Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Kugutisa Vane Nzara Mumudzimu—Muchikoro
“VANOFARA ndivo avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu,” akadaro Jesu muMharidzo yake yapaGomo. (Mateo 5:3, NW) Vana vechikoro vazhinji vane nyota yezivo yaMwari namadonzo ake anoshamisa. Ivo vanoda mhinduro kumibvunzo pamusoro poupenyu uye vanoda kuziva kuti vanofanira kurarama sei kuti vagamuchire tendero yaMwari ndokufara. Ikoku kwaiva pachena muchimwe chikoro muVirgin Islands dzeBritain. Mumwe weZvapupu zvaJehovha imomo anorondedzera, kuti:
◻ “Ndakapinda musangano wavabereki navadzidzisi pachikoro chomunzvimbomo, uye zvizhinji zvakataurwa pamusoro pemirimo, kunwa, kuronga misi yokuvhakacha, kutarira TV, magiredhi, uye zvimwe zvinhu, naizvozvo ndakasarudza kutora bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda ndokuripa kumudzidzisikadzi mukuru. Pashure pokunge aongorora bhuku racho, akataura kuti ndiro chaizvo vakanga vachida ndokubvunza kana chikoro chaigona kuwana kopi nokuda kwomumwe nomumwe wavadzidzi 120. Nhau yacho yakakurukurwa navakuru veungano, uye vakasarudza kupa mabhuku acho kuchikoro chacho. Apo takadudza ikoku, vadzidzisi vakakumbira kuti tipe mabhuku acho kuboka ravadzidzi. Zvapupu zviviri zvakaenda uye kamuri racho rakanga rakazara navadzidzi vakazvimirira. Hama dzakataura kwehafu yeawa, uye zvinoitika zvinoratidza kuti bhuku racho rakabetsera sei vaduku navakuru zvakaravirwa mumagazini eWatch Tower Society. Ipapo mabhuku acho akapiwa kuvadzidzi vanodisa.”
Mufaro kuziva kuti chikoro chakasarudza kushandisa bhuku racho sorutivi rwenguva dzose rwekosi dzamagiredhi rechina nerechishanu. Iro zvirokwazvo richapindura mibvunzo mizhinji ava vadzidzi vanayo pamusoro poupenyu nenguva yemberi.
Kugutisa Vane Nzara Mumudzimu—muPapua New Guinea
Chinoitika chinotevera chakagamuchirwa chichibva kumumwe mutariri anofambira. Icho chinoratidzira kuti vanhu vane nzara sei mumudzimu munyika iyoyo uye kuti zvinyorwa zvedu zvakavakirwa paBhaibheri zvinobudirira sei mukupedza nzara yavo.
◻ “Sezvo ndakanga ndisingakwanisi kushanyira musha weKamberatoro,” akadaro mutariri wacho, “ndakapedza nguva yangu ndichishanda pamwe chete neungano duku muVanimo. Imomo mune fariro huru. Chiverengero chakati chavanhu veBewani chakagamuchira mabhuku. Mumwe murume akandikumbira kuuya ndokushanyira uyu musha, uye aizondigovera pokugara. Vanhu vazhinji vakarovedzana namabhuku edu. Nguva imwe neimwe takaenda kutaundi reVanimo, takapererwa namabhuku pasinei zvapo nokutora mabhokisi matatu amabhuku. Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri rinorangarirwa serinokosha sendarama. Vanhu vari kuritsvaka. Mabhuku ayo ndakatora akagoverwa nokukurumidza zvikuru. Apo takaratidza vanhu mabhuku edu, vamwe vaibvunza, kuti: ‘Bhuku reyero riri kupi?’ Mumwe murume akaodha matanhatu. Akandipa zita rake nekero ndokundikumbira kuita kuti chiziviso chiitwe munhepfenyuro apo ndakaagamuchira. Ipapo aiuya achibva kumusha wake kuzoatora.” Mutariri anofambira anowedzera, kuti: “Ndakawana kuti vanhu vazhinji muVanimo vakagamuchira mabhuku Mankind’s Search for God uye Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.”
Ikoku kunoratidzira kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vane nzara sei yezvokudya zvomudzimu zvinowanwa muBhaibheri nezvinyorwa izvo Jehovha akagovera kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Zvapupu zvaJehovha zvinofara sei kukwanisa kubetsera ava vanhu vane nzara yezvokwadi!
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kupupurira muPapua New Guinea