RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 5/1 pp. 3-31
  • Uya ku “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uya ku “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikomborero Zvikuru pa“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ndivanaani Vari Kutevera Chiedza Chenyika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vatakuri Vechiedza—Nokuda Kwedonzoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 5/1 pp. 3-31

Uya ku “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa

“TARIRA! rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu.” (Isaya 60:2) Ndeechokwadi sei nhasi mashoko iwayo! Pasina panikiro, rudzidziso rwenhema rwuri kuchengeta vanhu vari murima pamusoro pokuti rudzii rwokunamata runofadza Mwari. Neiko? Nemhaka yokuti Satani, mwari wetsika ino yezvinhu, “akapofumadza ndangariro dzavasingatendi.”—2 VaKorinte 4:4, NW.

Mumusiano unoshamisa naavo vakapofumadzwa naSatani Zvapupu zvaJehovha. Kwazviri kunogona kushandiswa mashoko omuporofita Isaya anoti: “Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.” (Isaya 60:2) Zvinoonga sei kuva zvakabuda murima ndokupinda muchiedza chinoshamisa chaMwari! Icho chiedza chomudzimu, zvokwadi yeShoko raMwari inovhenekera ndangariro, zvokuti kunyange avo vakapofumara chaizvoizvo vanogona kuona zvokwadi.

Chokwadika, betsero inodikanwa. Hakungabviri kuti mumwe munhu anongorava zvake Bhaibheri asingashandisi yamuro dzakagoverwa nenzira youmwari angagona kunzwisisa chiedza. Ndokusaka Jehovha Mwari akagovera “muranda akatendeka naakachenjera,” akadeya kutaurwa pana Mateo 24:45-47, (NW). Nhasi “muranda” iyeyo anomirirwa noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa yakarongwa munhungamiro youyu mutumbi.

Donzo reiyi kokorodzano nderokubetsera vose vavanhu vaJehovha kuva vatakuri vechiedza vari nani, mukuwirirana namashoko aPauro ari pana VaFiripi 2:15. Ipapo, maKristu anopangirwa kuvhenekera se“zvivhenekero munyika.”—Mateo 5:14, 16.

MuUnited States, nhevedzano ya“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa dzakarongwa kuvamba paChishanu, June 5. Pa 10:20 a.m., purogiramu yenziyo dzamarimba ichabetsera vose kupinda muchimiro chakarurama chomwoyo nendangariro, vakagadzirira nokuda kwepurogiramu yomudzimu iri mberi. Zuva rimwe nerimwe rine musoro waro umene, uye musoro weChishanu ndouyu: “Budisai Chiedza Chenyu Nezvokwadi Yenyu.”—Pisarema 43:3, NW.

Purogiramu yeChishanu mangwanani ichasimbisa hurukuro chaiyo, inoti “Vatakuri Vechiedza—Nokuda Kwedonzoi?” Zvamazvirokwazvo, maKristu haasati ari vatakuri vechiedza vane vavariro ipi neipi yomunhu oga, youdyire. Panzvimbo pezvo, ivo vanobatira nokuda kwezvikonzero zvimwe chetezvo izvo Jesu Kristu, Mutakuri weChiedza Mukuru, akauya kupasi, ndiko kuti, kuzopupurira zvokwadi uye kurumbidza zita roMusiki. Nenzira yakakodzera, Jesu akati nezvake amene: “Ndichiri munyika ndiri chiedza chenyika.” (Johane 9:5) Nokudaro, iye akatisiira muenzaniso wokusanotevera nhano dzake. (1 Petro 2:21) Masikati ezuva iroro rokutanga achasimbisa zvose zviri zviviri hurukuro nechinoitika /cheBhaibheri chinobata naMambo Josia, ichi chichava chefariro chaiyo kupwere.

Musoro weChitanhatu ndouyu “Imi Muri Chiedza Chenyika . . . Chiedza Chenyu Ngachivhenekere.” (Mateo 5:14, 16) Purogiramu yamagwanani ichasimbisa hurukuro yokusiirana ine musoro unoti “Kuita Kuti Chiedza Chenyu Chipenye.” Banza richagoverwa rokuti avo vakaita tsauriro kuna Jehovha vabhapatidzwe. Purogiramu yamasikati ichapa hurukuro inosiiranwa inoraidza ine musoro unoti “Kupenyera Chiedza Pakuvapo kwaKristu Nechizaruro.”

Musoro wakasarudzwa nokuda kweSvondo, zuva rechitatu nerokupedzisira rekokorodzano, ndouyu “Rambai Muchifamba Savana Vechiedza.” (VaEfeso 5:8, NW) Purogiramu yamangwanani ichava nehurukuro yokusiirana ine musoro unoti “Kutarisirana Mumhuri yechiKristu,” iyo ichabata nemisengwa yemhuri. Kuchavawo nehurukuro inotsanangura chinoreva kuzviisa pasi paMwari naKristu.

Kokorodzano ichasvika mugumo wayo Svondo masikati nehurukuro yavose ine musoro unoti “Tevera Chiedza Chenyika.” Iyi hurukuro ichava nekurukurirano yaJohane 1:1-16 uye icharatidza kudikanwa kwezivo yeBhaibheri, ichisimbisa kuti Jesu Kristu ndiye chiedza chenyika. Kokorodzano ichaguma nezano rapachokwadi rokuti “Ramba Uchifamba Muchiedza.”

Ratidza kuonga kwako nokuda kwaaya madyo omudzimu ayo Jehovha ari kugovera kupfurikidza nesangano rake rinooneka. Ivapo kuvambira parwiyo rwokutanga paChishanu mangwanani kutozosvikira pamunyengetero wokugumisa paSvondo masikati. Sanopa ngwariro kuzvose zvinotaurwa pachikuva. Nyora zvinonyorwa kukubetsera kupa ngwariro uye nokuda kwenongedzero yomunguva yemberi. Pakupedzisira, ronga kuva negoverano muchimiro chakati chebasa rokuzvipira. Nokudaro, uchafarikanya kwete bedzi chikomborero chokugamuchira asi chikomborero chinotova chikuru zvikuru chokupa.—Mabasa 20:35.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe