RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 4/15 p. 32
  • Kana Muti Ukatemwa Ungatungirazve Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Muti Ukatemwa Ungatungirazve Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Jobho Aitenda Zvakasimba Kuti Vakafa Vachamutswa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Muorivhi Wakasvibira Muimba yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • ‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Farai! Zvisviniro Zvinopafuma Namafuta
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 4/15 p. 32
Muti wakatemwa uri kutungirazve

Kana Muti Ukatemwa Ungatungirazve Here?

MITI yemiorivhi iyo inokura ichimonereka-monereka, hainakidzi kutarisa kana ichienzaniswa nemisidhari inoyevedza yokuLebanon. Asi miorivhi inokwanisa kuramba iri mipenyu kunyange mamiriro okunze asina kumira zvakanaka. Mimwe yacho inofungidzirwa kuti yava nemakore 1 000. Midzi yemuorivhi inodzika pasi pasi zvokuti kunyange hunde yacho ikatemwa, muti wacho unogona kutungirazve chero bedzi midzi yacho iri mipenyu.

Jobho aiva nechivimbo chokuti kunyange akafa, aizoraramazve. (Job. 14:13-15) Akataura achishandisa mufananidzo wemuti kuti aratidze chivimbo chaaiva nacho chokuti Mwari aikwanisa kuzomumutsa. Zvimwe Jobho aifunga nezvemuti wemuorivhi paakati: “Tariro iripo kunyange nokuda kwomuti. Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve.” Mvura painozonaya pashure penguva yakareba isinganayi, nhungirwa dzinotanga kubuda pamidzi yemuti wemuorivhi wakatemwa, wobudisa mapazi “somuti mutsva.”—Job. 14:7-9.

Sezvinongoita murimi anotarisira chaizvo kuona muti wemuorivhi unenge watemwa uchitungirazve, Jehovha Mwari anoda chaizvo kumutsa vashumiri vake vakafa nevamwewo vanhu vakawanda. (Mat. 22:31, 32; Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15) Fungidzira kufara kwatichaita pachamutswa vakafa uye patichavaona vachinakidzwa noupenyu zvekare!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe