Tingagovera Sei Kunaka Kukutenda Kwedu?
“[Goverai, NW] kunaka pakutenda kwenyu.”—2 PETRO 1:5.
1, 2. Neiko tichifanira kukarira vanhu vaJehovha kuita chiri chakanaka?
NGUVA dzose Jehovha anoita nenzira yakanaka. Anoita chiri chakarurama nechakanaka. Naizvozvo, muapostora Petro aigona kutaura nezvaMwari souyo akadana maKristu akazodzwa ‘kupfurikidza nembiri Yake nokunaka.’ Zivo yakarurama yaBaba wawo akanaka wokudenga yakanga yaratidza chakanga chichidikanwa kuronda upenyu hwokuzvipira kwechokwadi kwoumwari.—2 Petro 1:2, 3.
2 Muapostora Pauro anokurudzira maKristu kuti “ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1, NW) Kufanana naBaba vavo vokudenga, vanamati vaJehovha vanofanira kuita chiri chakanaka mumugariro upi noupi. Asi kunaka chii?
Chiri Kunaka
3. “Kunaka” kwakarondedzerwa sei?
3 Maduramashoko omuzuva razvino uno anorondedzera “kunaka” se“kuisvonaka kwetsika; runako.” “Chiito nokufunga zvakarurama; runako rwohunhu.” Munhu akanaka akarurama. Kunaka kwakarondedzerwawo se“wirirano nomupimo wokururama.” Nokuda kwamaKristu, chokwadika, “mupimo wokururama” unosarudzwa naMwari ndokujekeswa muShoko rake Rinoera, Bhaibheri.
4. Mavarai anodudzwa pana 2 Petro 1:5-7 ayo maKristu anofanira kushanda zvakaoma kukudziridza?
4 MaKristu echokwadi anowirirana nemipimo yakarurama yaJehovha Mwari, uye anogamuchira zvipikirwa zvake zvinokosha kupfurikidza nokushandisa kutenda. Anoteererawo zano raPetro, rinoti: “Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; napakunamata Mwari, [chidakadaka chouhama, napachidakadaka chouhama NW], rudo.” (2 Petro 1:5-7) MuKristu anofanira kushanda zvakaoma kukudziridza aya mavara. Ikoku hakuitwi mumazuva mashomanene kana kuti makore asi kunoda nduramo yenhamburiko inopfuuridzirwa. Chokwadi, kugovera kunaka kukutenda kwedu idenho makuri kumene!
5. Kunaka chii mumurangariro wapaMagwaro?
5 Munyori weduramashoko M. R. Vincent anotaura kuti mufungo wapakuvamba wavanyori vakanakisisa weshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kunaka” wairatidzira “kuisvonaka kworudzi rwupi norwupi.” Petro akashandisa chimiro charo chezvizhinji apo akataura kuti maKristu aifanira kuzivisa kwakafara “zvakaisvonaka,” kana kuti kunaka, kwaMwari. (1 Petro 2:9, NW) Mumurangariro wapaMagwaro, kunaka kunorondedzerwa kwete sokusingashandi asi se“simba retsika, umhare hwetsika, simba romweya.” Mukududza kunaka, Petro airangarira kuisvonaka kwetsika kune ushingi uko vabatiri vaMwari vanokarirwa kuratidzira nokuchengeta. Sezvo tisina kukwana, zvisinei, tinogona kuita chizvoizvo chiri chakanaka mukuona kwaMwari here?
Vasina Kukwana asi Vakanaka
6. Kunyange zvazvo tisina kukwana, nei kuchigona kutaurwa kuti tinogona kuita chiri chakanaka mukuona kwaMwari?
6 Takagara nhaka kusakwana nechivi, naizvozvo tingashamisika kuti tingaita chaizvoizvo chiri chakanaka sei mukuona kwaMwari. (VaRoma 5:12) Zvirokwazvo tinoda betsero yaJehovha kana tichizova nemwoyo yakachena, umo mifungo yakanaka, mashoko, uye zviito zvinogona kubuda. (Enzanisa naRuka 6:45.) Pashure pokutadza naBhatishebha, wezvamapisarema anopfidza Dhavhidhi akakumbira, kuti: “Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.” (Pisarema 51:10) Dhavhidhi akagamuchira kanganwiro yaMwari nebetsero yaidikanwa kuronda nzira yakanaka. Nokudaro, kana takakanganisa zvakakomba asi nenzira yokupfidza takagamuchira betsero yaMwari navakuru veungano, tinogona kudzokera kunzira yakanaka ndokurambira mairi.—Pisarema 103:1-3, 10-14; Jakobho 5:13-15.
7, 8. (a) Kana tichizoramba takanaka, chii chiri madikanwa? (b) Ibetseroi iyo maKristu anayo mukuva vakanaka?
7 Nemhaka yokutadza kwakagarwa nhaka, tinofanira kupfuuridzira hondo yomukati inopfuurira kuita izvo nzira yakanaka ingada kwatiri. Kana tichizoramba takanaka, hatigoni kutongozvibvumira timene kuva varanda vechivi. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuva “varanda vokururama,” nguva dzose tichifunga, kutaura, uye kuita nenzira yakanaka. (VaRoma 6:16-23) Chokwadika, zvishuvo zvedu zvenyama nekombamiro dzokutadza zvakasimba, uye takatarisana nerwisano pakati paizvozvi nezvinhu zvakanaka izvo Mwari anoraira kwatiri. Naizvozvo, chii chinofanira kuitwa?
8 Kutanga, tinoda kutevera nhungamiro dzomudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinobata basa. Naizvozvo tinofanira kuteerera zano raPauro, rinoti: “Fambai no[mudzimu NW], ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama. Nokuti nyama inochiva ichirwa no[mudzimu NW]; no[mudzimu NW] uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda.” (VaGaratia 5:16, 17) Hungu, sesimba rokururama, tine mudzimu waMwari, uye senhungamiro kumufambiro wakarurama, tine Shoko rake. Tinewo betsero yorudo yesangano raJehovha uye zano ro“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Nokudaro, tinogona kurwa hondo inobudirira mukurwisana nekombamiro dzokutadza. (VaRoma 7:15-25) Chokwadika, kana mufungo usina kuchena ukafanira kuuya kundangariro, tinofanira kuudzinga nokukurumidza ndokunyengeterera betsero yaMwari kudzivisa muedzo upi noupi wokuita nenzira ipi neipi isina kunaka.—Mateo 6:13.
Kunaka Nemifungo Yedu
9. Mufambiro wakanaka unoda kufunga kworudzii?
9 Kunaka kunovamba nenzira iyo munhu anofunga nayo. Kuti tifarikanye nyasha dzoumwari, tinofanira kufunga pamusoro pezvinhu zvakarurama, zvisvinu, zvakanaka. Pauro akati, “Hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.” (VaFiripi 4:8) Tinofanira kuisa ndangariro dzedu pazvinhu zvakarurama, zvakachena, uye chinhu chipi nechipi chisina kunaka hachifaniri kufadza kwatiri. Pauro aigona kuti: “Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo.” Kana takafanana naPauro—takanaka mumufungo, kutaura, uye chiito—tichava vasonganiri vakanaka nemienzaniso yakaisvonaka mukurarama kwechiKristu, uye ‘Mwari worugare achava nesu.’—VaFiripi 4:9.
10. Kushandiswa kwomunhu oga kwa 1 VaKorinte 14:20 kunotibetsera sei kuramba takanaka?
10 Kana chiri chishuvo chedu kuramba takanaka mumufungo uye nokudaro kufadza Baba vedu vokudenga, kuri madikanwa kuti tishandise zano raPauro, rokuti: “Musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.” (1 VaKorinte 14:20) Ikoku kunoreva kuti samaKristu hatitsvaki zivo kana kuti ruzivo rwokuzviwanira muuipi. Panzvimbo pokubvumira ndangariro dzedu kushatiswa neiyi nzira, nenzira yokuchenjera tinosarudza kuramba tisina ruzivo rwokuzviwanira uye tisina mhaka savacheche murutivi irworwu. Panguva imwe cheteyo, tinonzwisisa zvizere kuti utere nokuita zvakaipa kutadza mukuona kwaJehovha. Chishuvo chikuru chemwoyo wose kumufadza kupfurikidza nokuva vakanaka chichatibetsera, nokuti chichatisunda kudzivisa zvimiro zvisina kuchena zvenhandaro nedzimwe pesvedzero dzinoshatisa ndangariro dzenyika ino iri musimba raSatani.—1 Johane 5:19.
Kunaka Nokutaura Kwedu
11. Kuva vakanaka kunoda kutaura kworudzii, uye muna ikoku, mienzanisoi yatinayo muna Jehovha Mwari naJesu Kristu?
11 Kana mifungo yedu yakanaka, ikoku kunofanira kuva netapuro huru pane zvatinotaura. Kuva akanaka kunoda kutaura kwakachena, kwakanaka, kwechokwadi, kunovaka. (2 VaKorinte 6:3, 4, 7) Jehovha ndi“Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5) Akatendeka mukubata kwake kwose, uye zvipikirwa zvake zvine chokwadi nemhaka yokuti haagoni kureva nhema. (Numeri 23:19; 1 Samueri 15:29; Tito 1:2) Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, “azere nenyasha nezvokwadi.” Ari pasi pano, nguva dzose aitaura zvokwadi sezvaakanga aigamuchira kuna Baba vake. (Johane 1:14; 8:40) Uyezve, Jesu “haana kuita chivi, uyewo kunyengera hakuna kuwanwa mumuromo make.” (1 Petro 2:22, NW) Kana tiri zvirokwazvo vabatiri vaMwari naKristu, tichava vapachokwadi mukutaura uye vakarurama mumufambiro, sokunge “takasungwa nezvokwadi.”—VaEfeso 5:9; 6:14, NW.
12. Kana tichizova vakanaka, marudzii okutaura atinofanira kudzivisa?
12 Kana takanaka, pane marudzi okutaura atichadzivisa. Tichadzorwa nezano raPauro, rokuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri.” “Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuonga.” (VaEfeso 4:31; 5:3, 4) Vamwe vachakuwana kuchizorodza kuva musonganiro yedu nemhaka yokuti mwoyo yedu yakarurama inotisunda kudzivisa kutaura kusiri kwechiKristu.
13. Neiko maKristu achifanira kudzora rurimi?
13 Chishuvo chokufadza Mwari nokutaura zvinhu zvakanaka chichatibetsera kudzora rurimi. Nemhaka yekombamiro dzokutadza, tose zvedu tinogumburwa mukutaura padzimwe nguva. Bva, mudzidzi Jakobho anotaura kuti “kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo,” anoenda nokuteerera kwatinoatungamirira. Nokudaro, tinofanira kushanda zvakaoma kuisa matomu rurimi ndokuedza kurwushandisa bedzi munzira dzakanaka. Rurimi rusingadzorwi “rwakaita senyika izere nezvisakarurama.” (Jakobho 3:1-7) Rudzi rwuri rwose rwevara rakashata renyika ino isina umwari rwune batano norurimi rusina kupingudzwa. Rune mutoro wezvinhu zvinokuvadza zvakadai sechipupuriro chenhema, kutuka, uye kuchera. (Isaya 5:20; Mateo 15:18-20) Uye apo rurimi rusingadzorwi runotuka, runogura, kana kuti runochera, rwakazadzwa nechepfu inouraya.—Pisarema 140:3; VaRoma 3:13; Jakobho 3:8.
14. Mipimoi miviri mukutaura iyo maKristu anofanira kudzivisa?
14 Seizvo Jakobho anoratidzira, hakusati kwaizova kunotsinhirana ku“rumbidza [Jehovha, NW]” kupfurikidza nokutaura zvakanaka nezvaMwari asi ipapo kushandisa zvisina kufanira rurimi ku“tuka vanhu” kupfurikidza nokuvashurikidza. Kutadza sei kuimba rumbidzo dzaMwari pamisangano uye ipapo kubuda ndokutaura zvakaipa pamusoro pavadaviri biyedu! Mvura dzose dziri mbiri inotapira neinovava haigoni kubuda mutsime rimwe chetero. Kana tiri kubatira Jehovha, vamwe vane maruramiro okutikarira kutaura zvinhu zvakanaka panzvimbo pokutaura mashoko asingafadzi. Naizvozvo ngatidzivise kutaura kwakashata ndokutsvaka kutaura zvinhu zvichabetsera vasonganiri vedu ndokuvavaka mumudzimu.—Jakobho 3:9-12.
Kunaka Nezviito Zvedu
15. Neiko kuchikosha kwazvo kudzivisa kutendeukira kunzira dzamanomano?
15 Sezvo kufunga nokutaura kwechiKristu kuchifanira kuva kwakanaka, zvakadiniko nezviito zvedu? Kuva vakanaka mumufambiro ndiyo nzira bedzi yokuva nayo netendero yaMwari. Hapana mubatiri waJehovha anogona kusiya kunaka, ndokutendeukira kukuva ane manomano naanonyengera, uye nenzira yakarurama kufunga kuti zvinhu zvakadaro zvingagamuchirwa naMwari. Zvirevo 3:32 inoti: “Mutsauki inyangadzi kuna Jehovha, asi uno ukama navakarurama.” Kana tichikoshesa ukama hwedu naJehovha Mwari, mashoko iwayo anonyandura mufungo anofanira kutidzivisa kuronga misikanzwa kana kuti kuita chinhu chipi nechipi chamanomano. Chokwadi, pakati pezvinhu zvinomwe zvinonyangadza mweya waJehovha pane “mwoyo unofunga mano akaipa”! (Zvirevo 6:16-19) Somuuyo, ngatidzivisei miitiro yakadaro ndokuita chakanaka, kukubetserwa kwavanhu biyedu nembiri yaBaba vedu vokudenga.
16. Neiko maKristu asingafaniri kupinda muzviito zvipi nezvipi zvokunyengera?
16 Kuratidzira kunaka kunoda kuti tive vakatendeseka. (VaHebheru 13:18) Munhu anonyengera, ane zviito zvisingatsinhirani namashoko ake, haana kunaka. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “munyengeri” (hy·po·kri·tesʹ) rinoreva “munhu anopindura” uyewo rinoratidzira mutambi wapachikuva. Sezvo vatambi vechiGiriki nevechiRoma vaipfeka chifukidziro chokuzvivanza, iri shoko rakasvika pakushandiswa nenzira yokufananidzira nokuda kwomunhu anopfeka kunyepedzera. Vanyengeri hava“sakatendeka” (Enzanisa Ruka 12:46 naMateo 24:50, 51.) Unyengeri (hy·poʹkri·sis) hungaratidzirawo uipi noujarijari. (Mateo 22:18; Marko 12:15; Ruka 20:23) Kunosuruvarisa sei apo munhu anovimba anoitwa nyajambwa nenyemwerero, kutaura kwokunyengera, uye zviito zviri zvokunyepedzera bedzi! Asi kunofadza apo tinoziva kuti tiri kubata namaKristu akavimbika. Uye Mwari anotikomborera nokuda kwokuva vakanaka uye vasinganyengeri. Tendero yake inova pana avo vanoratidzira “chidakadaka chouhama chokusanyengera” uye vane “kutenda kusinganyengeri.”—1 Petro 1:22, NW; 1 Timotio 1:5.
Kunaka Runako Runoshingaira
17, 18. Sezvatinoratidzira chibereko chomudzimu chorunako, tichabata sei navamwe?
17 Kana tikagovera kunaka kukutenda kwedu, tichavavarira kurega kufunga, kutaura, uye kuita zvinhu zvisingagamuchiriki kuna Mwari. Zvisinei, kuratidzira kunaka kwechiKristu kunodawo kuti tishandise runako runoshingaira. Kutaura idi, kunaka kwakarondedzerwa sorunako. Uye runako chibereko chomudzimu mutsvene waJehovha, kwete chibereko chenhamburikowo zvayo. (VaGaratia 5:22, 23) Sezvatinoratidzira chibereko chomudzimu chorunako, tichasundwa kufunga zvakanaka nezvavamwe uye kuvarumbidza nokuda kwamavara avo akanaka pasinei hapo nokusakwana kwavo. Vakabatira Jehovha nokutendeka kwamakore here? Ipapo tinofanira kuvaratidza ruremekedzo ndokutaura zvakanaka nezvavo nebasa ravo kuna Mwari. Baba vedu vokudenga vanocherechedza rudo vanoratidza nokuda kwezita rake namabasa avo akunaka okutenda, naizvozvo tinofanirawo kudaro.—Nehemia 13:31b; VaHebheru 6:10.
18 Kunaka kunotiita vanoshivirira, vanonzwisisa, vane tsitsi. Kana munamati biyedu waJehovha ari kutambura nhamo kana kuti kuora mwoyo, tichataura nenzira inonyaradza ndokutsvaka kumupa nyaradzo yakati, kunyange sezvo Baba vedu vane rudo vokudenga vachitinyaradza. (2 VaKorinte 1:3, 4; 1 VaTesaronika 5:14) Tinonzwira tsitsi avo vanosuruvara, zvichida nemhaka yokurasikirwa nomudikani murufu. Kana tichigona kuita chinhu chipi nechipi kubvisa kutambura, tichachiita, nokuti mudzimu wakanaka unosunda chiito chorudo, chomutsa.
19. Sezvingabvira vamwe vachatibata sei kana takanaka mumufungo, shoko, uye chiito?
19 Sezvatinorumbidza Jehovha kupfurikidza nokutaura zvakanaka nezvake, vamwe sezvingabvira vachatirumbidza kana takanaka mumufungo, shoko, uye chiito. (Pisarema 145:10) Chirevo chokuchenjera chinoti: “Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.” (Zvirevo 10:6) Munhu akaipa naane masimba masimba anoshaiwa kunaka kwaizomuita kuti adiwe navamwe. Anokohwa chaanodyara, nokuti vanhu havagoni kumupa chikomborero chavo nenzira yokutendeseka kupfurikidza nokutaura zvakanaka nezvake. (VaGaratia 6:7) Kuri nani zvikuru sei nokuda kwaavo vanofunga, kutaura, uye kuita munzira dzakanaka savabatiri vaJehovha! Vanowana rudo, ruvimbo, uye ruremekedzo zvavamwe, avo vanosundwa kuvakomborera ndokutaura zvakanaka nezvavo. Uyezve, kunaka kwavo kwoumwari kunoguma nechikomborero chinokosha chaJehovha.—Zvirevo 10:22.
20. Mifungo yakanaka, kutaura, uye zviito zvakanaka, zvinogona kuva nomuuyoi muungano yavanhu vaJehovha?
20 Mifungo, kutaura, uye zviito zvakanaka zvine chokwadi chokubetsera ungano yavanhu vaJehovha. Apo vadaviri biyedu vanenge vane mifungo yechidakadaka, yokuremekedza kuno mumwe nomumwe, rudo rwouhama runokura pakati pavo. (Johane 13:34, 35) Kutaura kwakarurama, kubatanidza rumbidzo yapachokwadi nekurudziro, zvinosimbisa kunzwa kwoushamwari kwebatira pamwe nechinzwano. (Pisarema 133:1-3) Uye zviito zvinofadza zvakanaka, zvinonyandura vamwe nenzira yakafanana. Kupfuura zvose, kushandiswa kwokunaka kwechiKristu kunoguma netendero uye chikomborero chaBaba vedu vokudenga vakanaka, Jehovha. Naizvozvo ngatikuitei vavariro yedu kugamuchira zvipikirwa zvinokosha zvaMwari kupfurikidza nokushandisa kutenda. Uye zvamazvirokwazvo ngatishandisei nhamburiko yechokwadi kugovera kukutenda kwedu kunaka.
Chii Chiri Mhinduro Dzako?
◻ Waizorondedzera sei “kunaka,” uye neiko vanhu vasina kukwana vachigona kuva vakanaka?
◻ Kunaka kunoda rudzii rwemifungo?
◻ Kunaka kunofanira kutapura sei kutaura kwedu?
◻ Kunaka kunofanira kuva nomuuyoi pazviito zvedu?
◻ Ndedzipi dzimwe betsero dzokuva vakanaka?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Sezvo mvura inotapira neinovava isingagoni kubuda mumanyuko mamwe chetewo, vamwe nenzira yakanaka vanokarira vabatiri vaJehovha kutaura zvinhu zvakanaka bedzi