RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 1/15 pp. 14-19
  • Zvikomborero Zvikuru pa“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikomborero Zvikuru pa“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Munochingamidzwa, Imi Mose Vatakuri Vechiedza!”
  • Vatakuri Vechiedza Vaduku
  • Chiedza Ngachipenye
  • Kuvapo Nokuratidzwa kwaKristu
  • Mhuri dzechiKristu
  • Svondo Masikati
  • Uya ku “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kokorodzano Dzinofadza Dzinosimudzira Kudzidzisa Kwoumwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ndivanaani Vari Kutevera Chiedza Chenyika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 1/15 pp. 14-19

Zvikomborero Zvikuru pa“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa

MAKORE 2 700 apfuura, muporofita Isaya akanyora, kuti: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu.” (Isaya 60:2) Mashoko iwayo akabvumikisa kuva echokwadi sei! Zvisinei, kune tariro, nokuti Jehovha akaparira chiedza kupenya. Gore rapfuura, avo vanoda chiedza chaMwari vakakokwa noushamwari kuti vapinde “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa.

Purogiramu yekokorodzano yakatanga kupiwa muna June muNorth America. Mukati memwedzi yakatevera, yakapiwa muEastern neWestern Europe, Central neSouth America, Africa, Asia, uye zvitsuwa zvamakungwa. Avo vakapinda vanosvika mumamirioni. Uye madyo omudzimu makuru akadini avakafarikanya!

“Munochingamidzwa, Imi Mose Vatakuri Vechiedza!”

Munzvimbo zhinjisa kokorodzano yakatanga paChishanu ndokuguma paSvondo masikati. Sezvo vakokorodzani vakagara pazvigaro zvavo paChishanu mangwanani, vakafadzwa nokuhwirudzurwa kupfupi kwenzira iyo chiedza chaJehovha chakapenya nayo nguva dzose mukati maaya mazuva okupedzisira. Ipapo sachigaro wekokorodzano akakurukura. Iye akasimbisa kuti maKristu echokwadi anofanira kuva vatakuri vechiedza ndokuti nenzira youshamwari: “Munochingamidzwa, imi mose vatakuri vechiedza!” Purogiramu yekokorodzano yaizobetsera nhume kupfuurira kuratidzira chiedza chaJehovha.

Hurukuro chaiyo yakasimbisa chimiro chekokorodzano yose. Uyu mukurukuri akayeuchidza vakokorodzani kuti zviedza zvakadzimira rudzi rwomunhu shure mubindu reEdheni. Chifo chenguva iyeyo, Satani akapofumadza vanhu kuchiedza chezvokwadi. (2 VaKorinte 4:4) Kunyanguvezvo, Jesu akauya se“chiedza chamarudzi.” (Isaya 42:1-6) Iye akaratidzira nhema dzorudzidziso, akazivisa mabasa akaipa erima, akatsigira uchangamire hwaJehovha, uye akaparidzira mashoko akanaka oUmambo. Vateveri vaJesu vakaita zvimwe chetezvo—uye vachiri kuita! (Mateo 28:19, 20) Mukurukuri akati nenzira inonyandura: ‘Isu, kufanana naJesu, tinogona kuva vatakuri vechiedza. Hapana basa rinokosha zvikuru muzuva redu kupfuura irori. Uye hakuna ropafadzo huru zvikuru kupfuura iyoyi.’

Sezvo rusando rwokutanga rwekokorodzano rwakanga rwuchiswedera kumugumo, kwaiva nechishamiso. Sachigaro wekokorodzano akadzokera kuchikuva ndokuzivisa kubudiswa kweyokutanga yenhevedzano yamaturakiti matsva mana. Kuombera kwembavarira kwakakwazisa ichi chinoitika, uye kopi imwe yeiri turakiti yakaitwa kuti iwanike kunhume iri yose yaivapo.

PaChishanu masikati, purogiramu yekokorodzano yakasvika pazano guru nokuda kwamaKristu anotakura chiedza. Hurukuro mbiri dzokutanga dzakagovera zano rakaisvonaka pamusoro penzira yokudzivisa nayo kushatiswa nerima renyika. Sezvo Satani achigona kuoneka kuva ngirozi yechiedza, kunokosha kuchengeta murangariro womudzimu kuitira kuti zvinhu zvisina kuchena zvenyika zvirege kutinyengedza. (2 VaKorinte 11:14) Pauro akapa zano, kuti: “Regai kuenzaniswa netsika ino yezvinhu, asi shandurwai kupfurikidza nokuvandudza ndangariro yenyu, kuti mugobvumikisa kwamuri mumene kuda kwakanaka nokunogamuchirika nokwakakwana kwaMwari.” (VaRoma 12:2, NW) Nhume dzekokorodzano dzakanzwa kuti kushandurwa kwomuKristu muitiro unopfuurira. Ndangariro dzedu dzinocheneswa nguva dzose ndokuumbwa sezvatinofunda Shoko raMwari ndokushandisa zvatinodzidza. Nokudaro, tinova vakafanana zvikuru naJesu, uyo akanga aka“zara nomutsa usakafanirwa nezvokwadi.”—Johane 1:14, NW.

Vatakuri Vechiedza Vaduku

Hafu yechipiri yeChishanu masikati yakanangidzirwa kupwere. Hurukuro yokutanga (“Pwere—Muri Kurondei?”) yakarumbidza maKristu maduku ayo ari muenzaniso wakanaka wakadaro wokutendeka. Asi yakaayeuchidza kuti iwo chipfuro chaicho chaSatani. Kunyange mumhanyi akasanorovedzwa anoda murovedzi. Nenzira imwe cheteyo, vanhu vaduku vanoda betsero yavabereki vavo neyeungano kuti varambe vachifamba muchiedza.

Ikoku kwakasimbiswa nechinoitika chakaisvonaka Kuita Zviri Zvakarurama Mumeso aJehovha, icho chakagumisa purogiramu yeChishanu. Wakasimbiswa wakanga uri muenzaniso waMambo Josia. Kunyange somukomana muduku, iye akanga akatsunga kubatira Jehovha. Kwakanga kune pesvedzero dzakashata makamupoteredza, asi nenhungamiro yomuprista mukuru Hikia uye nemhaka yorudo rwake amene nokuda kwoMutemo waMwari, Josia akaita chakanga chakarurama mumeso aJehovha. MaKristu maduku nhasi ngaaite nenzira yakafanana.

Chiedza Ngachipenye

Pashure pokuzorora kwousiku, nhume dzakauya kukokorodzano paChitanhatu mangwanani dzakagadzirira nokuda kwerimwe zano rapaMagwaro rinovaka. Hadzina kuodzwa mwoyo. Pashure pekurukurirano yorugwaro rwezuva, purogiramu yakapfuurira nehurukuro yokusiirana yairatidza nzira dzakasiana-siana idzo muKristu anogona nadzo kuita kuti chiedza chipenye. (Mateo 5:14-16) Kuparidzira inzira imwe inokosha, uye mufambiro wakanaka unoitawo rutivi runokosha. Sezvakataura mukurukuri, “kuparidzira kunoudza vamwe chatinodavira, asi kushandisa rudo kunochiratidzira.”

Yamuro yokuparidzira inokosha ipapo yakakweverwa kungwariro yavakokorodzani—maturakiti. Nechiziviso chezuva rapamberi peiri chichiri chitsva mundangariro, nhume dzakanzwa zvinoitika zvinobvumikisa kuti iyi midziyo miduku ine simba sei. Nhume dzakakurudzirwa kuva nomugove wamaturakiti panguva dzose, dzakagadzirira nokuda kwenhambo iri yose.

Ngwariro yakatevera kukweverwa kumapiona, vazivisi vaye venguva yakazara voUmambo vanoshanda zvakaoma mukutakura chiedza. Tinoonga sei mapiona edu anoshanda zvakaoma! Uye chiverengero chawo chiri kuwedzera. Kunyange munyika umo rusununguko rwokunamata rwuchangobva kupiwa, mapoka amapiona ari kukura. Mapiona akakurudzirwa kukoshesa ropafadzo yawo. Avo vachigere kupayona vakakurudzirwa kurangarira mugariro wavo. Zvichida ivowo vangagona kuronga zvinhu zvavo kuti vaite kuti chiedza chavo chipenye mubasa renguva yakazara.

Kuva mutakuri wechiedza kazhinji kazhinji kunobatanidza kurega zvimwe zvinhu, uye ikoku kwakasimbiswa muhurukuro inotevera, “Kubatira Jehovha Nomudzimu Wokuzvibaira.” Pauro akakumbira, kuti: “Ipai miviri yenyu sechibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.” (VaRoma 12:1, NW) Mudzimu wokuzvibaira unoratidzirwa naavo vanotsungirira chitambudzo. Mapiona anorega zvimwe zvinhu zuva riri rose kuti arambire mubasa renguva yakazara. Zvamazvirokwazvo, maKristu echokwadi ose anorega zvimwe zvinhu, achizvibatikanisa amene mubasa raJehovha panzvimbo pezvirondwa zvoudyire, zvokudisa zvenyika zvenyika ino. Nzira yakadaro inoguma nezvikomborero zvikuru zvinobva kuna Jehovha.

Hurukuro iyoyo yakabatira sesumo yakakodzera kuyakatevera—hurukuro yoruombeko. Avo vakabhapatidzwa pa“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa zvirokwazvo havasati vachizokanganwa iyi hurukuro. Rubhapatidzo rwavo nguva dzose rwuchava chinhu chikuru choupenyu hwavo. Vakayeuchidzwa kuti vakanga vachitevera muenzaniso waJesu Kristu, uyo akabhapatidzwa pamakore 30 ezera. Uyezve, vanobhapatidzwa vakafara kuyeuka kuti vakanga “vabvisa mabasa erima” uye vakanga vaita chisarudzo choku“batira Jehovha.” (VaRoma 12:11, NW; VaR 13:12) Nomufaro ivo vakamira pamberi peboka rekokorodzano ndokuita ziviso yapachena inonzwika pamberi pokuenda kurubhapatidzo. (VaRoma 10:10) Tinonyengeterera chikomborero chaJehovha pavose avo vakaratidzira tsauriro yavo kwaari kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura mukati me“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa.

Chitanhatu masikati yakanga yava nguva yenyevero dzakajeka. Idzodzi dzakauya muchimiro chehurukuro dzaiva nemisoro inoti “Dzivisa Misungo Yamakaro,” “Mumwe Munhu Ari Kushatsa Tsika Dzako Dzinobetsera Here?” uye “Dzivisa Kunamata Zvidhori Kworudzi Rwuri Rwose.” Idzi hurukuro nhatu dzakazivisa mamwe amazano anoshandiswa naSatani kunetesa muKristu. Judhasi Iskarioti akanga ari muapostora, asi akashambadza Jesu nokuda kwemari. Samueri muduku akakura ari pamusimboti chaipo porudzi rwokunamatwa kwaJehovha, asi iye akaratidzirwa nenzira isinganzvengeki kusonganiro yakashata zvikuru. (1 Samueri 2:12, 18-20) Kunamata zvidhori kunogona kubatanidza zvinhu zvakadai soutere hwevatano noruchiva. (VaEfeso 5:5; VaKorose 3:5) Hungu, makaro, songaniro dzakashata, uye kunamata zvidhori zvine ngozi uye zvinofanira kudziviswa.

Purogiramu yekokorodzano ipapo yakachinja magiya, sokunge zvakadaro. Hurukuro yakatevera yakamutsa chiverengero chakati chemibvunzo inofadza yeBhaibheri ndokuipindura. Somuenzaniso, unogona here kutsanangura kana vanhu vasingagamuchiri zvokwadi ndokufa pamberi pedambudziko guru vachamutswa? Chii chinogona kuita muKristu apo iye anenge asingakwanisi kuwana mukwanyina weroorano akakodzera? Kukudza zivo yadzo yeBhaibheri, nhume dzakakurudzirwa kushandisa zvakazara Watch Tower Publications Index, zvikurukuru pasi pomusoro unoti “Mibvunzo Inobva Kuvaravi.”

Kuvapo Nokuratidzwa kwaKristu

Chikamu chokugumisa chepurogiramu yeChitanhatu chakatendeukira kuuporofita nehurukuro yokusiirana ine musoro unoti “Kuvhenekera Chiedza Pakuvapo Nokuratidzwa kwaKristu.” Mativi e“chiratidzo” chinobvumikisa kuvapo kwaJesu Kristu akahwirudzurwa. (Mateo 24:3) Murutivi rwechipiri, mibato yomuzuva razvino uno yo“muranda akatendeka naakachenjera” yakakurukurwa. (Mateo 24:45-47, NW) Kwakaoneswa kuti chifo cha 1919 boka romuranda rakatungamirira nokutendeka basa rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo. Ipapo boka guru rakaunganidzwa richibva mumarudzi ose kuti rigoverane namaKristu akazodzwa mukuratidzira chiedza chaJehovha. Mukurukuri akagumisa, kuti: “Vose ngavapfuurire nokushingaira kutsigira muranda akatendeka naakachenjera. Kuri bedzi kupfurikidza nokuita ikoku kuti pane rimwe zuva nokukurumidza zvikuru vose vakafanana namakwai vachakwanisa kunzwa mashoko anofadza, anoti: ‘Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka umambo hwakagadzirirwemi kuvambira pakutangwa kwenyika.’”—Mateo 25:34, NW.

Mukurukuri wokupedzisira akakurukura revo noukoshi zvokuratidzwa kwaJesu Kristu. (1 VaKorinte 1:7) Kuratidzwa ikoko kuchava chinoitika chakadini! Bhabhironi Guru richaparadzwa. Hondo huru pakati penyika yaSatani naJesu nengirozi dzake ichaguma noruparadziko rwetsika ino. Pakupedzisira, Satani amene achapinzwa mugomba rakadzika-dzika ndokuitwa asingashandi. Asi kuchava nyaradzo nokuda kwavanhu vaMwari, neroorano yeGwaiana mudenga nokubudiswa kwapasi idzva. Mukurukuri akafadza vateereri vake kupfurikidza nokubudisa bhurocha idzva Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Iyoyo ichava betsero yakaisvonaka zvakadini nokuda kwavanhu vanozvininipisa vanoda kuziva pamusoro poMusiki wedu anoitira hanya namadonzo ake nokuda kwedu!

Mhuri dzechiKristu

Svondo, zuva rokupedzisira rekokorodzano, zvino rakanga rasvika. Zvisinei, zvakawanda zvakanga zvichizopiwa. Pashure pekurukurirano yorugwaro rwezuva, ngwariro yakapiwa kumhuri yechiKristu nehurukuro yokusiirana inoti “Kutarisirana Muimba yechiKristu.” Rutivi rwokutanga rwakabetsera vakokorodzani kuziva chinhu chikuru chokuva nemhuri yechiKristu inobudirira: kuisa zvinhu zvomudzimu pakutanga. Rutivi rwechipiri rwakakurudzira mhuri kuitira zvinhu pamwe chete, kunyange ikoko kungabatanidza kupinda misangano, basa romumunda, fundo yemhuri, kana kuti nhandaro. Uye rutivi rwechitatu rwehurukuro yokusiirana rwakayeuchidza nhume nezveropafadzo yadzo nomutoro zvokutarisira vakwegura. “Hama nehanzvadzi dzedu vakura ibetsero kuungano,” akadaro mukurukuri. Ngatikoshesei ruzivo rwavo rwokuzviwanira ndokutevedzera perero yavo.

Revo yokutaura kwokuti “kunaka mundangariro” yakatevera kunzverwa. (1 Petro 4:7, NW) Munhu akanaka mundangariro akadzikama, ane mufungo, anorangarira, anozvininipisa, uye ane pfungwa. Iye anogona kusianisa chakarurama nechisina kururama, chechokwadi nechenhema. Uyezve, iye anovavarira kuchengeta utano hwakanaka hwomudzimu.

Hurukuro yokupedzisira papurogiramu yeSvondo mangwanani yakakurukura kuzviisa kwedu pasi paMwari naKristu. “Ukoshi hwokuzviisa pasi kwokuvimbika paJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, hahugoni kusimbiswa kupfuura izvi,” akadaro mukurukuri. Iye akapfuurira kuratidza kuti ikoku kunotapura sei rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwedu. Chii chichatibetsera kuramba tichizviisa pasi? Mavara mana: rudo, rutyo rwoumwari, kutenda, uye kuzvininipisa.

Svondo Masikati

Kamwe kamwe, yakanga yava Svondo masikati uye nguva yorusando rwokupedzisira rwekokorodzano. Kuvakawanda, kwakaratidzika kuti kokorodzano yakanga ichangobva kutanga, uye yakanga yava kutosvika mhedziso yayo.

Hurukuro yavose yaiva nomusoro unoti “Teverai Chiedza Chenyika.” Avo vaivapo vakafadzwa netsananguro inofadza yebasa rechiedza chaichoicho mukuchengeta upenyu. Ipapo mukurukuri akaratidza ukoshi hukuru zvikuru hwechiedza chomudzimu. Chiedza chaichoicho chinotichengeta tiri vapenyu kwamakumi amakore mashomanene, asi chiedza chomudzimu chinogona kutichengeta tiri vapenyu nokusingagumi. Pfundo guru rehurukuro yacho rakanga riri kurukurirano yendima nendima yaJohane 1:1-16, umo Jesu anoziviswa sechiedza chenyika. Nhasi, mumakore okupedzisira etsika ino yakaipa, kunokosha zvikuru kupfuura nakare kose kutevera Jesu mubasa iri.

Pashure pokupetwa kwamashoko eFundo yeNharireyomurindi akagoverwa nokuda kwevhiki iroro, yakanga yava nguva yehurukuro yokugumisa. Nomufaro, mukurukuri akaratidza kuti kwakanga kune zvinhu zvakawanda zvokukarira mumazuva ari mberi. Somuenzaniso, iye akazivisa kaseti itsva yokuteerera, chinoitika Kuita Kuda kwaMwari Neshingairo. Uye zvakanga zvisati zviri izvozvo zvoga. Kwakanga kuchizova nenhevedzano itsva yamakaseti okuteerera ine musoro unoti The Bible—A Book of Fact and Prophecy, yokutanga panyaya inoti The Bible—Accurate History, Reliable Prophecy.

Pakupedzisira, mukurukuri akazivisa kuti muna 1993 kwaizova nekokorodzano dzoruwa dzamazuva mana, kubatanidza kuungana chaikwo kwamarudzi ose muAfrica, Asia, Europe, uye South America. Kunyange zvazvo “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa yakanga yoguma, nhume dzaigona kutanga kuita gadziriro dzegore rinotevera.

Ipapo yakanga yava nguva yokuti nhume dzekokorodzano dziende kumusha. Zvirokwazvo, dzakanga dzakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kuramba dzichiratidzira chiedza munyika ino ine rima. Pashure pamazuva matatu akazadzwa nezvinhu zvakanaka zvomudzimu, mashoko orugwaro rwokupedzisira rwakanokorwa mashoko muhurukuro yokupedzisira akanga ava nerevo huru: “Jehovha ndiye Mwari, ndiye wakativhenekera; . . . Ongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”—Pisarema 118:27, 29.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Purogiramu yekokorodzano muchiRussia

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Mitezo yoMutumbi Unodzora yakataura pakokorodzano dzakawanda

Nhume dzechiJapan dzakanga dziri pakati paavo vakaungana muSt. Petersburg, Russia

Chinoitika cheBhaibheri chinonyandura chakasimbisa kudikanwa kwokuita chiri chakarurama mumeso aJehovha

Vatakuri vechiedza vatsva vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha kupfurikidza nokubhapatidzwa

Vakokorodzani vakanyura mupurogiramu muSt. Petersburg

[Mufananidzo uri papeji 18]

Nhume dzakafadzwa kugamuchira bhurocha “Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe