RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 September pp. 2-7
  • “Shevedza Vakuru”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Shevedza Vakuru”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • TINOFANIRA ‘KUSHEVEDZA VAKURU’ KANA ZVAITA SEI?
  • NEI TICHIFANIRA KUSHEVEDZA VAKURU?
  • VAKURU VANOTIBATSIRA SEI?
  • ZVATINOFANIRAWO KUITA
  • Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Hama​—⁠Mune Chinangwa Chekuva Vakuru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Vafudzi Vanoshanda Nesimba Kuti Vabatsire Vanhu vaJehovha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 September pp. 2-7

NYAYA YEKUDZIDZA 36

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

“Shevedza Vakuru”

“Ngaashevedze vakuru veungano.”—JAK. 5:14.

ZVATICHADZIDZA

Tichakurukura kuti nei zvichikosha kuti tiende kuvakuru patinenge tichida kubatsirwa.

1. Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda makwai ake uye anoakoshesa?

JEHOVHA anoda makwai ake uye anoakoshesa. Akaatenga neropa raJesu uye akaita kuti muungano muve nevakuru vanoachengeta. (Mab. 20:28) Anoda kuti makwai ake abatwe zvakanaka. Vakuru veungano vanoteerera zvavanoudzwa naJesu, uye vanobatsira makwai kuti arambe ari pedyo naJehovha.—Isa. 32:​1, 2.

2. Ndivanaani vanotaurwa pana Ezekieri 34:​15, 16 vanonyanya kuda kubatsirwa naJehovha?

2 Jehovha anoziva kuti makwai ake ese anoda kubatsirwa, asi anenge achirwara ndiwo anoda kunyanya kubatsirwa. Saka anoshandisa vakuru kuti abatsire makwai anenge achirwara. (Verenga Ezekieri 34:​15, 16.) Asi Jehovha haadi kuti tirambe takanyarara patinenge tichiona kuti tinoda kubatsirwa. Panguva dzakadaro, haisi nyaya yekungoti kana tikanyengetera kuti Mwari atibatsire tobva tafunga kuti tapedza, asi tinofanira kuzotsvaga rubatsiro kubva ‘kuvafudzi uye vadzidzisi’ vari muungano.—VaEf. 4:​11, 12.

3. Kuziva mashandiro anoita vakuru kungatibatsira sei tese zvedu?

3 Munyaya ino, tichakurukura nezvekuti Mwari anoshandisa sei vakuru kuti vatibatsire pane zvekunamata. Tichapindura mibvunzo yekuti: Tinofanira kushevedza vakuru kuti vatibatsire kana zvaita sei? Nei tichifanira kuvashevedza? Vakuru vanotibatsira sei? Tinogona kunge tisiri kurwara pane zvekunamata iye zvino, asi kuziva mhinduro dzemibvunzo iyoyo kunotibatsira kuziva mashandisiro ari kuita Mwari vakuru kuti vatibatsire uye ruzivo irworwo rwunogona kuzotibatsira rimwe zuva.

TINOFANIRA ‘KUSHEVEDZA VAKURU’ KANA ZVAITA SEI?

4. Nei tichiti Jakobho 5:​14-16, 19, 20 iri kutaura nezvemunhu anenge achirwara pane zvekunamata? (Onawo mifananidzo.)

4 Mudzidzi Jakobho paaitaura nezvekuronga kwakaita Mwari kuti vakuru vari muungano vabatsire vanenge varwara pane zvekunamata akatanga nekubvunza kuti: “Pakati penyu pane anorwara here? Ngaashevedze vakuru veungano.” (Verenga Jakobho 5:​14-16, 19, 20.) Kana tikatarisa nyaya yacho yese tinoona kuti Jakobho aitaura nezvekurwara pane zvekunamata. Tinodaro nekuti Jakobho ari kuudza munhu iyeye ari kurwara kuti ashevedze vakuru veungano kuti vamubatsire, kwete chiremba. Uyewo Jakobho akati munhu iyeye anofanira kuregererwa zvivi zvake kuti apore. Asi zvinofanira kuitwa nemunhu asiri kunzwa zvakanaka kuti apore zvakada kufanana nezvinofanira kuitwa nemunhu anenge achirwara pane zvekunamata. Kana tisiri kunzwa zvakanaka, tinoenda kunoona chiremba tomuudza manzwiro atinenge tichiita tobva tatevedzera zvaanenge atiudza. Nesuwo, kana tikarwara pane zvekunamata, tinofanira kuenda kuvakuru, tovaudza nyaya yedu, tobva tatevedzera mazano avanenge vatipa ari muMagwaro.

Mifananidzo: 1. Mumwe murume ari kutsanangurira chiremba kurwadziwa kwaanoitwa nebendekete rake. 2. Imwe hama iri kuudza mukuru zvakaitika vakagara pabhenji panze.

Kana tisiri kunzwa zvakanaka, tinoenda kunoona chiremba; kana tiri kurwara pane zvekunamata, tinofanira kutaura nevakuru (Ona ndima 4)


5. Tingaziva sei kuti ushamwari hwedu naJehovha hausisina kunyatsosimba?

5 Muna Jakobho chitsauko 5, Jakobho anotikurudzira kuti titaure nevakuru chero patinonzwa kuti tiri kuda kubatsirwa kuti tisimbezve pakunamata. Zvakanyanya kunaka kuti tikumbire vakuru kuti vatibatsire, tisati tatomboita chero chii zvacho chinokanganisa ushamwari hwedu naMwari! Magwaro anotiyambira kuti kana tikasangwarira tinogona kufunga kuti ushamwari hwedu naJehovha huchakasimba asi ihwo husisina. Saka tinofanira kunyatsozviongorora tisingazvinyengeri. (Jak. 1:22) Vamwe vaKristu vemuSadhisi vakatombozvinyengera vachifunga kuti ushamwari hwavo naJehovha hwainge huchakasimba, asi Jesu ndiye akatozovaudza kuti pane zvavari kufanira kugadzirisa kuti vatangezve kufarirwa naJehovha. (Zvak. 3:​1, 2) Saka tingaziva sei kuti ushamwari hwedu naJehovha hwakamira sei? Tinogona kuzviita nekuongorora kuti tichiri kuita zvinhu zvinoratidza kuti tinonyatsoda Jehovha here. (Zvak. 2:​4, 5) Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndichiri kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvandinenge ndaverenga here? Ndinopinda misangano yese here? Dzimwe nguva ndinopinda misangano ndisina kuigadzirira here? Ndichiri kushanda nesimba mubasa rekuparidza sezvandaimboita here? Nguva yangu yava kungoperera pakutsvaga mari uye kuita zvemafaro here?’ Kana wapindura kuti hongu pane mumwe wemibvunzo iyi, zvinogona kunge zvichiratidza kuti pane pauri kufanira kugadzirisa dambudziko racho risati rakura. Kana tisiri kukwanisa kugadzirisa dambudziko racho tega kana kuti kana paine mitemo yaMwari yatakatyora, tinofanira kukumbira vakuru kuti vatibatsire.

6. Kana munhu akaita chivi chakakura anofanira kuita sei?

6 Kana munhu akaita chivi chakakura, chinogona kuita kuti abviswe muungano, anofanira kutaura nemukuru. (1 VaK. 5:​11-13) Kana munhu atongoita chivi chakakura anenge ava kutofanira kubatsirwa nevakuru kuti agadzirise ushamwari hwake naJehovha. Kana tichida kuregererwa naJehovha tinofanira kuita “mabasa anoratidza kupfidza zvivi.” (Mab. 26:20) Mabasa iwayo anosanganisira kuenda kunoudza vakuru nezvechivi chacho.

7. Ndivanaani vamwe vanofanira kukumbira kubatsirwa nevakuru?

7 Vakuru vanobatsira vanhu vanenge vaita zvivi zvakakura uyewo vaya vanenge vasisina kusimba pakunamata. (Mab. 20:35) Semuenzaniso, pamwe unenge uchityira kuti unogona kuzopedzisira waita zvakaipa zvauri kurwisa kuti usaita. Hondo yacho inogona kunyanya kukuomera kana waimboita zvinhu zvakadai sekushandisa zvinodhaka, kuona zvinonyadzisira, kana kurarama upenyu hweunzenza usati wabhabhatidzwa. Asi haufaniri hako kurwa hondo yacho uri wega. Unogona kutaura nemukuru anokwanisa kunyatsokuteerera paunenge uchitaura, okupa mazano aunogona kushandisa kuti ukurire zvido izvozvo zvakaipa, wofadza Jehovha. (Mup. 4:12) Kana wava kutoora mwoyo nekuramba uchirwisa asi uchiita seusiri kukunda, vakuru vanogona kukubatsira kuti uone kuti kunetseka kwaunenge uchiita kunoratidza kuti unozvininipisa uye kuti unoda kufadza Jehovha.—1 VaK. 10:12.

8. Inyaya dzakaita sedzipi dzatisingafaniri hedu kuendesa kuvakuru?

8 Hapasi pese patinofanira kuenda kuvakuru kunokumbira kubatsirwa. Ngatitii warwadzisa imwe hama kana kuti hanzvadzi nezvawataura kana kuti pamwe waigumbukira. Zvingada kuti uende kunotaura nevakuru here? Pakadaro, unogona kuita zvakataurwa naJesu zvekuti uende kunotaura nehama kana kuti hanzvadzi yako woikumbira ruregerero. (Mat. 5:​23, 24) Unogona kugara watsvakurudza zvinotaurwa neBhaibheri kuti uzokwanisa kuratidza unyoro, mwoyo murefu uye kuzvidzora mune ramangwana. Asi kana ukaona kuti hausi kukwanisa kugadzirisa nyaya yacho wega, unogona kukumbira mumwe mukuru kuti akubatsire. Muapostora Pauro akambonyorera mumwe mukuru waasina hake kutaura nezita, aiva muungano yeFiripi, kuti abatsire Yudhiya naSindike kuti vayanane. Saka kana ukataura nemumwe mukuru wemuungano yenyu, anogonawo kukubatsira.—VaF. 4:​2, 3.

NEI TICHIFANIRA KUSHEVEDZA VAKURU?

9. Nei tisingafaniri kunyara kukumbira vakuru kuti vatibatsire? (Zvirevo 28:13)

9 Zvinotoda kutenda uye ushingi kuti tikumbire kubatsirwa kana taita chivi chakakura kana kuti kana tava kuona kuti tava kuda kukundwa nemuedzo. Hatifaniri kunyara kukumbira kubatsirwa nevakuru. Nei tisingafaniri kunyara? Nekuti Jehovha ndiye akapa vakuru basa rekuti vatibatsire kuti tirambe takasimba pakunamata. Saka kana tikakumbira vakuru kuti vatibatsire tinenge tichitoratidza kuti tinovimba naye uye kuti tinoda kuti ushamwari hwedu naye hurambe hwakasimba. Patinoita izvozvo, tinenge tichitobvumawo kuti Jehovha ndiye anogona kutibatsira kuti tisadonhe. (Pis. 94:18) Uye kana paine chivi chatakaita, Mwari achatinzwira tsitsi kana tikareurura tobva tarega kudzokorora chivi chacho.—Verenga Zvirevo 28:13.

10. Chii chinoitika kana tikaedza kuvanza zvivi zvedu?

10 Kana tikareurura zvivi zvedu kuvakuru zvinhu zvinotifambira zvakanaka. Asi kana tikaedza kuvanza zvivi zvedu, zvinhu zvinotowedzera kuipa. Mambo Dhavhidhi paakaedza kuvanza zvivi zvake, zvakamutambudza zvekuti akanga ava kutorwara uye akanga asisafarirwi naJehovha. (Pis. 32:​3-5) Kana munhu akarera chirwere anogona kutozopedzisira ava kurwara zvakanyanya. Ndizvo zvinoitikawo kana munhu akaita chivi chakakura asi overengera kunoona vakuru. Anogona kuzopedzisira asisafarirwi naJehovha. Jehovha haadi kuti tirambe tichirwadziwa, ndokusaka achida kuti tiende kunokumbira rubatsiro kuvakuru kuitira kuti ‘tiruramise zvinhu naye.’—Isa. 1:​5, 6, 18.

11. Kana tikaedza kuhwandisa zvivi zvakakura zvatinenge taita, zvinokanganisa sei vamwe?

11 Kana tikaedza kuvanza chivi chakakura chatinenge taita, zvinokanganisawo vamwe. Zvinogona kuita kuti muungano musave nemweya waMwari uye zvinokanganisa rugare rwehama nehanzvadzi. (VaEf. 4:30) Isusuwo, kana tikaziva kuti pane munhu akaita chivi chakakura muungano, tinofanira kumukurudzira kuti aende kunoudza vakuru nyaya yake.a Kana munhu wacho akasaenda, isusu vacho torambawo takanyarara, tinenge tava kutotadzira Jehovha. (Revh. 5:1) Kana tichinyatsoda Jehovha, tinoenda kuvakuru tovaudza nezvenyaya yacho. Patinoita izvozvo tinenge tichitobatsira pakuita kuti ungano igare yakachena uye kuti mutadzi wacho atangezve kufarirwa naJehovha.

VAKURU VANOTIBATSIRA SEI?

12. Vakuru vanobatsira sei vaya vasina kusimba pakunamata?

12 Bhaibheri rinotaura kuti vakuru vanofanira kutsigira hama kana hanzvadzi dzisina kusimba pakunamata. (1 VaT. 5:14) Kana uine chivi chawakaita, vanogona kukubvunza mibvunzo kuti vanyatsoziva zviri pamwoyo pako uye manzwiro aunenge uchiita. (Zvir. 20:5) Paunenge uchitaura navo zvinogona kukuomera kuti utaure nezvechivi chawakaita nekuti unenge uchinyara. Asi unogona kuita kuti zvivarerukire kuti vakubatsire kana ukanyatsotaura zvese usingavavanziri. Usanetseka hako kuti mashoko ako anozoita seuri kuvhurumuka. (Job. 6:3) Vakuru havazokufungiri zvisiri izvo, asi vachanyatsokuteerera paunenge uchitaura kuti vanzwe zvakanyatsoitika vozokupa mazano vachishandisa Bhaibheri. (Zvir. 18:13) Vakuru vanozviziva kuti zvinotora kanguva kuti vakwanise kunyatsobatsira munhu. Saka vanogona kuronga kuzokurukurazve newe pane imwe nguva.

13. Vakuru vanotibatsira sei vachishandisa Magwaro uye minyengetero? (Onawo mifananidzo.)

13 Pauchakumbira kubatsirwa nevakuru, vachangwarira kuti vasataure kana kuita zvinhu zvinoita kuti uwedzere kuzvipa mhosva. Asi vachakunyengeterera uye unogona kuona “simba” reminyengetero yavo paunonzwa warerukirwa zvawanga usiri kumbotarisira. ‘Vachakuzorawo mafuta muzita raJehovha.’ (Jak. 5:​14-16) “Mafuta” ari kutaurwa nezvawo pavhesi iyi anoreva chokwadi chiri muShoko raMwari. Saka vakuru vachakurukura newe vachishandisa magwaro ari muBhaibheri kuti vakunyaradze uye kuti vakubatsire kuti uvezve neushamwari naJehovha. (Isa. 57:18) Mazano anobva muBhaibheri avachakupa anogona kukusimbisa kuti urambe uchiita zvakanaka. Pavanenge vachikubatsira, uchaita seuri kunzwa inzwi raJehovha achikuudza kuti: “Iyi ndiyo nzira. Famba nayo.”—Isa. 30:21.

Mifananidzo: 1. Chiremba ambotaurwa uya anoongorora bendekete remurume wacho. X-ray inoratidza zvakaita bendekete remurume wacho iri pamadziro. 2. Mukuru uya ambotaurwa nezvake nemumwewo mukuru vari kushandisa Bhaibheri kuti vakurudzire hama yacho vari kumba kwayo. Hama yacho iri kunyatsoteerera zviri kutaurwa nevakuru vacho.

Vakuru vanoshandisa Bhaibheri kuti vatinyaradze uye kuti vatikurudzire (Ona ndima 13-14)


14. Maererano naVaGaratiya 6:​1, vakuru vanotibatsira sei kana tava “kurasika”? (Onawo mifananidzo.)

14 Verenga VaGaratiya 6:1. MuKristu anenge ava “kurasika” anenge asiri kufamba zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha. Pamwe anenge asina kusarudza nekuchenjera kana kuti anenge aita chivi chakakura. Rudo runoita kuti vakuru vaedze “kururamisa munhu akadaro neunyoro.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kururamisa” raishandiswawo kutsanangura zvaiitwa nachiremba paaidzorera bhonzo rinenge rabva panzvimbo kuti munhu asabva aremara. Chiremba ane unyanzvi paanenge achiedza kudzorera bhonzo rinenge rabva panzvimbo anoita kuti munhu wacho akuvara asanyanya kurwadziwa. Izvozvo ndizvo zvinoitwawo nevakuru pavanenge vachitibatsira kana tarwara pakunamata. Havaiti kuti tinyanye kurwadziwa kana kuti kuzvipa mhosva. Vanoudzwawo neBhaibheri kuti vanofanira ‘kuzvichenjerera.’ Saka vakuru pavanenge vachiedza kutibatsira, naivowo vanozviziva kuti vanokanganisa uye vanogonawo kurasika. Havazozvioni sevakanyanya kururama kupfuura munhu wavari kubatsira, asi vanoedza kuzvininipisa vachimunzwira tsitsi.—1 Pet. 3:8.

15. Tingaitei kana tichida kubatsirwa nevakuru?

15 Tinogona kuvimba nevakuru vari muungano medu. Vakadzidziswa kuchengeta zvakavanzika, kupa mazano anobva muBhaibheri pane kutaura zvemumusoro mavo, uye kugara vachitifudza kuti vatibatsire kutakura zvinorema. (Zvir. 11:13; VaG. 6:2) Vamwe vakuru vagara nebasa, vamwe vachiri vatsva uye vese vane unhu hwakasiyana-siyana asi tinogona kunzwa takasununguka kutaura nemukuru chero upi zvake pakati pavo kuti atibatsire. Asi hatizoti tikaenda kumukuru uyu tikanzwa achitaura zvatisiri kuda kunzwa, tomusiya toenda tonotsvaga mumwe, tichitarisira kuti tichawana achatiudza zvatinenge tichida kunzwa. Kana tikadaro, tinenge tafanana nevanhu vanoda ‘kungofadza nzeve dzavo’ asi vasingadi kunzwa ‘zvinodzidziswa neShoko raMwari.’ (2 Tim. 4:3) Patinoenda kunotaura nemukuru tichimuudza nyaya yedu, anogona kutibvunza kuti pane vamwe vakuru vatakambotaura navo here uye kuti vakambotipa mazano api. Mukuru wacho anogona kutanga abvunza mazano kune vamwe vakuru asati akubatsira. Paanodaro anenge achiratidza kuti anozvininipisa.—Zvir. 13:10.

ZVATINOFANIRAWO KUITA

16. Mumwe nemumwe wedu ane basa rekuita sei?

16 Vakuru vakapiwa basa rekutichengetedza semakwai aMwari, asi havatisarudziri zvekuita. Ibasa redu kuti tisarudze kuti tichararama tichitevedzera zvinodiwa naJehovha here kana kuti kwete nekuti tichazozvidavirira kuna Mwari pane zvatinotaura uye zvatinoita. Asi Mwari anovimbisa kuti achatibatsira kuti tirambe takavimbika kwaari. (VaR. 14:12) Saka vakuru havatiudzire zvekuita, asi vanotibatsira kuona mafungire aMwari ari muBhaibheri. Patinoshandisa mazano avanotipa anobva muBhaibheri, tinenge tichitodzidza kushandisa ‘simba redu rekunzwisisa’ pakuita zvisarudzo zvakanaka.—VaH. 5:14.

17. Tinofanira kuita sei?

17 Chikomborero chaicho kuva gwai raJehovha! Jehovha akatuma Jesu, “mufudzi akanaka,” kuti auye kuzotidzikinura kuitira kuti tizowana upenyu husingaperi. (Joh. 10:11) Jehovha akatipawo vakuru vari muungano kuti vatichengete sezvaakavimbisa achiti: “Ndichakupai vafudzi vanoita zvandinoda, uye vachakufudzai neruzivo nenjere.” (Jer. 3:15) Patinenge tisina kusimba kana kuti patinenge tichirwara pakunamata, hatifaniri kuzeza kukumbira vakuru kuti vatibatsire. Dai tikaita zvese zvatinogona kuti tinyatsobatsirwa nevakuru vatakapiwa naJehovha muungano.

UNGAPINDURA SEI?

  • Tinofanira ‘kushevedza vakuru’ kuti vatibatsire kana zvaita sei?

  • Nei tichifanira kushevedza vakuru?

  • Vakuru vanotibatsira sei?

RWIYO 31 Famba naMwari!

a Kana mutadzi wacho akasaenda kunotaura nevakuru panguva yaunenge wamupa, kana wakavimbika kuna Jehovha unofanira kuenda kunotaura nevakuru uchivaudza zvaunoziva nezvenyaya yacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe