RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 8/1 pp. 26-30
  • Jehovha Anoyeuka Vanorwara Navakweguru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anoyeuka Vanorwara Navakweguru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Edza Kunzwisisa
  • Kuratidza Rukudzo Kuvanorwara Navakweguru
  • Rubatsiro Rwokuwana Simba Romudzimu
  • Nzira Iyo maKristu Anogona Kubetsera Nayo Vakweguru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mhuri yechiKristu Inobetsera Vakweguru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kutarisira Vakwegura—Mutoro wechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kuita Zvinodikanwa Zvavakura Vedu—Denho yechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 8/1 pp. 26-30

Jehovha Anoyeuka Vanorwara Navakweguru

KUFANIRA kutarisana ne“nguva yengwavaira” kunogona kuva kwakaoma zvikuru. (Pisarema 37:18, 19, NW) Nguva yakadaro ingauya muchimiro chokukwegura noutera hunofamba nako. Vamwe vanopinda munguva yengwavaira apo vanotambura chirwere chakakomba, chenguva refu. Ivo vanganzwa sokunge hosha yavo iri kudzora upenyu hwavo, kutonga mifungo yavo yose nezviito.

Kunonyaradza, kunyanguvezvo, kuyeuka kuti Jehovha anochengeta meso ake ari pavabatiri vake vose. Kunofadza mwoyo wake apo vabatiri vake vakazvipira vanopfuurira kuratidzira ruvimbiko nouchenjeri pasinei zvapo nokukwegura, chirwere, kana kuti mimwe migariro inotambudza. (2 Makoronike 16:9a; Zvirevo 27:11) Mambo Dhavhidhi anotivimbisa, kuti: “Jehovha ari pedyo navose vanodana paari, . . . uye achanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwebetsero.” Hungu, iye anoziva nezveparapatiko yavo; iye anovasimbisa nomudzimu wake. “Uye achavaponesa.” Iye anovayeuka uye anovabetsera kutsungirira. (Pisarema 145:18, 19, NW) Asi zvakadiniko nesu? Isu, kufanana naJehovha, tinoyeuka here vanorwara navakweguru?

Utera nemhaka yechirwere kana kuti utana izvomene dzoupenyu mutsika ino yazvino. Iwo maidi atinofanira kugonana nawo kutozosvikira Jehovha asvitsa kumugumo donzo rake nokuda kwapasi norudzi rwomunhu. Nhasi, vanhu vakawanda zvikuru vanorarama kusvikira kuukweguru hukuru, naizvozvo chiverengero chikuru chakarovedzana noutera hwavakadaro. Mukuwedzera, vachiri vaduku, vakawanda vanorohwa netsaona dzinotyisidzira upenyu kana kuti dzinoremadza kana kuti hosha. Kutozosvikira nyika ino yekare yapfuura, chirwere noutana zvichapfuurira kuva denho huru.

Tinoonga sei vanorwara vedu navakweguru vanopfuurira semienzaniso mu“kutambura zvakaipa nokushandiswa kweshiviriro”! Hungu, “tinoti vanofara avo vakatsungirira.” (Jakobho 5:10, 11, NW) Vakura vakawanda vane masimba akaderedzwa zvino vakagoverana kwamakumi amakore mukudzidziswa, kurovedzwa, uye kuumbwa kwaavo zvino vanotungamirira muungano. Chiverengero chakati chavakura chinofarawo kuona kuti vana vavo vakagoverana muushumiri hwenguva yakazara.—Pisarema 71:17, 18; 3 Johane 4.

Nenzira yakafanana, tinoonga avo vari pakati pedu vanorwara zvakakomba asi, pasinei zvapo nokutambura kwavo, vanokwanisa kutikurudzira kupfurikidza nokutendeka kwavo. Apo ivava vanopa chitendiso chetariro yavo pasina kuzununguka, muuyo wacho unonyandura zvikurusa uye unosimbisa kutenda. Rugare rwavo rwendangariro negutsikano zvinozivisa kutenda kwakafanirwa zvirokwazvo nokutevedzera.

Ikatyamadzo kuti mumwe munhu kamwe kamwe arohwe nekenza, sitiroko, kana kuti mumwe mugariro wakati unochinja chose chose upenyu hwomunhu iyeyo. Muedzo wakaomawo kuti vabereki vaone vana vavo vachirwara kana kuti kutambura somuuyo wetsaona. Chii chinogona kuita vamwe kubetsera? Nguva yakadaro ipi neipi yengwavaira muedzo wouhama hwose hwechiKristu. Ibanza rokuratidza kuti ‘shamwari yechokwadi ihama inoberekwa pakunenge kune nhamo.’ (Zvirevo 17:17) Nenzira yomuzvarirwo, havasati vari vanhu vose vanorwara navakweguru vanogona kukarira rubatsiro rwomunhu oga kumutezo uri wose weungano. Asi Jehovha achava nechokwadi chokuti kupfurikidza nomudzimu wake vakawanda vanonzwa vachisundwa kubetsera munzira dzakasiana-siana. Uye vakuru vanogona kusvinurira zvinhu kuti vave nechokwadi chokuti hakuna munhu anofuratirwa.—Ona Eksodho 8:17, 18.

Edza Kunzwisisa

Mukuedza kubetsera mumwe munhu, kunokosha kuva nekurukurirano yakanaka, uye ikoko kunoda nguva, shiviriro, uye kunzwira tsitsi. Somubetseri, iwe nenzira yomuzvarirwo unoshuva ‘kusimbisa namashoko’; asi sanoteerera usati wataura kana kuti kuita chimwe chinhu, kana kuti ungaguma wava ‘munyaradzi anonetsa.’—Jobho 16:2, 5.

Vanorwara navakweguru padzimwe nguva vachakuwana kwakaoma kuvanza kangaidziko yavo. Vakawanda vakakoshesa tariro yavo yokurarama kuti vapukunyuke dambudziko guru, uye zvino vanonzwa vabatwa munhangemutange nenguva, nhangamutange yavasinganzwi vane chokwadi chokuti vachawina. Uyewo, mugariro wavo kazhinji kazhinji unovanetsa uye unovafunganyisa. Kuchengeta kutenda kuri kupenyu uye kwakasimba ihondo, zvikurukuru apo munhu anenge asichagoni kutevera chishuvo chomwoyo chokuva negoverano yakazara muushumiri hwechiKristu. Mumwe mukuru wechiKristu akashanyira hanzvadzi yakwegura; pakunyengetera nayo, akakumbira kuti Jehovha akanganwire zvivi zvedu. Pashure pomunyengetero akacherechedza kuti hanzvadzi yacho yakanga ichichema. Yakatsanangura kuti yakanzwa kuti yaida kanganwiro chaiyo yaJehovha nokuda kwokusakwanisa kugoveranazve mukuparidzira paimba neimba. Hungu, kunzwa kwokuva asingakwanisi kana kuti asingagoni, kunyange zvazvo kazhinji kazhinji kusingadikanwi, kunogona kuita kuti mumwe munhu ave akasuruvara zvikuru pamwoyo.

Ziva kuti funganyo nokuneta zvinogona kutapura dzikamo yendangariro. Nemhaka youtera hwoukweguru kana kuti dzvinyiriro yechirwere chinonetesa, mumwe munhu anganzwa asiiwa naJehovha, zvichida achiti: “Ndakaiteiko? Neiko ndiri ini?” Yeuka mashoko aZvirevo 12:25: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” Edza kuwana mashoko akanaka achanyaradza. Vakwegura avo vanorwadziwa, kufanana naJobho, vangatotaura chishuvo chokufa. Ikoku hakufaniri kuva kunokatyamadza; edza kunzwisisa. Nyunyuto dzakadaro hadzisati dziri hadzo ufakazi hwokushaiwa kutenda kana kuti chivimbo. Jobho akanyengetera kuti ‘avanzwe muSheori,’ bva mashoko ake pashure chaipo pokutaura ikoko anozivisa kutenda kwake kwakasimba kwokuti Jehovha aizomumutsa gare gare. Kutenda kwakasimba kunobvirisa kupfuura nomunhambo dzenhamo nokuora mwoyo ndokungoramba tiri pedyo naJehovha.—Jobho 14:13-15.

Kuratidza Rukudzo Kuvanorwara Navakweguru

Ndokwoukoshi hukurusa kubata vanorwara navakweguru norukudzo nechiremera. (VaRoma 12:10) Kana ivo vasingaiti nokukurumidza sekare kana kuti vasingagoni kuita zvakawanda zvakafanana, usarasikirwa neshiviriro yako. Usakurumidza kupindira ndokutarisira. Hazvinei hazvo nokuti tine vavariro dzakanaka sei, kana tikazvibata nenzira yokudzvinyirira kana kuti ine chiremera, nguva dzose kunotorera mumwe munhu kuzviremekedza. Murondedzero yavanachiremba yakabudiswa muna 1988, mumwe munzveri, Jette Ingerslev akatsanangura icho boka ravane makore 85 okukura vamene vakarangarira kuva chinokosha zvikurusa nokuda kwokunaka kwoupenyu hwavo: “Ivo vakapa nharaunda nhatu nzvimbo yokutanga yakakwirira: kuva nehama dzokunyama; utano hwakanaka; uye chokupedzisira asi chisiri chisingakoshi, kukwanisa kuita zvisarudzo zvavo vamene.” Cherechedza kuti tateguru Jakobho haana kushorwa navanakomana vake apo iye akanga akwegura; zvishuvo zvake zvakaremekedzwa.—Genesi 47:29, 30; 48:17-20.

Avo vanorwara vanofanirawo kubatwa nechiremera. Mumwe mukuru akarasikirwa namano ake okutaura, kurava, uye kunyora nemhaka yechikanganiso chakaitwa mukati mokuvhiya. Ikoku kwaiva ngwavaira yakakomba, asi vakuru biyake vakasarudza kuita chipi nechipi chavaigona kumudzivisa kunzwa asina maturo. Ivo zvino vanomuravira tsamba dzose dzeungano ndokumubatanidza mukurongwa kwezvimwe zvinhu zveungano. Pamisangano yavakuru, vanoedza kuwana uri murangariro wake. Vanomuita kuti azive kuti vachiri kumurangarira kuva mukuru biyavo ndokuonga kuvapo kwake. Muungano yechiKristu, tose zvedu tinogona kuita nhamburiko kuti parege kuva navanorwara kana kuti vakweguru vanonzwa ‘varaswa’ kana kuti vasiiwa.—Pisarema 71:9.

Rubatsiro Rwokuwana Simba Romudzimu

Tose zvedu tinoda zvokudya zvomudzimu kuti tichengete kutenda kwedu kuri kupenyu uye kwakasimba. Ndokusaka tichikurudzirwa kurava Bhaibheri nezvinyorwa zveBhaibheri zuva nezuva uye kugoverana nokushingaira mumisangano yechiKristu nemibato yokuparidzira. Kazhinji kazhinji, vanorwara navakweguru vanoda betsero yokuita ikoku, uye kunokosha kuita chiri chechokwadi muchinoitika chavo chaicho. Nomufaro, vakawanda vanogona kungopinda misangano kana vakatakurwa uye rubatsiro ruduku muHoro yoUmambo. Kupinda kwavo misangano yakadaro ndokwekurudziro huru kuungano. Tsungiriro yavo inonyandura uye inosimbisa kutenda.

Muzvinoitika zvakawanda vanorwara navakweguru vanogonawo kuva negoverano ine revo muushumiri hwechiKristu. Vamwe vanogona kubatanidzwa muboka remotokari rokupupurira, uye ivo pasina panikiro vachanzwa vazorodzwa kupfurikidza nokukwanisa kuita shanyo shomanene. Apo ikoku kunenge kusati kuchabvira, vanogona kuwana mufaro mukupupurira kwamasanga kuvanhu vamwe navamwe avo vanoonana navo. Imwe hanzvadzi yakarohwa nekenza yakasarudza kupedza chipi kana chipi chakasara choupenyu hwayo munhamburiko chaiyo yokufambisira mberi mashoko akanaka. Kuparidzira kwayo kwoushingi kwakanga kuri kurudziro kuna vose. Iyo yakatoronga mariro ayo imene kuti uchapupu hwakaisvonaka hugozopiwa kuhama dzokunyama dzisingatendi, vashandi biyayo, uye vavakidzani. Migariro yayo inotambudza nokudaro “yakava nokuda kwokufambisirwa mberi kwamashoko akanaka,” uye kutsunga kwayo kuratidzira kutenda nechivimbo zvakapa mazuva ayo okupedzisira revo chaiyo.—VaFiripi 1:12-14, NW.

Kwakanaka kubetsera vanorwara navakweguru kusimbiswa mumudzimu. Mhuri dzinogona kuvakoka kuzogoverana mumadekwana emhuri, kana kuti rutivi rwefundo yavo yemhuri runogona panhambo nenhambo kuchinjirwa kumusha kwomunhu asingagoni kubuda. Mumwe amai akaunza vana vake vaviri vadukusa kumusha kwehanzvadzi yakura kuti vagogona kurava Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri pamwe chete. Ikoku kwakafadza hanzvadzi yakwegura, uye vana vakafarikanya ngwariro iyo akavapa.

Pane nguva, zvisinei, apo ndonda isingafaniri kunyanyovhiringidzwa, uye panguva iyeyo kungava kwakanakisisa panhambo nenhambo chete kurava mashoko akati zvinonzwika kwavari. Yeuka, kunyanguvezvo, kuti kana mumwe munhu akaneta mumuviri zvokusagona kugoverana mukurukurirano, iyeyu angava achiri kuda nokushuva songaniro yakati yomudzimu. Tinogona kunyengetera navakadaro, kuvaravira, kana kuti kurondedzera zvinoitika; asi tinofanira kungwarira kusagara kwenguva refu kupfuura yavanogona kukwanisa.

Kune basa rimwe rinoyera iro vanhu vanorwara navakweguru zvikurusa vanogona kungoita: kunyengeterera vamwe. Vadzidzi vapakuvamba vakaisa ukoshi hukuru kuushumiri ihwohwu. Pane imwe nhambo vakaparadzira mutoro webasa muungano nenzira yakadaro zvokuti vaapostora vaigona kupa ngwariro pamunyengetero. Epafrasi akatendeka anodudzwa sa‘anozvishandisa amene nokuda kwavamwe muminyengetero yake.’ (VaKorose 4:12; Mabasa 6:4) Munyengetero wakadaro unokosha zvikurusa uye unobetsera.—Ruka 2:36-38; Jakobho 5:16.

Jehovha anoyeuka vanorwara navakweguru uye anovatarisira munguva yavo yengwavaira. Iye anokarira nomazvo kuti isuwo tirangarire chatinogona kuita kuvabetsera nokuvatsigira. Itiro hanya yatinoratidza inoratidzira kutsunga kwedu kuchengeta perero yedu timene. Uye tinofara kufunga nezvamashoko aMambo Dhavhidhi, anoti: “Jehovha anoziva mazuva avane mwoyo yakarurama; nhaka yavo ndeyokusingaperi.”—Pisarema 37:18.

[Bhokisi riri papeji 28]

Kupa Betsero Inoshanda nenzwisiso

SHAMWARI nehama dzokunyama vanofanira kuwana zivo yokutanga asi yakarurama yenzira yokutarisira nayo vanorwara navakweguru. Kupfuura zvose, vanogona kukurudzirwa kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka kuupenyu, kunzwa vachidikanwa uye vachiongwa, uye kuva nomurangariro wokuva vakafanira. Nokudaro kunaka kwoupenyu hwavo kucharamba kuri pamwero uchachengeta mufaro wavo muna Jehovha, pasinei zvapo nokudzimbikana kwavo namarwadzo. Kwakacherechedzwa kuti vakawanda veZvapupu zvaJehovha vanorarama kusvikira pautana hukuru. Chinhu chine simba chinogovera pasina panikiro ifariro yavo mhenyu mutariro iri mberi, chimiro chavo chendangariro chakajeka, uye kutora kwavo rutivi mumubato woUmambo kusvikira kutambanuko inobvira. Purezidhendi mushakabvu weWatch Tower Society, Frederick W. Franz, uyo akafa nenzira ine rugare mugore rake rechi 100 pashure poupenyu hunobudirira nenzira inofadza, akanga ari muenzaniso wakaisvonaka waikoku.—Enzanisa na 1 Makoronike 29:28.

Kazhinji kazhinji, ngwariro kuzvinhu zvikuru zveitiro hanya yezuva nezuva inogona kureva zvakawanda: utsanana hwakanaka, zvokudya zvinovaka muviri zvakafanira, zvinwiwa zvakakwana nomunyu, rovedzo ine mufungo, mhepo yakanaka, kupuruzira kunyoro, uye kurukurirano inonyandura. Zvokudya zvinovaka muviri zvakafanira zvinogona kugovera kukunzwa kuri nani, chiono, kushanda kwendangariro zviri nani, uye garikano yomuviri, pamwe chete nokudzivisa hosha kukuru zvikuru. Kuvanhu vakwegura nhau yakapfava yezvokudya zvinovaka muviri zvakafanira nezvinwiwa zvakawanda inogona kureva musiano pakati pomugariro wakanaka noundonda. Kungada mufungo wakati kuwana chimiro cherovedzo yomuviri inokodzera munhu wacho. Imwe hanzvadzi inouya kuzoravira hanzvadzi yakwegura uye inodokuva bofu uko inovamba uye inopedza shanyo imwe neimwe yevhiki nevhiki nokutamba kunyoro ichitenderera kamuri racho ine hanzvadzi yacho. Tepirekodha yakagadzirirwa nguva dzose ine nziyo dzakasarudzwa, uye vose vari vaviri vanofarikanya iyi “rovedzo.”

Munyika dzakawanda, masangano orubatsiro anogona kugovera betsero inokosha inoshanda ndokupa mashoko nezano pamusoro pemigariro chaiyo uye nzira yokugonana nayo. (Chokwadika, muKristu nguva dzose anofanira kungwarira kusatsausirwa mumibato inobvisa paushumiri hwedu hwechokwadi hwechiKristu.) Pane dzimwe nguva yamuro inopiwa muchimiro chokukwereta mubhedha wechipatara, zvokutsigira nazvo, zvokusungisa, wheelchair, chinoyamura kunzwa, uye zvichingodaro. Sezvo vakweguru vakawanda vachinzwa kuti havadi chinhu chipi nechipi kana kuti hakubetseri kuwana zvinhu zvitsva zvakadaro, hama dzokunyama dzinofanira kazhinji kazhinji kupa zano rakanaka kana kuti kunyange kushandisa nyengetedzo. Chokubatisa chinoshanda chesuo rekamuri rokushambira chinogona kuparira mufaro chaiwoiwo wakawanda kupfuura maruva.

Kutarisira vakweguru kunogona kuparira nhamo huru yendangariro, zvikurukuru kana munhu wacho akava ndonda. Undonda kazhinji kazhinji hunosvika nenzira yokunyengera. Munhu anogona kuedza kuhukunda kupfurikidza nokudzivisa murwere kuva asingaiti zvake zvinhu. Ndonda inogona kamwe kamwe kugumburwa nomumwe munhu wayaida zvakasimba. Hama dzokunyama dzinofanira kuziva kuti munhu anokwegura anogona kunyange kukanganwa chinhu chiri chose chine chokuita nezvokwadi—muuyo unosuruvarisa wokuputsika mumuviri, kwete ufakazi hwokurasikirwa nokutenda.

Kana murwere ari muchipatara kana kuti mumusha unochengeterwa vakwegura, onano yakanaka navashandi iri madikanwa kuitira kuti mitezo yavashandi izive zvokuita pamusoro pamazuva okuberekwa, Krisimisi, kana kuti mamwe mazororo enyika. Kana kuvhiyiwa kuri madikanwa, hama dzokunyama dzinogona kutsanangura ndokutsigira mirangariro iyo murwere ave anayo pamusoro pokuisirwa ropa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe