RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 3/1 pp. 24-25
  • Farai! Zvisviniro Zvinopafuma Namafuta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Farai! Zvisviniro Zvinopafuma Namafuta
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Muorivhi Wakasvibira Muimba yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kana Muti Ukatemwa Ungatungirazve Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 3/1 pp. 24-25

Zviono zvomuNyika Yakapikirwa

Farai! Zvisviniro Zvinopafuma Namafuta

MUPOROFITA Joere akapa zano ‘vanakomana veZioni kuti vafare ndokufarira Jehovha.’ Iye akashandisa muorivhi mukurondedzera mufaro wavo nebudiriro: “Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta.”—Joere 2:23, 24.

Kudai wakagara muna Israeri munguva dzeBhaibheri, ungadai wakafadzwa nokuva pedyo neimba yako, kana kuti muminda yako, muorivhi wakadai sounoratidzwa pamusoro apo.a Ungadai wakaita kuti upenyu hwako huve huri nyore zvikuru, hunofadza zvikuru. Neiko muorivhi waizova unokosha kwazvo?—Enzanisa naVatongi 9:8, 9.

Kutanga, tarisa zvakanaka muti wako. Miorivhi ingagara kwamazana amakore, mimwe kupfuura chiuru chamakore, naizvozvo kunzvera sezvingabvira kungaratidza dzinde rakashata, rakasvibiswa namadota. Muti wako ungareba mamita matanhatu, zvamazvirokwazvo usina kureba somusidhari kana kuti wakaisvonaka somuchindwe. Mashizha awo akasvibira nguva dzose, norujeko rwesirivha, anogovera mumvuri gore rose. Zvisinei, ungasakoshesa muti wako zvikurukuru nokuda kwechitarisiko chawo kana kuti mumvuri wawo. Nyangwe.

Muchero ndicho chinhu, zviuru izvozvo zvamaorivhi akasvibira kana kuti matema! Izvozvo ndizvo zvaizoita kuti muorivhi uve chinhu chikuru kuupenyu nemibato muna Israeri. Muti wacho unofukidzwa namaruva ane mavara akajeka muna May, kugadzirira maorivhi. (Jobho 15:33) Sezvo iwaya anoibva, ungachinja kubva pagirini yakaita yero kuenda kubhurauni yakasvibira kana kuti kukusviba.

Kucheka maorivhi muna October/November rakanga riri basa rakaoma. Ungarova muti wacho nemiti kuti muchero wakaibva ugowira pazvipfeko zvakawaridzwa pasi. (Dheuteronomio 24:20) Maorivhi aigezwa pamberi pokugadzirwa, zvakadai sokunyika mumvura ino munyu kubvisa kunowanzova kuvava kwawo. Chii chinotevera?

Ikoko kwaizotsamira pakuti waida sei kufarikanya kana kuti kuwana mhindu yokucheka kwako kukuru. Ungagona kudya maorivhi asina kubikwa, kana kuti ungagona kuagadzira kuti mhuri yako igova nomugove unonaka kwemwedzi mizhinji. Maorivhi aigona kuva rutivi rukuru rwezvokudya, chokudya zvichida chakaumbwa namaorivhi anonaka pamwe chete nezvipapata zvebhari.

Zvimwe, kunyanguvezvo, ungaisa maorivhi munhano dzinodikanwa kuwana chinhu chiya chinoshanda nechinokosha zvikurusa—mafuta omuorivhi. Ungagona kuwana marudzi akasiana-siana amafuta, uchishandisa iwaya munzira zhinji. Kutanga, ungagona kurova zvinyoronyoro kana kuti kusvina maorivhi akaibva muduri kana kuti kunyange kuatsika-tsika pasi petsoka. (Mika 6:15) Ikoko kwaiita mafuta akanakisisa, zvino anonzi extra virgin, ayo akanga akakodzera nokuda kwemwenje iyo yaijekesa tabhenakeri. (Eksodho 25:37; 27:20, 21) Fungidzira kuti ungada sei mugove waaya mafuta akaisvonaka okushandisa mukubika nokuda kwenhambo chaidzo!

Maorivhi, kunyange ayo asina kunaka zvikuru, aigona kuiswa muchisviniro kusvina mafuta akawanda zvikuru mutsapfinho, kunyange zvazvo aiva eboka rakaderera zvikuru. Tsapfino rine mafuta anenge 50 muzana. Zvisviniro zvemitoo yakasiana zvaigona kushandiswa, asi chimwe chinoratidzirwa pano. Maorivhi akazara kana kuti akapwanywa zvishomanene aiiswa pasi pakatenderera. Guyo, raifambiswa nembongoro kana kuti nomunhu, raifamba paari, kuchimanikidza mafuta kubuda, ayo aibuda uye aiunganidzwa mumikombe.—Mateo 18:6.

Mafuta omuorivhi angafananidzwa namadabwadabwa endarama—aikosheswa zvikuru kwazvo uye mabasa awo mazhinji kwazvo. Muti mumwe waigona kubereka mugove wegore wamafuta emhuri yavashanu kana kuti vatanhatu. Waiva rutivi rukuru rwezvokudya zvavo, zvichiva zvisingatani kugaiwa nezvine simba guru. (Enzanisa naJeremia 41:8; Ezekieri 16:13.) Unganhuwidza mafuta ndokuashandisa sezvizoro kana kuti kudururira mamwe pamusoro womuenzi muchiito chomutsa. (2 Samueri 12:20; Pisarema 45:7; Ruka 7:46) Waigona kuashandisa somushonga unonyaradza pazvironda.—Isaya 1:6; Marko 6:13; Ruka 10:34.

Ikoko hakusati kwaizopedza mabasa ako omugove wakapfuma wamafuta omuorivhi. Waigona kuashandisawo kujekesa musha wako, kuva rutivi rwechipiriso kuna Mwari, kana kuti sechinhu chokutengesa kuwana betsero. Hungu, munguva dzeBhaibheri muorivhi waiva muti unokosha zvikurusa, naizvozvo Joere aigona kuushandisa nenzira yakakodzera kumirira budiriro nomufaro.—Dheuteronomio 6:11; Pisarema 52:8; Jeremia 11:16; Mateo 25:3-8.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwechiono chikuru zvikuru cheichi chiono, ona 1993 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe