“Mangwanani Akanaka! Munoziva Riri Zita raMwari Here?”
PAHOFISI yebazu yeZvapupu zvaJehovha muBrazil, tsamba inotevera yakagamuchirwa ichibva kuvasikana manyambiri vane makore 12 okukura muguta reFortaleza:
“Shure muna 1990 apo takanga tiri mugiredhi rechishanu, chikoro chedu chakaronga shoo yesaenzi, yezviyeviwa, uye yetsika. Takatsanangura kumudzidzisi kuti taida kuti zviratidzwa zvedu zvive zvakasiana neizvo vamwe vadzidzi vakanga vachironga kugadzirira. Sezvo akanga atinzwa tichitaura pamusoro paJehovha neBhaibheri kare, iye akakarakadza, kuti: ‘Ipapo munogona kunyora pamusoro paMwari wenyu!’
“Takaona ikoku sebanza rokupa uchapupu ndokusarudza kuisa pamwe chete zviratidzwa zvine mabhuku eBhaibheri ayo akanangidzira ngwariro pazita raJehovha. Takagadzira mashoko makuru aPisarema 83:18 ndokuanamira kupikicha yeBhaibheri rakazaruka. Uyewo, takaisa patafura shanduro dzakasiana-siana dzeBhaibheri dzine zita raJehovha. Patafura imwe cheteyo, takaratidzira mhatsa yamabhuku eBhaibheri. Pamugumo wetafura, takaisa VCR neTV kuratidza vashanyi muenzaniso mumwe apo zita raJehovha rakashandiswa mubhaisikopo rakakurumbira zvikuru.
“Mukati meshoo yacho, apo mumwe munhu akauya kutafura yedu, taiti: ‘Mangwanani akanaka! Munoziva riri zita raMwari here?’ Pashure pokupa mushanyi banza rokupindura, takapfuurira, kuti: ‘Tarirai pano! Shanduro dzeBhaibheri dzinoverengeka dzinoratidza kuti zita rake ndiJehovha,’ tichionesa zita racho mumaBhaibheri akasiana-siana, zvakadai seiro raJoão Ferreira de Almeida, The Jerusalem Bible, uye New World Translation. Ipapo takatamba chiono umo munhu mukuru webhaisikopo anosimbisa Jehovha sezita raMwari. Apo vanhu vakaratidza fariro, takavapa magazini kana kuti turakiti namamwe mashoko.
“Imwe yepwere yakauya kutafura yedu yakakumbira bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Mudzidzisi wedu akanzvera bhuku raKuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze ndokukuwa, kuti: ‘Maiwe! Ibhuku rinofadza zvakadini!’ Pakasvika mugumo weshoo, takanga tagovera mabhuku 7, maturakiti 18, uye magazini 67. Takapiwa nzvimbo yechitatu pashoo yacho. Asi kupfuura zvose, takafara zvikuru nokuda kweropafadzo yokuzivisa zita roumwari, Jehovha.”