RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/1 pp. 13-18
  • Uri Kumhanya Sei Munhangemutange Youpenyu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kumhanya Sei Munhangemutange Youpenyu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhangemutange Youpenyu
  • Shandisa Kuzvidzora Muzvinhu Zvose
  • Mhanya ‘Nenzira Isati Iri Isina Chokwadi’
  • Unogona Kutsungirira Kusvikira Kumugumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • ‘Mhanyai Saizvozvo’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Mhanya Kusvika Kumagumo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kumhanya Nhangemutange Netsungiriro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/1 pp. 13-18

Uri Kumhanya Sei Munhangemutange Youpenyu?

“Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete unopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.”—1 VAKORINTE 9:24.

1. Bhaibheri rinofananidza nzira yedu yechiKristu nechii?

BHAIBHERI rinofananidza kutsvaka kwedu upenyu husingaperi nenhangemutange. Nechokumugumo kwoupenyu hwake, muapostora Pauro akataura nezvake, kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda.” Iye akakurudzira maKristu biyake kuita zvimwe chetezvo apo akati: “Ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.”—2 Timotio 4:7; VaHebheru 12:1.

2. Mavamboi anokurudzira atinowana munhangemutange youpenyu?

2 Enzaniso yacho yakakodzera nemhaka yokuti nhangemutange yakaumbwa namavambo, nzira yakagadzwa, uye mutsetse wokupedza, kana kuti nharidzano. Ndozvakwakaitawo nomuitiro weenderero mberi yedu yomudzimu takananga kuupenyu. Sezvatakaona, gore riri rose mazana ezviuru avanhu ari kuva namavambo akanaka munhangemutange youpenyu. Mumakore mashanu apfuura, somuenzaniso, vanhu 1 336 429 vakatanga nenzira yakarongwa munhangemutange kupfurikidza netsauriro norubhapatidzo rwomumvura. Mavambo akasimba akadaro anokurudzira zvikurusa. Chinhu chinokosha, zvisinei, kurambira munhangemutange kutozosvikira mutsetse wokupedza wasvikwa. Uri kuita ikoku here?

Nhangemutange Youpenyu

3, 4. (a) Pauro akaonesa sei ukoshi hwokupfuurira munhangemutange? (b) Vamwe vakakundikana sei kuteerera zano raPauro?

3 Kusimbisa ukoshi hwokurambira munhangemutange, Pauro akapa zano, kuti: “Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete anopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo kuti muuwane.”—1 VaKorinte 9:24.

4 Chokwadi, mumitambo yakare, mumwe bedzi aigona kugamuchira mubairo. Zvisinei, munhangemutange youpenyu, munhu ari wose akakodzerwa nomubairo. Kunongova bedzi kuri madikanwa kurambira munhangemutange kusvikira kumugumo! Nomufaro, vazhinji vakamhanya nokutendeka nhangemutange kusvikira kumugumo woupenyu hwavo, sezvakaita muapostora Pauro. Uye mamirioni anopfuurira kumhanya. Vamwe, kunyanguvezvo, vakakundikana kufambira mberi kana kuti kuita fambiro mberi vakananga kumutsetse wokupedza. Panzvimbo pezvo, vakabvumira zvimwe zvinhu kuvadzivisa zvokuti vakabuda munhangemutange yacho kana kuti zvimwe vakava vasingakwaniriswi munzira yakati. (VaGaratia 5:7) Ikoku kunofanira kupa tose zvedu chisakiso chokunzvera kumhanya kwatiri kuita munhangemutange youpenyu.

5. Pauro akanga achienzanisa nhangemutange youpenyu nomutambo wamakwikwi here? Tsanangura.

5 Mubvunzo ungabvunzwa: Chii chairangarira Pauro apo akataura kuti “mumwe chete unopiwa mubairo”? Sezvataona pakuvamba, iye haana kureva kuti pakati paavo vose vakatanga munhangemutange youpenyu, mumwe bedzi achagamuchira tuso youpenyu husingaperi. Sezvinooneka ikoko hakungagoni kuva kwakadaro, nokuti nguva nenguva, iye akakujekesa kuti kuda kwaMwari kuti vanhu vamarudzi ose vanofanira kuponeswa. (VaRoma 5:18; 1 Timotio 2:3, 4; 4:10; Tito 2:11) Aiwa, akanga asiri kutaura kuti nhangemutange youpenyu makwikwi umo mutori rutivi mumwe nomumwe anoedza kukunda vamwe vose. VaKorinte vaiziva zvikuru kwazvo kuti rudzi irworwo rwomudzimu wamakwikwi rwaivapo pakati pavakwikwidzani paIsthmian Games yavo, inotaurwa kuva yakatokurumbira zvikuru panguva iyoyo kupfuura Olympic Games. Chii, ipapoka, Pauro airangarira?

6. Chii chinozivisa mashoko akapoteredza pamusoro pekurukurirano yaPauro yomumhanyi nenhangemutange?

6 Mukududza muenzanisiro womumhanyi, Pauro zvikurukuru akanga ari kukurukura kariro dzake amene dzoruponeso. Mundima dzinotangira, iye akarondedzera kuti akanga ashanda zvakaoma sei ndokuzvishandisa amene munzira dzakawanda. (1 VaKorinte 9:19-22) Ipapo, 1VaK 9 mundima 23, akati: “Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweevhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwe chete navamwe.” Iye akaziva kuti ruponeso rwake rwakanga rusina kuvimbiswa nemhaka bedzi yokuti akasarudzwa kuva muapostora kana kuti nemhaka yokuti akanga apedza makore akawanda achiparidzira kuvamwe. Kuti agoverane muzvikomborero zvamashoko akanaka, iye aifanira kupfuurira kuita chinhu chiri chose chaaikwanisa nokuda kwamashoko akanaka. Iye aifanira kumhanya nedonzo rakazara rokuwina, kuzvishandisa amene zvakaoma zvikuru sokunge aimhanya munhangemutange yamakumbo muIsthmian Games, umo “mumwe chete unowana mubairo.”—1 VaKorinte 9:24a.

7. Chii chinodikanwa nokuda kwoku“mhanya saizvozvo, kuti muuwane”?

7 Kune zvakawanda zvatinogona kudzidza muna ikoku. Kunyange zvazvo munhu ari wose anokumbanira munhangemutange achida kuwina, avo bedzi vakatsunga chose chose kuwina vane kariro ipi neipi yokuita saizvozvo. Somuuyo, hatifaniri kunzwa takagutsikana nemhaka bedzi yokuti takakumbanira nhangemutange. Hatifaniri kunzwa kuti chinhu chiri chose chichava chakaisvonaka nemhaka yokuti ‘tiri muzvokwadi.’ Tingava nezita rokuti muKristu, asi tine here zvinhu zvokubvumikisa kuti tiri maKristu? Somuenzaniso, tinoita here zvinhu tinoziva kuti muKristu anofanira kuita—kupinda misangano yechiKristu, kugoverana muushumiri hwomumunda, uye zvichingodaro? Kana zvakadaro, ikoko kunorumbidzwa, uye tinofanira kuvavarira kupfuurira mutsika dzakadaro dzakaisvonaka. Kunobvira here, kunyanguvezvo, kuti tinogona kubetserwa zvikuru neizvo tinoita? Somuenzaniso, nguva dzose takagadzirira here kupa chimwe chinhu kumisangano? Tinoedza here kushandisa zvatinodzidza kuupenyu hwedu hwomunhu oga? Tinopa here ngwariro kukuvandudza unyanzvi hwedu kuti tigogona kupa uchapupu hwakakwana pasinei zvapo nemhinganidzo dzatinosangana nadzo mumunda? Tinodisa here kugamuchira denho yokudzokera pavanhu vanofarira nokuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha? “Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane,” akakurudzira kudaro Pauro.—1 VaKorinte 9:24b.

Shandisa Kuzvidzora Muzvinhu Zvose

8. Chii chingave chakasunda Pauro kukurudzira maKristu biyake ku‘shandisa kuzvidzora muzvinhu zvose’?

8 Munduramo yake, Pauro akanga aona vazhinji vakanga vaderera, vatsauka, kana kuti varega munhangemutange youpenyu. (1 Timotio 1:19, 20; VaHebheru 2:1) Ndokusaka iye akayeuchidza ayeuchidzazve maKristu biyake kuti ari mumakwikwi ane simba naanopfuurira. (VaEfeso 6:12; 1 Timotio 6:12) Akati pfuudzei muenzanisiro womumhanyi ndokuti: “Mumwe nomumwe unoshingaira pakutamba, unozvidzora pazvose.” (1 VaKorinte 9:25a) Mukutaura ikoku, Pauro akanga achinongedzera kuchimwe chinhu icho maKristu eKorinte akanga akasanorovedzana nacho, ndiko kuti, rovedzo yakasimba yaiteverwa navakwikwidzani paIsthmian Games.

9, 10. (a) Mamwe manyuko anorondedzera sei vakwikwidzani muIsthmian Games? (b) Chii chakafanira zvikuru kucherechedzwa pamusoro perondedzero yacho?

9 Heino rondedzerwo yakajeka yomukwikwidzani mukurovedza:

“Nenzira yokugutswa uye pasina kunyunyuta iye anozviisa amene pasi pemitemo neganhuriro zvemwedzi yake gumi yokurovedza, pasinayo iye angaisva zvake arega kukwikwidza. . . . Iye anodada nenhamo dzake duku, uye kuneta, uye kuzvinyima, uye anokurangarira sorukudzo kuregera nokungwarira chinhu chipi nechipi icho mumwero mudukusa chingaderedza banza rake rebudiriro. Iye anoona vamwe vanhu vachitera kuchishuvo chezvokudya, vachizorora apo anenge achifema zvikuru nemhaka yokushandisa muviri, achifarikanya achigeza, achifarikanya upenyu; asi haawanzova nomufungo wegodo, nemhaka yokuti mwoyo wake unoshuva mubairo, uye rovedzo yakakomba inokosha. Iye anoziva kuti mabanza ake aenda kana mupfundo ripi neripi kana kuti panhambo ipi neipi iye achideredza ukombi hwechirango.”—The Expositor’s Bible, Volume V, peji 674.

10 Kwefariro chaiyo ndiko kutaura kwokuti munhu ari kurovedzwa “anokurangarira kuva rukudzo” kutevera muitiro wakadaro wakasimba wokuzvinyima. Kutaura idi, iye “haawanzova nomufungo wegodo” rorugare nenyaradzo izvo anoona vamwe vachifarikanya. Tinogona kudzidza chimwe chinhu muna ikoku here? Hungu, zvamazvirokwazvo.

11. Murangariroi usakafanira watinofanira kudzivisa takabatikana munhangemutange youpenyu?

11 Yeuka mashoko aJesu okuti “suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:13, 14) Sezvo unoedza kufamba mu‘nzira yakamanikana,’ unochochora here rusununguko norugare izvo avo vari muimwe nzira vanoratidzika kuva vanofarikanya? Unonzwa here kuti uri kurasikirwa nezvimwe zvezvinhu izvo vamwe vari kuita, izvo zvingasaratidzika kuva zvakashata kwazvo mazviri zvimene? Kuri nyore kuti tinzwe neiyi nzira kana tikakundikana kurangarira chikonzero chatiri kutorera iyi nzira. “Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori,” Pauro akadaro.—1 VaKorinte 9:25b.

12. Neiko kuchigona kutaurwa kuti mbiri nomukurumbira izvo vanhu vakatsvaka zvakafanana nekorona inoora yaipiwa Isthmian Games?

12 Mukundi paIsthmian Games aigamuchira chiremba chomupine weIsthmus kana kuti mumwe muti wakadaro, uyo zvimwe waiuna mumazuva mashomanene kana kuti mavhiki. Chokwadika, kwakanga kusati kuri nokuda kwechiremba chinoparara kuti vamhanyi vaikwikwidza asi nokuda kwembiri, rukudzo, uye mukurumbira uyo wakauya nako. Mamwe manyuko anorondedzera kuti apo mukundi aidzokera kumusha, aigamuchirwa semhare inokurira. Kazhinji kazhinji masvingo eguta aikoromorwa kuti vanomuforera vapfuure, uye mifananidzo yaimiswa murukudzo rwake. Pasinei zvapo naikoku kwose, zvisinei, mbiri yake yakanga ichiri inoorora. Nhasi, vanhu vashomanene vane pfungwa ipi neipi yedzaiva mhare idzodzo dzinokurira, uye vazhinjisa havana basa nazvo chaizvoizvo. Avo vanorega nguva yavo, simba, utano, uye kunyange mufarwa wemhuri kuti vawane simba, mukurumbira, uye pfuma munyika, asi vasina kupfuma kuna Mwari, vachawana kuti “korona” yavo yezvinhu, kufanana noupenyu hwavo, ndeyechinguvana zvayo.—Mateo 6:19, 20; Ruka 12:16-21.

13. Ko upenyu hwomunhu munhangemutange youpenyu hwakasiana sei nouhwo hwomumhanyi?

13 Vakwikwidzani mumutambo wokumhanya vangava vanodisa kugamuchira zvinodikanwa zvakasimba zvokurovedza, zvakadai seizvo zvarondedzerwa pamusoro apa, asi bedzi kwenguva yakaganhurirwa. Apo mitambo inenge yangopera chete, vanodzokera kunzira yenguva dzose youpenyu. Ivo vangangorovedza panguva nenguva kuti vachengete unyanzvi hwavo, asi havasati vachatevera nzira imwe cheteyo yokuzvinyima kwakakomba, toti zvedu kwete kusvikira kukwikwidzana kunotevera kwasvika. Hakuna kudaro naavo vari munhangemutange youpenyu. Navo, rovedzo nokuzvinyima zvinofanira kuva nzira youpenyu.—1 Timotio 6:6-8.

14, 15. Neiko mukwikwidzani munhangemutange youpenyu achifanira kushandisa kuzvidzora nguva dzose?

14 “Kana munhu upi noupi achida kunditevera,” akadaro Jesu Kristu kuboka ravadzidzi navamwe, “ngaazvirambe amene [kana kuti, “anofanira kuti, ‘Aiwa’ kwaari amene,” Charles B. Williams] ndokutakura danda rake rokutambudzira ndokunditevera nguva dzose.” (Marko 8:34, NW) Apo tinogamuchira uku kukokwa, tinofanira kuva vakagadzirira kuita saizvozvo “nguva dzose,” kwete nemhaka yokuti pane chakanaka chaicho mukuzvinyima, asi nemhaka yokuti upenzi hwenguva imwe, chikanganiso chimwe muchisarudzo chakanaka, zvingaparadza zvose izvo zvakavakwa, kunyange kupinza mungozi garikano yedu isingagumi. Enderero mberi yomudzimu inowanzoitwa pamwero unoti nonokei, asi inogona nokukurumidza sei kuparadzwa kana tisingangwariri nguva dzose!

15 Kupfuurirazve, Pauro akakurudzira kuti tinofanira kushandisa kuzvidzora “muzvinhu zvose,” ndiko kuti, tinofanira kuita saizvozvo nguva dzose mumativi ose oupenyu. Ikoku kune mufungo nemhaka yokuti kana murovedzi akanyanyisa kana kuti akararama nenzira youtere, chii chichava chakanaka chamarwadzo ose omuviri nokuneta izvo anotsungirira? Nenzira yakafanana munhangemutange yedu youpenyu, tinofanira kushandisa kuzvidzora muzvinhu zvose. Mumwe munhu angazvidzora amene muzvinhu zvakadai soudhakwa noufeve, asi ukoshi hwaikoku hunoderera kana iye achizvitutumadza uye ane gakava. Kana kuti zvakadiniko kana iye ane mwoyo murefu uye ane mutsa kuvamwe, asi achichengeta chivi chakavandika muupenyu hwake hwomunhu oga? Kuti kuzvidzora kuve kunobetsera zvizere, kunofanira kushandiswa “muzvinhu zvose.”—Enzanisa naJakobho 2:10, 11.

Mhanya ‘Nenzira Isati Iri Isina Chokwadi’

16. Kumhanya ‘nenzira isati iri isina chokwadi’ kunorevei?

16 Achiona nhamburiko dzakasimba dzaidikanwa kubudirira munhangemutange youpenyu, Pauro akapfuurira kuti: “Naizvozvo, nzira yandinomhanya nayo haisati iri isina chokwadi; nzira yandinorova nayo tsiva dzangu ndeyokuti ndirege kurova mhepo.” (1 VaKorinte 9:26, NW) Shoko rokuti “nenzira isina chokwadi” rinoreva chaizvoizvo kuti “nenzira isina kujeka” (Kingdom Interlinear), “zvisingacherechedzwi, zvisina kuratidzwa,” (Lange’s Commentary). Nokudaro, kumhanya ‘nenzira isati iri isina chokwadi’ kunoreva kuti kumucherechedzi ari wose kunofanira kuva kuri pachena uko mumhanyi ari kunanga. The Anchor Bible rinoishandura kuti “musati muri munzvendanzvenda.” Kana iwe ukaona tsoka dzinonzvendanzvenda dzichikwira nokudzika mumhenderekedzo yegungwa, dzinotenderera nguva nenguva uye kunyange dzinodzokera shure pane dzimwe nguva, haungatongofungi kuti munhu wacho akanga achitongomhanya, tisingatauri kuti aiva nepfungwa ipi neipi yokwaanga achienda. Asi kana ukaona tsoka dzinoumba mutsetse murefu, wakatwasuka, tsoka imwe neimwe iri pamberi peyomushure uye dzose dzine nhano dzakafanana, ungagumisa kuti tsoka dzacho ndedzomunhu anoziva chaizvoizvo kwaari kuenda.

17. (a) Pauro akaratidza sei kuti akanga achimhanya ‘nenzira isati iri isina chokwadi’? (b) Tinogona sei kutevedzera Pauro muna ikoku?

17 Upenyu hwaPauro hunoratidza zvakajeka kuti iye akanga achimhanya ‘nenzira isati iri isina chokwadi.’ Aiva noufakazi hwakawanda hwokubvumikisa kuti iye akanga ari mushumiri wechiKristu uye muapostora. Iye aingova nedonzo rimwe bedzi, uye iye akazvishandisa amene nesimba muupenyu hwake hwose kuti aiwane. Haana kutongotsauswa nomukurumbira, simba, pfuma, kana kuti nyaradzo, kunyange zvazvo aigona zvichida kuva akawana chipi nechipi chaizvozvi. (Mabasa 20:24; 1 VaKorinte 9:2; 2 VaKorinte 3:2, 3; VaFiripi 3:8, 13, 14) Sezvaunotarira shure panzira yako youpenyu, rudzii rwenzira rwaunoona? Mutsara wakatwasuka here une nzira yakajeka kana kuti inodzungaira zvisina donzo? Pane ufakazi here hwokuti uri kurwisa munhangemutange youpenyu? Yeuka, tiri munhangemutange iyoyi, kwete chete kuda kuedza kuita chimwe chinhu pasina mbavarira, sokunge zvakadaro, asi kuti tisvike pamutsetse wokupedza.

18. (a) Chii chaizova chakaenzana no“kurova mhepo” kwatiri? (b) Neiko ikoko kuri nzira ine ngozi yokutevera?

18 Achienzanisa nechimwe chinoitika chomutambo, Pauro akatizve: “Nzira yandinorova nayo tsiva dzangu haisati iri yokurova mhepo.” (1 VaKorinte 9:26b, NW) Mumakwikwi edu oupenyu, tine vavengi vakawanda, kubatanidza Satani, nyika, uye kusakwana kwedu timene. Kufanana nomurwi wakare, tinofanira kuva vanokwanisa kuvariga netsiva dzakasanonangidzirwa. Nomufaro, Jehovha Mwari anotirovedza uye anotibetsera mukurwa kwacho. Iye anogovera miraidzo muShoko rake, muzvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri, uye pamisangano yechiKristu. Zvisinei, kana tikarava Bhaibheri nezvinyorwa ndokuenda kumisangano asi tisingashandisi zvatinodzidza, hatisi kupambadza here nhamburiko dzedu, “kurova mhepo”? Kuita saizvozvo kunotiisa munzvimbo ine ngozi zvikuru. Tinofunga kuti tiri kurwa uye nokudaro tichiwana pfungwa yakaipa yechengeteko, asi hatisi kukurira vavengi vedu. Ndokusaka mudzidzi Jakobho akapa zano, kuti: “Ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi bedzi, muchizvinyengera mumene nokurangarira kwenhema.” Sezvo “kurova mhepo” kusati kuchizokuvadza vavengi vedu, uyewo kuva “vanzwi bedzi” hakusati kuchizovimbisa kuti tiri kuita kuda kwaMwari.—Jakobho 1:22, NW; 1 Samueri 15:22; Mateo 7:24, 25.

19. Tinogona sei kuva nechokwadi chokusava vasingatenderwi zvedu?

19 Pakupedzisira, Pauro akatiudza chakavanzika chake kubudiriro: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.” (1 VaKorinte 9:27) Kufanana naPauro, isuwo tinofanira kuwana udzori panyama yedu isina kukwana panzvimbo pokuibvumira kuva tenzi wedu. Tinofanira kubvisa kombamiro dzokunyama, zvishuvo, uye zvido. (VaRoma 8:5-8; Jakobho 1:14, 15) Kuita saizvozvo kunogona kuva kunorwadza, sezvo shoko rinoshandurwa kuti “rwadzisa” richireva chaizvoizvo kuti ‘kurova pasi peziso’ (Kingdom Interlinear). Hakusati here, kunyanguvezvo, kuri nani kutambura ziso dema, sokunge zvakadaro, ndokurarama kupfuura kutera kuzvishuvo zvenyama yakawa ndokufa?—Enzanisa naMateo 5:28, 29; 18:9; 1 Johane 2:15-17.

20. Neiko zvino kuri kwokukurumidzira zvikuru kunzvera kumhanya kwatiri kuita munhangemutange youpenyu?

20 Nhasi, tava kusvika pedyo nomutsetse wokupedza nhangemutange. Nguva yokuti mibairo ipiwe yava pedyo. Nokuda kwamaKristu akazodzwa, iwo “mubairo wedanidzo yokumusoro yaMwari kupfurikidza naKristu Jesu.” (VaFiripi 3:14, NW) Nokuda kwaavo veboka guru, upenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Nezvakawanda kwazvo zviri mungozi, ngative vakatsunga, sezvakanga zvakaita Pauro, kuti isu “tirege kuva vakarashwa timene.” Munhu ari wose wedu ngaafunge zvakakomba murairo unoti: “Mhanyai saizvozvo kuti muuwane.”—1 VaKorinte 9:24, 27.

Unoyeuka Here?

◻ Neiko kwakakodzera kuenzanisa upenyu hwomuKristu nenhangemutange?

◻ Nhangemutange youpenyu yakasiana sei nenhangemutange yetsoka?

◻ Neiko tichifanira kushandisa kuzvidzora nguva dzose uye “muzvinhu zvose”?

◻ Munhu anomhanya sei ‘nenzira isati iri isina chokwadi’?

◻ Neiko kune ngozi kuva anongo“rova mhepo”?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Chiremba cheshasha, pamwe chete nembiri norukudzo, chinosvava

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe