RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 5/15 p. 9
  • Pauro Anopesana naPlato Parumuko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pauro Anopesana naPlato Parumuko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Plato
    Mukai!—2013
  • Kudavira Kwako Rumuko Kwakasimba Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Rufu Rwuchaparadzwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Tariro Yokumuka ine Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 5/15 p. 9

Pauro Anopesana naPlato Parumuko

MUAPOSTORA Pauro akanyora pamusoro porumuko pana 1 VaKorinte 15:35-58 uye 2 VaKorinte 5:1-10. Mukuita saizvozvo, iye akatevera here pfungwa dzomweya usingafi dzaPlato navazivi vechiGiriki, kana kuti akanga ari mutsinhirano here nedzidziso yaJesu norutivi rwose rwasara rwaMagwaro?

Bhukwana rinonzi Immortality of the Soul or Resurrection of the Individual: St. Paul’s View with Special Reference to Plato, rakanyorwa muna 1974 ndokutenderwa nabhishopi mukuru weGreek Orthodox Church of North and South America, rinopa mhinduro inozivisa. Pashure pokukurukura rudzi rworumuko mumagwaro adudzwa pamusoro apa nepesvedzero dzechiGiriki dzenguva yacho, munyori anosvika mhedziso inotevera:

“Plato anodzidzisa kuti mweya unopfuurira mukuvapo kusingagumi nokusingaperi, usina muviri. Mweya nokuda kwaPlato haufi nenzira yomusikirwo uye nenzira yomuzvarirwo . . . St. Paul haadzidzisi murangariro wakadaro uyewo haaiti kutaura kupi nokupi kwokuita saizvozvo . . .

“Muapostora Pauro haasati achiitira hanya kusafa kwepsyche kana kuti mudzimu samativi akaparadzana uye akasiana asi rumuko rwomuviri wose wakaumbwa nomweya nomudzimu womunhu somuuyo worumuko rwaKristu. Pfungwa yaPauro yorumuko rwomuviri haina chokuita nokumuka kwemiviri yakafa ichibva muguva.

“Pfungwa yake yorumuko rwomuviri ingataurwa zviri nani sokushandurwa, kusikwa patsva, uye kuumbwa patsva, nesimba raMwari, kwomuviri wose womunhu, kwomunhu mumwe cheteyo, kwohunhu, kwechinhu chendangariro nomuviri, kwomunhu wechokwadi ane mavara endangariro nomuviri. Rumuko rwedu rwomunguva yemberi ruchaitika kwete sechinhu chedu timene chomuzvarirwo, asi sechipo choumambo chaMwari.”

Hungu, kusafa hakusati kuri chinhu chomuzvarirwo chomunhu upi noupi. Panzvimbo pezvo, chipo chinokosha nechenyasha chinobva kuna Jehovha kupfurikidza naShe wedu Jesu Kristu kuavo vanoumba ungano yakazodzwa yechiKristu.—1 VaKorinte 15:20, 57; VaFiripi 3:14.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Muzivi wechiGiriki Plato

[Kwazvakatorwa]

Vatican Museum photograph

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe