RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/1 pp. 8-13
  • Kubatira Jehovha Nomudzimu Wokuzvibaira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Jehovha Nomudzimu Wokuzvibaira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kana Munhu Achida Kuuya Shure Kwangu”
  • Kudziridza Ndokuchengeta Mudzimu Wokuzvibaira waJesu
  • Kuzvibaira Kunounza Zvikomborero Zvikuru
  • Hatichazviraramiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Tevera Jesu Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Nei Tichifanira Kuzvipira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/1 pp. 8-13

Kubatira Jehovha Nomudzimu Wokuzvibaira

“Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira, NW], anditevere.”—MATEO 16:24.

1. Jesu akazivisa sei vadzidzi vake pamusoro porufu rwake rwaiswedera pedyo?

MUNHARAUNDA yeGomo reHermoni rine sinou pamusoro, Jesu Kristu anosvika nhambo yechinjo huru muupenyu hwake. Ane risingasviki gore rimwe rokurarama. Anozviziva; vadzidzi vake havazivi. Nguva yasvika zvino yokuti vazive. Chokwadi, Jesu akanongedzera kurufu rwake runoswedera pedyo kare, asi iyi inguva yokutanga yaanojeka pamusoro parwo. (Mateo 9:15; 12:40) Nhauro yaMateo inorava, kuti: “Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake, kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navaprista vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu.”—Mateo 16:21; Marko 8:31, 32.

2. Ndokupi kwaiva kuita kwaPetro kumashoko aJesu pamusoro pokutambura Kwake kwomunguva yemberi, uye Jesu akapindura sei?

2 Mazuva aJesu ava mashomanene. Petro, kunyanguvezvo, anoshatirirwa mufungo wakadaro unoratidzika kuva usina kunaka. Iye haagoni kubvuma kuti Mesia achauraiwa chaizvoizvo. Naizvozvo, Petro anoshinga kutuka Tenzi wake. Achisundwa nevavariro dzakanakisisa, iye nokukurumidza anokurudzira, kuti: “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! hamungaitirwi izvozvo.” Asi Jesu anoramba pakarepo mutsa wakaiswa pasina kufanira waPetro, sokupwanya chaizvoizvo kungaita mumwe musoro wenyoka ine uturu. “Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”—Mateo 16:22, 23.

3. (a) Petro nokusaziva akazviita amene sei mumiriri waSatani? (b) Petro akanga ari sei chigumbuso kunzira yokuzvibaira?

3 Petro nenzira yokusaziva akazviita amene mumiriri waSatani. Mhinduro yaJesu yakasimba seapo akapindura Satani murenje. Imomo Dhiabhorosi akaedza kuedza Jesu noupenyu hwakapfava, umambo pasina kutambura. (Mateo 4:1-10) Zvino Petro anomukurudzira kuva munyoro kwaari amene. Jesu anoziva kuti ikoku hakusati kuri kuda kwaBaba vake. Upenyu hwake hunofanira kuva huya hwokuzvibaira, kwete huya hwokuzvigutsa. (Mateo 20:28) Petro anova chigumbuso kunzira yakadaro; tsitsi dzake dzine vavariro dzakanaka dzinova musungo.a Jesu, kunyanguvezvo, anoona nenzira yakajeka kuti kana akachengeta pfungwa ipi neipi youpenyu husina kuzvibaira, aizobva munyasha dzaMwari kupfurikidza nokubatwa mukubata kworufu kwomusungo waSatani.

4. Neiko upenyu hwoumbozha hwokuzvigutsa hwakanga husati huri hwaJesu navateveri vake?

4 Kufunga kwaPetro, naizvozvo, kwaida kugadziridzwa. Mashoko ake kuna Jesu akamirira pfungwa yomunhu, kwete yaMwari. Upenyu hwoumbozha hwokuzvigutsa, nzira iri nyore yokubuda nayo mukutambura, yakanga isiri yaJesu; uyewo upenyu hwakadaro hwakanga husingafaniri kuva hwavateveri vake, nokuti Jesu anotevera kutaura kuna Petro navasara vose vavadzidzi, kuti: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira, NW], anditevere.”—Mateo 16:24.

5. (a) Ndeipi iri denho yokurarama upenyu hwechiKristu? (b) MuKristu anofanira kuva akagadzirira nokuda kwezvinhui zvitatu zviri madikanwa?

5 Jesu anodzoka adzokazve kuuyu musoro mukuru: denho yokurarama upenyu hwechiKristu. Kuti ave vateveri vaJesu, maKristu, kufanana noMutungamiriri wavo, vanofanira kubatira Jehovha nomudzimu wokuzvibaira. (Mateo 10:37-39) Nokudaro, iye anoronga zvinhu zvitatu zviri madikanwa izvo muKristu anofanira kuva akagadzirira kuita: (1) kuzviramba amene, (2) kusimudza danda rake rokutambudzira, uye (3) kutevera Iye nguva dzose.

“Kana Munhu Achida Kuuya Shure Kwangu”

6. (a) Munhu anozviramba amene sei? (b) Ndiani watinofanira kufadza kupfuura isu timene?

6 Kuzviramba umene kunorevei? Kunoreva kuti munhu anofanira kuzviramba amene chose chose, rudzi rwakati rworufu kwaari amene. Revo huru yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kuramba” ndiko “kuti aiwa”; rinoreva “kuramba chose chose.” Naizvozvo, kana ukagamuchira denho youpenyu hwechiKristu, unorega nokudisa vavariro dzako umene, umbozha, zvishuvo, mifarwa, kufara. Chaizvoizvo, unopa upenyu hwako hwose nechinhu chiri chose chahunobatanidza kuna Jehovha Mwari kwenguva yose. Kuzviramba umene kunoreva zvinopfuura kuzvinyima umene mifarwa yakati panhambo nenhambo. Panzvimbo pezvo, kunoreva kuti munhu anofanira kupa huridzi hwake amene kuna Jehovha. (1 VaKorinte 6:19, 20) Munhu akazviramba amene anorarama kuti afadze, kwete iye amene, asi Mwari. (VaRoma 14:8; 15:3) Kunoreva kuti nhambo iri yose youpenyu hwake, iye anoti aiwa kuzvishuvo zvoudyire uye hungu kuna Jehovha.

7. Chii chiri danda rokutambudzira romuKristu, uye anoritakura sei?

7 Kusimudza danda rako rokutambudzira, naizvozvo, kune revo dzakakomba. Kutakura danda mutoro uye chiratidzo chorufu. MuKristu anodisa kutambura kana kudikanwa kukavapo, kana kuti kunyadziswa kana kuti kutambudzwa kana kuti kunyange kuurawa nemhaka yokuva muteveri waJesu Kristu. Jesu akati: “Usingatori [danda rake rokutambudzira, NW], akanditevera, haana kufanireni.” (Mateo 10:38) Havasati vari vose vanotambura vakatakura danda rokutambudzira. Vakaipa vane “marwadzo” akawanda asi havana danda rokutambudzira. (Pisarema 32:10) Zvisinei, upenyu hwomuKristu hupenyu hwokutakura danda rokutambudzira rebasa rechibairo kuna Jehovha.

8. Muenzanisoi woupenyu Jesu akagadzira vateveri vake?

8 Mugariro wokupedzisira uyo Jesu akadudza ndowokuti timutevere nguva dzose. Jesu anoda kwete bedzi kuti tigamuchire ndokudavira zvaakadzidzisa asi kuti, kwoupenyu hwedu hwose, titevere nguva dzose muenzaniso waakagadza. Uye ndaapi ari mamwe amativi makuru anooneka mumuenzaniso wake woupenyu? Apo akapa vateveri vake basa ravo rokupedzisira, iye akati: “Endai naizvozvo ndokuita vadzidzi . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW) Jesu akaparidzira ndokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo. Vadzidzi vake vapedyo vakadarowo uye, zvamazvirokwazvo, ungano yose yechiKristu yapakuvamba. Uyu mubato wokushingaira mukuwedzera kukuva kwavo vasati vari rutivi rwenyika wakaunza pavari ruvengo nechishoro zvenyika, izvo zvakaguma nokutorema zvikuru kwedanda ravo rokutambudzira kutakura.—Johane 15:19, 20; Mabasa 8:4.

9. Jesu aibata sei vamwe vanhu?

9 Mumwe muenzaniso wakatanhamara unoonwa muupenyu hwaJesu yakanga iri nzira yaakabata nayo vamwe vanhu. Iye akanga ane mutsa uye “munyoro neane mwoyo unozvininipisa.” Nokudaro, vateereri vake vakanzwa vamutsidzirwa mumudzimu uye vakakurudzirwa nokuvapo kwake. (Mateo 11:29, NW) Haana kuvatyisidzira kuti vamutevere kana kuti kugadza mutemo pashure pomutemo pamusoro penzira yavaifanira kuita nayo saizvozvo; uyewo haana kuparira kuti kunzwa kwokuva nemhaka kuvagombedzere kuva vadzidzi vake. Pasinei zvapo noupenyu hwavo hwokuzvibaira, ivo vakaratidzira mufaro wapachokwadi. Musiano mukuru wakadini naavo vane mudzimu wenyika wokuzvigutsa uyo unoratidzira “mazuva okupedzisira”!—2 Timotio 3:1-4.

Kudziridza Ndokuchengeta Mudzimu Wokuzvibaira waJesu

10. (a) Mukuwirirana naVaFiripi 2:5-8, Kristu akazviramba amene sei? (b) Kana tiri vateveri vaKristu, tinofanira kuratidzira chimiroi chendangariro?

10 Jesu akagadza muenzaniso mukuzviramba amene. Iye akasimudza danda rake rokutambudzira ndokuritakura nguva dzose kupfurikidza nokuita kuda kwaBaba vake. Pauro akanyorera maKristu muFiripi, kuti: “Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuwo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwa[padanda rokutambudzira, NW].” (VaFiripi 2:5-8) Ndiani angagona kuzviramba amene zvakakwana zvikuru kupfuura izvozvo? Kana uri waKristu Jesu uye uri mumwe wavateveri vake, unofanira kuchengeta chimiro chimwe chetechi chendangariro.

11. Kurarama upenyu hwokuzvibaira kunoreva kuraramira kuda kwaani?

11 Mumwe muapostora, Petro, anotiudza kuti sezvo Jesu akatambura ndokutifira, maKristu anofanira kuzvishongedzera amene, kufanana navarwi vakasanogadzirira, nomudzimu mumwe chetewo uyo Kristu akanga anawo. Iye anonyora, kuti: “Naizvozvo, Kristu zvaakatambudzika panyama, nemiwo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega zvivi; kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.” (1 Petro 3:18; 4:1, 2) Nzira yaJesu yokuzvibaira yakaratidza nenzira yakajeka kuti ainzwa sei pamusoro pako. Iye airangarira chinhu chimwe mukuzvipira kwake, nguva dzose achiisa kuda kwaBaba vake pamusoro pokwake amene, kunyange kusvikira papfundo rorufu runonyadzisa.—Mateo 6:10; Ruka 22:42.

12. Upenyu hwokuzvibaira hwakanga hwakaipa kuna Jesu here? Tsanangura.

12 Kunyange zvazvo upenyu hwaJesu hwokuzvibaira hwakanga huri nzira yakaoma neinodenha kuti atevere, haana kuiwana isingafadzi. Panzvimbo pezvo, Jesu akafarira kuzviisa amene pasi pokuda kwoumwari. Kwaari, kuita basa raBaba vake kwakanga kwakafanana nezvokudya. Iye aiwana gutsikano chaiyoiyo mariri, kungofanana nezvaizoita munhu nezvokudya zvakanaka. (Mateo 4:4; Johane 4:34) Nokudaro, kana uchida kunzwa uchigutswa zvirokwazvo muupenyu hwako, hapana chinhu chiri nani chaunogona kuita kupfuura kutevera muenzaniso waJesu kupfurikidza nokusakurira chimiro chake chendangariro.

13. Rudo isimba sei rinosunda riri seri kwomudzimu wokuzvibaira?

13 Chaizvoizvo, chii chiri simba rinosunda riri seri kwomudzimu wokuzvibaira? Mushoko rimwe, rudo. Jesu akati: “‘Ida [Jehovha, NW], Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.’ Ndiwo murairo mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: ‘Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.’” (Mateo 22:37-39) MuKristu haagoni kuva ane udyire uye, panguva imwe cheteyo, achiteerera mashoko iwayo. Mufarwa wake amene nefariro zvinofanira kudzorwa kutanga uye zvikurusa nokuda kwake Jehovha uye ipapo nokuda kwake muvakidzani. Ndiwo mararamire ayo Jesu akaita upenyu hwake, uye ndizvo zvaanokarira kuvateveri vake.

14. (a) Mitoroi inotsanangurwa pana VaHebheru 13:15, 16? (b) Chii chinotikurudzira kuparidzira mashoko akanaka neshingairo?

14 Muapostora Pauro akanzwisisa uyu mutemo worudo. Iye akanyora, kuti: “Kupfurikidza naye nguva dzose ngatipe kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake. Uyezve, musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu navamwe, nokuti Mwari anosanofadzwa nezvibairo zvakadaro.” (VaHebheru 13:15, 16, NW) MaKristu haapi kuna Jehovha zvibairo zvemhuka kana kuti zvakafanana; nokudaro, haadi vaprista vohunhu patembere yakavakwa nezvinhu kuti vatungamirire mukunamata kwawo. Chibairo chedu cherumbidzo chinopiwa kupfurikidza naKristu Jesu. Uye zvikurukuru tinoratidza kuda kwedu Mwari kupfurikidza nechibairo ichocho cherumbidzo, ziviso iyoyo yapachena kuzita rake. Zvikurukuru mudzimu wedu usina udyire wakasimbiswa murudo unotikurudzira kuparidzira mashoko akanaka neshingairo, tichivavarira kuva vakagadzirira nguva dzose kupa kuna Mwari chibereko chemiromo yedu. Nenzira iyoyi tinoratidzawo kuda muvakidzani.

Kuzvibaira Kunounza Zvikomborero Zvikuru

15. Mibvunzoi inonzvera pamusoro pokuzvibaira yatinogona kuzvibvunza timene?

15 Mira kwechinguvana ndokurangarira mibvunzo inotevera: Muenzaniso wazvino woupenyu hwangu unoratidzira nzira yokuzvibaira here? Nharidzano dzangu dzinonongedzera kuupenyu hwakadaro here? Mitezo yemhuri yangu iri kuwana betsero dzomudzimu mumuenzaniso wangu here? (Enzanisa na 1 Timotio 5:8.) Zvakadiniko nenherera nechirikadzi? Idzowo dzinobetserwa nomudzimu wangu wokuzvibaira here? (Jakobho 1:27) Ndinogona kuwedzera nguva yandinopedzera muchibairo changu chapachena cherumbidzo here? Ndinokwanisa kusvasvavirira ropafadzo yebasa roupiona, rapaBheteri, kana kuti roufundisi, kana kuti ndinogona kutama kuti ndibatire munharaunda uko kune kudikanwa kukuru zvikuru kwavazivisi voUmambo here?

16. Unyanzvi hungatibetsera sei kurarama upenyu hwokuzvibaira?

16 Pane dzimwe nguva kunoda unyanzvi hushomanene kusvika simba redu rakazara mukubatira Jehovha nomudzimu wokuzvibaira. Somuenzaniso, Janet, piona wenguva dzose muEcuador, akashanda nguva yakazara kunyika. Nokukurumidza, rudungwe rwake rwakaita kuti kumuomere kusvitsa zvinodikanwa zvamaawa zvapiona wenguva dzose nomudzimu wokufara. Iye akasarudza kutsanangura chinetso chacho kumushandirwi wake ndokukumbira kuderera mumaawa ebasa. Sezvo iye akanga asingadisi kuderedza nguva yake yebasa, tevere akazoenda naMaria, uyo akanga ari kutsvaka basa renguva isina kuzara kuti agone kupayona. Mumwe nomumwe wavo akazvipira kushanda hafu yezuva, vachigoverana basa rezuva rakazara. Mushandirwi akabvuma chikarakadzo chacho. Zvino hanzvadzi dzacho dzose dziri mbiri mapiona enguva dzose. Pakuona uyu muuyo unoshamisa, Kaffa, uyo akanga anetawo nokushandira nguva yakazara kambani imwe cheteyo uye achirwisa kuvambirana nenguva yake youpiona, akaenda naMagali ndokuita chikarakadzo chimwe chetecho. Ichowo chakagamuchirwa. Nokudaro, hanzvadzi ina dzinokwanisa kupayona, panzvimbo pembiri idzo dzakanga dzava papfundo rokusiya basa renguva yakazara. Unyanzvi nokutanga kuita zvinhu zvakabetsera.

17-21. Vamwe vanyakuroorana vakanzverazve sei donzo ravo muupenyu, uye nomuuyoi?

17 Uyezve, rangarira nzira yokuzvibaira yakateverwa naEvonne mukati mamakore gumi akapfuura. Iye akanyora zvinotevera kuWatch Tower Society muna May 1991, kuti:

18 “Muna October 1982, mhuri yangu neni takashanyira Bheteri yeBrooklyn. Kuiona kwakandiita kuti ndide kuzvipira kushanda ikoko. Ndakarava kumbiriso, uye pakanga pane mubvunzo mumwe unokosha unoti, ‘Ndeipi iri avhareji yamaawa ako mubasa romumunda kwemwedzi mitanhatu yakapfuura? Kana avhareji yamaawa iri pasi pegumi, tsanangura chikonzero nei.’ Hapana chikonzero chakanaka chandaigona kufunga nezvacho, naizvozvo ndakagadza nharidzano ndokuisvika kwemwedzi mishanu.

19 “Kunyange zvazvo ndaigona kufunga nezvepembedzo shomanene dzokusapayona, apo ndakarava 1983 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, ndakapwiswa kuti vamwe vakanga vakurira mhinganidzo huru zvikuru kupfuura dzangu kuti vapayone. Naizvozvo, pana April 1, 1983, ndakarega basa rangu renguva yakazara rinobhadhara ndokuva piona webetsero, uye ndakapinda muupiona hwenguva dzose pana September 1, 1983.

20 “Wakanga uri mufaro wangu kuroorwa nomubatiri anoshumira akaisvonaka muna April 1985. Makore matatu gare gare, imwe hurukuro yekokorodzano yoruwa pamusoro pokupayona yakasunda murume wangu kuita kazevezeve kwandiri ndokubvunza kuti, ‘Unoona chikonzero chipi nechipi nei ndisingafaniri kuvamba kupayona panozosvika September 1 here?’ Iye akandikumbanira muiri basa kwamakore maviri akatevera.

21 “Murume wangu akazvipirawo kuita basa rokuvaka paBheteri yeBrooklyn kwamavhiki maviri ndokukumbirisa nokuda kweGadziriro Yamarudzi Ose. Naizvozvo muna May 1989 takaenda kuNigeria kwomwedzi mumwe kundobetsera mukuvakwa kwebazu. Mangwana tichave tichienda kuGermany, uko mavhiza acharongwa kuti tipinde muPoland. Tinofadzwa nokubatanidzwa mubasa rokuvaka rinokosha rakadaro uye kuva rutivi rwourwu rudzi rutsva rwebasa renguva yakazara.”

22. (a) Isu, kufanana naPetro, tingava sei chigumbuso nenzira yokusaziva? (b) Kubatira Jehovha nomudzimu wokuzvibaira hakutsamiri pachii?

22 Kana usingakwanisi kupayona iwe umene, unogona kukurudzira avo vari mubasa renguva yakazara kuomerera kuropafadzo yavo uye zvichida kutovabetsera kuita saizvozvo here? Kana kuti uchava akafanana nemitezo yemhuri kana kuti shamwari dzine vavariro dzakanaka avo, kufanana naPetro, vangaudza mubatiri wenguva yakazara kurarama zviri nyore, kuva nomutsa kwaari amene, usingazivi kuti ikoko kungava chigumbuso here? Chokwadi, kana utano hwapiona huri mungozi yakakomba kana kuti kana ari kuregeredza misengwa yechiKristu, iye angafanira kusiya basa renguva yakazara kwechinguvana. Kubatira Jehovha nomudzimu wokuzvibaira hakusati kuchitsamira pazita, zvakadai sapiona, mushandi wapaBheteri, kana kuti mumwe. Panzvimbo pezvo, kunotsamira pazvatiri savanhu—mafungire atinoita, zvatinoita, mabatire atinoita vamwe, mararamire atinoita upenyu hwedu.

23. (a) Tinogona sei kupfuurira kuva nomufaro wokuva mushandi biyake waMwari? (b) Ivimbisoi yatinowana pana VaHebheru 6:10-12?

23 Kana zvirokwazvo tine mudzimu wokuzvibaira, tichava nomufaro wokuva vashandi biyake naMwari. (1 VaKorinte 3:9) Tichava negutsikano yokuziva kuti tiri kufadza mwoyo waJehovha. (Zvirevo 27:11) Uye tine vimbiso yokuti Jehovha haasati achizotongotikanganwa kana kuti kutisiya chero bedzi tikaramba takatendeka kwaari.—VaHebheru 6:10-12.

[Mashoko Omuzasi]

a MuchiGiriki, “chigumbuso” (σκάνδαλον, skanʹda·lon) pakuvamba chakanga chiri “zita rorutivi rwomusungo uko hwambo unoiswa parwuri, nokudaro, musungo kana kuti riva rimene.”—Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words.

Ndeipi Iri Mifungo Yako?

◻ Petro nokusaziva akava sei chigumbuso kunzira yokuzvibaira?

◻ Kuzviramba umene kunorevei?

◻ MuKristu anotakura sei danda rake rokutambudzira?

◻ Tinotanga ndokuchengeta sei mudzimu wokuzvibaira?

◻ Chii chiri simba rinosunda riri seri kwomudzimu wokuzvibaira?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Unodisa kuzviramba umene, kusimudza danda rako rokutambudzira, uye kutevera Jesu nguva dzose here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe