Apo Mumwe Munhu Anodana, Unopindura Here?
YAKATAURWA NASHINICHI TOHARA
NOKUDA kworutivi rwokutanga rwoupenyu hwangu, handina kudana kuna Mwari, uyewo handina kutsvaka nhungamiro inobva kwaari. Vanasekuru vangu vakanga vatama kubva kuJapan vachienda kuHawaii, uye vabereki vangu vakanga vari vaBuddha. Vakanga vasingashingairi zvikuru mukutenda kwavo, naizvozvo handina kufunga zvakawanda pamusoro paMwari sezvandaikura.
Ipapo ndakadzidza pamusoro pemhindumupindu ndokusvika pakufunga kuti hwaiva upenzi sei kudavira muna Mwari. Zvisinei, sezvo dzidzo yangu yakarongwa yakafambira mberi, makirasi esayenzi akandisuma kudzidzo yenyeredzi nenyika dzomuchadenga nokufamba kwazvo, dzidzo yezvinhu namaumbirwe azvo, uye dzidzo yezvinhu zvipenyu. Usiku ndaitarira mudenga ndokushamisika kuti nyeredzi dzose dzakavamo sei. Inzwi risina kusimba mukati mangu rakavamba kubvunza: ‘Kungagona kuva naMwari uyo ari kudzora zvinhu izvi zvose here?’ Ndakasvika pakunzwa kuti panofanira kuva noMumwe Munhu ari ikoko. Mwoyo wangu wakavamba kudana, ‘Ndiani ari uyu Mwari?’
Pashure pokupedza kudzidza pachikoro chapamusoro, ndakazviwana ndimene ndakaganhurirwa nebasa rangu samakanika panzvimbo inobikwa doro rechiJapan rinobikwa nomupunga, uye ndakanga ndisina nguva yokufungisisa pamubvunzo waMwari. Nokukurumidza ndakasangana naMasako, uyo akava mudzimai wangu muna 1937, uye pakupedzisira takakomborerwa navana vatatu. Masako akabvumikisa kuva shamwari yakatendeka namai vanoshanda zvakaoma sei!
Zvino zvandakanga ndava nemhuri, ndakafunga zvakakomba pamusoro penguva yedu yemberi. Zvakare ndakatanga kubuda kunze ndokutarira nyeredzi. Ndakapwiswa kuti kwakanga kuna Mwari. Ndakanga ndisingazivi kuti Mwari iyeyo akanga ari ani, asi ndakavamba kudana zvangu kwaari. Ndakakumbira ndakumbirazve, kuti: ‘Kana muri kunze ikoko pane imwe nzvimbo, ndapota betserai mhuri yangu kuwana nzira yokufamba nayo mumufarwa.’
Kudana Kwangu Kwakapindurwa Pakupedzisira
Takanga tave tichigara navabereki vangu chifo cheroorano yedu, asi muna 1941 takatanga kugara tiri toga muHilo, Hawaii. Pashure chaipo pokunge tagadzikana mumusha wedu mutsva, vaJapan vakadenha Pearl Harbor, pana December 7, 1941. Yakanga iri nguva yenyanduko, uye munhu ari wose akanga achinetseka pamusoro penguva yemberi.
Mwedzi mumwe pashure pedenho yePearl Harbor, ndakanga ndichiporicha motokari yangu apo mumwe murume akandisvika ndokundigovera bhuku rine musoro unoti Children. Iye akazvisuma amene saRalph Garoutte, mushumiri weZvapupu zvaJehovha. Handina kunzwisisa chaakanga achitaura, asi ndaifarira Mwari, naizvozvo ndakagamuchira bhuku racho. Vhiki rakatevera racho, Ralph akadzokera ndokundikarakadzira fundo yeBhaibheri yapamusha. Kunyange zvazvo ndakanga ndanzwa nezveBhaibheri, iyi yakanga iri nguva yokutanga ndakariona zvomenemene. Ndakabvuma fundo yeBhaibheri, uye mudzimai wangu nomunun’una wake vakakumbanira.
Zvokwadi yokuti Bhaibheri rakanga riri Shoko raMwari yakandiorora chaizvoizvo. (2 Timotio 3:16, 17) Kuti Jehovha akanga ane donzo kwakatova kunoshamisa zvikuru. Iye akanga ari Musiki wandakanga ndave ndichitsvaka! (Isaya 45:18) Takafadzwa kudzidza kuti Paradhiso yapakuvamba iyo yakanga yaraswa yakanga ichizodzorerwa chaipo pasi pano, uye taigona kuva rutivi rwayo. (Zvakazarurwa 21:1-4) Heino mhinduro kukudana kwangu kuna Mwari!
Takataura kumunhu upi noupi uye munhu ari wose pamusoro peidzi zvokwadi dzichangobva kuwanika. Vabereki vangu vakafunga kuti takanga tichipenga, asi ikoko hakuna kutiodza mwoyo. Pashure pemwedzi mitatu yefundo yakakomba yeBhaibheri, pana April 19, 1942, mudzimai wangu neni takabhapatidzwa muratidziro yetsauriro yedu kuna Mwari wedu, Jehovha. Munun’una waMasako Yoshi nomurume wake, Jerry, avo panguva iyeyo vakanga vakumbanira fundo yedu yeBhaibheri, vakabhapatidzwa nesu. Takanga tine zivo yakaganhurirwa bedzi yaMagwaro Matsvene, asi yakanga yakakwana kutisunda kuda kubatira Mwari.
Nehondo yenyika yechipiri yakanga ichiri kudya marasha, ndakafungidzira kuti mugumo wetsika ino wakanga wava pedyo zvikuru, uye mudzimai wangu neni takanzwa kudikanwa kwokunyevera vanhu nezvaikoku. VanaGaroutte vakanga vari muenzaniso wedu muna ikoku. Vose vari vaviri Ralph nomudzimai wake vakanga vachibatira samapiona, vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Ndakaenzanisa mugariro wedu nouyo waRalph. Iye akanga ane mudzimai navana vana. Ndakanga ndine mudzimai navana vatatu bedzi. Kana aigona kuzviita, ndinofanira kuva ndinokwanisa kuzviitawo. Naizvozvo mwedzi pashure porubhapatidzo rwedu, takakumbira basa roupiona.
Kunyange pamberi pokugamuchirwa sapiona, ndakatengesa zvinhu zvose zvakanga zvisiri madikanwa, kubatanidza gitare rangu rakagadzirwa nesimbi, saxophone, uye violin. Ndakanga ndave ndiri anoda nziyo zvikuru, asi ndakatengesa chinhu chiri chose kunze kweharmonica yangu duku. Uyezve, basa rangu munzvimbo inobikwa doro rechiJapan rinobikwa nomupunga rakanga richisirizve kuratidzika kuva rinokwezva. (VaFiripi 3:8) Ndakagadzira turera ndokumirira kuti ndione kana Jehovha aizopindura zvikumbiro zvangu zvokushandiswa. Ndaisafanira kumirira kwenguva refu. Takagamuchirwa samapiona kuvambira pana June 1, 1942. Takapinda zvakananga mukubatira Jehovha nguva yakazara uye hatina kutongodemba chisarudzo ichocho.
Kupayona muHawaii
Pamwe chete navanaGaroutte, takafukidza Hawaii, Big Island, kubatanidza Kona, nzvimbo yakakurumbira yekofi, uye Kau. Mumazuva iwayo takashanda negiramufomu. Yakanga ichirema zvikuru, asi takanga tichiri vaduku uye takasimba. Nokudaro, negiramufomu muruoko rumwe uye bhegi ramabhuku muno rumwe, takatevera tunzira twupi notwupi tungatitungamirira kuvanhu vaizoteerera muminda yekofi, minda yemiti, uye nzvimbo iri yose zvayo. Ipapo, pashure pokufukidza chitsuwa chose, takagoverwa kuKohala paBig Island. Kohala wakanga uri munda muduku unorimwa nzimbe, waigarwa navaCaucasus, vaFilipino, vaChina, vaHawaii, vaJapan, uye maPutukezi. Boka rimwe nerimwe rakanga rine tsika dzaro rimene, mifungo, zvishuvo, uye marudzidziso.
Apo ndakangovamba kupayona, handina kutongotorazve basa rokunyika. Kwenguva yakati takararama nemari yandakanga ndachengeta, uye sezvo kudikanwa kwakamuka, ndakaenda kundoredza nemapfumo. Nenzira inoshamisa, nguva dzose ndaiuya kumusha nehove. Taitanha mirivo yomusango nemiti yaikura murutivi rwenzira, uye izvozvo zvainatsa ndiro dzedu panguva yezvokudya zvamanheru. Ndakagadzira hovhoni negaba remarata, uye Masako akadzidza kubika chingwa. Chakanga chiri chingwa chakanakisisa chandakanga ndisati ndambodya.
Apo takaenda kuHonolulu nokuda kwekokorodzano yechiKristu muna 1943, Donald Haslett, uyo panguva iyeyo akanga ari mutariri webazu muHawaii, akatikoka kutamira ikoko ndokugara mufurati duku yakavakwa pamusoro pegaraji reWatch Tower Society. Ndakagoverwa somurindiri wezvivako zvebazu uye ndakafarikanya makore mashanu akatevera okupayona ndichibva ipapo.
Kudanwa Kusingakarirwi
Muna 1943 takanzwa kuti Sosaiti yakanga yavamba chikoro chokurovedza vafundisi nokuda kwebasa rokumwe. Taizodai takada sei kupinda! Mhuri dzine vana hadzina kukokwa, kunyanguvezvo, naizvozvo hatina kukufungazve. Zvisinei, muna 1947, Hama Haslett vakatiudza kuti Sosaiti yaida kuziva kana pakanga pane vaHawaii vapi navapi vaidisa kutora basa rokumwe muJapan. Ivo vakatibvunza chataifunga, uye kufanana naIsaya, ndakati: “Nditumei.” (Isaya 6:8) Mudzimai wangu akanzwa nenzira imwe cheteyo. Takanga tisina zenguriro pamusoro pokupindura kudana kwaJehovha.
Naizvozvo takakokwa kupinda Watchtower Bible School of Gilead kuzorovedzwa savafundisi. Kokero yacho yakabatanidza vana vedu vaduku vatatu. Vamwe vashanu, Donald naMabel Haslett, Jerry naYoshi Toma, uye Elsie Tanigawa, vakakokwawo, uye pamwe chete takaenda kuNew York munguva yechando ya 1948.
Takagura chitsuwa chacho nebhazi. Pashure pamazuva matatu tiri mubhazi, tose zvedu takanga taneta, uye Hama Haslett vakakarakadza kuti tizorore ndokugara muimwe hotera usiku. Apo takadzika mubhazi, mumwe murume akatisvika ndokudanidzira, kuti: “MaJap! Ndiri kuenda kumusha kundotora pfuti yangu kuti ndiapfure!”
“Haasi maJapani,” vakadaro Hama Haslett. “VaHawaii. Haugoni kuziva musiano here?” Takaponeswa netsinhiro yavo yokukurumidza yokuchenjera.
Takanga tiri chaizvoizvo rutivi rwekirasi yechi 11 yeGilead here? Kwairatidzika kuva kurota kunoshamisa. Zvomene yako, kunyanguvezvo, yakakurumidza kuva pachena. Mukirasi yedu, vadzidzi 25 vakanga vasarudzwa napurezidhendi wapanguva iyeyo weWatch Tower Society, Nathan H. Knorr, kuzorovedzwa nokuda kwebasa rinobvira roufundisi muJapan. Sezvo ndakanga ndiri worudzi rwechiJapan uye ndaitaura chiJapan chakati, ndakagoverwa kuzodzidzisa mutauro wacho kuiri boka ravadzidzi. Sezvo ndakanga ndisinganyatsogoni mutauro wacho, ikoku kwakanga kusiri nyore; asi nenzira yakati tose takapukunyuka!
Panguva iyoyo mwanakomana wedu, Loy, akanga ava namakore gumi okukura, uye vanasikana vedu, Thelma naSally, vakanga vane masere uye matanhatu. Apo takanga tiri muchikoro, chii chaiitika kwavari? Vaiendawo kuchikoro! Bhazi raivatakura mumangwanani ndokuvadzosa kumusha gare gare muzuva racho. Apo vana vaisvika kumusha kubva kuchikoro, Loy aishanda nehama papurazi reSosaiti, uye Thelma naSally vaishanda muimba yokugezera zvipfeko vachipeta hengechepfu.
Kukodzeranisa Ndangariro Kuna Vasingazivikanwi
Apo takapedza kufunda paGilead pana August 1, 1948, takanga tichidisa kusvika kumugove wedu. Hama Haslett vakaenda pamberi pedu kundotsvaka nzvimbo yokuti vafundisi vagare. Pakupedzisira, vakawana imba ine nhurikidzwa mbiri muTokyo, uye pana August 20, 1949, mhuri yedu yakaenda kumusha wedu womunguva yemberi.
Ndisati ndasvika muJapan, kazhinji kazhinji ndaifunga pamusoro peiyi nyika yokuMabvazuva. Ndakarangarira kuvimbika kwavanhu vechiJapan kumadzishe avo ohunhu nokuna mambo. VaJapan vazhinji vakarasikirwa noupenyu hwavo nokuda kwaava vatongi vohunhu. Mukati mehondo yenyika yechipiri, vachairi vendege dzechiJapan dzinotakura zvinoputika vakafira mambo kupfurikidza nokunangidzira ndege dzavo panobuda napo utsi hwengarava pangarava dzehondo dzavavengi dzehondo. Ndinoyeuka ndichifunga kuti kana vanhu vechiJapan vakatendeka kwazvo kumadzishe ohunhu, vaizoitei kana vakawana Ishe wechokwadi, Jehovha?
Apo takasvika muJapan, makanga muna vafundisi vanomwe bedzi navaparidzi vashomanene munyika yose. Tose zvedu takatanga kushanda, uye ndakaedza kuvandudza zivo yangu yomutauro uye ndakakwanisa kutanga fundo dzeBhaibheri navazhinji vakanga vachidana kuna Mwari mumwoyo yavo. Chiverengero chakati chavadzidzi vokutanga ivavo veBhaibheri chakapfuurira chakatendeka kuburukira kuzuva rino.
Basa Roufundisi Navana Vedu
Taigona sei kukwanisa basa roufundisi navana vaduku vatatu vokutarisira? Eya, Jehovha akanga ari simba riri seri kwaikoko kwose. Taidzorerwa mari duku neSosaiti, uye Masako aigadzira zvipfeko nokuda kwavana. Mukuwedzera taiva nebetsero yakati kubva kuvabereki vangu.
Pashure pokunge apedza kufunda pachikoro chapamusoro chavaduku, Loy akabatira pabazu reJapan reWatch Tower Bible and Tract Society kwechinguvana. Zvisinei, nemhaka yezvinetso zvoutano, iye akasarudza kudzokera kuHawaii nokuda kwokurapwa. Iye nomudzimai wake zvino vari kubatira Jehovha nokutendeka muCalifornia. Roorano yake yakaguma nokukomborerwa kwedu navazukuru vana vakavimbika. Vose zvavo vakabhapatidzwa, uye mumwe, pamwe chete nomudzimai wake, ari kubatira paBheteri yeBrooklyn, dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha.
Vanasikana vangu, Thelma naSally, vakagadzwa savafundisi pavakakura. Thelma panguva ino ari kubatira somufundisi muguta reToyama. Sally akaroorwa neimwe hama mufundisi, Ron Trost, uye vave vachibatira muJapan savafundisi mubasa rokufambira kwaanopfuura makore 25.
Kubva kuChamhembe Kuenda kuMaodzanyemba
Pashure pokupedza makore maviri tiri muTokyo, takatumirwa kuOsaka kwamakore maviri. Mugove wedu wakatevera wakatiendesa kuchamhembe kuSendai, uko takabatira kwamakore matanhatu. Makore iwayo muSendai akatikodzeresa nokuda kwemigove pachitsuwa chokuchamhembe zvikurusa cheJapan, Hokkaido. Makanga muri muHokkaido umo vanasikana vedu vakagoverwa savafundisi. Makanga muri imomowo umo taifanira kurovedzana netembiricha dzenguva yechando idzo pane dzimwe nguva dzaidzika kupfuura zero. Pashure peHawaii inopisa yakava chinjo zvikuru!
Ipapo, rimwe zuva ndakanzwa kudana kutsva munzeve dzangu muchimiro chetsamba yakabva kuSosaiti. Yakandikumbira kuzarura hofisi yebazu muOkinawa, iyo yakanga ichiri muudzori hweU.S. Kutama kubva kumugumo unotonhora wokuchamhembe kweJapan kuenda kuiyo zvino yava nzvimbo inogara vakuru vakuru kumaodzanyemba zvikurusa kweJapan kwaizopa denho huru. Chii chandaizoita? Kunyange zvazvo ndainzwa ndichiperevedza, ndakasvika muOkinawa muna November 1965, ndichiperekedzwa senguva dzose nomudzimai wangu akatendeka. Upenyu muOkinawa hwaizova humwe chetehwo soupenyu muJapan here? Zvakadiniko nezvetsika? Vanhu vaizogamuchira shoko raJehovha roruponeso here?
Apo takasvika, kwakanga kune vaparidzi vasingasviki 200 muOkinawa. Zvino mune vanopfuura 2 000. Mumazuva apakuvamba, ndakanga ndiri mutariri wedunhu wenguva isina kuzara uye mutariri webazu wenguva isina kuzara. Kufamba muzvitsuwa zvose kwakandibetsera kuvaka ukama hwapedyo nehama ikoko, uye ndinokurangarira kuva ropafadzo kuva ndakadzibatira.
Risina Zvinetso Here?
Basa redu roufundisi rakanga risiri risitongorina zvinetso. Patakanga tiri pazororo muUnited States muna 1968, Masako akarwara uye aitofanira kuvhiyiwa. Akabviswa bundu muura hwake uye ipapo akanaya zvinoshamisa. Takanga tisina inishuwarenzi yokurapwa, uye tainetseka kuti zvichida taisazokwanisa kudzokera kumugove wedu. Kukushamisika kwedu kukuru, zvisinei, shamwari mukutenda dzakatarisira chinhu chiri chose.
Pamusoro pangu ndimene, zvino ndiri kugara nezvinetso zvavose vane chirwere cheshuga. Kunyange zvazvo ndisiri bofu, chiono changu chakashatiswa zvakakomba. Asi kupfurikidza nomutsa worudo waJehovha, ndinokwanisa kupinza zvokudya zvomudzimu zvenguva dzose kupfurikidza nokuteerera matepi akarekodhwa eNharireyomurindi naMukai! Hama nehanzvadzi mukutenda dzinobetserawo kupfurikidza nokundiravira mashoko akasiana-siana.
Ndaigona sei kupfuurira kupa hurukuro dzavose nechiono changu chakashatiswa? Pakutanga ndaitepa hurukuro dzangu ndokuita kuti dziridzwe mugudzanzwi apo ndaijangarika. Zvisinei, pachikarakadzo chomwanasikana wangu, ndakavandudza pana ikoku. Zvino ndinorekodha hurukuro dzangu netepirekodha duku ndokudzipa ndichiteerera namaearphone hurukuro yangu yakarekodhwa kare.
Panguva ipi neipi taitarisana nezvinetso chaizvoizvo, hatina kutongokundikana kudana pana Jehovha. Pakupedzisira, zvikomborero zvakabva mukupedza kwaJehovha zvinetso zvairatidzika nguva dzose kuva zvikuru kupfuura zvinetso izvo zvimene zvakanga zvaratidzika kuva. Kupfuurira mubasa rake ndiko nzira bedzi yokuratidza nayo kuonga kwedu.
Pashure pamakore 23 tiri muOkinawa, takagoverwawo kunzvimbo imwe cheteyo yapasi umo takanga tabatira patakatanga kupinda muJapan. Hofisi huru yeSosaiti nomusha wayo mukurusa wavafundisi zviri panzvimbo yapakuvamba yechivako chiya chenhurikidzwa mbiri muTokyo, chakatengwa naHama Haslett makore mazhinji kwazvo akapfuura.
Kunze kwaMasako neni, 11 vehama dzedu dzokunyama zvino vari kubatira savafundisi muJapan. Vose vanokurangarira kuva ropafadzo huru kuva vakaona wedzero iyo Jehovha akaunza kuiyi nyika yetsika dzechiBuddha zvikuru nedzechiShinto. Basa muJapan rakanga rine mavambo maduku, asi simba raJehovha rakaumba “rudzi” rwavaparidzi vanopfuura 167 000 vamashoko akanaka.—Isaya 60:22.
Apo ndakadana kuna Mwari, akandipindura. Apo akandikoka, ndakapindura zvakananga. Mudzimai wangu neni tinonzwa kuti takaita bedzi zvataifanira kuva takaita. Zvakadiniko newe? Apo Musiki wako anodana, unopindura here?
[Mufananidzo uri papeji 28]
VanaTohara navamwe veboka ravo ramapiona muHawaii, 1942
[Mufananidzo uri papeji 29]
Vana vavanaTohara paGilead muna 1948
[Mufananidzo uri papeji 31]
Vachifara kuti vakapindura kudana, Shinichi naMasako Tohara vakapedza makore 43 mubasa roufundisi