaMwari ihurumende yakagadzwa naMwari. Jesu akataura ataurazve nezveUmambo hwaMwari, zvokuti ndihwo hwaiva dingindira remashoko aaiparidza. Umambo ihwohwo hunotaurwa nezvahwo kanopfuura ka110 mumabhuku eEvhangeri ina. Asi Jesu haana kungodzidzisa nemashoko chete. Vanhu vaigona kudzidza zvakawanda nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaita kubva pane zvaaiita.
Mambo wacho ndiani? Mambo woUmambo hwaMwari haaiti zvokuvhoterwa nevanhu. Pane kudaro, Mutongi uyu anosarudzwa naMwari pachake. Pane zvaakadzidzisa, Jesu akabudisa pachena kuti ndiye ainge asarudzwa naMwari kuti ave Mambo.
Jesu aiziva kuti uprofita hweBhaibheri hwakanga hwafanotaura kuti Mesiya akapikirwa aizotonga Umambo nokusingaperi. (2 Samueri 7:12-14; Dhanieri 7:13, 14; Mateu 26:63, 64) Yeuka kuti Jesu akazivisa pachena kuti ndiye aiva Mesiya ainge afanotaurwa. Saka Jesu aibvuma kuti ndiye Mambo akagadzwa naMwari. (Johani 4:25, 26) Zvakakodzera kuti Jesu akashandisa mashoko okuti “umambo hwangu.”—Johani 18:36.
Jesu akadzidzisawo kuti paizova nevamwe vaaizotonga navo muUmambo hwacho. (Ruka 22:28-30) Akadana vaya vaachatonga navo kuti “boka duku,” nokuti nhamba yavo yaizova duku. Nezvavo akati: “Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.” (Ruka 12:32) Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinoratidza kuti kuchange kuine vanhu 144 000 vachava neropafadzo yokutonga naKristu.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1.
Umambo hwacho hunenge huri kupi? “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino,” akadaro Jesu achiudza mutongi weRoma Pondiyo Pirato. (Johani 18:36) Umambo hwaMwari hunenge huchitongwa naKristu hauzotongi huchimiririrwa nevanhu. Jesu akataura kakawanda nezvoUmambo hwaMwari se“umambo hwokumatenga.”a (Mateu 4:17; 5:3, 10, 19, 20) Naizvozvo Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga.
Jesu ainyatsotarisira kuti paaizobva pasi pano aizodzokera kudenga. Akataura kuti ikoko ‘aizonogadzira nzvimbo,’ achiitira kuti azova nevaachatonga navo.—Johani 14:2, 3.
Umambo huchaitei? Jesu akadzidzisa vateereri vake kuti vanyengetere kuna Mwari kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:9, 10) Kuda kwaMwari kuri kuitwa kudenga. Umambo ndihwo huchashandiswa kuti chinangwa chaMwari nezvepasi chiitwe. Kuti izvozvo zviitike, Umambo huchaita kuti panyika pachinje zvinoshamisa.
Umambo huchaitei panyika? Jesu akadzidzisa kuti Umambo hwaMwari huchabvisa uipi uye vaya vakatsunga kuita zvakaipa. (Mateu 25:31-34, 46) Izvozvo zvichareva kuti uori hwose nouipi zvichapera. Jesu akadzidzisa kuti nyika ichazara nevanhu “vanyoro,” vakarurama, vane ngoni, “vakachena mumwoyo,” uye vanoita kuti pave norugare.—Mateu 5:5-9.
Vanhu vakavimbika vakadaro vachafanira kugara panyika yakasvibiswa here? Bodo! Jesu akavimbisa kuti nyika ichachinja zvinoshamisa paichange yava kutongwa noUmambo hwaMwari. Murume aiurayiwa ari padivi paJesu akati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Achipindura, Jesu akati: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:42, 43) Chokwadi Umambo hwaMwari huchachinja nyika ino yose kuti ive paradhiso—sezvainge zvakaita bindu reEdheni.
Ndezvipi zvimwe zvichaitirwa vanhu noUmambo? Jesu akaita zvinopfuura kungovimbisa nomuromo zvichaitwa noUmambo. Akaratidzawo zvahuchaita. Jesu akaita zvishamiso zvokurapa zvakawanda, achingopa nzwisa yezvaachaita pamwero mukuru mune ramangwana Umambo pahuchange hwava kutonga. Zvakanyorwa mumabhuku eEvhangeri zvinoti nezvaJesu: “Akapota neGarireya yose, achidzidzisa mumasinagogi avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo uye achirapa hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose pakati pevanhu.”—Mateu 4:23.
Jesu akarapa zvirwere zvakawanda. “Akasvinudza maziso omunhu akaberekwa ari bofu.” (Johani 9:1-7, 32, 33) Nokungobata zvinyoronyoro, Jesu akaporesa murume aiva nechirwere chinosemesa chemaperembudzi. (Mako 1:40-42) Paakaunzirwa “munhu akanga ari matsi uye ainetseka kutaura,” Jesu akaratidza kuti aikwanisa kuita kuti “matsi dzinzwe uye vasingatauri vataure.”—Mako 7:31-37.
Mambo akagadzwa naMwari anokwanisa kumutsa kunyange vakafa. Zvakanyorwa zvinoratidza kuti Jesu akamutsa vanhu katatu. Akamutsa mwanakomana wechirikadzi aiva zai regondo, musikana aiva nemakore 12, uye shamwari yake yaaida chaizvo Razaro.—Ruka 7:11-15; 8:41-55; Johani 11:38-44.
Achitsanangura ramangwana rakanaka chaizvo rakamirirwa nevachatongwa noUmambo hwaMwari, Jesu akafanotaura achishandisa muapostora Johani kuti: “Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 1:1; 21:3, 4) Chimbofungidzira uri—munyika isina misodzi yokusuruvara, isina kurwadziwa, uye isina rufu! Zvadaro munyengetero wokuti kuda kwaMwari kuitwe panyika sokudenga uchanyatsozadzika.
Umambo hwaMwari huchauya rini? Jesu akadzidzisa kuti umambo hwake hwaizotanga kutonga panguva imwe chete nenguva yaakadana kuti “kuvapo.” Jesu akataura uprofita hwakadzama achiratidza kuti aizotanga rini kuvapo musimba roumambo. Nguva iyi yaizoratidzwa nenhamo munyika yose, kusanganisira hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika, matenda, uye kuwedzera kwevanhu vasingateereri mutemo. (Mateu 24:3, 7-12; Ruka 21:10, 11) Zvinhu izvi nezvimwe zvakafanotaurwa naJesu zvave zvichioneka kunyanya kubva muna 1914, gore chairo rakatanga Hondo yeNyika 1. Saka Jesu ari kutonga ari Mambo. Nokukurumidza nguva ichasvika yokuti Umambo huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika.b
Kuuya kwoUmambo hwaMwari kucharevei kwauri iwe pachako? Izvozvo zvinoenderana nokuti uchasarudza kuitei pamashoko akataurwa naJesu.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko okuti “umambo hwokumatenga” anowanika ka30 muEvhangeri yaMateu.
b Kana uchida kuona mashoko anonyatsodonongodza maziviro atinoita kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo, ona chitsauko 9 chinoti, “Tiri Kurarama Mumazuva Okupedzisira Here?,” chiri mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.