Shanduro dzeBhaibheri dzeAfrica
Shanduro dzapakuvamba zvikurusa dzeBhaibheri rose mumutauro weAfrica dzakaitwa muEgipita. Dzichizivikanwa seshanduro dzavaCopt, idzo dzinodavirwa kuva dzinovambira muzana ramakore rechitatu kana kuti rechina N.V. Anenge mazana matatu amakore gare gare, Bhaibheri rakashandurwa muchiEtiopia.
Mazana emitauro yaisanyorwa aitaurwa kumaodzanyemba kweEtiopia neSahara aifanira kumirira kusvika kwavafundisi muzana ramakore rechi 19. Muna 1857 chinoitika chinokosha chakasvikwa apo Robert Moffat akapedza shanduro yeBhaibheri muTswana, mutauro wokumaodzanyemba kweAfrica. Iye akaritsikirirawo muzvikamu nomuchina wokutsikirira unoshandiswa namaoko. Iri rakanga riri Bhaibheri rokutanga rakakwana kutsikirirwa muAfrica uye yakanga iriwo shanduro yokutanga yakakwana mumutauro weAfrica wakanga usinganyorwi kare. Nenzira inofadza, Moffat akashandisa zita roumwari Yehova mushanduro yake. Mushanduro ya 1872 yakabudiswa neBritish and Foreign Bible Society, zita rokuti Yehova rinoshandiswa mukutaura kukuru kwakaitwa naJesu sezvakanyorwa pana Mateo 4:10 naMarko 12:29, 30.
Pakasvika 1990 Bhaibheri rose rakanga rashandurirwa mumitauro yeAfrica 119, nezvikamu zvaro zvichiwanika mu 434 yokuwedzera.