RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 3/15 pp. 27-30
  • Kuisvonaka Kwomusoro Wachena

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuisvonaka Kwomusoro Wachena
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Simba Repwere
  • Kuwana Runako
  • Kukudza Musoro Wachena
  • Tarira Mberi, Kwete Shure
  • Jehovha Ane Hanya Zvechokwadi Nevashumiri Vake Vakwegura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Koshesa Hama Nehanzvadzi Dzedu Dzakura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mhuri yechiKristu Inobetsera Vakweguru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kukwegura Pakunova “Korona Yakaisvonaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 3/15 pp. 27-30

Kuisvonaka Kwomusoro Wachena

KWAIZOVA kunofadza sei kutaura navarume navakadzi vakatendeka vekare! Imbofunga zvako nezvokutaura kuvarume vakadai saNoa, Abrahama, Mosesi, uye Johane Mubhapatidzi, pamwe chete nokuvakadzi vakafanana naSara, Rakabhi, Rute, uye Dhebhora! Hausati waizofadzwa here nokuvanzwa vachirondedzera nhauro dzavakaona dzezvinoitika zvakatanhamara zvenguva yakapfuura kare?

Kunyange nhasi, hausati waizofarikanya here kunzwa vakura vakatendeka vachigoverana zvinoitika pamusoro pokuti ivo navamwe vakachengeta sei perero yavo kuna Mwari mumiedzo, kubatanidza zvirambidzo, kurohwa, uye kupinzwa mutorongo nokuda kwokururama? Zvamazvirokwazvo! Rudo rwedu nokuda kwaMwari noruremekedzo rwedu nokuda kwavo zvaizokura sezvo vaizotiudza pamusoro pemirangariro yavo uye zvikurukuru kuonga kwavo kwomwoyo wose tarisiro yorudo yaJehovha.

Pakati pavanhu vaMwari, varume navakadzi vakwegura vakatendeka nguva dzose vave vachiremekedzwa nokuda kworuzivo rwavo rwokuzviwanira, zivo, uye uchenjeri. Kutaura idi, murairo unotevera wakabatanidzwa muMutemo wakapiwa naMwari kuna vaIsraeri: “Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.” (Revhitiko 19:32) Shoko rechiHebheru nokuda kwezera kana kuti ukweguru rinobva mumavambo anoreva “kuchena” uye rinoshandurwawo kuti “vhudzi rachena.” Naizvozvo vaIsraeri vaikarirwa kusimuka sechiratidzo choruremekedzo nokuda kwomunhu akura, vachiita saizvozvo mukutya Mwari kwokuremekedza.

Ko chimiro ichocho chokuremekedza chiripo nhasi here? Somuenzaniso, ko vanhu vaduku vanozarurira vakwegura masuo nenyasha here? Ko pwere kana kuti vakura vaduku vanowanzopa nzvimbo yavo murifiti yakazara kumunhu akura here? Kana kuti ko vanhu vaduku zvikuru vanowanzopa chigaro chavo kuvakwegura mubhazi rakazara kana kuti chitima here? Kukundikana kuita zvinhu zvakadaro kwakatocherekedzwa pakati pamaKristu.

Kuti afadze Jehovha Mwari, zvisinei, maKristu anofanira kuita mutsinhirano nomurangariro wake ndokudzivisa kufunga, kutaura, uye mabasa zvaavo vari ‘vadi vavo vamene, vasingateereri vabereki, vasingaongi, uye vasina rudo rworunako.’ (2 Timotio 3:1-5) Chiiko, ipapoka, chinotaura Shoko raMwari pamusoro poupwere pamusoro pevhudzi rachena?

Simba Repwere

Bhaibheri rinoziva simba roupwere nebetsero dzaro, richiti: “Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo.” (Zvirevo 20:29) Muna Israeri wakare simba ravaRevhi vaduku raishandiswa patembere, kazhinji kazhinji nokuda kwaakawanda amabasa anorema zvikuru. Nhasi, rakawanda rebasa mumafekitari, mumisha yeBheteri, uye pagadziriro dzokuvaka dzeWatch Tower Society rinoitwa navarume vaduku navakadzi vakapa simba ravo namano kufambisira mberi fariro dzoUmambo. (Mateo 6:33) Ivo nokudaro vanofarikanya maropafadzo akaisvonaka mubasa raMwari.

Chirevo chichangobva kunokorwa mashoko chinogumisa namashoko anoti, “hukomba hwavatana ndiyo misoro yakachena.” Apo simba roupwere rinobatanidzwa noruzivo rwokuzviwanira nouchenjeri zvamakore, mubatanidzwa wakasimba zvikuru unoumbwa.

Kuenzanisira: Muvezi muduku ari kudzidzira akakumbirwa kuisa mapanel anotsvaka kuita mugove wacho nesimba roupwere. Muvezi akura, ane ruzivo rwokuzviwanira rukuru anocherechedza kuti pasinei zvapo nesimba rake, mubetseri muduku anorova chipikiri kanoverengeka chisati chapinzwa. Mushandi akura anorumbidza kuti murume muduku abate sando kumugumo womubato, panzvimbo pepedyo nomusoro wayo wesimbi. Ikoku kunogonesa munhu muduku kurova zvipikiri nesimba guru zvikuru, achichengetedza nguva nesimba.

Nenzira yakafanana, mukadzi muduku, ane mbavarira angadzidza nokuedza nokukanganisa kuti machira achakanganiswa kana akasasukwa mukuwirirana nemiraidzo. Mukadzi ane ruzivo rwokuzviwanira, kunyanguvezvo, anoziva ukoshi hwokutora nguva yokusarudza zvipfeko ndokusuka dzimwe nguvo zvakaparadzana. Iye akadzidzawo kuti anogona kudzivisa kuchisa kupfurikidza nokupeta zvipfeko sezvo anozvibvisa pamutariro kana kuti anozvibudisa mumuchina unoomesa.

Kudzidza kuvanhu vane ruzivo rwokuzviwanira kunogona kuita kuti upenyu huve hwakapfava zvikuru. Kunyanguvezvo, kunosvika nguva apo kunyange munhu ane ruzivo rwokuzviwanira rukuru zvikuru asingagoni kuita mabasa akati ayo iye akaita nenyore makore mashomanene pamberi pezvi. Mumwe munyori akati nenzira yakarurama: “Kwaizova kwakanaka sei kudai vaduku vaiva nezivo uye vakura vaiva nesimba.” Asi kwakanaka sei apo vanhu vakura vanoonga simba ravaduku ndokugoverana navo neshiviriro ruzivo rwokuzviwanira rwakawanwa mumakore apfuura—uye pwere dzichigamuchira nokuzvininipisa zvikarakadzo! Neiyi nzira, mapoka ose ari maviri ezera anobetserwa.

Kuwana Runako

Zerawo zvaro harina kukwana. “Havazi vakuru vakachenjera, kana vatana vanonzwisisa kururamisira,” akadaro murume muduku Erihu. (Jobho 32:9; Muparidzi 4:13) Kuti akosheswe zvirokwazvo nemhaka yomusoro wachena, munhu akura aizofanira kuva akaita zvakawanda noupenyu hwake kupfuura kupedza nenzira yenungo mazuva ake achitarira terevhizheni, kupinda zvinoitika zvemitambo, kana kuti neimwe nzira kungova nenguva yakanaka. Uye kunyange mumakore apashure, vakwegura vanofanira kupfuurira kudzidza.

Vamwe vanhu vanoganza pamusoro pokuita zvinhu nenzira yavo, kana kuti vanoti: “Ruzivo rwokuzviwanira mudzidzisi akanakisisa.” Bva, Shoko raMwari rinopa zano, richiti: “Munhu akachenjera achateerera ndokupinza muraidzo wakawanda, uye munhu anonzwisisa ndiye anowana nhungamiro younyanzvi.” (Zvirevo 1:5, NW; enzanisa na 1 VaKorinte 10:11.) Ruzivo rwokuzviwanira nguva dzose harusi mudzidzisi akanakisisa, nokuti tinogona kudzidza muzvikanganiso zvavamwe pasina kufanira kuita mhosho dzimwe chetedzo isu timene. Uyezve, muKristu angada kurangarira kuti “vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” (Zvirevo 16:31) Upenyu hwakapedzerwa mubasa rokutendeka kuna Jehovha hwakaisvonaka mumurangariro wake uye hunofanirwa noruremekedzo rwavamwe somuenzaniso wakanaka. Chokwadika, kudzidza pamusoro paMwari nokuwana ruzivo rwokuzviwanira “panzira yakarurama” kunogona kuvamba pakuvamba muupenyu uye kunofanira kuva muitiro usingatongogumi.—VaRoma 11:33, 34.

Ikoku kunogona kuenzanisirwa noruzivo rwokuzviwanira runobatanidza mumwe mukomana ane makore manomwe okukura muSweden. Iye akakumbira mutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari muungano kana iye angakumbanira chikoro. Mutariri akabvunza kuti, “Neiko?” Pana ikoko, muduku akapindura, kuti: “Munhu haagoni kupambadza upenyu hwake hwose!” (Muparidzi 12:1) Muenzaniso wakanaka zvakadini nokuda kwavaduku navakura zvakafanana!

Kukudza Musoro Wachena

Chimiro chendangariro chinokangaidza muchaunga chazvino uno kuisa ukoshi hukuru pakusimba kwomuviri nesimba remitambo nokuzvidza vakwegura. Chii chinofanira kuva chimiro chendangariro chomuKristu kuvachena musoro vari muungano?

Panzvimbo pokufuratira maKristu akwegura, tinofanira kuarangarira ndokupedza nguva tinavo. Somuenzaniso, pamisangano yevhiki nevhiki yeZvapupu zvaJehovha muHoro yoUmambo, unoita here nhamburiko yokukwazisa vakura? Ivo zvirokwazvo vanoonga kwaziso dzavaduku navamwe. Uye vakwegura vanofarikanya sei kuvapo pakuungana kwokutandara kwavatendi biyavo kwamapoka akasiana-siana ezera! Kunyange zvazvo varoorani vaviri vaduku zvikuru vangava nezvakawanda zvakafanana navamwe vanhu vakaroorana veboka rezera ravo, kwaizova kunotusa kubatanidza vakura pakuungana kunofadza kwakadaro.—1 VaTesaronika 3:12; 5:15.

Kunokosha sei kuva vanorangarira pakutaura kuvakwegura! Apo hama yakura ine makore 40 ebasa kuna Jehovha yakambotaura kumumwe mukuru pamusoro pokuti ingagona sei kushandiswa muungano, murume muduku akati: “Mune zvishomanene zvikuru zvokupa.” Kutaura kusina mutsa kwakadini! Hama yakura yaiva nesimba shomanene kupfuura rayaichimbova naro, goverano yayo muushumiri hwomumunda yakanga yatidererei, uye maropafadzo outarisiri sezviri pachena akanga akaomera zvikuru mano ayo azvino; bva, iyo yaiva nezvakawanda zvokupa. Iyo yaiva namakore ouchenjeri noruzivo rwokuzviwanira akaunganidzwa munzira yokururama. Nemhaka yokuti vakwegura vakadaro vakashanda zvakaoma savaparidziri voUmambo, vakatsungirira chitambudzo, vakatakura mitwaro inorema yomutoro wechiKristu, uye vakarovedza vamwe, vanhu vaMwari zvino vanofarikanya sangano rakasimba rinotsigirwa nomudzimu wake. Isu, naizvozvo, ngatiratidze ava vakura ruremekedzo savapi vezano vakachenjera, vafudzi vane rudo, uye vadzidzisi vanobudirira.

Panewo chikonzero chakanaka chokupa rangariro yakakomba kuzvikarakadzo zvinoitwa navanhu vakura. Somuenzaniso, imwe hama ine ruzivo rwokuzviwanira yakakarakadza kuti suo reHoro yoUmambo yakati risaiswe parutivi rwokumadokero rwechivako. Hama duku zvikuru dzichiitira hanya zvikuru runofungidzirwa kuva runako rwechivako hadzina kutevera chikarakadzo chayo. Pashure pamakore anoverengeka, zvisinei, suo raitofanira kuchinjwa nemhaka yokuti mhepo yenguva dzose nemvura zvinobva kumadokero zvakanga zvaparira kushata kwaro. Uchenjeri hunoshanda hworuzivo rwokuzviwanira rwakakunda zvinhu zvorunako. Kana vanhu vaduku vakakudza vakura kupfurikidza nokuteerera mirangariro yavo nouchenjeri hunoshanda, ikoku kungasanochengetedza nguva nemari. Kunyange kana chikarakadzo chomunhu akura chisingateverwi, iye anogona kukudzwa kupfurikidza nokumuzivisa kuti chakarangarirwa, asi zvimwe zvinhu zvakatungamirira kuchimwe chisarudzo.—Enzanisa naZvirevo 1:8.

Tarira Mberi, Kwete Shure

Vamwe vanhu vakura vane uyu murangariro: “Hakuna nguva yakafanana nenguva dzekare apo iwe neni taiva vaduku.” Panzvimbo pokufungisisa nguva dzakapfuura, zvisinei, vakwegura vakadaro vanogona kukurudzirwa kutarira mberi kuzuva apo ivo vachawana tuso yavo yokudenga kana kuti zvimwe kuwanazve simba roupwere mukutonga kwoUmambo hwaMwari. Munguva ino, ivo vanofanira kuziva ganhuriro dzavo nemhaka yezera. Uku kuziva nepfungwa huru yokusetsa zvinokosha apo munhu akura sezviri pachena anofuratirwa nokuda kwamaropafadzo ebasa.

Somuenzaniso, imwe hama yakura ingave yaishandiswa nguva dzose pamapurogiramu ekokorodzano dzoruwa makore apfuura. Zvino kune vakuru vakawanda vanokwanisa nechisarudzo chikuru chavarume vane mano okudzidzisa. Kunyange zvazvo vari vaduku zvikuru, vamwe vaava vakuru vane shingairo nemano zvakabvumikiswa, vanogona kudzidzisa zvakanaka uye kupa zano romutsa, uye vanokwanisa kukurudzira vamwe. (1 VaTesaronika 5:12, 13; 1 Timotio 5:17) Somuuyo, hama yakura isingaoneki papurogiramu yekokorodzano inganzwa yafuratirwa uye ingasafara kuti maropafadzo akapiwa kuvakuru vaduku. Bva, murangariro iwoyo wakaipa unobva mukusakwana kwohunhu unogona kukurirwa. Kutaura idi, vose vari muungano vanogona kubetsera kupfurikidza nokuzivisa vakura kuti vanodikanwa, kuti vanodiwa nokuda kwokutendeka kwavo, uye kuti mirangariro yavo inokosheswa.

Chokwadika, munhu akura anoda kuyeuka kuti vanamati biyake vanofanira kukudzwa sezvo iye angada kukudzwa. (Mateo 7:12; VaRoma 12:10) Panzvimbo pokunzwa kuti vanomanikidzwa kurega nemhaka yezera ravo nokutambura nomurangariro wakaipa, vakura vanofanira kufara pamusoro pamakore avo ebasa rokutendeka. Uye zvirokwazvo, tose zvedu tinofanira kuva tinoonga kuti somuuyo wechikomborero chaJehovha, pane chiverengero chinowedzera chavatariri vakakwaniriswa chokugoverana mutoro webasa nokutakura mitoro yeungano sezvo mapoka a“mamwe makwai” anodirana kusangano rechiKristu.—Johane 10:16; Isaya 60:8, 22; 2 Timotio 2:2.

Nemhaka yamarwadzo, utano hwakashata, kana kuti zvimwe zvinhu, vachena musoro pane dzimwe nguva vanova vanoshatirwa. Ikoku kunoraira nzwisiso nokuzviisa munzvimbo yavamwe zvemimwe mitezo yemhuri kana kuti ungano. Kunodawo kuti vakura vashande zvakaoma kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka, kuramba vari vaduku mumwoyo nendangariro. Apo womukamuri rimwe chetero muduku womutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha akanga achibva paBheteri makore akati apfuura, murume akura akamukumbira kukarakadza mutsivi akanaka ndokutaura kuti iye angada hama duku, yakakura mumudzimu kuibetsera kuramba iri duku neinoshingaira. Hama yakura yakazodzwa yakanga isati yodokurega kana kuti kurerutsa, nokuti kwaiva nebasa rinofanira kuitwa. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokutarira mberi nokuchengeta murangariro wakanaka!

Nenzira isingapanikirwi, “majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo; ukomba hwavatana ndiyo misoro yakachena.” Kunoshamisa sei apo vanhu vaduku vanoshandisa masimba avo uye vakura vanoshandisa uchenjeri hwavo mukuronda nzira yokururama! MaKristu akura namaduku zvakafanana anowana mufaro mukuru sezvo anosimudzira nenzira yakabatana kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha Mwari, “wakakwegura pamazuva ake.”—Dhanieri 7:13.

[Mufananidzo uri papeji 28]

MaKristu achena musoro ane zvakawanda zvokupa nokuda kwokubetserwa kwavamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe