Kutsvaka Kudeya Kutaura Kwakavimbika
“IYE uyo angagona kudeya kuona zvinhu mazuva matatu pachine nguva mberi aizova akapfuma kwezviuru zvamakore.” Chinodaro chirevo chechiChina.
Vanhu vanoda kuziva icho mangwana achaunza, uye vazhinji vangabhadhara nomufaro mari yakawanda nokuda kwamashoko akavimbika orudzi irworwo. Ivo vanotsvaka kudeya kutaura kwakavimbika. Sezvinoonwa mukudeya kutaura mugariro wokunze nezvinoratidzira mugariro wepfuma, tinofarira zvinoitika zviri mberi. Uyezve, zivo yakavimbika yenguva yemberi yaizotigonesa kuronga ndokugadzirira upenyu hwedu.
Chishuvo chokuziva chine nguva yemberi chinosunda vazhinji kubvunza vavuki, vatungamiriri vomudzimu, nyanzvi dzenyeredzi, uye varoyi. Masherufu ezvituro zvamabhuku namagazini akazara manyoro akare naazvino uno aavo vanoti vanodeya kutaura nguva yemberi. Asi panikiro yakakomba izvi zvimiro zvokudeya kutaura. Nyanzvi yezvehurumende Cato yeRoma sezvinoshumwa yakati: ‘Ndinoshamisika kuti mufemberi haaseki panguva ipi kana ipi anoona mumwe mufemberi.’
Kune, chokwadika, kudeya kutaura kwamarudzi akawanda. Muna 1972 rimwe boka ramarudzi ose ravakadzidza navanhu vamabhizimisi rinozivikanwa seClub of Rome rakabudisa fundo inodeya kutaura kuti nyika yaizokurumidza kupera zvinhu zvisingamutsidziriki. Yaizova isina ndarama panosvika 1981, mercury panosvika 1985, zingi panosvika 1990, petroleum panosvika 1992, uye zvichingodaro. Zvino tinoona kuti uku kudeya kutaura hakuna kuitika.
Kudeya kutaura kwakawanda kwakavakirwa pamirangariro yorudzidziso. Kuenzanisira: Bhishopi weSaxon Wulfstan akadavira kuti kuvhozhokera England kweDenmark pakuvamba muzana ramakore rechi 11 chakanga chiri chiratidzo chokuti mugumo wenyika wakanga wava pedyo. Muna 1525, Thomas Münzer akatungamirira mukiro yavarimi veGermany nemhaka yokuti muchiono iye akaona ngirozi dzichirodza majeko nokuda kwouko akafunga kuti kwaizova kucheka kukuru. Nenzira yakajeka, uku kudeya kutaura kwakanga kusina kururama.
Sezvaungaziva, Bhaibheri rine kudeya kutaura. Uyezve, vanyori veBhaibheri vaitaura kuti vakafuridzirwa naMwari. Muapostora wechiKristu Petro akati: “Hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa no[mudzimu, NW] mutsvene.”—2 Petro 1:20, 21.
Pakati pezvimwe zvinhu, Bhaibheri rakadeya kutaura zvinoitika zvakasiana-siana zvinozivisa chizvarwa chaizowana kuvapo kwaJesu Kristu musimba roUmambo hwokudenga. Hondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, uye kupunzika kwesimba retsika dzavanhu zvisina muenzaniso zvaizova chiratidzo cheizvo Bhaibheri rinorondedzera sa“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:3-14, 34) Mukuwirirana neBhaibheri, kubviswa kwetsika yazvino yezvinhu kwaizogadzirira nzira mufarwa worudzi rwomunhu munyika itsva yezvikomborero zvisingagumi.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4.
Unorangarira sei kudeya kutaura kwakadaro kweBhaibheri? Kufanana nokumwe kudeya kutaura kwakawanda, dzinongova hadzo fungidziro here? Tinogona kuedza kuvimbika kwouporofita hweBhaibheri huchigere kuzadzikwa kupfurikidza nokuziva kana kudeya kutaura kweBhaibheri pamusoro pezvinoitika zvomunguva yakapfuura kwakanga kwakavimbika. Munyaya inotevera, ticharangarira kumwe kwaikoku.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Courtesy National Weather Service