Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Makwai aJesu Anoteerera Inzwi Rake
SEZVO basa rokuparidzira rinotambanukira kumativi ose apasi, Jehovha kupfurikidza nengirozi dzake anotungamirira vabatiri vake kuvanhu vakafanana namakwai. Vanonzwa inzwi raJesu ndokudzidza kumubatira vachirangarira upenyu husingaperi. Jesu akati pana Johane 10:27, 28, (NW): “Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ndinoaziva, uye anonditevera. Uye ndinoapa upenyu husingaperi.” Cherekedza kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka muMadagascar vakateerera sei inzwi raJesu.
Mumwe weZvapupu zvaJehovha akapa makopi amabhuku aIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi Pasi Pano naUpwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri kuna chiremba uyo akauya kuzonzvera baba vake vairwara.
Chiremba wacho akanga ari muPurotesitendi uye akanga achishora zvikuru kwazvo Zvapupu, asi iye akarava bhuku racho ndokunzvera magwaro muBhaibheri rake amene. Mudzimai wake, muKaturike uyewo chiremba, akarava bhuku raUpwere kanoverengeka nemhaka yokuti akati rairatidzika kuva rakanyorwa zvikurukuru nokuda kwake. Tsananguro yeSosaiti yakavakirwa paBhaibheri yerevo ya 1914 yakavaorora vose vari vaviri. Murume wacho akaonana neChapupu chakamupa mabhuku acho. Chapupu chacho chakamupa Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? ndokuita gadziriro dzokumushanyira nomudzimai wake kuzopindura mibvunzo yavo. Apo chakavashanyira, chakatanga fundo yeBhaibheri yenguva dzose navanyakuroorana vacho navana vavo vatatu. Fambiro mberi munzwisiso yeBhaibheri yakanga ichikurumidza.
Pashure pefundo yokutanga, mhuri yose yakatanga kupinda misangano paHoro yoUmambo uye nokukurumidza pashure paikoko yakanyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Mufambiro wavana wakavandudzika zvikuru. Mufundo yavo yeBhaibheri, vakadzidza kuti kuchengeta mazuva okuberekwa namamwe mazororo orudzidziso kwakanga kusiri kwechiKristu, nokudaro, vakarega kuachengeta. Murume wacho akaramba kupa ropa rake kuhama yake yokunyama, kunyange zvazvo musoro wacho wakanga usati wakurukurwa mufundo yeBhaibheri. Nokukurumidza nyufomu yake yekarati yakanyangarika muwadhiropu make; akaitumira kumusoni kuti mbatya dzavana vake dzisonwe nayo. Akapisa magazini ake ose namabhuku emahoroscope. Mwedzi mitatu chete pashure pokunge vatanga kufunda, vose vari vaviri murume nomudzimai wake vakarega machechi avo akaparadzana ndokutaura chishuvo chavo chokugoverana mubasa rokuparidzira. Zvino vakabhapatidzwa.
◻ Mumwe mukadzi muThailand akanga achitsvaka zvokwadi. Kunyange zvazvo akanga ari muBuddha, akanga asina kutongozvipira kurudzidziso rwake nemhaka yokuti akanga aona unyengeri hukuru zvikuru namakaro. Kunze kwezvo, kwakanga kune tsika dzakasiana-siana dzaakaona dzichigumbura. Akanzwa aneta nazvo zvose.
Ipapo, mumwe muvakidzani akarumbidza kuti aedze maKristu ndokuenda naye kuchechi yePentecostal. Mukati momunamato, zvisinei, mukadzi wacho akava nechishuvo chakasimba chokubuda ndokuenda kumusha nemhaka yoruzha, sezvo vose vakanga varipo vainyengetera nenzwi guru. Iyoyo yakanga iri nguva yokupedzisira yaakapinda chechi iyoyo.
Gare gare, akaedza chechi yeRoma Katurike. Zvisinei, pashure pokupinda kanoverengeka, akava zvakare anoziva nezvounyengeri namakaro, pamwe chete namararamire oumbozha omuprista. Akanyangadzwa ndokurega kuenda ikoko. Muprista akanga achidisa kuziva pamusoro pechikonzero nei akaenda. Pashure pokuziva chikonzero, akati nenzira yokutuka: “Kana uchishuva kukumbanira vanhu vano rumano chaizvoizvo, enda kuZvapupu zvaJehovha.” Iye akabvunza, kuti: “Vari kupiko?” Muprista wacho akapindura, kuti: “Vari pedyo nenzvimbo yokutarisira kugoverwa kwemvura.” Zuva rakatevera akavatsvaka asi pasina budiriro. Aodzwa mwoyo, iye kunyanguvezvo nguva dzose aifunga nezveZvapupu zvaJehovha.
Rimwe zuva akanzwawo zvake mumwe wavavakidzani vake achitaura nenzira yokunyomba kune mumwe, kuti: “Nokukurumidza uchava mumwe weZvapupu zvaJehovha!” Pakunzwa izvozvo, mukadzi wacho akamhanyira kumuvakidzani wacho ndokubvunza, kuti: “Mune Zvapupu zvaJehovha here muno?” “Hungu,” yakanga iri mhinduro yacho. “Vamwe vachauya munharaunda vachiparidzira paimba neimba. Muchavaziva kupfurikidza nenzira yavo yakachena neyakatsvinda yokupfeka.” Pana ikoko akabuda achimhanya kundovatsvaka. Pakutanga haana kuvawana, asi paakanga achifamba achidzokera kuimba yake, akacherekedza vakadzi vaviri vakapfeka zvakatsvinda vachikurukura nomumwe munhu. Akasvika ndokubvunza kana vaiva Zvapupu zvaJehovha. Pavakati vakanga vari, iye akakumbira, kuti: “Ndapota uyai kumba kwangu. Ndinoda kutaura kwamuri.”
Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye pasinei hapo nechishoro nokunyombwa zvaibva kumitezo yemhuri, uyu mukadzi akatanga kupinda misangano uye kupupurira kuhama dzake dzokunyama.
Jesu zvirokwazvo anoziva makwai ake uye ari kuaunganidzira musangano rake nokuda kwokupukunyuka ndokupinda munyika itsva yokururama.