RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 8/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Johani Mubhabhatidzi Aiva Ani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Johani Mubhabhatidzi Aivako Zvechokwadi Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Johani Ari Kuda Kunzwa Mashoko Anobva Kuna Jesu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anowedzera, Johani Achiderera
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 8/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Ko Johane uyo akabhapatidza Jesu anofanira kunongedzerwa kwaari sa“Johane Mubhapatidzi [“Baptist”]” kana kuti “Johane Mubhapatidzi [“Baptizer”]” here?

Mazita ose ari maviri akarurama uye anotsigirwa neBhaibheri.

Johane aifanira “kugadzirira Jehovha vanhu vakagadzirirwa,” uko akaita kupfurikidza no“kuparidzira rubhapatidzo muchiratidzo chorupfidzo nokuda kwekanganwirwo yezvivi.” (Ruka 1:17; 3:3, NW) Muapostora Mateo akanyora, kuti: “Johane Mubhapatidzi [Baptist] akauya achiparidzira murenje reJudhea, achiti: ‘Pfidzai, nokuti umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.’ . . Ipapo Jerusarema neJudhea rose . . . vakabudira kwaari, uye vanhu vakabhapatidzwa naye muRwizi rwaJoridhani, vachireurura pachena zvivi zvavo.”—Mateo 3:1-6, NW.

Cherechedza kuti Mateo anozivisa Johane so“Mubhapatidzi [Baptist].” Mateo, uyo sezviri pachena akanga achikodzeresa nhauro yake kuvaJudha, anofanira kuva akanzwa kuti vaJudha vaizoziva akanga ari “Mubhapatidzi [Baptist].” Iye akashandisa “Mubhapatidzi [Baptist]” sorudzi rwakati rwezita rorudzi. Jesu navadzidzi vake vakashandisa “Johane Mubhapatidzi [Baptist],” sezvakaita vabatiri vaHerodhe.a—Mateo 11:11, 12; 14:2; 16:14.

Mudzidzi Marko anoshuma kushandiswa kwakafanana kwa“Mubhapatidzi [Baptist].” (Marko 6:25; 8:28) Asi pakusuma Johane, Marko akamudana kuti “Johane mubhapatidzi [baptizer].” (Marko 1:4) ChiGiriki chinobatanidzwa pana Marko 1:4 chinosiana zvishomanene neicho chedzimwe ndima. Marko 1:4 ingashandurwawo kuti “anobhapatidza.” Marko akanga achisimbisa icho Johane akanga achiita; iye ndiye akanga achibhapatidza, mubhapatidzi (baptizer).

Hakusati kuchioneka, zvisinei, kuti tinofanira kusianisa pakati peidzi nzira dzokunongedzera kuna Johane. Pana Marko 6:24, 25, tinorava pamusoro paSarome: “Akabuda, akati kuna mai vake: ‘Ndichakumbireiko?’ Vakati: ‘Musoro waJohane Mubhapatidzi [Baptizer].” Pakarepo akakurumidza kupinda kuna Mambo, akakumbira achiti: ‘Ndinoda kuti mundipe mundiro iko zvino musoro waJohane Mubhapatidzi [Baptist].’” Mazita maviri aishandiswa nenzira yokuchinjanisa.

Vamwe vanhu vanganzwisisa “Mubhapatidzi [Baptist] mukuwirirana nerondedzero yechipiri muduramashoko, inoti: “Mutezo kana kuti mutsigiri wesangano reevhangeri rePurotestendi rinoratidzirwa nomuitiro weungano norubhapatidzo kupfurikidza nokunyudzwa kwavatendi bedzi.” Johane zvamazvirokwazvo akanga asina kudaro.

Nokudaro, ose ari maviri “Johane Mubhapatidzi [Baptist]” uye “Johane Mubhapatidzi [Baptizer]” akarurama uye akafanira.

[Mashoko Omuzasi]

a Wezvenhau wechiJudha Flavius Josephus akanyora nezva“Johane, akatumidzwa zita rorudzi rokuti Mubhapatidzi [Baptist].”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe