RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 7/1 pp. 3-4
  • Neiko Kune Kuora Mwoyo Kukuru Kwazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Kune Kuora Mwoyo Kukuru Kwazvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chigadzikiso Chakakomba Zvikurusa Chechinetso Chacho
  • Tariro Inokunda Kuora Mwoyo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Nzira Yokukunda Nayo Kuora Mwoyo
    Mukai!—2000
  • Nyika Isina Kuora Mwoyo—Nokukurumidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Apo Tariro Nerudo Zvinotsakatika
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 7/1 pp. 3-4

Neiko Kune Kuora Mwoyo Kukuru Kwazvo?

TARIRO youpenyu huri nani—inowanwa pakupedzisira! Vanhu vakawanda vaigara mune yaiva East Germany panguva iyoyo vakadavira ikoku apo Rusvingo rweBerlin rwakawa muna November 1989. Rinopfuura zvishomanene gore rimwe gare gare, zvisinei, vakanyunyuta nezvoku“wana nyika yakakasharara yehurumende inosarudzwa navanhu yavapfumi yakaoma zvikuru kugonana nayo kupfuura upenyu hwakadzivirirwa noRusvingo rweBerlin.” Muuyo wacho? Kusava netariro nokuora mwoyo kunokura.

Masimba masimba omudzimba neomunzanga angagombedzera vanhu kusiya musha vachitsvaka chengeteko, asi vashomanene vanoiwana. Vamwe vangatoguma vava pakati pavasina musha vanogara mumigwagwa yomuguta. Mune dzimwe nyika vakawanda vaivava vanoguma vava kubatanidzwa mumiitiro yapamutemo yakaoma. Vasingakwanisi kuwana musha nemhaka yokuti havana basa, havagoni kuwana basa nemhaka yokuti havana kero yomusha. Masangano ehurumende ewerofeya anoedza kubetsera, asi kunoda nguva kupedza zvinetso zvacho. Naizvozvo kuvhiringidzika nokuora mwoyo zvinosimba.

Vakadzi vakawanda vanosundwa nokuora mwoyo kuti vaite zvinokatyamadza zvirokwazvo. Mumushumo unonzi Women and Crime in the 1990s, mudzidzisi womutemo Dr. Susan Edwards anotsanangura, kuti: “Kubatanidzwa kwavakadzi vaduku [muupfambi] kuri somuuyo wakananga wokudikanwa kwemari, kwete kushaikwa kwokuzviranga kana kuti mugariro wemhuri.” Nenzira yakafanana, majaya anobva pamusha achitsvaka basa kazhinji kazhinji haariwani. Vamwe, mukuora mwoyo, vanoguma vava‘pfambi dzechirume,’ vachiita kuti miviri yavo iwanike kune vanovatana navane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo nokuda kwezvokudya nepokugara, vachiva zvokushandisa zveboka ramatsotsi.

Maidi ezvamatongerwe enyika akakasharara, masimba masimba, zvinetso zvemari, zvose zvinganyandura mwero yokuora mwoyo. Kunyange vanhu vakadzidza mabasa havasati vari vasingatapurwi sezvo vanotsvaka kuchengeta mararamire avo oumbozha pavanenge vachigonana nezvinetso zvemari zvinowedzera. Muuyo wacho? “Kumanikidza kunoita muchenjeri benzi,” sokutaura kwakaita Mambo Soromoni wekare!a (Muparidzi 7:7) Zvamazvirokwazvo, kuora mwoyo kunotungamirira chiverengero chinowedzera kushandisa chigadzikiso chakakomba zvikurusa chechinetso chacho—kuzviuraya.

Chigadzikiso Chakakomba Zvikurusa Chechinetso Chacho

Zvinoitika zvakawanda zvokuzviuraya pakati pavaduku zvinoratidza kuti kunyange ivo vanotapurwa nedambudziko rokuora mwoyo. Munyori wezvikamu zvepepanhau weBritain akabvunza, kuti: “Chiiko pamusoro penguva dzedu chiri kuparira kuora mwoyo kukuru kwazvo kwavechiduku?” Mukufundwa kwavana vari pakati pamazera amakore 8 ne 16 avo vakanga varadzikwa muzvipatara pashure pokuedza kuzvikuvadza vamene nechepfu, Dr. Eric Taylor weLondon’s Institute of Psychiatry anoshuma, kuti: “Chinhu chimwe chinokatyamadza chakanga chiri chokuti vangani vavana vakanga vachiora mwoyo nevaisava netariro pamusoro pezvinhu.” Britain inonyora zvinoitika zvisina ngwavaira asi zvamaune zvinenge 100 000 zvokudya chepfu gore rimwe nerimwe mune kunova kudanidzira kwokupererwa nezano rose nokuda kwebetsero.

Rimwe sangano reBritain rakaita nhimbe yokuteerera netsitsi vanoora mwoyo. Nenzira iyoyi vapi vezano varo vakataura kuti vanopa “zvinotsiva rufu.” Bva, vanobvuma kuti havakwanisi kupedza zvinetso zvinoparira vanhu kuora mwoyo.

Mwero wokuzviuraya unoratidzira “mwero wokuparadzana nokushaikwa kwebatano youshamwaridzani munzanga,” rinotsinhira kudaro pepanhau reThe Sunday Correspondent. Neiko kune mwero wakakwirira wokuzviuraya nhasi? Pepanhau racho rakadudza “kusava nomusha, kunwa kunowedzerwa, tyisidziro yeAids uye kuvharwa kwezvipatara zvendangariro” sezvinhu zvinosundira vanhu kuukuru hwakadaro hwokuora mwoyo zvokuti vanorangarira kuzviuraya vamene kuva chigadzikiso bedzi chezvinetso zvavo.

Kune tariro ipi neipi yokudzinga kuora mwoyo here? Hungu! “Tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu” ndiyo danidziro inosimbaradza yaJesu! (Ruka 21:28) Chii chaaireva? Itariroi iriko?

[Mashoko Omuzasi]

a Mukuwirirana neTheological Wordbook of the Old Testament, yakapepetwa naHarris, Archer, uye Waltke, manyuko omutauro wapakuvamba eshoko rinoshandurwa kuti “dzvinyiriro” anowirirana no“kuremedzwa, kutsikirirwa, uye kukurirwa kwaavo vakaderera munzvimbo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe