RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 10/1 pp. 5-8
  • Mesia—Itariro Chaiyoiyo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mesia—Itariro Chaiyoiyo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vana Mesia Vezana Ramakore Rechi 20
  • Itariro Chaiyoiyo Here?
  • Muponesi Worudzi Rwomunhu
  • Mesia neHurumende
  • Mesiya! Nzira yaMwari Yokuponesa Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tawana Mesia”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Tawana Mesiya”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 10/1 pp. 5-8

Mesia—Itariro Chaiyoiyo Here?

Iye akazvidana amene kuti Mosesi. Zita rake chairoiro, kunyanguvezvo, rakakanganwika munhau. Muzana ramakore rechishanu N.V., iye akafamba muchitsuwa chose cheKrete, achipwisa vaJudha vaivamo kuti iye akanga ari mesia wavaimirira. Akavaudza kuti nokukurumidza dzvinyiriro yavo, utapwa hwavo noubatwa zvaizopera. Ivo vakadavira. Apo zuva ravo rorusununguko rakasvika, vaJudha vakatevera “Mosesi” kurwenze rwakatarira Mediterranean Sea. Iye akavaudza kuti vaingofanira bedzi kuzvikanda vamene mugungwa uye iro raizokamuka pamberi pavo. Vazhinji vakateerera, vachipinda mugungwa iro risina kukamuka. Vazhinji zvikuru vakanyura; vamwe vakanunurwa navafambisi vengarava navaredzi. Mosesi, zvisinei, haana kuwanikwa. Mesia iyeyo akanga aenda.

CHII chiri mesia? Mashoko okuti “muponesi,” “musununguri,” uye “mutungamiriri” angauya kundangariro. Vanhu vazhinji vanofunga kuti mesia munhu anonyandura tariro nokuzvipira muvateveri vake, achivimbisa kuvatungamirira vachibva mudzvinyiriro vachienda kurusununguko. Sezvo nhau yavanhu iri zvikurukuru nhau yedzvinyiriro, hakushamisi kuti vanamesia vakadaro vakati vakabuda mumazana amakore apfuura. (Enzanisa naMuparidzi 8:9.) Asi kufanana naMosesi akazviita amene weKrete, ava vanamesia kazhinji kazhinji vakatungamirira vateveri vavo kukuora mwoyo nengwavaira kupfuura kurusununguko.

“Uyu ndiye Mambo Mesia!” Iyoyo ndiyo nzira iyo rabhi akakurumbira Akiba ben Joseph akakwazisa nayo Simeon Bar Kokhba mugore ra 132 N.V. Bar Kokhba akanga ari murume ane simba uyo aitungamirira hondo ine simba. Pano pakupedzisira, vakafunga kudaro vaJudha vakawanda, pakanga pane murume wokugumisa kudzvinyirirwa kwavo kwenguva refu mukudzora kweSimba reNyika reRoma. Bar Kokhba akakundikana; mazana ezviuru avanhu vomunyika yake akabhadhara nokuda kwekundikano iyoyo noupenyu hwavo.

Muzana ramakore rechi 12, mumwe mesia wechiJudha akabuda, nguva ino muYemen. Apo caliph, kana kuti mutongi, akamukumbira chiratidzo chokuva kwake mesia, uyu mesia akakarakadza kuti caliph aite kuti musoro wake ugurwe ndokurega rumuko rwake rwokukurumidza rwuchibatira sechiratidzo. Caliph akabvuma gadziriro yacho—uye iwoyo wakanga uri mugumo wamesia Yemen. Muzana ramakore rimwe chetero, mumwe murume ainzi David Alroy akaudza vaJudha muMiddle East kugadzirira kumutevera vari pamapapiro engirozi vachidzokera kuNyika Tsvene. Vazhinji vakadavira kuti iye akanga ari mesia. VaJudha veBaghdad vakamirira nenzira yokushivirira vari pamusoro pamatenga avo, vachifuratira nomufaro mbavha dzakapamba zvinhu zvavo.

Sabbatai Zevi akamuka muzana ramakore rechi 17 achibva muSmirna. Iye akazivisa kuva kwake mesia kuvaJudha muEurope yose. MaKristuwo akamuteerera. Zevi akapa vateveri vake rusununguko—sezviri pachena kupfurikidza nokuvarega vachishandisa chivi pasina kuzvidzora. Vateveri vake vapedyosa vaiita mitambo yokunwa youpengo, mushutu, ufeve, uye kuvatana nehama yokunyama, ipapo vaizviranga vamene nokurova netyava, kupfurikidza nokuumburuka vasina kupfeka musinou, uye kupfurikidza nokuzviviga vamene kusvikira mumutsipa muvhu rinotonhora. Apo iye akaenda kuTurkey, Zevi akabatwa ndokuudzwa kuti iye anofanira kutendeukira kuchiIslam kana kuti zvimwe kufa. Akatendeuka. Vazhinji vavatsigiri vake vakaparadzwa. Bva, kwamazana maviri amakore akatevera, Zevi akanga achiri kunzi mesia navamwe vanhu.

ChiKristudhomu chakabudisawo mugove wacho wavanamesia. Muzana ramakore rechi 12, mumwe murume ainzi Tanchelm akavaka hondo yavatsigiri ndokutonga taundi reAntwerp. Uyu mesia akazvidana amene kuti mwari; iye akatotengesa mvura yake amene yokugeza kuti vateveri vake vanwe sesakaramende! Mumwe mesia wechi“Kristu” akanga ari Thomas Müntzer weGermany yezana ramakore rechi 16. Iye akatungamirira kumukira zviremera zvomunzvimbomo zvavagari vemo, achiudza vateereri vake kuti iyi yakanga iri hondo yeArmagedhoni. Iye akapikira kuti aizobata zvombo zvinokandwa zvenganunu zvavavengi mumaoko ehembe dzake. Panzvimbo pezvo, vanhu vake vakaurawa, uye Müntzer akagurwa musoro. Vamwe vanamesia vakawanda vakadaro vakabuda muchiKristudhomu mumazana amakore akapfuura.

Mamwe marudzidzisowo ane vanamesia vawo. ChiIslam chinonongedzera kuna Mahdi, kana kuti anotungamirirwa nenzira yakarurama, uyo achapinza zera reruramisiro. MuchiHindu, vamwe vakataura kuva vaavatar, kana kuti kuberekwa kutsva, kwavamwari vakasiana-siana. Uye, sokutaura kunoita The New Encyclopædia Britannica, “kunyange rudzidziso rusiri rwoumesia sechiBuddha rwakabudisa chitendero, pakati pamapoka avaMahāyāna, muchiBuddha chomunguva yemberi Maitreya uyo aizoburuka achibva munzvimbo yake yokudenga ndokuunza vakatendeka kuparadhiso.”

Vana Mesia Vezana Ramakore Rechi 20

Muzana redu timene ramakore, kudikanwa kwamesia wechokwadi kwazova kwokukurumidzira zvikuru kupfuura nakare kwose; nenzira isingashamisi, ipapoka, vazhinji vakataura kuva nezita racho rokuremekedza. MuCongo yeAfrica yama 1920, ma 30, uye ma 40, Simon Kimbangu nomutsivi wake Andre “Jesu” Matswa vakarumbidzwa savanamesia. Ivo vakafa, asi vateveri vavo vachiri kuvakarira kudzokera ndokupinza mireniyumu yeAfrica.

Zana rino ramakore rakaonawo kumuka kwa“masangano orudzidziso nezvamatongerwe enyika” muNew Guinea neMelanesia. Mitezo yacho inokarira ngarava kana kuti ndege kusvika, ine varume vachena vakafanana namesia avo vachavapfumisa ndokupinza zera romufaro apo kunyange vakafa vachamuka.

Marudzi ane mabasa okugadzira zvinhu akavawo navanamesia vawo. Vamwe vatungamiriri vorudzidziso, vakadai saSun Myung Moon, mutsivi akazvizivisa amene waJesu Kristu anokarira kuchenesa nyika kupfurikidza nemhuri yakabatanidzwa yavazvipiri vake. Vatungamiriri vezvamatongerwe enyika vakaedzawo kutora nzvimbo yamesia, Adolf Hitler achiva muenzaniso unotyisa zvikurusa wezana ramakore nokutaura kwake kwokuzvitutumadza kweHurumende yaMakore Ane Chiuru.

Uzivi hwezvamatongerwe enyika namasangano zvakawanawo mugariro wamesia. Somuenzaniso, The Encyclopedia Americana inotaura kuti rondedzero yezvamatongerwe enyika yechiMarxist nechiLeninist ine revo yamesia. Uye sangano reChibatanwa chaMarudzi, rinorumbidzwa zvakafara setariro bedzi yorugare rwenyika, rinoratidzika kuva rakava rudzi rwakati rwomutsivi wamesia mundangariro dzavazhinji.

Itariro Chaiyoiyo Here?

Iyi nzvero pfupi inokuita kujeke zvikuru kuti nhau yamasangano avanamesia zvikurukuru inhau yenyengedzo, yetariro dzakaparadzwa nezviroto zvakaiswa pasipo. Hakutongoshamisi, ipapoka, kuti vanhu vazhinji nhasi vazova vanopanikira pamusoro petariro nokuda kwamesia.

Tisati tadzinga tariro yamesia chose chose, kunyanguvezvo, tinofanira kuziva kwainobva. Kutaura idi, “mesia” ishoko reBhaibheri. Shoko rechiHebheru ndima·shiʹach, kana kuti “muzodziwa.” Munguva dzeBhaibheri, madzimambo navaprista pane dzimwe nguva vaigadzwa panzvimbo dzavo kupfurikidza nechinoitika chokuzodza, umo mafuta anonhuhwira aidururwa pamusoro. Nokudaro shoko rokuti ma·shiʹach rakashandiswa nenzira yakarurama kwavari. Kwaivawo navarume vaizodzwa, kana kuti kugadzwa kunzvimbo chaidzo, pasina chinoitika chipi nechipi chokuzodza. Mosesi anonzi “Kristu,” kana kuti “muzodziwa,” pana VaHebheru 11:24-26, nemhaka yokuti akasarudzwa somuporofita waMwari nomumiriri.

Iyi rondedzerwo yamesia so“muzodziwa” inosianisa vanamesia veBhaibheri navanamesia venhema vatakurukura. Vanamesia veBhaibheri vakanga vasingazvigadzi; uyewo vaisasarudzwa navateveri vazhinji vanonamata. Aiwa, kugadzwa kwavo kwaibva kumusoro, kuna Jehovha Mwari amene.

Nepo Bhaibheri richitaura nezvavanamesia vazhinji, rinosimudza mumwe pamusoro zvikuru pavamwe vose. (Pisarema 45:7) Uyu Mesia munhu mukuru muuporofita hweBhaibheri, anokosha kuzadziko yezvipikirwa zvinonyandura zvikurusa zveBhaibheri. Uye uyu Mesia anogonana chaizvoizvo nezvinetso zvatinotarisana nazvo nhasi.

Muponesi Worudzi Rwomunhu

Mesia weBhaibheri anobata nezvinetso zvorudzi rwomunhu kupfurikidza nokuenda kumavambo azvo. Apo vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakapandukira Musiki pakusvudziro yechisikwa chomudzimu chinopandukira Satani, ivo chaizvoizvo vakanga vachizvipa vamene maruramiro makuru ehurumende. Ivo vaida kuva ivo vokusarudza chakanga chakarurama nechakanga chisina kururama. Ivo nomutoo iwoyo vakabuda muhurumende ino rudo, inodzivirira yaJehovha ndokupinza mhuri yavanhu munyongano norusuruvaro rwokuzvitonga, kusakwana, uye rufu.—VaRoma 5:12.

Rudo sei, ipapoka, kuti Jehovha Mwari akasarudza nguva iyoyo yakaipa munhau yavanhu kugovera rudzi rwose rwomunhu chiedza chetariro. Mukuzivisa tongero pavapanduki vohunhu, Mwari akadeya kutaura kuti vana vavo vaizova nomusununguri. Anonongedzerwa kwaari se“mbeu,” uyu Muponesi aizouya kuzoparadza basa rakaipa iro Satani akanga aita imomo muEdheni; Mbeu yaizopwanya “nyoka” iyoyo, Satani, mumusoro, ichimupwanya kuti asavepo.—Genesi 3:14, 15, NW.

Kuvambira munguva dzakare, vaJudha vakaona uporofita ihwohwu sohwouMesia. MaTargum anoverengeka, kutaura namamwe mashoko kwechiJudha Magwaro Anoyera aiwanzoshandiswa muzana ramakore rokutanga, akatsanangura kuti uporofita ihwohwu hwaizozadzikwa “muzuva raMambo Mesia.”

Hakushamisi, ipapoka, kuti kubvira pamavambo pamene, vanhu vokutenda vaifadzwa neiyi tariro yeMbeu inouya, kana kuti Muponesi. Imborangarira zvako mirangariro yaAbrahama apo Jehovha akamuudza kuti Mbeu yaifanira kuuya kupfurikidza nomutsara wake amene, uye kuti “marudzi ose apasi”—kwete chete vazukuru vake amene—aizo“zvikomborera amene” kupfurikidza neMbeu iyoyo.—Genesi 22:17, 18, NW.

Mesia neHurumende

Mauporofita apashure akabatanidza iyi tariro netariro yehurumende yakanaka. Pana Genesi 49:10, muzukuru chibvi waAbrahama Judha akaudzwa, kuti: “Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, kana mudonzvo womubati pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro auya; ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera iye.” Nenzira yakajeka, uyu “Shiro” aizotonga—uye aizotonga kwete bedzi vaJudha asi “ndudzi.” (Enzanisa naDhanieri 7:13, 14.) Shiro akaziviswa naMesia navaJudha vakare; kutaura idi, mamwe amaTargum echiJudha akangotsiva chete shoko rokuti “Shiro” na“Mesia” kana kuti “mambo Mesia.”

Sezvo chiedza chouporofita hwakafuridzirwa chakapfuurira kujeka, zvakawanda zvakaziviswa pamusoro pokutonga kwouyu Mesia. (Zvirevo 4:18) Pana 2 Samueri 7:12-16, Mambo Dhavhidhi, muzukuru waJudha, akaudzwa kuti Mbeu yaizobva mumutsara wake. Kupfuurirazve, iyi Mbeu yaifanira kuva Mambo wechienzi. Chigaro chake choumambo, kana kuti utongi, chaizogara nokusingaperi! Isaya 9:6, 7 inotsigira iri pfundo: “Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana; umambo [“hurumende,” King James Version] huchava pafudzi rake; . . . Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokuhururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.”

Unogona kufungidzira here hurumende yakadaro? Mutongi akanaka, akarurama uyo anotanga rugare uye anotonga nokusingaperi. Kwakasiana zvikuru sei nenhevedzano inonzwisa tsitsi yenhau yavanamesia venhema! Akasiana zvikuru nomutungamiriri akanyengedzwa, akazvigadza, Mesia weBhaibheri mutongi wenyika ane simba rose nechiremera zviri madikanwa kuchinja migariro yenyika.

Iyi kariro ine revo zvikuru munguva dzedu dzinotambudza. Rudzi rwomunhu haruna kutongova mukuda tariro kwakadaro kwokupererwa nezano zvikuru zvakadai. Sezvo kuri nyore zvikuru kuomerera patariro dzenhema, kunyanguvezvo, kunokosha kuti mumwe nomumwe wedu aite fundo yokungwarira youyu mubvunzo: Ko Jesu weNazareta ndiye akanga ari Mesia akadeya kutaurwa sezvinodavira vazhinji kwazvo here? Nyaya inotevera icharangarira nhau yacho.

[Bhokisi riri papeji 6]

Mesia muBrooklyn Here?

Zviziviso zvakanyorwa, zvikwangwani, uye zviratidzo zvakajeka muIsraeri misi ichangobva kupfuura iyi zvakazivisa kuti “Gadzirirai kuuya kwaMesia.” Iyi nhimbe yokuzivisa yeZ$20 000 000 yakaitwa navaLubavitcher, sekete rinonyanyisa rinogamuchirwa ravaJudha vechiHasidic. Kune chitendero chakapararira zvikuru pakati peboka rine mitezo 250 000 chokuti rabhi wavo mukuru, Menachem Mendel Schneerson weBrooklyn, New York, ndiMesia. Neiko? Schneerson anodzidzisa kuti Mesia achauya muchizvarwa chino. Uye mukuwirirana nemagazini yeNewsweek, vakuru vakuru veLubavitcher vanotaura kuti rabhi ane makore 90 okukura haasati achizofa Mesia asati asvika. Kwamazana amakore sekete racho rakadzidzisa kuti chizvarwa chimwe nechimwe chinobereka anenge murume mumwe anokwanirisa kuva Mesia. Schneerson anoratidzika kuva murume akadaro kuvateveri vake, uye iye haana kugadza mutsivi. Zvisinei, vaJudha vazhinjisa havamugamuchiri saMesia, inodaro Newsweek. Mukuwirirana nepepanhau rinonzi Newsday, rabhi anokwikwidza ane makore 96 okukura Eliezer Schach akamudana kuti “mesia wenhema.”

[Mufananidzo uri papeji 7]

Chitendero chokuti Mosesi weKrete akanga ari mesia chakaparira vanhu vazhinji kurasikirwa noupenyu hwavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe