Vakuru—Gadziridzai Vamwe Nomudzimu Wounyoro
MWOYO womuKristu wechokwadi ungafananidzwa nebindu romudzimu rinobereka chibereko chakaisvonaka. Rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora zvaizokura imomo nguva dzose. Uye zvokona nei? Pashure pokurangarira zvose, izvi ndizvo zvibereko zvomudzimu mutsvene unopiwa naJehovha Mwari kuvabatiri vake vakazvitsaurira. (VaGaratia 5:22, 23) Bva, muKristu ari wose anoshuva kuchengeta bindu romwoyo wake senzvimbo inofadza kuna Baba vake vokudenga anofanira kurwa hondo yakasimba, inopfuurira mukurwisana namasora echivi chakagarwa nhaka.—VaRoma 5:5, 12.
Panhambo nenhambo, chimwe chinhu chisingadikanwi chinovamba kukura mumwoyo usina kukwana womunhu woumwari. Iye angave akava nechinyorwa chomudzimu chakaisvonaka. Asi ipapo panomuka chinetso chakati, sezvinobvira chakadzikwa musonganiro dzisina kunaka kana kuti chisarudzo chokusachenjera. Vakuru veungano vanogona sei kubetsera munhu akadaro mumudzimu?
Zano Ravaapostora
Mukubetsera muKristu akaita mhosho, vakuru vanofanira kutevera zano romuapostora Pauro: “Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, [imi mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro, NW]; uchizvichenjera iwe, kuti urege kuidzwawo.” (VaGaratia 6:1) Apo mutendi biyako anenge “abatwa pane kumwe kudarika,” vakuru vane mutoro wokupa rubatsiro nokukurumidza sezvinobvira.
Pauro anonongedzera ku“munhu” saanoita nhano yakaipa. Zvisinei, shoko rechiGiriki (anʹthro·pos) rakashandiswa pano rinogona kushanda kumurume kana kuti zvimwe kumukadzi. Uye zvinorevei ku“gadziridza” mumwe munhu? Iri shoko rechiGiriki (ka·tar·tiʹzo) rinoreva ku“pinza mumutsara wakafanira.” Shoko rimwe chetero rinoshandiswa nokuda kwokugadzira rutava. (Mateo 4:21) Rinoshandawo kukugadzira ruoko kana kuti gumbo rakatyoka romunhu. Chiremba anoita ikoku nokungwarira kuti adzivise kuparira murwere wake marwadzo asakafanira. Nenzira yakafanana, kubetsera hama kana kuti hanzvadzi kupinda mumutsara womudzimu wakafanira kunoda ngwariro, kungwarira pakutaura, uye ngoni.
Vakuru vanopa ufakazi hwoumudzimu hwavo vamene kupfurikidza nokuratidzira mudzimu wounyoro pakuedza kugadziridza mumwe munhu. Zvirokwazvo, Jesu munyoro aibata nhau dzakadaro nounyoro. (Mateo 11:29) Vakuru vanofanira kuratidzira iri vara kumubatiri waJehovha uyo akaita nhano yakaipa nemhaka yokuti ivo vamene havasati vari vasingabatwi muchivi, mukupesana nevavariro dzomwoyo wavo. Ikoku kungaitika munguva yemberi kana kusina kutoitika munguva yakapfuura.
Ava varume vakakwaniriswa mumudzimu vanofanira ‘kutakura mitoro’ nenzira yorudo yavanamati biyavo. Zvamazvirokwazvo, vakuru vanorangarira mumwoyo yavo kubetsera hama kana kuti hanzvadzi kurwisana naSatani, miedzo, utera hwenyama, uye marwadzo echivi. Ikoku zvamazvirokwazvo inzira imwe vatariri vechiKristu vano“zadzika mutemo waKristu” nayo.—VaGaratia 6:2, NW.
Varume vane zvikwaniriso zvomudzimu zvechokwadi vanozvininipisa, vachiziva kuti “kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera iye.” (VaGaratia 6:3) Hazvinei hazvo nokuti vakuru vanoedza zvakaoma sei kuita chiri chakarurama nechinobetsera, ivo vachangokundikana kusvika pakuenzana noMwanakomana akakwana naanonzwira tsitsi nenzira yorudo waMwari, Jesu Kristu. Asi ichocho hachisi chikonzero chokuti vasaite unani hwavo zvikuru.
Vakuru vanoziva kuti kwaizova kwakaipa kushurikidza mutendi biyavo nomutoo wokuzvitutumadza, wokuzvitsvenesa! Jesu zvirokwazvo haasati aizoita izvozvo. Chokwadi, iye akavanzarika upenyu hwake kwete bedzi nokuda kweshamwari dzake asi kunyange nokuda kwavavengi vake! Vakuru vanoedza kuratidzira rudo rwakafanana pakuedza kubetsera hama kana kuti hanzvadzi kubuda muchitambudzo ndokuvasvitsa pedyo zvikuru naBaba wavo wokudenga nemipimo yake yakarurama. Ndedzipi dziri dzimwe nhano dzichabetsera vakuru kugadziridza vanamati biyavo?
Nhano Dzinobetsera
Nenzira yokunyengetera vimbai naJehovha pamunenge muchitaura nokuita nenzira younyoro. Jesu akanga ari munyoro, ainyengetera nokudisa kuna Baba vake vokudenga nokuda kwenhungamiro, uye nguva dzose aiita zvinhu zvinofadza kwaAri. (Mateo 21:5; Johane 8:29) Vakuru havafaniri kuita zvishomanene pakuedza kugadziridza mumwe munhu aita nhano yakaipa. Somufudzi muduku munyoro, mukuru achava anokurudzira naanovaka mukutaura, asingatyisidziri. Mukati mekurukurirano, iye achaedza kuparira mugariro umo muKristu anoda betsero achanzwa akasununguka sezvinobvira mukutaura mifungo yake. Nedonzo iroro, munyengetero wokuzarura womwoyo wose uchava webetsero huru. Munhu anogamuchira zano rinopiwa nounyoro achazarura mwoyo wake nokudisa zvikuru kwariri kana achiziva kuti, kufanana naJesu, mupi wezano anoda kuita zvinhu zvinofadza kuna Mwari. Munyengetero wokugumisa sezvingabvira uchaorora munhu wacho nokudikanwa kwokushandisa zano raapiwa nomutoo wakadaro une rudo, munyoro.
Pashure pomunyengetero, ipa rumbidzo yapachokwadi. Ingave ine chokuita namavara akaisvonaka omunhu wacho, akadai somutsa, kuvimbika kana kuti shingairo. Nongedzero ingaitwa kuchinyorwa chake chebasa rokutendeka kuna Jehovha, zvichida munhambo yamakore akawanda. Neiyi nzira, tinoratidza kuti tinoitira hanya uye tine kosheso yakafanana neyaKristu yomunhu wacho. Jesu akavamba shoko rake kuungano yeTiatira nerumbidzo, achiti: “Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, uye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuura okutanga.” (Zvakazarurwa 2:19) Mashoko iwayo akavimbisa mitezo yeungano yacho kuti Jesu aiziva nezvebasa rakaisvonaka iro vakanga vachiita. Kunyange zvazvo ungano yacho yaiva nezvikanganiso zvayo—pesvedzero ya“Jesabheri” yakanga ichishivirirwa—yakanga ichiita zvakanaka mumamwe mativi, uye Jesu aida kuti hama idzodzo nehanzvadzi vazive kuti mubato wavo wokushingaira wakanga usiri usina kucherechedzwa. (Zvakazarurwa 2:20) Nomutoo wakafanana vakuru vanofanira kupa rumbidzo apo yakafanira.
Usabata nhano yakaipa zvakakomba zvikuru kupfuura zvinoda migariro. Vakuru vanofanira kudzivirira boka raMwari ndokuchengeta sangano rake rakachena. Asi dzimwe nhano dzakaipa dzomudzimu idzo dzinoda zano rakasimba dzinogona kubatwa nechisarudzo chomukuru mumwe kana kuti vaviri pasina kutonga. Muzvinoitika zvakawanda, utera hwomunhu panzvimbo pouipi hwamaune hunosimbisa nhano yakaipa yomuKristu. Vakuru vanofanira kubata boka nounyoro ndokuyeuka izvi: “Kutonga hakungavi nengoni kuno usino kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.” (Jakobho 2:13; Mabasa 20:28-30) Panzvimbo pokukudza zvinhu, ipapoka, vakuru vanofanira kubata navatendi biyavo vanonzwa urombo nomutoo wounyoro, kufanana naMwari wedu anonzwira tsitsi neane ngoni, Jehovha.—VaEfeso 4:32.
Ratidza kunzwisiswa kwezvinhu zvingave zvakatungamirira kunhano yakaipa. Vakuru vanofanira kusanoteerera sezvo mutendi biyavo anotaura norusununguko zviri mumwoyo make. Sezvo ‘Mwari asingashori mwoyo wakapunzika nowakapwanyika,’ ivo havafaniri kudarowo. (Pisarema 51:17) Zvichida kushaikwa kwetsigiro yemirangariro yomukwanyina weroorano ndiko mavambo echinetso chacho. Kuora mwoyo kwakakomba nokwenguva refu kungave kwakapedza rimwe resimba remirangariro rinowanzova rakasimba romunhu wacho kana kuti kungave kwakakuita kwakaoma zvikuru kuita zvisarudzo zvokuchenjera. Vakuru vane rudo vacharangarira zvinhu zvakadaro, nokuti kunyange zvazvo Pauro akaraira hama dzake ku“raira vasina nhevedzano,” iye akakurudzirawo, kuti: “Taurai nenzira inonyaradza kumweya yakaora mwoyo, tsigirai vakaneta, ivai nomwoyo murefu kuna vose.” (1 VaTesaronika 5:14, NW) Nepo vakuru vasingafaniri kunetesa simba remipimo yakarurama yaMwari, ivo vanofanira kurangarira zvinopembedza, kunyange sezvinoita Mwari.—Pisarema 103:10-14; 130:3.
Dzivisa kunetesa kuzviremekedza kwomuKristu biyako. Hatitongodi kubira hama ipi neipi kana kuti hanzvadzi chiremera kana kuti kupa murangariro wokuti iye haana maturo. Panzvimbo pezvo, vimbiso dzokuti tine chivimbo mumavara echiKristu omunhu wacho norudo nokuda kwaMwari zvichabatira sekurudziro yokururamisa chikanganiso. Sezvingabvira, vaKorinte vakakurudzirwa kuva norupo apo Pauro akavaudza kuti akanga aganza kuvamwe pamusoro po“kudisa kwavo kwendangariro” ne“shingairo” muna ikoku.—2 VaKorinte 9:1-3, NW.
Ratidza kuti chinetso chacho chinogona kukurirwa nokuvimba naJehovha. Hungu, edza zvapachokwadi kubetsera munhu wacho kuona kuti kuvimba naMwari nokushandisa zano reShoko Rake kuchabetsera kuparira gadziridzo inodikanwa. Nedonzo iroro, kutaura kwedu kunofanira kuvakirwa paMagwaro napazvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri. Nharidzano yedu yakapetwa ruviri: (1) kubetsera munhu anoda rubatsiro kuona ndokunzwisisa murangariro waJehovha uye (2) kuratidza munhu wacho kuti iye kusvika patambanuko yakati akafuratira sei kana kuti kukundikana kutevera idzi nhungamiro dzoumwari.
Batanidza zano rapaMagwaro nemibvunzo yomutsa kunyange zvazvo yakananga. Ikoku kunogona kuva kunobudirira zvikuru mukusvika mwoyo. Kupfurikidza nomuporofita wake Maraki, Jehovha akashandisa mubvunzo kuita kuti vanhu Vake vanzwisise kuti vakanga vatsauka sei. “Ko munhu ungabira Mwari here?” iye akabvunza kudaro, achiwedzera, kuti: “Kunyange zvakadaro munondibira.” (Maraki 3:8) Kundikano yaIsraeri kupa rutivi rwechigumi rwezvirimwa zvavo sezvaidiwa noMutemo waMosesi yakanga yakaenzana nokubira Jehovha. Kuti varuramise uyu mugariro, vaIsraeri vaidikanirwa kuzadzika misengwa yavo kukunamata kwechokwadi nokutenda kwokuti Jehovha aizovakomborera zvikuru. Kupfurikidza nemibvunzo inonyandura mufungo neyokurangarira, vakuru vanogonawo kusimbisa kuti kuita chinhu chakarurama nhasi kunobatanidza kuvimba naBaba vedu vokudenga nokuvateerera. (Maraki 3:10) Kuendesa mufungo iwoyo kumwoyo kuchaita zvakawanda zvikuru mukubetsera hama yedu kuita ‘nzira dzakarurama nokuda kwetsoka dzake.’—VaHebheru 12:13.
Simbisa betsero dzokugamuchira zano. Zano rinobudirira rinobatanidza zvose zviri zviviri pangiro pamusoro pemiuyo yokuronda nzira yakaipa nezviyeuchidzo zvebetsero dzinowanwa mukururamisa zvinhu. Pashure penyevero yakakodzera nguva, Jesu akavimbisa avo veungano yaisakendenga mumudzimu yaiva paRaodhikia kuti kana vakapfidza yaichimbova nzira yavo ndokuva vadzidzi vanoshingaira, ivo vaizofarikanya maropafadzo akatanhamara, kubatanidza kariro yokutonga naye mumatenga.—Zvakazarurwa 3:14-21.
Ratidza fariro mukuti zano riri kuteererwa here. Sezvo chiremba akanaka achinzvera panguva nenguva kuona kana pfupa raakagadzira richiri rakaiswa zvakafanira, naizvozvo vakuru vanofanira kuedza kuziva kana zano rapaMagwaro riri kushandiswa. Ivo vangazvibvunza vamene, kuti: Imwe betsero inodikanwa here? Zano racho rinofanira kudzokororwa here, zvichida neimwe nzira? Jesu aifanira kupa apazve zano vadzidzi vake padikanwo yokuzvininipisa. Kwenhambo huru yenguva, iye akatsvaka nenzira yokushivirira kugadziridza kufunga kwavo kupfurikidza nezano, mienzanisiro, uye zvidzidzo zvomuenzanisiro. (Mateo 20:20-28; Marko 9:33-37; Ruka 22:24-27; Johane 13:5-17) Nenzira yokuenzanisa, vakuru vanogona kubetsera kuvimbisa gadziridzwo yakakwana yehama kana kuti hanzvadzi kupfurikidza nokuronga kurukurirano dzokuwedzera dzapaMagwaro dzakarongedzerwa kusimudzira fambiro mberi yomunhu wacho kusvikira kuutano hwakazara hwomudzimu.
Ipa rumbidzo nokuda kwevandudziko ipi neipi yakaitwa. Kana munhu akaita nhano yakaipa ari kuedza zvapachokwadi kushandisa zano rapaMagwaro, murumbidze noushamwari. Ikoku kuchasimbisa zano rapakuvamba uye sezvingabvira kukurudzira imwe vandudziko. Mutsamba yokutanga yaPauro kuvaKorinte, akasundwa kuvapa zano rakasimba panhau dzinoverengeka. Nokukurumidza pashure pokunge Tito azivisa muapostora wacho nezvokugamuchira kwakaisvonaka tsamba yake, Pauro akanyora kuvarumbidza. “Zvino, handifari,” iye akadaro, “kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendeuka; nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari.”—2 VaKorinte 7:9.
Chisakiso Chokufara
Hungu, Pauro akafara apo akanzwa kuti zano rake rakanga rabetsera vaKorinte. Nenzira yakafanana, vakuru vomuzuva razvino vanova nomufaro mukuru apo munamati biyavo anonaya munhano yakaipa nemhaka yokugamuchira zvakanaka rubatsiro rwavo rworudo. Ivo vanogona zvamazvirokwazvo kuwana mufarwa mukubetsera muKristu anonzwa urombo kudzura masora echivi mumwoyo make kuitira kuti chibereko choumwari chigogona kukura imomo chakawanda.
Kana vakuru vakabudirira mukugadziridza munhu akaita nhano yakaipa, iye angadzorerwa achibva munzira yaizova ine ngwavaira chose chose mumudzimu. (Enzanisa naJakobho 5:19, 20.) Nokuda kworubatsiro rwakadaro, mugamuchiri webetsero anofanira kuratidza kuonga kuna Jehovha Mwari. Mashoko okuonga kwechokwadi nokuda kwebetsero yorudo, tsitsi, uye nzwisiso yavakuru aizovawo akafanira. Uye apo kunaya kwomudzimu kunenge kwakwana, vose avo vanobatanidzwa vanogona kufara kuti gadziridzo yakaparirwa nomudzimu wounyoro.