RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 4/1 pp. 19-23
  • Kukura nesangano raJehovha muSouth Africa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukura nesangano raJehovha muSouth Africa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhaka yechiKristu
  • Bhizimisi Rinobudirira
  • Chikonzero Nei Ndakakurumidza Kusiya Chikoro
  • Basa reBheteri uye Gilead School
  • Ushumiri Hwangu Hwakapfuuridzirwa
  • Chidzidzo Chinorwadza
  • Zvimwezve Zvikomborero
  • Upenyu Murusaruraganda
  • Kukura kweBheteri
  • Ndiri Kunakidzwa Nekushumira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 4/1 pp. 19-23

Kukura nesangano raJehovha muSouth Africa

Yakataurwa naFrans Muller

APO mukoma wangu David neni takasvika chitima chamadekwana chataiwanzotora pachiteshi chapakati cheCape Town, takashamiswa nokuona chiratidzo chinoti “Vachena Bedzi.” Nationalist Party yakanga yawina sarudzo yomuna 1948 uye yakanga yavamba muitiro worusaruraganda.

Chokwadika, rusaruraganda rwakanga rwanguve rwashandiswa muSouth Africa, sezvarwakanga rwaitwa munyika zhinjisa muAfrica mukati menguva dzehurumende dzokumwe. Asi zvino rwakanga rwuchimanikidzirwa nomutemo, uye takanga tisati tichabvumirwa kugoverana tiroko navaSouth Africa vatema. Makore ane makumi mana namashanu gare gare, rusaruraganda rwuri kuparadzwa.

Mukati menhambo yose yerusaruraganda rwapamutemo, iyo yakapa denho kukupfuuridzira ushumiri hwedu munzira yatingadai takada, ndakabatira somushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Panguva ino, pazera ramakore 65, ndinogona kurangarira pamusoro pokukura kunoshamisa kwesangano raJehovha muAfrica yokumaodzanyemba, uye ndinofara nokuda kweropafadzo yokukura naro.

Nhaka yechiKristu

Apo baba vangu vakanga vari pwere, mangwanani-ngwanani mamwe namamwe vaidikanirwa kurava Bhaibheri zvinonzwika kuna sekuru vangu. Pashure penguva yakati Baba vakakudziridza rudo rukuru nokuda kweShoko raMwari. Apo ndakaberekwa muna 1928, baba vangu vakanga vachibatira mudare rechechi yeDutch Reformed Church muPotgietersrus. Gore iroro babamukuru vangu vakavapa kopi yebhuku rinonzi The Harp of God.

Baba, zvisinei, vakaudza Amai kupisa bhuku racho, vachiti raibva kusekete. Asi vakarichengeta, uye rimwe zuva apo Baba vakarinhonga, rakazaruka pamusoro unoti “Mwari Anotambudza Munhu Upi Noupi Here?” Kunyange zvazvo vaiva nechokwadi chokuti Vadzidzi veBhaibheri, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaidanwa panguva iyoyo, vakanga vasina kururama, kuda kuziva kwavo kwakavakunda, uye vakatanga kurava. Ivo havana kugona kuisa bhuku racho pasi. Mumaawa amangwanani-ngwanani, sezvo vaipinda mumubhedha, vakati: “Ma, ndinozengurira kubvuma asi vane zvokwadi.”

Zuva rakatevera racho, Baba vakachovha makiromita 50 kuti vandowane mabhuku akawanda kuMudzidzi weBhaibheri aiva pedyosa. Nguva dzose, vairava kusvikira usiku chaihwo. Ivo vakatoedza kupwisa mufundisi weDutch Reformed pamusoro pezvokwadi dzeBhaibheri dzavakanga vachidzidza, vachikarira kuti chechi yaizoita gadziridzo. Nhamburiko dzavo hadzina kubudirira, naizvozvo vakabuda muchechi ndokutanga kuparidzira nenzira yokushingaira. Zvokwadi yeBhaibheri yakava upenyu hwavo uye chinhu chinokosha zvikurusa mumusha medu. Ndakakurira muiyi mhoteredzo.

Gare gare, Baba vakava piona, kana kuti mushumiri wenguva yakazara. Vakafamba madaro makuru muModel T Ford yekare kundoparidzira. Pashure pamakore mashomanene, zvinodikanwa zvemhuri yedu inokura zvakavamanikidzira kurega kupayona, asi vakaramba vachishingaira zvikuru mubasa rokuparidzira. Mamwe maSvondo taifamba kusvikira kumakiromita 90 kundoparidzira navo mutaundi rePietersburg.

Bhizimisi Rinobudirira

Baba pakupedzisira vakazarura chitoro chiduku chinotengeswa zvinhu zvakawanda. Nokukurumidza chakapeteka ruviri muukuru, uye chitoro chechipiri chakazarurwa. Varimi vakapfuma vakakutsirana naBaba, uye pashure penguva yakati ivo pamwe chete vakashandisa horosero kubatanidza nhevedzano yezvitoro zvitanhatu zvakapararira panharaunda yakafara.

Vamwe vavakoma vangu vakakumbanira bhizimisi uye zvino vaiva nekariro yokuva vakapfuma. Zvisinei, umudzimu hwedu hwakavamba kutambura. Takava vanogamuchirika zvikuru kushamwari dzenyika navavakidzani, avo vaitikoka kumapati avo. Vachiona ngozi yacho, Baba vakadana musangano wemhuri ndokusarudza kutengesa bhizimisi ndokutamira kuPretoria kuti tigogona kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Vakachengeta chitoro chimwe bedzi, icho chaitarisirwa navashandi.

Vakoma vangu Koos naDavid vakavamba kupayona, nokudaro vachikumbanira hanzvadzi yangu huru, Lina. Mukati momwedzi mumwe muna 1942, mhuri yedu yavane gumi yakapedzera hwerengedzo yamaawa 1 000 mubasa rokuparidzira. Gore iroro ndakaratidzira tsauriro youpenyu hwangu kuna Jehovha kupfurikidza noruombeko rwomumvura.

Chikonzero Nei Ndakakurumidza Kusiya Chikoro

Muna 1944, apo Hondo yeNyika II yakanga ichidya marasha, Gert Nel, mutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha, akandibvunza kana ndakanga ndichironga kupinda mumapoka amapiona. “Hungu,” ndakapindura kudaro, “mumakore maviri, apo ndinopedza chikoro chapamusoro.”

Achirangarira mirangariro yavakawanda veZvapupu zvaJehovha panguva yacho, iye akanyevera, kuti: “Ngwarira kuti Armagedhoni haikusvikiri wakagara pamabhenji echikoro.” Sezvo ndakanga ndisingadi kuti ikoko kuitike, ndakarega chikoro ndokupinda mubasa roupiona pana January 1, 1945.

Mugove wangu wokutanga wakanga uri muVereeniging, pedyo neJohannesburg, uye vakutsirani vangu vakanga vari Piet Wentzel naDanie Otto. Kazhinji kazhinji ndaipedza maawa anopfuura 200 pamwedzi ndichiparidzira. Pashure penguva yakati, Piet akagoverwazve kuguta rePretoria, uye Danie aifanira kurega kupayona kuti abatsire baba vake vakwegura papurazi. Ikoku kwakandisiya seChapupu bedzi chokutarisira fundo dzeBhaibheri dzapamusha 23 muVereeniging.

Nokukurumidza pashure pacho, ndakagamuchira kubva kuhofisi yebazu tsamba iyo yakandigovera kuPretoria. Kunyange zvazvo ndisina kunzwisisa chikonzero chomugove mutsva panguva yacho, gare gare ndakaziva kuti kungadai kusina kuva kuchenjera kurega ane makore 17 asina ruzivo rwokuzviwanira ari oga. Ndakanga ndichiri kuda rovedzo huru uye ndingadai ndakaodzwa mwoyo.

Pashure pokubatira muPretoria nokuwana ruzivo rwokuzviwanira runodikanwa, ndakakokwa kuva piona chaiye. Piet Wentzel neni ipapo takaronga kupa rovedzo inoshanda yavashumiri kuvaduku vakauya kuPretoria kuzopayona. Pakasvika nguva iyoyo Piet akanga agoverwa somutariri anofambira munharaunda yacho. Iye gare gare akaroora hanzvadzi yangu Lina, uye ivo zvino vanobatira pamwe chete pahofisi yebazu yeSouth Africa.

Pakati paavo vakauya kuzopayona muPretoria pakanga pana Martie Vos, mukadzi muduku akaisvonaka akanga arererwa mumhuri yeZvapupu. Takakwezvana mune zvorudo, asi takanga tichiri vechiduku, vaduku zvikuru zvokusagona kuroorana. Zvisinei, apo takagamuchira migove yokudzimwe nzvimbo, takaramba tichinyorerana.

Basa reBheteri uye Gilead School

Muna 1948, ndakakokwa kuzobatira pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muCape Town. Panguva yacho, pakanga pasina nzvimbo imwe yokugara 17 vedu avo vaishanda muhofisi nhatu dzairendwa nefekitari duku pedyo. Vamwe vedu vaigara nemhuri, uye vamwe vaigara mudzimba dzokuroja.

Zuva rokushanda rimwe nerimwe mitezo 17 yemhuri yeBheteri yaiungana pamwe chete nokuda kwokunamata kwamangwanani mukamuri rokuchinjira refekitari duku. Vazhinji vedu taifanira kuronga nokuda kwezvokudya zvedu timene zvamasikati. Ipapo, pashure pezuva rebasa rakazara, taienda kunzvimbo dzedu dzokugara mumativi akasiana-siana eCape Town. Pakanga pari paimwe yenzendo idzodzi, sezvatodudzwa, apo mukoma wangu David neni takashamiswa nechiratidzo chinozivisa kuti, “Vachena Bedzi.”

Apo ndakatanga kusvika pahofisi yeCape Town, ndakaziva kuti ndakanga ndichine zvakawanda zvokudzidza, naizvozvo ndakabvunza Hama Phillips, mutariri wedu webazu, kuti: “Chii chandinofanira kuita kuti ndiwirirane nomusi?”

“Frans,” iye akapindura kudaro, “usanetseka pamusoro pokuwirirana nomusi. Ingoramba uchivambirana!” Nguva dzose ndakaedza kuita izvozvo, uye ndakadzidza kuti kupfurikidza nokuvambirana nomusi neizvo sangano raJehovha rinogovera mune zvokudya zvomudzimu nenhungamiro, munhu acharamba achikura naro.

Muna 1950, ndakakokwa kuzopinda kirasi yechi 16 yeWatchtower Bible School of Gilead yokurovedza vafundisi. Chikoro chacho panguva iyoyo chaiva paSouth Lansing, New York, anenge makiromita 400 kuchamhembe kweBrooklyn, New York. Ndichishanda kwechinguvana padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, ndakacherechedza pakati pamene pesangano rinooneka raJehovha zvakananga. Kuzvipira kwomwoyo wose kwaavo vaitungamirira ipapo kwakandizadza nenzwisiso huru yesangano raJehovha.

Ushumiri Hwangu Hwakapfuuridzirwa

Pashure pokudzokera kuSouth Africa, ndakagadzwa kubatira somutariri anofambira kuchamhembe kweTransvaal, uko ndakanga ndakurira. Pashure pokunyorerana kwamakore matanhatu, Martie neni takaroorana muna December 1952, uye iye akandikumbanira mubasa rokufambira. Kuonga uko hama dzedu dzechiKristu dzaiva nako nokuda kweshanyo dzedu kwaifadza.

Somuenzaniso, pane imwe nguva tichibatira ungano munzanga yokurima, takagara neimwe mhuri yakakumbira ruregerero nokuda kwokusava nomukaka wetii kana kuti kofi. Gare gare takaziva kuti vakanga vatengesa mombe yavo bedzi yomukaka kuti vave nemari yakakwana yokutenga peturu yokutiendesa kundoshanyira mativi ari kure endima yavo kuzopupurira kuvarimi. Takada sei hama dzorudzi irworwo!

Padzimwe nguva ndainzwa ndisina kukwana nokuda kwebasa redunhu, zvikurukuru pakubata nezvinetso zvinobatanidza vanhu vakura. Pane imwe nguva ndakanzwa ndaneta kwazvo mumurangariro zvokuti ndakaudza Martie kuti haafaniri kushamiswa kana tikagoverwazve kubasa roupiona nemhaka yokushaiwa kwangu ruzivo rwokuzviwanira. Iye akandivimbisa kuti aizofara kubatira munzvimbo ipi neipi chero bedzi taigona kurambira muushumiri hwenguva yakazara.

Fungidzira shamisiko yedu apo takasvika paungano yakatevera uye tsamba yedu yaiva nomugove wokubatira mubasa roruwa! Kwaanodokusvika makore maviri, takafamba muSouth Africa mose nomuNamibia, panguva iyeyo yainzi South-West Africa. Zvisinei, nemhaka yetsika yorusaruraganda, basa redu raiwanzova rakaoma. Kazhinji kazhinji tainyimwa mvumo dzokupinda mumataundishipi avatema uye pane dzimwe nguva taisapiwa mvumo yamagungano.

Muna 1960, somuenzaniso, takawana mvumo yokuva nekokorodzano yoruwa muSoweto. Hama dzavatema dzakabva kuungano dziri kure dzakanga dzatotenga matikiti echitima nebhazi kuti dziuye, asi hurumende yakanzwa nezverongedzero dzedu ndokubvisa mvumo. Nenzira yokuchenjera, takasvika sapuritendeti ane ushamwari mutaundi makiromita 20 kurumwe rutivi rweJohannesburg. Iye akatigovera nomutsa nzvimbo inotova iri nani, uye takava nekokorodzano inoshamisa, yakafarikanywa navanopfuura 12 000!

Mugariro wacho wakachinja sei mumakore achangobva kupfuura! Zvino, rusaruraganda zvarwuri kubviswa, tinogona kusangana pamwe chete norusununguko panzvimbo ipi neipi munharaunda dzavatema, vachena, makaradhi, kana kuti maIndia. Munhu ari wose, pasinei zvapo nedzinza, anogona kugara pamwe chete ndokufarikanya ruwadzano. Misiano yomutauro bedzi inopesvedzera apo munhu angada kugara.

Chidzidzo Chinorwadza

Shure muna 1947, baba vangu vakaita chikanganiso chikuru. Chitoro chavo, chaiva makiromita 200 kubva uko ivo naAmai vakanga vachigara, chakava chisingaiti mhindu nemhaka yetarisiro yokusatendeseka, naizvozvo vakadzokera vari voga kundochitarisira ivo vamene. Nhambo refu dzeparadzano naAmai dzakaguma nokuwira kwavo mumuedzo. Somuuyo, vakadzingwa.

Ikoku kwakaroverera pandiri nenzira inorwadza, yomunhu oga kuti kushingairira zvokwadi yeBhaibheri hakuna kukwana. Vose vanofanira kunamatira kunheyo dzeBhaibheri. (1 VaKorinte 7:5) Pashure pamakore akawanda, Baba vakadzorerwa sorutivi rweungano yechiKristu uye vakabatira nokutendeka kutozosvikira parufu rwavo muna 1970. Amai vangu vanodiwa vakaramba vakatendeka kusvikira vafa muna 1991.

Zvimwezve Zvikomborero

Muna 1958, Martie neni takapinda kokorodzano hurusa yati yamboitwa neZvapupu zvaJehovha, paYankee Stadium nePolo Grounds muNew York. Takangozadzwa zvedu nomufaro pakuva rutivi rwesangano rinoshamisa raJehovha. Kuva neboka guru iroro ravanopfuura 253 000 paSvondo masikati chakanga chiri chinoitika tisati tichizotongokanganwa. Pano, kwatiri, pakanga pane zvomene ye‘boka guru rinobva mumarudzi ose’ vakaungana pamwe chete norugare. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Martie akasara muNew York kuti apinde Gilead School, uye ini ndakadzokera kubasa roruwa muSouth Africa.

Muna 1959, pashure pokunge Martie adzokera achibva kundopinda kirasi yechi 32 yeGilead School, takakokwa kuzobatira pahofisi yebazu yeSouth Africa, iyo panguva iyeyo yaiva pedyo neElandsfontein, kumabvazuva kweJohannesburg. Mumakore ose apfuura, ndakaona kufambira mberi kwesangano munzira dzakawanda kwazvo, zvikurukuru kukura kwaro murudo nokunzwira tsitsi. Ndakadzidza kuti Jehovha anotungamirira sangano rake kupfurikidza naJesu Kristu uye achashandisa avo vanozviita vamene vanowanika.

Muna 1962, ndakadzokera kuBrooklyn, New York, kuzopinda kosi yokurovedza yebazu yemwedzi gumi. Iyoyi yakabvumikisa kuva inobetsera apo, muna 1967, ndakagadzwa somutariri webazu weSouth Africa. Muna 1976, Matare eBazu akagadzwa, naizvozvo zvino mutoro wokuita zvisarudzo zvinokosha muSouth Africa uri pamapfudzi avakuru vashanu vechiKristu vane ruzivo rwokuzviwanira.

Upenyu Murusaruraganda

Mitemo yorusaruraganda yakatapura kushanda kwebazu redu. Apo Musha weBheteri waElandsfontein wakavakwa muna 1952, mutemo waida chivako chokuwedzera shure chokugara hama dzavatema nedzechikaradhi. Mutemo waidawo kuti vadye vakaparadzana navachena mudzinonzi nzvimbo dzaVatema. Gare gare, kwakarongwa kuti dzidyire mukicheni yeBheteri. Iyi ndiyo yaiva gadziriro yokudya apo takasvika paBheteri muna 1959. Chinhu chiri chose mandiri chakapandukira iyi paradzano pahwaro hwedzinza.

Pashure penguva yakati, hurumende yakabvisa mvumo yokuti hama dzedu dzavatema dzigare muchivako chaiva shure kwoMusha mukuru weBheteri. Idzi hama dzaifanira kugara mutaundishipi yavatema anenge makiromita 20. Dzimwe dzaigara mumisha yairendwa uye dzimwe muhositeri yavarume vasina kuroora. Uyu mugariro usingafadzi wakapfuurira kwamakore akawanda.

Kukura kweBheteri

Munguvayo, Bheteri yeElandsfontein yaifanira kukudzwa. Pashure pokutambanudza katatu, takanga tasvika miganhu yenzvimbo yedu. Mutumbi Unodzora wakaraira kuti tinofanira kutsvaka nzvimbo itsva umo zviremera zvomunzvimbomo nenzira ine tariro zvaizotibvumira kuvaka dzimba dzeBheteri umo hama dzedu dzavatema dzaigona kugarawo. Mangwanani ari ose mhuri yeBheteri yainyengetera kuti Jehovha nenzira yakati angazarura nzira nokuda kwaikoku.

Rakanga riri zuva rokufara kwakadini apo isu pakupedzisira takawana nzvimbo yakakodzera kunze kweKrugersdorp, kumadokero kweJohannesburg! Zvisinei, zvakare takadikanirwa kuvaka chivako chakaparadzana chehama dzedu dzavatema. Takawirirana asi hatina kugona kuwana mvumo yavanhu vatema 20 vokugariswamo. Nenzira yokuonga, pakasvika pakati pama 1980, zvinhu zvakatanga kuchinja. Hurumende yakapfavisa mitemo yayo yakaoma yorusaruraganda, uye hama dzakawanda dzavatema, makaradhi, uye maIndia vakadanwa kuzobatira nesu paBheteri.

Zvino tine mhuri inofara, yakabatana yeBheteri, apo vanhu vamwe navamwe, pasinei zvapo nedzinza kana kuti ruvara, vanogona kugara muzvipi nezvipi zvezvivako zvavanosarudza. Uyewo, pashure pamakore okuparapatika, pakupedzisira takapiwa zivikanwo yapamutemo sorudzidziso. Sangano rapamutemo romunzvimbomo rakaumbwa iro rakanyoreswa se“Jehovah’s Witnesses of South Africa.” Zvino tine vachatisi vedu timene, uye munharaunda dzinogara vatema, Horo dzoUmambo dziri kuvakwa nokukurumidza.

Sangano raJehovha rakafambira mberi sei chifo chamazuva apakuvamba apo ndakabatira muhofisi yebazu yeCape Town! Kubva pamhuri duku yavane 17 pasina Musha weBheteri, zvino takura kusvika kumhuri yeBheteri yavanopfuura 460, tine zvivako zveBheteri zvazvino uno zvine makomupiyuta akaoma, michina yokutsikirira yerotary, uye Musha weBheteri wakaisvonaka! Hungu, ndakava neropafadzo yokukura nesangano raJehovha muSouth Africa. Takawedzera kubva pavaparidzi voUmambo vanenge 400 apo ndakatanga muushumiri makore 50 apfuura kusvikira kuvanodokuva 55 000 nhasi!

Ndinoonga Jehovha kuti ini, kwamakore 40 apfuura, ndakava nomudzimai anotsigira akadaro parutivi pangu. “Mukombe wangu unopfachuka.” (Pisarema 23:5) Martie neni tinoonga kuva rutivi rwesangano raJehovha rinotungamirirwa nomudzimu uye takatsunga kupfuurira kubatira Jehovha muimba yake, muBheteri, uye kuvambirana nomusi nesangano rake rinofambira mberi.

[Mepu dziri papeji 19]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ANGOLA

ZAIRE

ZAMBIA

ZIMBABWE

BOTSWANA

NAMIBIA

SWAZILAND

LESOTHO

SOUTH AFRICA

Pretoria

Johannesburg

Cape Town

Port Elizabeth

SOUTH ATLANTIC OCEAN

INDIAN OCEAN

MOZAMBIQUE CHANNEL

[Mufananidzo uri papeji 20]

Piet Wentzel naFrans Muller (kuruboshwe) mubasa roupiona muna 1945

[Mufananidzo uri papeji 23]

Frans naMartie Muller

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe