Kudeya Kutaura kweBhaibheri Kwakavimbika Sei?
MABHUKU enhau akawanda nhasi. Idzi nhauro dzezvakaitika munguva yakapfuura kazhinji kazhinji dzinobvumikisa kuva dzinofadza zvamazvirokwazvo. Sezvatinodzirava, tingazviona timene tiri mumigariro yakare. Fungidziro yedu ingakwira sezvo vanhu, nzvimbo, uye zvinoitika zvinoratidzika kuva zvinobva mumapeji akanyarara.
Bhaibheri ibhuku rakadaro—rakazara nenhauro dzinofadza dzenhau. Kupfurikidza namapeji aro, tinogona kuva vakarovedzana navarume navakadzi vakadai saAbrahama, mudzimai wake Sara, Mambo Dhavhidhi, Mambokadzi Estere, uye Mudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu. Tinogona, chaizvoizvo, kufamba navo, kunzwa zvavakataura, uye kuona zvavakaona. Asi vazhinji vanorangarira Bhaibheri kuva rinopfuura zvikuru bhuku renhau. Ivo vanodavira kuti iro rine yakanzi nhau yakanyorwa pachine nguva mberi. Neiko? Nemhaka yokuti Bhaibheri rakazadzwa nokudeya kutaura, kana kuti uporofita.
Bva, kudeya kutaura kweBhaibheri kwakavimbika sei? Kana uporofita hweBhaibheri hwakazadzikwa muzvinoitika zvomunguva yakapfuura, hatifaniri here kukarira kudeya kutaura kwakadaro pamusoro pezvinoitika zvomunguva yemberi kuitika? Zvino ngatirangarirei mimwe mienzaniso kuti tione kana kudeya kutaura kweBhaibheri kwakavimbika.
Israeri neAsiria Pachikuva Chenyika
Muporofita waMwari Isaya, uyo akavamba kuporofita munenge muna 778 P.N.V., akadeya kutaura, kuti: “Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfraimi [Israeri] ichatsikwa pasi netsoka; ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaorera, richava seonde rinotanga kuibva zhezha richigere kusvika; rinoti richatarirwa nowariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.” (Isaya 28:3, 4) Sezvakadaro kudeya kutaurwa, pakasvika pakati pezana ramakore rechisere P.N.V., dzimbahwe raIsraeri, Samaria, rakanga rava rakafanana neonde raibva rodokutanhwa ndokumedzwa namauto ehondo eAsiria. Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika apo Samaria yakakurirwa navaAsiria muna 740 P.N.V.—2 Madzimambo 17:6, 13, 18.
Pashure penguva yakati rakanga rava dzoro reAsiria kuti ikoshe munhau. Dzimbahwe rayo rakanga riri Ninevhe, raiva nomukurumbira wakaipa kwazvo wokubata nhapwa noutsinye zvokuti rakanzi “guta reropa.” (Nahumi 3:1) Jehovha Mwari amene akanga araira ruparadziko rweNinevhe. Somuenzaniso, kupfurikidza nomuporofita Nahumi, Mwari akati: “Tarira, ndine mhaka newe . . . nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose. Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti: ‘Ninevhe raparadzwa!’” (Nahumi 3:5-7) Zefania akadeya kutaurawo ruparadziko rweAsiria nokuitwa dongo kweNinevhe. (Zefania 2:13-15) Uporofita ihwohwu hwakazadzikwa muna 632 P.N.V. apo, nenzira inoshamisa, mauto akabatanidzwa amambo weBhabhironi Nabopolassar naCyaxares muMedhia akapamba ndokuparadza Ninevhe—zvakakwana kwazvo zvokuti kunyange nzvimbo yeguta racho yakava isingazivikanwi kwamakore anopfuura 2 000. Umambo hweBhabhironi hwakatevera pachikuva chenyika.
Ruparadziko rweBhabhironi Rwakadeya Kutaurwa
Bhaibheri rakadeya kutaura kuti Umambo hweBhabhironi hwaizoparadzwa ndokudeya kutaura kuti dzimbahwe rahwo, Bhabhironi, raizowa. Anodokuva mazana maviri amakore pachine nguva mberi, muporofita Isaya akanyevera kuti Rwizi rwaYufratesi rwaizopwiswa. Rwaiyerera nomuBhabhironi, uye masuo aiva muRwizi aiva rutivi runokosha rwokudzivirirwa kweguta racho. Uporofita hwakadudza Koreshi somukundi ndokutaura kuti “masuo” eBhabhironi haasati aizovharirwa kuvavhozhokeri. (Isaya 44:27–45:7) Nenzira inowirirana, Mwari akava nechokwadi chokuti masuo eBhabhironi aiva muna Yufratesi akasiiwa akazaruka mukati momutambo pausiku uhwo mauto aKoreshi Mukuru akaita denho yawo. Pasina chitambudzo, naizvozvo, iwo akapinda muguta nomugova ndokutapa Bhabhironi.
Wezvenhau Herodotus akanyora, kuti: “Koreshi . . . akaisa rutivi rweuto rake panzvimbo apo Yufratesi rwunoyerera ruchipinda mu[Bhabhironi] uye rimwe boka ramauto pamugumo wakapesana apo rwunoyerera rwuchibuda, nemirairo kuose ari maviri yokumanikidzira kupinda nomugova nokukurumidza sezvo akaona kuti mvura yakanga isina kudzama zvakakwana. . . . Kupfurikidza nomugero iye akatsausa rwizi kuti rupinde munyanza (iyo panguva iyeyo waiva murove) uye neiyi nzira akaderedza zvikuru kwazvo udzame hwemvura mugova chaimoimo morwizi zvokuti rwakava runogona kuyambukwa, uye hondo yePersia, iyo yakanga yasiiwa paBhabhironi nokuda kwedonzo racho, yakapinda murwizi, zvino rwakadzama bedzi zvakakwana kusvika panenge pakati pechidya chomunhu, uye, achifamba nomo, akapinda mutaundi. . . . Kwakanga kune mutambo waipfuurira, uye kunyange apo guta rakanga richiwa vakapfuurira kutamba ndokuzvifarikanya vamene, kutozosvikira maidi akaoma aita kuti vafunge zvakanaka.”—Herodotus—The Histories, rakashandurwa naAubrey de Selincourt.
Pausiku ihwohwo humene, muporofita waMwari Dhanieri akanyevera mutongi weBhabhironi nezvengwavaira inoswedera pedyo. (Dhanieri, ganhuro 5) Bhabhironi rine simba duku rakavapo kwamazana amakore akati pashure paikoko. Ari imomo, somuenzaniso, muapostora Petro akanyora tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa muzana ramakore rokutanga N.V. (1 Petro 5:13) Asi uporofita hwaIsaya hwakanga hwati: “Bhabhironi . . . richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora. Haritongogarwi navanhu.” Mwari akanga atiwo: “Ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana navana vavana.” (Isaya 13:19-22; 14:22) Sezvakadeya kutaurwa, Bhabhironi pakupedzisira rakava murwi wamatongo. Kudzorerwa kunobvira kupi nokupi kweguta iroro rakare kungakwezva vashanyi asi kwaizongorisiya risina “vana navana vavana” varo.
Dhanieri—muporofita waJehovha aivamo muBhabhironi apo rakawa—akava nechiono chinobatanidza vaMedhia navaPersia vanokunda. Iye akaona gondohwe rine nyanga mbiri nenhongo yaiva nenyanga huru pakati pameso ayo. Mbudzi yakadenha gondohwe ndokuririga, richigura nyanga dzaro mbiri. Ipapo nyanga huru yembudzi yakaguka, uye nyanga ina dzakabuda munzvimbo yayo. (Dhanieri 8:1-8) Seizvo Bhaibheri rakadeya kutaura uye nhau yakasimbisa, gondohwe rine nyanga mbiri rakamirira Medhia nePersia. Nhongo yakamirira Girisi. Uye zvakadiniko nezve“nyanga huru” yayo? Iyoyi yakabvumikisa kuva Alexander Mukuru. Apo nyanga huru iyoyo yokufananidzira yakaguka, nyanga ina dzokufananidzira (kana kuti, umambo) akaitsiva. Mukuwirirana nouporofita, pashure pokunge Alexander afa, vatungamiriri vake vana vehondo vakazvigadza vamene musimba—Ptolemy Lagus muEgipita neParestina; Seleucus Nicator muMesopotamia neSiria; Cassander muMakedhonia neGirisi; uye Lysimachus muThrace neAsia Minor.—Dhanieri 8:20-22.
Kudeya Kutaurwa Kwenguva Yemberi Yakajeka
Kudeya kutaura kweBhaibheri pamusoro pezvinoitika zvakadai soruparadziko rweBhabhironi nokukundwa kweMedhia nePersia inongova zvayo mienzaniso youporofita hwakawanda hwapaMagwaro hwakaitika munguva yakapfuura. Bhaibheri rinewo kudeya kutaurwa kwenguva yemberi yakajeka yaizovapo nemhaka yaMesia, Muzodziwa waMwari.
Kudeya kutaura kwouMesia muMagwaro echiHebheru kwakashandiswa kuna Jesu Kristu navanyori vaMagwaro echiGiriki echiKristu. Somuenzaniso, vanyori veEvhangeri vakaonesa kuti Jesu akaberekwa muBhetrehema, sezvakadeya kutaurwa nomuporofita Mika. (Mika 5:2; Ruka 2:4-11; Johane 7:42) Muzadziko youporofita hwaJeremia, vana vakaurawa pashure pokuberekwa kwaJesu. (Jeremia 31:15; Mateo 2:16-18) Mashoko aZekaria (9:9) akawana zadziko apo Kristu akapinda muJerusarema akatasva mwana wembongoro. (Johane 12:12-15) Uye apo varwi vakagova zvipfeko zvaJesu pashure pokurovererwa kwake, ikoku kwakazadzika mashoko owezvamapisarema: “Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.”—Pisarema 22:18.
Kumwe kudeya kutaura kwouMesia kunonongedzera kunguva inofadza yedzinza ravanhu. Muchiono, Dhanieri akaona “mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” achigamuchira “simba nokubwinya, noushe” kuna Jehovha, “Wakakwegura Pamazuva Ake.” (Dhanieri 7:13, 14) Pamusoro pokutonga kwouMesia kwaMambo iyeyo wokudenga, Jesu Kristu, Isaya akazivisa, kuti: “Zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari Une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.”—Isaya 9:6, 7.
Kutonga kwakarurama kwaMesia kusati kwadzora, chimwe chinhu cherevo inokosha chinofanira kuitika. Ichochiwo chakadeya kutaurwa muBhaibheri. Pamusoro paMambo wouMesia, wezvamapisarema akaimba, achiti: “Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imi wamasimba, . . . Fambai noumambo hwenyu muchikunda, nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama.” (Pisarema 45:3, 4) Achinongedzera kuzuva redu, Magwaro akadeyawo kutaura, kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Pisarema 72 rinogovera rumbonera rwemigariro mukutonga kwouMesia. Somuenzaniso, “nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvika mwedzi waguma.” (Ndima 7) Panguva iyeyo hakusati kuchizova nedzvinyiriro kana kuti masimba masimba. (Ndima 14) Hakuna munhu achanzwa nzara, nokuti “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Ndima 16) Uye imbofunga zvako! Unogona kufarikanya izvozvi nezvimwe zvikomborero muparadhiso yapasi apo tsika yazvino yezvinhu inotsiviwa nenyika itsva yakapikirwa yaMwari.—Ruka 23:43; 2 Petro 3:11-13; Zvakazarurwa 21:1-5.
Zvirokwazvo, ipapoka, kudeya kutaura kweBhaibheri kwakafanirwa nenzvero yako. Naizvozvo, kuregerereiko kubvunza Zvapupu zvaJehovha nokuda kwamashoko akawanda? Kunzverwa kwouporofita hweBhaibheri kunogona kukubetsera kuona patiri mukufamba kwenguva. Kungasimudzirawo mukati momwoyo wako kuonga kukuru nokuda kwaJehovha Mwari negadziriro yake inoshamisa yechikomborero chisingagumi chavose vanomuda nokumuteerera.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Unoziva here revo yechiono chaDhanieri chinobatanidza nhongo negondohwe?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Uchavamo here kuti ufarikanye zadziko yokudeya kutaura kweBhaibheri pamusoro poupenyu hunofadza muparadhiso yapasi?