Zviono zvomuNyika Yakapikirwa
Gerizimi—‘Tainamatira Pairi Gomo’
MUKADZI weSamaria patsime. Chitsama ichocho chamashoko hachikurangaridzi here nhauro inoorora yokupupurira kwaJesu nenzira yamasanga kumumwe mukadzi pa“tsime raJakobho” muSikari, guta reSamaria? Ungada here kunyandura murangariro wako wechinoitika ichocho chine revo?—Johane 4:5-14.
Cherechedza makomo maviri ari pamusoro apa, ayo anenge makiromita 50 kuchamhembe kweJerusarema.a Kuruboshwe (kumaodzanyemba) kune Gerizimi rakafukidzwa nemiti; matsime akawanda anobetsera kukubereka kwaro norunako. Kurudyi (kuchamhembe) iEbhari, rakati rebei asi rine mabwe uye risina chinhu.
Pakati pawo pane mupata wakaorera weShekemi. Yeuka kuti shamwari yaMwari Abrama (gare gare akanzi Abrahama) akafamba achidzika nomuNyika Yakapikirwa, iye akamira paShekemi. Pano iye akavaka atari kuna Jehovha, uyo akanga achangobva kuoneka kwaari ndokupikira iyi nyika kumbeu yake. (Genesi 12:5-7) Inzvimbo yakafanira zvakadini yokuita chipikirwa chakadaro, pakati penyika! Ari pamusoro peGerizimi kana kuti zvimwe Ebhari, tateguru aigona kuona zvikamu zvikuru zveNyika Yakapikirwa. Guta reShekemi (Nablus yazvino uno) rakanga riri nzvimbo inokosha, richiva pamugwagwa womugomo unobva kuchamhembe uchienda kumaodzanyemba pedyo nomugwagwa unobva kumabvazuva uchienda kumadokero pakati pemhenderekedzo yegungwa noMupata waJoridhani.
Atari yaAbrahama yakanga ichingova bedzi chinhu chimwe chinokosha chorudzidziso pano. Gare gare, Jakobho akatenga munda munharaunda iyoyi ndokupfuuridzira kunamata kwechokwadi. Iye akacherawo kana kuti akabhadhara kucherwa kwetsime rakadzama, pedyo nepasi peGerizimi. Mazana amakore gare gare mukadzi weSamaria akaudza Jesu, kuti: “Baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri.” Ringave raigoverwa mvura nechisipiti, uko kwaigona kutsanangura nei muapostora Johane akariti, “tsime raJakobho.”
Kududzwa kwokunamata kwechokwadi pamusoro peGerizimi neEbhari kungakurangaridzawo kuti Joshua akaunza Israeri pano, sezvo Mosesi akanga araira. Joshua akavaka atari paEbhari. Fungidzira hafu yavanhu iri pamberi peGerizimi uye vasara pamberi peEbhari sezvo Joshua akarava “mashoko ose omurairo, okuropafadza nookutuka.” (Joshua 8:30-35; Dheuteronomio 11:29) Makore gare gare, Joshua akadzokera uye muzano rokupedzisira akati: “Kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.” Vanhu vakabvuma kuita zvimwe chetezvo. (Joshua 24:1, 15-18, 25) Asi vaizodaro here, chaizvoizvo?
Mhinduro yacho ingakubetsera kunzwisisa kurukurirano yaJesu nomukadzi weSamaria. Unoona, kunamata kwechokwadi kwaiteverwa naAbrahama, Jakobho, uye Joshua hakuna kupfuurira muno muSamaria.
Pashure pokunge ndudzi gumi dzokuchamhembe dzakamuka, vakatendeukira kukunamata mhuru. Naizvozvo Jehovha akabvumidza vaAsiria kukurira iyi nharaunda muna 740 P.N.V. Ivo vakaenda navakawanda vavagari vemo, vachipinza savatsivi vokumwe vakabva kune imwe nzvimbo muUmambo hweAsiria, vanamati vavamwari vechienzi. Vamwe vavahedheni ivavo sezvingabvira vakaroorana navaIsraeri ndokudzidza dzimwe dzidziso dzokunamata kwechokwadi, zvakadai sedzingiso. Asi chimiro chakavapo somuuyo chokunamata kweSamaria zvamazvirokwazvo chakanga chisingafadzi zvizere kuna Mwari.—2 Madzimambo 17:7-33.
Mukunamata kwavo kwakavhenganiswa, vaSamaria vakagamuchira soRugwaro bedzi mabhuku mashanu okutanga aMosesi, Pentateuch. Munenge muzana ramakore rechina P.N.V., ivo vakavaka tembere paGomo reGerizimi, mumakwikwi netembere yaMwari muJerusarema. Pashure penguva yakati tembere yeGerizimi yakatsaurirwa kuna Zeus (kana kuti, Jupiter) uye pakupedzisira yakaparadzwa. Zvisinei, kunamata kweSamaria kwakapfuurira kunangidzirwa paGerizimi.
Kusvikira kuzuva rino, vaSamaria vanova nechengeto yegore negore yePaseka paGerizimi. Chiverengero chakati chamakwaiana chinourawa. Mitumbi yawo inoiswa mumigomo yemvura inovira kuitira kuti makushe agogona kubviswa, uye ipapo nyama inobikwa mumakomba kwamaawa. Pakati pousiku mazana avaSamaria, vazhinji vanobva Jerusarema, vanova nechidyo chavo chepaseka. Kuruboshwe, unogona kuona muprista mukuru weSamaria, musoro wake wakafukidzwa, achitungamirira kuchengeta Paseka paGomo reGerizimi.
Yeuka izvo mukadzi weSamaria akaudza Jesu: “Madzibaba edu ainamata paGomo iri.” Jesu akamururamisa, uye isuwo: “Nguva inouya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema. . . . Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba [nomudzimu, NW] nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. Mwari [mudzimu, NW]; vanomunamata, vanofanira kumunamata [nomudzimu, NW] nezvokwadi.”—Johane 4:20-24.
[Mashoko Omuzasi]
a Unogona kunzvera iyi pikicha mumwero mukuru zvikuru mu 1993 Karenda reZvapupu zvaJehovha.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 25]
Garo Nalbandian
Garo Nalbandian