Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Vanhu vachamutswa here kana vasingagamuchiri chiKristu chechokwadi zvino ndokufa pamberi pokutanga kwedambudziko guru?
Kwakanaka kuti tose zvedu tidzivise kombamiro ipi neipi yokuita savatongi, tichiziva kuti pakupedzisira, rutongeso rwaJehovha kupfurikidza naJesu Kristu ndirwo runokosha. (Johane 5:22; Mabasa 10:42; 2 Timotio 4:1) Asi Magwaro anogovera mashoko anobetsera mukupindura mubvunzo uri pamusoro apa.
Kuparidzirwa munyika yose kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari rutivi runokosha rwe‘chiratidzo chokuvapo kwaJesu.’ Ichi chiratidzo chave chichioneka chifo chapakuvamba muzana rino ramakore. Basa rokuparidzira riri kuva nomuuyo wokuparadzaniswa kwavanhu vamarudzi ose mukuzadzikwa kwomuenzanisiro waJesu wa“makwai” ne“mbudzi.” Nokupedzwa kwouyu mubato wokuparidzira nokukamuranisa, “dambudziko guru” richagumisa tsika iripo yakaipa yezvinhu.—Mateo 24:3, 21, 22, NW; Mat. 25:31-46.
Jehovha, pamwe chete noMwanakomana wake, vachatonga kana vapi navapi vanoramba shoko roUmambo ndokufa pamberi pokutanga kwedambudziko guru vachiiswa muboka sembudzi. Jesu akataura kuti mbudzi dzi“chaenda kukurohwa kusingaperi.” Naizvozvo, tinogona kugumisa kuti avo vanosarudzwa naMwari kuva mbudzi havasati vachizogamuchira rumuko. Vane rutongeso rwakafanana nourwo rwaavo “vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi” panguva yedambudziko guru.—2 VaTesaronika 1:9.
Asi zvakadiniko naavo vangasaratidzika kuva vakaratidzirwa zvakakwana kushoko roUmambo zvokukwanisa kuita chisarudzo chokuchenjera kuti vatsigire kana kuti varwisane nezvokwadi vasati vafa mukati maaya “mazuva okupedzisira”?—2 Timotio 3:1.
Vazhinji vanofa apo basa rokuparidzira rinenge richifambira mberi pamberi pedambudziko guru sezviri pachena vachagamuchira rumuko. Ikoku kunoratidzirwa nezvatinorava pana Zvakazarurwa 6:7, 8 pamusoro pokutasva kwavatasvi vamabhiza vokufananidzira. Vanhu vazhinji vakafa savanyajambwa vehondo, perevedzo yezvokudya, uye madambudziko anouraya. Sezvo iri “Hadhesi” inotora ava vanyajambwa vo“Rufu,” vachamutswa mukati moKutonga kwaKristu kweMireniyumu, apo Hadhesi inobudisa vakafa vose vari mairi. (Zvakazarurwa 20:13) Chiverengero chaavo vanomutsirwa kuupenyu chingave chakava nebatano yakati neshoko roUmambo vasati vafa.
Tinogona kuva vanoonga sei kuti Jesu haana kukusiira kuvanhu kusarudza kuti ndivanaani vakafanana namakwai uye ndivanaani vakafanana nembudzi! Vanhu vasina kukwana havagoni kuyera nenzira yakafanira kuti ibanza rakakura zvakadini iro munhu akati akava naro rokunzwa ndokugamuchira mashoko akanaka. Tinogona kuziva chaiva mugariro womwoyo kana kuti aida kururama zvechokwadi here? Tinogona here kuyera kuti ihuru zvakadini yedavidzo yake ingave yakatapurwa nemhuri yake, mugariro wake wapashure worudzidziso, kana kuti dzimwe pesvedzero? Sezviri pachena kwete. Bva, tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanogona kuyera zvinhu zvakadaro uye ipapo kusvika marutongeso akakwana, akanaka, uye akarurama.—Dheuteronomio 32:4; Isaya 11:1-5.
Nokudaro, hapana chikonzero chokuti tifungidzire pamusoro pokuti ndivanaani pakati paavo vakafa misi ichangobva kupfuura iyi vangamutswa kana kuti vangasamutswa. Ichi ndichimwe chinhu chatisina kutenderwa kuita. (Enzanisa naRuka 12:13, 14.) Kuchenjera zvikuru kuti timirire zvisarudzo zvaVatongi vakarurama, Jehovha Mwari naJesu Kristu. Ikoku kuchatipa rugare rwakawanda rwendangariro savabatiri vaJehovha. Kuchatibetserawo kupa ngwariro iri nani kune izvo takagoverwa kuita—‘kuenda ndokuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, tichivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose Jesu akaraira.’—Mateo 28:19, 20.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Gwai reLeicester, Meyers