Kuda Muvakidzani Kunobvira
MUENZANISIRO waJesu Kristu womuSamaria wakaratidza icho kuda muvakidzani kwapachokwadi kunoreva chaizvoizvo. (Ruka 10:25-37) Jesu akadzidzisawo, kuti: “‘Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose.’ Uyu ndiwo murairo mukurusa nowokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako sewe umene.’”—Mateo 22:37-39, NW.
Kufanana navanhu vazhinji, unokuwana kwakaoma here kuda muvakidzani wako weboka redzinza risiri rako umene? Zvichida ikoku kwakadaro nemhaka yokuti wakadzidza pamusoro kana kuti somunhu oga wakatambura rusaruro nokusaruramisira. Iwe kana kuti vadiwa vako mungave makatotambura kubatwa zvisina kufanira navanhu verimwe boka.
Sezvo Jesu akaratidzira kuti mumwe wemirairo yaMwari ndowokuti tide muvakidzani wedu, kunofanira kubvira kukurira mirangariro yakasimba yakadaro. Nhungamiro kukuita saizvozvo kurangarira vanhu seizvo Mwari naKristu vanoita. Muna ikoku ngatirangarirei muenzaniso waJesu namaKristu apakuvamba.
Muenzaniso Wakaisvonaka waJesu
VaJudha vomuzana rokutanga ramakore vaivenga zvikuru vaSamaria, vanhu vaigara munharaunda yaiva pakati peJudhea neGarirea. Pane imwe nhambo vashori vechiJudha vakabvunza Jesu nenzira yokuzvidza, kuti: “Hatina kureva kwazvo here, tichiti: Uri muSamaria, [uye une dhemoni, NW]?” (Johane 8:48) Murangariro wokurwisana navaSamaria wakanga wakasimba kwazvo zvokuti vamwe vaJudha vaitotuka vaSamaria pachena mumasinagoge ndokunyengetera zuva nezuva kuti vaSamaria vagorega kupiwa upenyu husingaperi.
Zivo yourwu ruvengo rukuru pasina panikiro yakasunda Jesu kupa muenzanisiro pamusoro pomuSamaria uyo akazvibvumikisa amene kuva muvakidzani chaiyeiye kupfurikidza nokutarisira murume wechiJudha akarohwa namakororo. Jesu angadai akapindura sei apo murume wechiJudha aiziva Mutemo waMosesi akabvunza, kuti: “Ndiani chaizoizvo ari muvakidzani wangu?” (Ruka 10:29, NW) Eya, Jesu aigona kuva akapindura zvakananga kupfurikidza nokutaura, kuti: ‘Muvakidzani wako anobatanidza kwete bedzi muJudha biyako asiwo vamwe vanhu, kunyange muSamaria.’ VaJudha, zvisinei, vangadai vakakuwana kwakaoma kugamuchira ikoko. Naizvozvo akarondedzera muenzanisiro pamusoro pomuJudha uyo akagamuchira ngoni dzomuSamaria. Jesu nokudaro akabetsera vateereri vechiJudha kuita mhedziso yokuti kuda muvakidzani kwechokwadi kwaizotambanukira kuvaisava vaJudha.
Jesu akanga asina mirangariro inorwisana navaSamaria. Achipfuura nomuSamaria pane imwe nhambo, akazorora patsime apo vadzidzi vake vakaenda kuguta raiva pedyo kundotora zvokudya. Apo mukadzi weSamaria akauya kuzochera mvura, iye akati: “Ndipeiwo, ndinwe.” Sezvo vaJudha vakanga vasina zvokuita navaSamaria, akabvunza, kuti: “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” Jesu ipapo akapupurira kwaari, kunyange kuzivisa pachena kuti akanga ari Mesia. Iye akapinda muguta nokudana vamwe kuti vauye ndokumuteerera. Muuyo wacho? “VaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari.” Muuyo wakaisvonaka zvakadini nemhaka yokuti Jesu haana kudziviswa nechimiro chendangariro chaivapo chavararami vapanguva imwe cheteyo vake vechiJudha!—Johane 4:4-42.
Mwari Haasaruri
Rakanga riri donzo raMwari kuti Jesu aparidzire zvikurukuru kuvaJudha, “makwai akarashika eimba yavaIsraeri.” (Mateo 15:24) Nokudaro, vateveri vake vapakuvamba vakanga vari vechiJudha. Asi makore matatu chete pashure pokudururwa kwomudzimu mutsvene paPentekosta 33 N.V., Jehovha akakujekesa kuti aida kuti vatendi vechiJudha vatambanudzire basa rokuita vadzidzi kuvanhu vamarudzi, Vamarudzi.
Kundangariro yechiJudha, kuda muSamaria sewe umene kwaizova kwakaoma zvikuru. Kwaizova kwakatooma zvikuru kuratidza kuda muvakidzani kuVamarudzi vasina kudzingiswa, vanhu vaiva nezvishomanene zvokuita navaJudha kupfuura zvaiita vaSamaria. Ichitsinhira pamusoro pechimiro chendangariro chavaJudha kuVamarudzi, The International Standard Bible Encyclopaedia inoti: “Tinowana, munguva dzeT[estamente] I[tsva], kusema kukuru zvikurusa, ruzvidzo noruvengo. Ivo [Vamarudzi] vairangarirwa savasina kuchena, avo kwaisava kwapamutemo kuva nechokuita chipi nechipi choushamwari navo. Ivo vakanga vari vavengi vaMwari navanhu Vake, uko zivo yaMwari yainyimwa kutoti ivo vakava vapuroserite, uye kunyange panguva iyeyo vaisagona, somunguva dzakare, kupinzwa kuruwadzano rwakazara. VaJudha vairambidzwa kuvapa zano, uye kana vakabvunza pamusoro pezvinhu zvouMwari vaifanira kutukwa.”
Nepo vazhinji vaiva neiyi mirangariro, Jehovha akaparira muapostora Petro kuwana chiono umo akaudzwa ku‘rega kudana kuti zvakasvibiswa zvinhu izvo Mwari akanga achenesa.’ Mwari ipapo akamutungamirira kumusha kwaKornerio waVamarudzi. Petro akapa uchapupu pamusoro paKristu kuna Kornerio, mhuri yake, uye vamwe Vamarudzi. “Zvirokwazvo,” akadaro Petro, “ndinoona kuti Mwari haasi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” Apo Petro akanga achiri kuparidzira, mudzimu mutsvene wakauya pavatendi vatsva, avo panguva iyeyo vakabhapatidzwa ndokuva vateveri vokutanga vaVamarudzi vaKristu.—Mabasa, ganhuro 10.
Vateveri vechiJudha vakagamuchira ichi chinoitika, vachiziva kuti murairo waJesu wokuti “muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose” wakanga usina kuganhurirwa kuvaJudha vaiva munyika dzose asi wakabatanidza Vamarudzi. (Mateo 28:19, 20, NW; Mabasa 11:18) Vachikurira mirangariro ipi neipi yairwisana naVamarudzi yavangave vaiva nayo, ivo vakaronga nokushingaira nhimbe yokuparidzira kuti vaite vadzidzi pakati pamarudzi. Asingasviki makore 30 gare gare, kwaigona kutaurwa kuti mashoko akanaka akanga aparidzirwa “muchisiko chose chiri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23, NW.
Aitungamirira iri basa rokuparidzira akanga ari muapostora Pauro, iye amene muKristu wechiJudha. Asati ava muteveri waKristu, akanga ave ari mutezo unoshingaira wesekete rorudzidziso ravaFarise. Ivo vaizvidza kwete bedzi Vamarudzi asi kunyange vanhuwo zvavo vorudzi rwavo vamene. (Ruka 18:11, 12) Asi Pauro haana kubvumira mirangariro iyoyo kumudzivisa kuratidza kuda muvakidzani kuvamwe. Panzvimbo pezvo, iye akava “muapostora kumarudzi [Vamarudzi],” achipa upenyu hwake kubasa rokuita vadzidzi munyika dzose dzeMediterranean.—VaRoma 11:13, NW.
Mukati moushumiri hwake, Pauro akatakwa namabwe, akarohwa, uye akapinzwa mutorongo. (Mabasa 14:19; 16:22, 23) Zvinoitika zvakaipa zvakadaro zvakamuparira kuva anoshatiriswa ndokugumisa kuti akanga ari kupambadza nguva yake pakati pamarudzi akati namapoka edzinza here? Nyangwe. Aiziva kuti kwaiva navanhu vane mwoyo wakatendeseka vakapararira mumapoka ose akawanda edzinza ezuva rake.
Sezvo Pauro akawana Vamarudzi vachidisa kudzidziswa nzira dzaMwari, akasvika pakuvada. Somuenzaniso, kuvaTesaronika iye akanyora, kuti: “Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo; tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:7, 8) Aya mashoko omwoyo wose anoratidza kuti Pauro aida zvirokwazvo vaTesaronika vaVamarudzi ndokusabvumira chinhu kushatisa mufaro woukama hwakanaka navo.
Kuda Muvakidzani Kunoshanda
Nhasi, somuzana rokutanga ramakore, avo vanozvibatanidza vamene neungano yechiKristu vanosakurira kuda muvakidzani nokuda kwavanhu vamapoka ose edzinza. Kupfurikidza nokukudziridza murangariro woumwari wavamwe uye kupfurikidza nokugoverana mashoko akanaka oUmambo navo, maKristu echokwadi akakudza kunzwisisa kwawo vanhu avo angadai asina kutongosvika pakuziva. Anotova norudo rwouhama nokuda kwavo. (Johane 13:34, 35) Ikoku kunogona kuva chinoitika chakowo.
Rudo rwakadaro ruripo pakati peZvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo zvichiwanwa munyika 229 uye zvichimirira “ndudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Souhama hwenyika yose, zvakabatana mukunamata Jehovha, mukuramba kwazvo kutora rutivi muhondo dzamadzinza nerwisano, uye mukuramba kwazvo kufungira mano akaipa ayo anobira vanhu ukama hwoushamwari navanhu biyavo.
Songanirana neZvapupu, uye uchacherechedza kuti vanhu vemigariro yose yekare yedzinza vari kuita kuda kwaMwari. Uchaona kuda muvakidzani kuchishanda sezvazvinozivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Hungu, uye muungano dzazvo, uchasangana navanhu vane mutsa, vapachokwadi avo vanoratidza kupfurikidza noupenyu hwavo kuti vakadzidza zvirokwazvo kuda muvakidzani wavo.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Muungano dzeZvapupu zvaJehovha, uchawana vanhu vanofara vamadzinza ose
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]
Arrival of the Good Samaritan at the Inn/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications, Inc.